Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
VaIsraeri vane zvimwe zvavaidya here murenje kunze kwemana nezvihuta?
Mana ndiyo yainyanya kudyiwa nevaIsraeri mumakore 40 avaiva murenje. (Eks. 16:35) Jehovha akavapawo zvihuta kaviri. (Eks. 16:12, 13; Num. 11:31) Asi vaIsraeri vaivawo nezvimwe zvekudya zvishoma zvavaiwana.
Semuenzaniso, dzimwe nguva Jehovha aitungamirira vanhu vake ‘munzvimbo yekuzorora’ pavaiwana zvekudya nemichero. (Num. 10:33) Imwe yenzvimbo idzi yaiva Erimu, iyo yaiva “nezvitubu 12 nemichindwe 70” uye michindwe iyi inogona kunge yaibereka michero inodyiwa. (Eks. 15:27) Bhuku rinonzi Plants of the Bible rinotaura kuti michindwe inobereka michero iyo ‘yaimera munzvimbo dzakawanda ndiyo miti yainyanya kudyiwa mugwenga. Yaiitawo kuti vanhu vawane mafuta uye yaishandiswawo pakuvaka nzvimbo dzekugara.’
VaIsraeri vangangodaro vakamirawo panzvimbo huru yekuzororera inozivikanwa mazuva ano nezita rekuti Feiran, iyo iri chikamu chebani rinonzi Wadi Feiran. a Bhuku rinonzi Discovering the World of the Bible rinotaura kuti bani iri “rakareba makiromita 130 uye nderimwe remapani akanyanya kureba, akanaka chaizvo, uye anonyanyozivikanwa muSinai.” Rinoenderera mberi richiti: “Mubani iri, anenge makiromita 45 kubva parinoperera, mune nzvimbo yekuzororera yakanaka inonzi Feiran Oasis, yakareba makiromita 4,8 uye iri nechepamusoro pegungwa nemamita anenge 610. Nzvimbo iyi yakazara miti yemichindwe uye yakanaka chaizvo zvekuti inofananidzwa neEdheni. Kwezviuru zvemakore, vanhu vanouya kunzvimbo iyi vachivinga zviuru zvemichindwe inobereka michero inodyiwa.”
Pavakabuda muIjipiti, vaIsraeri vakabuda nemukanyiwa wefurawa, midziyo yekukanyira, uye zvichida negorosi nemafuta. Zvinhu izvozvo hazvina kugara kwenguva refu. Vanhu vakabudawo “nemakwai nemombe, zvipfuwo zvakawanda kwazvo.” (Eks. 12:34-39) Sezvo kugara murenje kwainge kwakaoma chaizvo, nhamba yezvipfuwo inogona kunge yakaderera. Zvimwe vanogona kunge vaizvidya. Dzimwe mhuka dzinogona kunge dzaipiwa sezvibayiro, kunyange kuna vanamwari venhema. b (Mab. 7:39-43) Kunyange zvakadaro, vaIsraeri vane dzimwe mhuka dzavakachengeta sezvinoratidzwa mumashoko aJehovha kuvanhu vacho pavakaratidza kuti vaisava nekutenda. Akati: “Vanakomana venyu vachava vafudzi murenje kwemakore 40.” (Num. 14:33) Saka zvipfuwo zvavo zvinogona kunge zvaiita kuti vawane mukaka uye pane dzimwe nguva nyama, asi zvaisakwana kudyiwa nevanhu vangasvika 3 miriyoni kwemakore 40. c
Mhuka dzaiwanepi zvekudya uye mvura? d Kare ikako, mvura inogona kunge yainaya zvakanyanya murenje zvekuti maiva nemiti neuswa zvakawanda. Insight on the Scriptures, Volume 1, inotaura kuti makore 3 500 apfuura, “mvura yainge yakawanda muArabia kupfuura zvairi iye zvino. Mapani aya ane nzizi dzakaoma anoratidza kuti mvura yainaya zvakakwana zvekuti nzizi dzaitoyerera.” Kunyange zvakadaro, renje raiva nzvimbo yakaoma uye inotyisa. (Dheut. 8:14-16) Kudai Jehovha akanga asina kuita chishamiso chekuti pave nemvura, vaIsraeri vaizoparara pamwe chete nemhuka dzavo.—Eks. 15:22-25; 17:1-6; Num. 20:2, 11.
Mozisi akaudza vaIsraeri kuti Jehovha akavapa mana kuti vadye “kuti [vazive] kuti munhu haararami nechingwa chete, asi kuti munhu anorarama nemashoko ese anobuda mumuromo maJehovha.”—Dheut. 8:3.
a Ona Nharireyomurindi yaMay 1, 1992, mapeji 24-25.
b Bhaibheri rinotaura zviitiko zviviri mhuka padzakapiwa sezvibayiro kuna Jehovha murenje. Pekutanga ndepaya pakagadzwa vapristi; pechipiri paiva paPaseka. Zviitiko zvacho zviri zviviri zvakaitika muna 1512 B.C.E., gore rechipiri vaIsraeri vabuda muIjipiti.—Revh. 8:14–9:24; Num. 9:1-5.
c Makore 40 emurenje ava kunopera, vaIsraeri vakatora mhuka dzakawanda pavakakunda muhondo. (Num. 31:32-34) Kunyange zvakadaro, vakaramba vachidya mana kusvikira vapinda muNyika Yakapikirwa.—Josh. 5:10-12.
d Hapana chinoratidza kuti mhuka dzaidya mana, nekuti Jehovha akaudza vanhu kuti vaunganidze mana maererano neinokwanisa kudyiwa nemunhu mumwe nemumwe uye haana kutaura nezvemhuka.—Eks. 16:15, 16.