Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

1924​—Makore 100 Apfuura

1924​—Makore 100 Apfuura

“GORE zvariri kutanga kudai, inguva yakanaka yekuti munhu wese akazvitsaurira kuna Ishe . . . atsvage dzimwe nzira dzekuita zvakawanda pakushumira Ishe,” yakadaro Bulletin a yaJanuary 1924. Gore zvaraifamba, Vadzidzi veBhaibheri vakashandisa zano iroro munzira mbiri dzinoti: kutsvaga nzira itsva dzekuparidza uye kuparidza neushingi.

KUTANGA KUSHANDISA REDHIYO

Hama dzepaBheteri dzakanga dzava nenguva inopfuura gore dzichigadzirira kuvaka chiteshi cheredhiyo chinonzi WBBR paStaten Island, kuNew York City. Pashure pekunge vagadziridza nzvimbo yacho, vakavaka imba yakakura yekuti vashandi vagare uye chimwe chivakwa chavaizoisira michina yavaizoshandisa. Basa iri parakapera, hama dzakatanga kubatanidza zvinhu zvaidiwa kuti vatange kutepfenyura. Asi vane matambudziko avakasangana nawo.

Vakaona kuti zvakanga zvakaoma kuti vamise simbi yaizonyanya kushandiswa seeriya yekutepfenyura mashoko. Simbi yacho yainge yakareba mamita 91 uye yaifanira kuturikwa pamapango maviri ainge akareba mamita 61. Pakutanga zvakaramba asi vachibatsirwa naJehovha vakazobudirira. Calvin Prosser uyo aivapowo pavaiita basa iri akataura kuti: “Kudai takabudirira pakutanga tingadai takazvirumbidza tichiti, ‘Onai zvataita!’” Hama dzakataura kuti dzakabudirira nekuti dzakabatsirwa naJehovha, asi matambudziko adzo akanga asati apera.

Kusimudza imwe yesimbi yaishandiswa seeriya yekutepfenyura paWBBR

Nhepfenyuro yeredhiyo yakanga ichangotanga uye zvaisava nyore kuwana michina yekushandisa pakutepfenyura. Saka hama dzakatenga muchina wekutepfenyura wainge wamboshanda waiva wemawatts 500. Pane kuti vatenge maikorofoni, vakangosarudza kushandisa yepafoni. Mumwe musi muna February ari manheru, hama dzakafunga kumboona kuti muchina uyu wavakanga vangoita zvekubatanidza-batanidza waishanda here. Paidiwa purogiramu yekutepfenyura saka vakafunga kuimba nziyo dzeUmambo. Ernest Lowe akataura achiseka kuti pavakanga vachiimba vakafonerwa naJudge Rutherford. b Akanga avanzwa paredhiyo yake ari kuBrooklyn iyo yaiva kure nemakiromita 25 kubva pavaiva.

Hama Rutherford vakataura mukuseka vachiti: “Musatinyaudza. Muri kuita kunge kitsi dziri kuchema!” Dzichinyara-nyara hama dzakabva dzadzima muchina wekutepfenyura asi dzakanga dzava nechivimbo chekuti dzakanga dzagadzirira kuzotepfenyura purogiramu yavo yekutanga.

Musi wa24 February 1924, pakatepfenyurwa purogiramu yekutanga, Hama Rutherford vakakumikidza chiteshi chacho vachiti chaizoshandiswa “pakuita basa rine chekuita neumambo hwaMesiya.” Vakataura kuti chinangwa chechiteshi ichi chaiva “chekubatsira vanhu kuti vanzwisise zvinotaurwa neBhaibheri nezvenguva yatiri kurarama pasinei nedzidziso dzavanotenda kana kuti chitendero chavo.”

Kuruboshwe: Hama Rutherford vari mustudhiyo yekutanga

Kurudyi: Michina yaishandiswa pakutepfenyura mashoko

Purogiramu iyoyo yekutanga yakafamba zvakanaka. Kwemakore 33 akazotevera, WBBR ndiyo yaishandiswa kutepfenyura mapurogiramu esangano eparedhiyo.

KUFUMURA VATUNGAMIRIRI VEZVITENDERO

Muna July 1924, Vadzidzi veBhaibheri vakaita gungano muColumbus, kuOhio. Vanhu vakabva kunyika dzakasiyana-siyana uye hurukuro dzakapiwa muchiArabic, muChirungu, chiFrench, chiGerman, chiGreek, chiHungarian, chiItalian, chiLithuanian, chiPolish, chiRussian, mumitauro yechiScandinavian, uye chiUkrainian. Dzimwe hurukuro dzacho dzaitepfenyurwa paredhiyo uye pakarongwa kuti zuva rimwe nerimwe, bepanhau reOhio State Journal ritaure zvaiitika pagungano racho.

Gungano ra1924 remuColumbus kuOhio

Musi weChina, 24 July, vaparidzi vanopfuura 5 000 vakaenda kunoparidzira muguta raiitirwa gungano. Vakapa vanhu mabhuku anoda kusvika 30 000 uye vakatanga zviuru zvezvidzidzo zveBhaibheri. Nharireyomurindi yakati iri ndiro zuva “raifadza pagungano racho rese.”

Musi weChishanu, 25 July, pakaitika chimwe chinhu chinokosha pagungano racho. Hama Rutherford vakaverenga gwaro raifumura vatungamiriri vezvitendero. Vakataura kuti vatungamiriri vezvematongerwo enyika, vezvitendero, uye vezvemabhizinesi vaitadzisa vanhu kuti vadzidze chokwadi nezveUmambo hwaMwari, uhwo huchashandiswa kukomborera vanhu. Gwaro racho raitiwo vatungamiriri ava vaitsigira Sangano Renyika Dzakabatana (League of Nations) vachiti ndiro raishandiswa naMwari kutonga nyika. Vadzidzi veBhaibheri vaitofanira kuva neushingi kuti vaendese mashoko aya kuvanhu.

Nharireyomurindi yakazotaura kuti gungano racho rakasimbisa kutenda kwehama nehanzvadzi idzi dzaishingaira. Rakaita kuti vave neushingi hwekuparidza pasinei nekupikiswa. Leo Claus uyo akapindawo gungano iri anoyeuka kuti “vakabva pagungano iroro vaine chido chakasimba chekuparadzira gwaro iroro mundima yavo.”

Turakiti rainzi Ecclesiastics Indicted

Muna October, Vadzidzi veBhaibheri vakabva vatanga kuparadzira mamiriyoni emakopi eturakiti rainzi Ecclesiastics Indicted rakanga riine mashoko ekufumura vatungamiriri vezvitendero, ayo akanga averengwa naHama Rutherford. Mutaundi diki rinonzi Cleveland riri kuOklahoma, Frank Johnson akapedza kupa vanhu maturakiti aya mundima yaakanga apiwa. Asi pakanga pachiine maminitsi 20 kuti vamwe vake vauye kuzomutakura nemotokari. Zvaisaita kuti angomira paaionekwa nevanhu vese nekuti aitsvagwa nevamwe varume vainge vagumburwa nekuparidza kwaainge aita. Saka Hama Johnson vakafunga kunohwanda mune imwe chechi yaiva pedyo. Pavakaona musina vanhu, vakasiya vaisa turakiti raEcclesiastics Indicted muBhaibheri remufundisi uye pacheya imwe neimwe ndokukurumidza kubuda muchechi macho. Sezvo pakanga pachiri nenguva, vakapinda mune mamwe machechi maviri vakasiya vaita zvavakanga vaita mune yekutanga.

Frank akabva amhanya kunomira paaifanira kuzotakurwa nevamwe vake. Akahwanda paseri penzvimbo inotengeswa mafuta emotokari kuti asaonekwa nevarume vaimutsvaga. Motokari yevarume vacho yakapfuura asi havana kumuona. Pavakangopfuura, hama nehanzvadzi dzaifanira kuzotakura Frank, idzo dzakanga dziri kuparidza munzvimbo yaiva pedyo, dzakabva dzasvika dzikamutakura.

Imwe yehama dzacho yakataura kuti: “Patakanga tava kubuda mutaundi racho, takapfuura nepamachechi aya matatu. Panze pechechi imwe neimwe paiva nevanhu vanosvika 50 vainge vakamira ipapo. Vamwe vavo vaiverenga maturakiti acho, uye vamwe vaiaratidza mufundisi wavo. Dai takangoti nonokei kubuda zvaizotiipira! Asi tinotenda kuti Jehovha Mwari wedu akatichengeta uye akatibatsira kuti tizive zvekuita kuti tisabatwe nevavengi ava.”

KUPARIDZA NEUSHINGI MUNE DZIMWE NYIKA

Józef Krett

Vadzidzi veBhaibheri vaiva mune dzimwe nyika vakaparidzawo neushingi. Kuchamhembe kweFrance, Józef Krett akaparidzira vanhu vaibva kuPoland vaishanda mumigodhi yemarasha. Pakarongwa kuti ape hurukuro yaiva nemusoro unoti: “Kumutswa Kwevakafa Kwava Pedyo.” Vanhu vemunharaunda yacho pavakakokwa kuti vazonzwa hurukuro iyi, mupristi wemo akavaudza kuti vasaenda. Asi izvozvo zvakatoita kuti vanhu vanopfuura 5 000, kusanganisira mupristi wacho, vaende! Hama Krett vakakumbira mupristi wacho kuti ataurewo achitsigira zvaaitenda asi akaramba. Hama Krett vakabva vapa vanhu mabhuku ese avaiva nawo pavakaona kuti vaiva nenyota yekunzwa Shoko raMwari—Amo. 8:11.

Claude Brown

MuAfrica, Claude Brown ndiye akatanga kuparidza mashoko akanaka munyika yeGold Coast, iyo yava kunzi Ghana. Hurukuro dzake uye mabhuku aaipa vanhu zvakabatsira kuti chokwadi chisvike kuvanhu vakawanda munyika yacho. John Blankson, uyo aidzidza nezvemishonga yekurapa, akanzwawo imwe yehurukuro dzaHama Brown. Akabva atozviona kuti akanga awana chokwadi. John anoti: “Chokwadi chakaita kuti ndifare zvikuru uye ndaiparidzira vanhu kuchikoro.”

John Blankson

Rimwe zuva, John akaenda kunoona mufundisi wechechi yeAnglican kuti amubvunze nezvedzidziso yeUtatu, iyo John akanga ava kuziva kuti yakanga isingadzidziswi muMagwaro. Mufundisi wacho akamudzinga achipopota achiti: “Hausi muKristu; uri mwana waDhiyabhorosi. Ibva pano!”

Paakasvika kumba, John akanyorera mufundisi uya tsamba achimuti auye kuzotsanangura dzidziso yake yeUtatu pamberi pevanhu. Mufundisi akabva audza John kuti aende kunoona mukuru wevadzidzisi vepachikoro chaaiva, uye mudzidzisi wacho akabvunza John kana chaiva chokwadi kuti akanga anyorera mufundisi wacho tsamba.

John akati, “Hongu ndakavanyorera.”

Mudzidzisi wacho akabva audza John kuti anyorere mufundisi wacho achimukumbira ruregerero. Saka John akanyora kuti:

“Mudzidzisi wangu anditi ndinyore tsamba kwamuri ndichikumbira ruregerero uye ndizvo zvandinoda kuita, asi munofanira kutanga mabvuma kuti muri kudzidzisa zvenhema.”

Mudzidzisi wacho akashamiswa ndokuti, “Blankson ndizvo zvaunganyora here izvi?”

“Hongu. Ndizvo zvega zvandinokwanisa kunyora.”

“Uchadzingwa chikoro. Unofunga kuti unogona kushora mufundisi wechechi yehurumende woramba uri pachikoro chino?”

“Asi nhai Mudzidzisi, . . . pamunenge muchitidzidzisa, toita patisinganzwisisi, hatikubvunzei mibvunzo here?”

“Ehe munobvunza.”

“Saka ndizvo zvandakaita. Murume uyu aitidzidzisa Bhaibheri ndikabva ndamubvunza mubvunzo. Kana iye achitadza kundipindura nei ndichifanira kunyora tsamba ndichimukumbira ruregerero?”

Blankson haana kuzodzingwa chikoro uye haana kuzonyora tsamba achikumbira ruregerero.

BASA RAIVA MBERI

Ichitaura muchidimbu zvakanga zvaitwa gore rese, Nharireyomurindi yakati: “Tinogona kutaura sezvakaita Dhavhidhi kuti: ‘Muchandipa simba rekurwa hondo.’ (Pisarema 18:39) Gore rino ranga richikurudzira zvikuru nekuti takaona ruoko rwaIshe . . . Vanhu vake vakanyatsozvipira kwaari . . . vanga vachiparidza nemufaro.”

Gore rava kunopera hama dzakaronga kuti pave nechimwe chiteshi cheredhiyo. Saka vakatanga kuvaka chiteshi chacho pedyo neguta reChicago kuU.S.A. Chiteshi ichi chakapiwa zita rakakodzera rekuti WORD, izvo zvinoreva kuti shoko sezvo vaiparidza Shoko raMwari paredhiyo. Chiteshi ichi chaishandisa muchina waiva nemawatt 5 000 uye zvaiita kuti mashoko eUmambo asvike kunzvimbo dziri kure chaizvo kunyange kumusoro kweCanada.

Mugore ra1925 chokwadi chaizowedzera kujeka uye Vadzidzi veBhaibheri vaizowedzera kunzwisisa Zvakazarurwa chitsauko 12. Izvi zvaizoita kuti vamwe varege kushumira Jehovha. Asi vamwe vakawanda vaizofara nemhaka yekuwedzera kunzwisisa zvakaitika kudenga uye kubatsira kwazvinoita vanhu vaMwari.

a Yava kunzi Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa.

b J. F. Rutherford, uyo aitungamirira Vadzidzi veBhaibheri panguva yacho aizivikanwa saJudge Rutherford. Asati atanga kushumira paBheteri, akanga amboshanda semutongi mudare rinonzi Eighth Judicial Circuit Court of Missouri.