NYAYA YEKUDZIDZA 40
RWIYO 30 Baba Vangu, Mwari Wangu, Shamwari Yangu
Jehovha “Anoporesa Vakaora Mwoyo”
“Anoporesa vakaora mwoyo; anosunga maronda avo.” —PIS. 147:3.
ZVATICHADZIDZA
Jehovha ane hanya chaizvo nevaya vari kushungurudzika. Nyaya ino icharatidza kuti anotinyaradza sei patinenge tichishungurudzika uye kuti anotibatsira sei kuti tinyaradze vamwe.
1. Jehovha anonzwa sei nezvevashumiri vake?
JEHOVHA anoonei paanotarisa vashumiri vake panyika? Anozviona patinenge tichifara uye patinenge takasuwa. (Pis. 37:18) Anodada nesu paanotiona tichiita zvese zvatinogona kuti timushumire pasinei nekushungurudzika! Uye anoda chaizvo kutitsigira uye kutinyaradza.
2. Jehovha anoitirei vaya vakaora mwoyo, uye tingabatsirwa sei nezvaanotiitira?
2 Pisarema 147:3 inoti Jehovha “anosunga maronda” evakaora mwoyo. Rugwaro urwu ruri kutsanangura zvinoitwa naJehovha kuti abatsire vaya vari kushungurudzika. Tinofanira kuitei kuti tibatsirwe nezvese zvinoitwa naJehovha kuti atinyaradze? Funga nezvemuenzaniso uyu. Chiremba ane unyanzvi anogona kuita zvakawanda kuti abatsire munhu anenge akuvara. Asi kuti abatsirike, munhu anenge akuvara anofanira kunyatsotevedzera zvaanoudzwa nachiremba. Munyaya ino tichaona zvinotaurwa naJehovha muShoko rake kune vaya vari kushungurudzika uye tichaona kuti tingashandisa sei mazano ake.
JEHOVHA ANOTIYEUCHIDZA KUTI TINOKOSHA CHAIZVO KWAARI
3. Nei vamwe vanhu vachinzwa sekuti havabatsiri?
3 Zvinosuruvarisa kuti tiri kurarama munyika isina rudo. Vanhu vakawanda vari kubatwa zvisina kunaka zvoita kuti vanzwe sekuti havakoshi. Imwe hanzvadzi inonzi Helen a inoti: “Ndakakurira mumhuri isina rudo. Baba vangu vaitirova uye zuva rega rega vaitiudza kuti hatibatsiri.” Sezvakaitika kuna Helen, zvichida mumwe munhu aikubata zvisina kunaka, aigara achikutsoropodza, kana kuti aiita kuti unzwe sekuti haubatsiri. Kana zvakadaro, zvingakuomera kubvuma kuti pane mumwe munhu anonyatsokuda.
4. Maererano naPisarema 34:18, Jehovha anonzwa sei nezvevaya vakaora mwoyo uye anovimbisa kuitei?
4 Kunyange wakabatwa zvisina kunaka nevamwe vanhu, unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anokuda uye anokukoshesa. “Ari pedyo nevaya vakaora mwoyo.” (Verenga Pisarema 34:18.) Kana uchinzwa sekuti haubatsiri, yeuka kuti Jehovha akaona zvinhu zvakanaka mumwoyo mako akabva aita kuti uuye kwaari. (Joh. 6:44) Anogara akagadzirira kukubatsira nekuti unokosha kwaari.
5. Tinodzidzei pamabatiro aiita Jesu vaya vaitarisirwa pasi nevamwe?
5 Tinogona kudzidza nezvemanzwiro anoita Jehovha kana tikafunga zvaiitwa naJesu. Paaiita ushumiri hwake ari panyika, Jesu aicherechedza vaya vaitarisirwa pasi nevamwe, uye aivabata zvakanaka. (Mat. 9:9-12) Mumwe mukadzi aiva nechirwere chaimutambudza paakabata nguo yake, achitarisira kuporeswa, Jesu akamunyaradza uye akamurumbidza pamusana pekutenda kwake. (Mako 5:25-34) Jesu anonyatsoratidza unhu hwaBaba vake. (Joh. 14:9) Saka unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anokukoshesa uye anoona unhu hwako hwakanaka kusanganisira kutenda kwako uye kuda kwaunomuita.
6. Ungaitei kana uchinzwa sekuti haubatsiri?
6 Ungaitei kana ukanzwa sekuti haubatsiri? Verenga mavhesi eBhaibheri anoita kuti uve nechokwadi chekuti Jehovha anokukoshesa, wobva wafungisisa nezvawo. b (Pis. 94:19) Kana kuri kuti wakatadza kuzadzisa chimwe chinangwa kana kuti wakaora mwoyo nekuti haukwanisi kuita zvakawanda sezvinoita vamwe, usazviona seusingabatsiri. Jehovha haatarisiri kuti uite zvausingakwanisi. (Pis. 103:13, 14) Kana kuri kuti wakamboshungurudzwa kana kubatwa zvisina kunaka neimwe nzira, usazvipa mhosva pamusana pezvakaitwa nemunhu iyeye. Yeuka kuti Jehovha achatonga vaya vanobata vamwe zvisina kunaka uye kuti achabatsira vaya vanobatwa zvisina kunaka. (1 Pet. 3:12) Sandra, uyo aiitirwa utsinye paaiva mwana anoti: “Ndinogara ndichikumbira Jehovha kuti andibatsire kuti ndione unhu hwakanaka hwaanoona mandiri.”
7. Tingashandisa sei zvakaitika muupenyu hwedu kubatsira vamwe?
7 Ramba uchiyeuka kuti Jehovha anogona kukushandisa kuti ubatsire vamwe. Akakupa ropafadzo yekushanda naye mubasa rekuparidza. (1 VaK. 3:9) Pamwe zvakaitika muupenyu hwako zviri kukubatsira kuti ukwanise kunzwira vamwe tsitsi uye unzwisise manzwiro avanenge vachiita. Une zvakawanda zvaunogona kuita kuti uvabatsire. Helen ambotaurwa nezvake, akawana rubatsiro uye iye zvino ava kukwanisa kubatsirawo vamwe. Anoti: “Ndaimbonzwa sekuti handibatsiri asi Jehovha akaita kuti ndinzwe kuti ndinodiwa uye ari kundishandisa kuti ndibatsire vamwe.” Helen ari kufara achishumira sapiyona wenguva dzese.
JEHOVHA ANODA KUTI TIBVUME KUTI ANOTIKANGANWIRA
8. Jehovha anotiudzei pana Isaya 1:18?
8 Vamwe vashumiri vaJehovha vanozvidemba zvikuru pamusana pezvavakaita kare vasati vabhabhatidzwa, kana kuti vatobhabhatidzwa. Asi ngatiyeukei kuti Jehovha akatipa rudzikinuro nekuti anotida zvikuru. Tinogona kuva nechokwadi chekuti anoda kuti tigamuchire chipo chake. Jehovha anotiudza kuti pashure pekunge ‘taruramisa zvinhu’ c naye, haazotipi mhosva yezvivi zvatakaita. (Verenga Isaya 1:18.) Tinotenda chaizvo kuti Baba vedu vane rudo Jehovha havarambi vachiyeuka zvivi zvatakaita. Panguva imwe chete havatombokanganwi zvinhu zvakanaka zvatakaita.—Pis. 103:9, 12; VaH. 6:10.
9. Nei tisingafaniri kuramba tichinetseka nezvezvivi zvatakaita kare?
9 Kana uri kunetseka pamusana pezvawakaita kare, ita zvese zvaunogona kuti uise pfungwa pane zvauri kuita iye zvino uye zvauchakwanisa kuita mune ramangwana. Ona zvakaitwa nemuapostora Pauro. Aizvidemba kuti akanga ambotambudza vaKristu, asi aiziva kuti Jehovha akanga amuregerera. (1 Tim. 1:12-15) Akaramba achinetseka nezvivi zvaakaita kare here? Zviri pachena kuti haana kudaro nekuti haanawo kuramba achifunga nezvekushanda nesimba kwaakaita kuti ave muFarisi anoremekedzwa. (VaF. 3:4-8, 13-15) Asi Pauro akaramba achishanda nesimba muushumiri hwake uye achifunga zvaaigona kuzoita mune ramangwana. Kufanana naPauro, haukwanisi kuchinja zvakaitika kare. Asi unogona kurumbidza Jehovha uye kumufadza iye zvino uye unogona kufunga nezveramangwana rakazonaka raakakuvimbisa.
10. Tingaitei kana kuri kuti zvatakaita zvakarwadzisa vamwe?
10 Unogona kunge uchinetseka kuti zvimwe zvinhu zvawakaita kare zvakarwadzisa vamwe. Chii chinogona kukubatsira? Ita zvese zvaunogona kuti ugadzirise zvawakakanganisa, wokumbira ruregerero. (2 VaK. 7:11) Kumbira Jehovha kuti abatsire vaya vakarwadziwa nezvawakaita. Anogona kubatsira iwe nevaya vawakarwadzisa kuti murambe muchimushumira uye muvezve nerugare rwemupfungwa.
11. Tinodzidzei pane zvakaitwa nemuprofita Jona? (Onawo mufananidzo uri pakavha.)
11 Dzidza pane zvawakakanganisa kare, uye iva nechido chekuita chero zvaunenge wanzi naJehovha uite. Ona zvakaitwa nemuprofita Jona. Pane kuti aende kuNinivhi iyo yaiva kumabvazuva sezvaakanga arayirwa naMwari, Jona akatizira kuTashishi, iyo yaiva kumadokero. Jehovha akaranga Jona, uye Jona akadzidza pane zvaakakanganisa. (Jona 1:1-4, 15-17; 2:7-10) Jehovha haana kurega kushandisa Jona semuprofita wake. Akamupa mumwe mukana wekuti aende kuNinivhi uye Jona akabva angoita zvaakanga audzwa. Kunyange zvazvo akademba kukanganisa kwaakanga aita, Jona akaita zvaakanga audzwa naJehovha kuti aite.—Jona 3:1-3.
JEHOVHA ANOTINYARADZA ACHISHANDISA MWEYA MUTSVENE
12. Jehovha anotipa sei rugare patinosangana nezvinhu zvinorwadza chaizvo muupenyu hwedu? (VaFiripi 4:6, 7)
12 Achishandisa mweya wake mutsvene, Jehovha anotinyaradza panoitika zvinhu zvinorwadza chaizvo muupenyu hwedu. Funga zvakaitika kuna Ron naCarol. Zvinosuruvarisa kuti mwanakomana wavo akazviuraya. Vanoti: “Takanga tambosangana nematambudziko akaoma, asi iri raiapfuura ese nekure. Kakawanda taitadza kurara saka tainyengetera kuna Jehovha, uye tainyatsoona achitipa rugare runotaurwa pana VaFiripi 4:6, 7.” (Verenga.) Kana uri kusangana nedambudziko rinoodza mwoyo, udza Jehovha manzwiro auri kuita. Unogona kutaura naye kakawanda uye kwenguva yakareba sezvaunoda. (Pis. 86:3; 88:1) Ramba uchikumbira Jehovha mweya wake mutsvene. Haamboregi kukubatsira.—Ruka 11:9-13.
13. Mweya mutsvene unogona kutibatsira sei kuti tirambe tichinamata Jehovha takatendeka? (VaEfeso 3:16)
13 Wakasangana nedambudziko rakakusiya usisina simba here? Mweya mutsvene unogona kukupa simba rekuti urambe uchinamata Jehovha wakatendeka. (Verenga VaEfeso 3:16.) Funga zvakaitika kuhanzvadzi inonzi Flora. Iye nemurume wake vaishumira semamishinari murume wacho paakaita upombwe, vachibva vadambura muchato. Anoti: “Ndakarwadziwa chaizvo nekusavimbika kwake zvekuti ndizvo zvandakanga ndava kungoramba ndichifunga. Ndakakumbira Jehovha mweya wake mutsvene kuitira kuti ndikwanise kutsungirira. Kunyange zvazvo pakutanga zvaiita sekuti ndaisazokwanisa kutsungirira, Jehovha akandinyaradza uye akandipa simba rekutsungirira.” Flora anoona kuti Mwari akamubatsira kuti avimbe naye uye atowedzera kuva nechokwadi chekuti achamubatsira pamatambudziko ake ese. Anowedzera kuti: “Mashoko ari pana Pisarema 119:32 anoshanda kwandiri. Vhesi yacho inoti: ‘Ndichatevera nzira yemirayiro yenyu nemwoyo wese nekuti munoita kuti iwane nzvimbo mumwoyo mangu.’”
14. Tingaitei kuti mweya waMwari ushande patiri?
14 Kana wakumbira Jehovha kuti akupe mweya wake mutsvene, unofanira kuitei? Ita zvinhu zvinoita kuti mweya mutsvene ushande pauri. Izvi zvinosanganisira kupinda misangano uye kuparidzira vamwe. Verenga Shoko raMwari zuva rimwe nerimwe wofungisisa nezvaro. Izvi zvichakubatsira kuti uve nemafungiro aJehovha. (VaF. 4:8, 9) Paunenge uchiverenga Bhaibheri, cherechedza vamwe vanhu vanotaurwamo vakasangana nematambudziko, uye fungisisa kuti Jehovha akavabatsira sei kuti vatsungirire. Sandra ambotaurwa nezvake akasangana nematambudziko akakura akawanda. Anoti: “Nyaya yaJosefa inondikurudzira chaizvo. Haana kurega matambudziko uye kusabatwa zvakanaka kwaainge aitwa zvichikanganisa ushamwari hwake naJehovha.”—Gen. 39:21-23.
JEHOVHA ANOTINYARADZA ACHISHANDISA HAMA NEHANZVADZI DZEDU
15. Ndivanaani vanogona kutinyaradza, uye vanotibatsira sei? (Onawo mufananidzo.)
15 Patinosangana nematambudziko, hama nehanzvadzi dzedu dzinogona ‘kutinyaradza zvikuru.’ (VaK. 4:11) Jehovha anoshandisa hama nehanzvadzi dzedu kuti atiratidze kuti anotida. Vanogona kutinyaradza pavanowana nguva yekuva nesu uye pavanonyatsotiteerera patinenge tichivaudza zviri pamwoyo pedu. Vanogona kutiverengera vhesi yeBhaibheri inokurudzira kana kunyengetera nesu. d (VaR. 15:4) Dzimwe nguva, imwe hama kana hanzvadzi inogona kutiyeuchidza nezvemafungiro aJehovha pane imwe nyaya, zvotibatsira kuti tirambe tichitsungirira. Patinenge tichinetseka vanogona kutibatsirawo nedzimwe nzira dzakadai sekutipa zvekudya zvakatobikwa kare.
16. Chii chatingafanira kuita kuti tikwanise kubatsirwa nevamwe?
16 Dzimwe nguva tingatofanira kukumbira kuti vamwe vatibatsire. Hama nehanzvadzi dzedu dzinotida uye dzinoda kutibatsira. (Zvir. 17:17) Asi dzingasaziva kuti tiri kunzwa sei kana kuti chii chatingada kubatsirwa nacho. (Zvir. 14:10) Kana uine chimwe chinhu chiri kukushungurudza, unogona kuudza shamwari dzako kuti uri kunzwa sei. Vaudze kuti chii chaungada kubatsirwa nacho. Unogona kusarudza kutaura nemukuru mumwe chete kana vaviri vaunonzwa wakasununguka kutaura navo. Dzimwe hanzvadzi dzakaona kuti kutaura neimwe hanzvadzi yakakura pakunamata kunobatsira.
17. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvingaita kuti titadze kukurudzirwa nevamwe, uye tingazvikurira sei?
17 Usazviparadzanisa nevamwe. Dzimwe nguva unogona kunge uchinetseka chaizvo zvekuti unenge uchingoda kuva uri wega. Uyewo, dzimwe nguva hama nehanzvadzi dzako dzinogona kutadza kunzwisisa kuti uri kunzwa sei kana kuti dzinogona kutaura zvinhu zvinokurwadza. (Jak. 3:2) Asi kunyange zvakadaro, ramba uchiwadzana nehama nehanzvadzi dzako. Jehovha anogona kudzishandisa kuti dzikukurudzire. Mumwe mukuru anonzi Gavin ane chirwere chedepression, anoti: “Kakawanda ndinenge ndisingadi zvekutaura kana kuva pamwe chete neshamwari dzangu.” Asi Gavin anoita zvese zvaanogona kuti ave pamwe chete nehama dzake, uye izvozvo zvinoita kuti anzwe zviri nani. Imwe hanzvadzi inonzi Amy inoti: “Nemhaka yezvinhu zvakaitika kwandiri kare, zvinondiomera kuvimba nevamwe vanhu. Asi ndiri kudzidza kuda uye kuvimba nehama nehanzvadzi dzangu sezvinoita Jehovha. Ndinoziva kuti izvozvo zvinoita kuti Jehovha afare, uye zvinoitawo kuti ndifare.”
ZVINOVIMBISWA NAJEHOVHA NEZVERAMANGWANA ZVINOGONA KUTINYARADZA
18. Chii chatinogona kutarisira mune ramangwana uye chii chatingaita iye zvino?
18 Munguva pfupi iri kuuya, Jehovha achabvisa zvinhu zvese zvinoita kuti tishungurudzike uye marwadzo atingava nawo. (Zvak. 21:3, 4) Panguva iyoyo, zvinhu zvinorwadza zvakaitika kwatiri “hazvizouyi mumwoyo.” (Isa. 65:17) Sezvataona, Jehovha anosunga maronda edu kunyange iye zvino. Jehovha anoshandisa zvinhu zvakawanda kutinyaradza uye kutibatsira. Ita zvese zvaunogona kuti ubatsirwe nezvinhu izvozvo. Ramba uine chokwadi chekuti ‘ane hanya newe.’—1 Pet. 5:7.
RWIYO 7 Jehovha, Simba Redu
a Mamwe mazita akachinjwa.
b Ona bhokisi rakanzi “ Jehovha Anokukoshesa.”
c Kuti “tiruramise zvinhu” naJehovha, tinofanira kuratidza kuti tapfidza nekumukumbira kuti atiregerere zvivi zvedu uye kuchinja mararamiro edu. Kana tikaita chivi chakakura, tinofanirawo kukumbira kubatsirwa nevakuru muungano.—Jak. 5:14, 15.
d Semuenzaniso, ona magwaro ari pasi pemusoro wakanzi “Kuzvidya Mwoyo” newakanzi “Kunyaradza” mubhuku rinonzi Magwaro Anobatsira Pakurarama kwechiKristu.