Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 42

RWIYO 103 Vafudzi—Zvipo Zviri Varume

Ratidza Kuti Unoonga Varume Vakagadzwa

Ratidza Kuti Unoonga Varume Vakagadzwa

“Paakakwira kumusoro . . . , akapa varume sezvipo.”VAEF. 4:8.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti vashumiri veungano, vakuru uye vatariri vematunhu vanotibatsira sei uye kuti tingaratidza sei kuti tinoonga zvinoitwa nevarume ava vakatendeka.

1. Ndezvipi zvimwe zvipo zvatakapiwa naJesu?

 HAPANA munhu wepanyika anopa sezvinoita Jesu. Paaiva panyika, Jesu akashandisa simba rake rekuita zvishamiso kuti abatsire vamwe. (Ruka 9:​12-17) Akapa chipo chikuru kupfuura zvese paakatifira. (Joh. 15:13) Kubvira paakamutswa, Jesu ari kuramba achipa. Sezvaakavimbisa, akakumbira Jehovha kuti adurure mweya mutsvene kuti utidzidzise uye utinyaradze. (Joh. 14:​16, 17, mashoko emuzasi; 16:13) Uye achishandisa misangano yedu yeungano, Jesu ari kuramba achitipa zvatinoda kuti tiite kuti vanhu vave vadzidzi pasi rese.—Mat. 28:​18-20.

2. Ndivanaani vanobatanidzwa pavarume vakapiwa sezvipo vanotaurwa pana VaEfeso 4:​7, 8?

2 Funga nezvechimwe chipo chatakapiwa naJesu. Muapostora Pauro akanyora kuti pashure pekunge Jesu akwira kudenga, “akapa varume sezvipo.” (Verenga VaEfeso 4:​7, 8.) Pauro akatsanangura kuti Jesu akapa zvipo izvi kuitira kuti atsigire ungano munzira dzakasiyana-siyana. (VaEf. 1:​22, 23; 4:​11-13) Mazuva ano, varume ava vakapiwa sezvipo vanosanganisira vashumiri veungano, vakuru veungano uye vatariri vematunhu. a Varume ava vanokanganisa nekuti vanhuwo vane chivi. (Jak. 3:2) Asi Ishe wedu Jesu Kristu anovashandisa kuti vatibatsire. Varume ava zvipo zvatakapiwa naJesu.

3. Taura muenzaniso unoratidza kuti tese tinogona kutsigira sei basa rinoitwa nevarume vatakapiwa sezvipo.

3 Jesu akapa varume ava basa rekuvaka ungano. (VaEf. 4:12) Asi isu tese tinogona kuvabatsira pakuita basa iri rinokosha. Semuenzaniso, panovakwa Imba yeUmambo pane vamwe vanenge vachitoita basa racho rekuvaka. Asi vamwe vanotsigira basa racho nekupa zvekudya, zvekufambisa uye kuita mamwe mabasa. Saizvozvowo, tese zvedu tinogona kutsigira zvinoitwa nevashumiri veungano, vakuru veungano uye vatariri vematunhu kuburikidza nezvatinotaura uye zvatinoita. Ngationei kuti tinobatsirwa sei nekushanda kwavanoita nesimba uye kuti tingaratidza sei kuti tinotenda zvatinoitirwa nevarume ava uye naJesu, uyo akatipa varume ava sezvipo.

VASHUMIRI VEUNGANO VANOITA “MABASA ANOBATSIRA”

4. Ndeapi mamwe “mabasa anobatsira” aiitwa nevashumiri veungano panguva yevaKristu vekutanga?

4 Panguva yevaKristu vekutanga, dzimwe hama dzaigadzwa sevashumiri veungano. (1 Tim. 3:8) Zvinoita sekuti ndidzo dzaiita “mabasa anobatsira” akanyorwa nezvawo naPauro. (1 VaK. 12:28) Zviri pachena kuti vashumiri veungano vaiita mamwe mabasa anokosha kuitira kuti vakuru vaise pfungwa pakudzidzisa uye pakufudza. Semuenzaniso, vashumiri veungano vangangodaro vaibatsira pakukopa Magwaro kana kuti pakutenga zvinhu zvaidiwa pakuakopa.

5. Ndeapi mamwe mabasa anobatsira anoitwa nevashumiri veungano mazuva ano?

5 Funga nezvemamwe mabasa anobatsira anoitwa nevashumiri veungano muungano yako. (1 Pet. 4:10) Vanogona kupiwa basa rekuona nezveakaunzi dzeungano uye kuona nezvendima, kuodha mabhuku uye kuapa vaparidzi, kuona nezvemamaikorofoni nemichina inoridza mavhidhiyo nemimhanzi, kushumira sevarindiri kana kubatsira pakuita kuti Imba yeUmambo igare yakanaka. Mabasa ese aya anodiwa kuti ungano ishande zvakanaka. (1 VaK. 14:40) Uyewo vamwe vashumiri veungano vanogona kupiwawo zvekuita paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu uyewo kupa hurukuro dzavose. Mushumiri weungano anogonawo kugadzwa kuti abatsire mutariri weboka. Dzimwe nguva, mukuru anogona kukumbira mushumiri weungano kuti abatane naye pakunofudza.

6. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tionge vashumiri vedu veungano vanoshanda nesimba?

6 Basa revashumiri veungano rinobatsira sei ungano? Imwe hanzvadzi inonzi Beberly b yekuBolivia inoti: “Vashumiri vedu veungano vanoita kuti ndinyatsonakidzwa nemusangano. Basa ravanoita rinoita kuti ndikwanise kuimba, kupindura, kuteerera hurukuro uye kudzidza kubva pamavhidhiyo nemifananidzo. Vanovawo nechokwadi chekuti vanhu vari pamusangano vari kunzwa vakachengeteka uye vanoita kuti vaya vasingakwanise kuva pamisangano vaone purogiramu yacho vari kumba. Pashure pemisangano, vanotungamirira pakuchenesa, vanobatsira pakuita akaunzi dzeungano uye vanova nechokwadi chekuti tine mabhuku atinoda. Ndinovatenda chaizvo!” Leslie, uyo anogara kuColombia, uye ane murume anoshumira semukuru anoti: “Murume wangu anovimba nevashumiri veungano kuti vaite mabasa akasiyana-siyana. Dai vasipo, aizowandirwa nezvekuita. Saka ndinoonga chido chavo chekuita basa uye kuzvipira kwavo.” Hapana mubvunzo kuti ndiwo manzwiro aunoitawo.—1 Tim. 3:13.

7. Tinoratidza sei kuti tinoonga vashumiri veungano? (Onawo mufananidzo.)

7 Kunyange zvazvo mumwoyo medu tichionga zvatinoitirwa nevashumiri veungano, Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Ratidzai kuti muri vanhu vanoonga.” (VaK. 3:15) Mumwe mukuru wekuFinland anonzi Kristofer ane zvaanoita kuti aratidze kuti anoonga. Anoti: “Ndinotumira kadhi kana meseji ine mashoko erumwe rugwaro uye ndinonyatsotaura kuti mushumiri wacho weungano akandikurudzira sei kana kuti nei ndichionga basa rake.” Pascal naJael, avo vanogara kuNew Caledonia, vanowanzonyengeterera vashumiri veungano. Pascal anoti: “Munguva ichangopfuura, tainyengetera chaizvo nezvevashumiri veungano vemuungano medu.” Jehovha anonzwa minyengetero yakadaro uye ungano yese inobatsirwa.—2 VaK. 1:11.

VAKURU VEUNGANO “VARI KUSHANDA NESIMBA PAKATI PENYU”

8. Chii chakaita kuti Pauro anyore kuti vakuru vepanguva yake ‘vaishanda nesimba’? (1 VaTesaronika 5:​12, 13)

8 Pakatanga chiKristu, vakuru vaishanda nesimba muungano. (Verenga 1 VaTesaronika 5:​12, 13; 1 Tim. 5:17) ‘Vaitungamirira’ ungano kuburikidza nekuitisa misangano uye kuita zvisarudzo sedare revakuru. ‘Vaidzidzisa’ hama dzavo nehanzvadzi kuburikidza nekuvaudza zvine rudo pavaifanira kugadzirisa kuitira kuti vadzivirire ungano. (1 VaT. 2:​11, 12; 2 Tim. 4:2) Uyewo varume ava vaishanda nesimba kuriritira mhuri dzavo uye kuva nechokwadi chekuti ivowo pachavo varamba vakasimba pakunamata.—1 Tim. 3:​2, 4; Tito 1:​6-9.

9. Ndeapi mamwe mabasa anoitwa nevakuru mazuva ano?

9 Mazuva ano, vakuru vane zvakawanda zvekuita. Vanoita basa reuevhangeri. (2 Tim. 4:5) Vanotungamirira mubasa rekuparidza, vanoronga kuti ndima inenge yapiwa ungano ingashandwa sei, uye vanotibatsira kuti tibudirire pakuparidza nekudzidzisa. Vakuru vanoshandawo sevatongi vane tsitsi uye vasingasaruri. Kana mumwe muKristu akaita chivi chakakura, vakuru vanoedza nepese pavanogona kuti vamubatsire kuti agadzirise ushamwari hwake naJehovha. Panguva imwe chete, vanongwarira kuti vaite kuti ungano irambe yakachena. (1 VaK. 5:​12, 13; VaG. 6:1) Asi basa guru rinoitwa nevakuru nderekufudza. (1 Pet. 5:​1-3) Vanopa hurukuro dzinobva muMagwaro dzakagadzirirwa zvakanaka, vanoedza kuziva munhu wese ari muungano uye kuita basa rekufudza. Vamwe vakuru vanobatsirawo pakuvaka uye kugadziridza Dzimba dzeUmambo, pakuronga magungano, uye vanoshandawo muMakomiti Ekukurukura Nezvipatara, uye muMapoka Ekushanyira Varwere, nepakuitawo mamwe mabasa. Vakuru vanoshanda nesimba chaizvo vachiitira isu!

10. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tionge vakuru vedu vanoshanda nesimba?

10 Jehovha akataura kuti vafudzi vaizotibata zvakanaka uye kuti ‘taisazotyazve kana kuvhundutswa.’ (Jer. 23:4) Imwe hanzvadzi yekuFinland inonzi Johanna, yakaona kuti mashoko aya ndeechokwadi amai vayo pavakarwara zvikuru. Inoti: “Kunyange zvazvo zvichindiomera kuti ndiudze mumwe munhu manzwiro andinenge ndichiita, mumwe mukuru wandaisanyatsoziva, akava nemwoyo murefu neni pandaitaura zvaindinetsa, akanyengetera neni, uye akaita kuti ndive nechokwadi chekuti Jehovha anondida. Handiyeuki chaizvo zvaakataura, asi ndinoyeuka kuti ndakanga ndisisatyi. Ndinoona kuti Jehovha akamutuma kuti andibatsire panguva chaiyo yandaida kubatsirwa.” Vakuru vemuungano mako vakakubatsira sei?

11. Tingaitei kuti tiratidze kuti tinoonga basa rinoitwa nevakuru? (Onawo mufananidzo.)

11 Jehovha anoda kuti tionge vakuru nemwoyo wese “nekuda kwebasa ravo.” (1 VaT. 5:​12, 13) Henrietta, uyo anogarawo kuFinland, anoti: “Vakuru vane chido chekubatsira vamwe, asi izvi hazvirevi kuti vane nguva nesimba zvinopfuura zvevamwe kana kuti havana matambudziko muupenyu hwavo. Dzimwe nguva ndinongoti kwavari: ‘Munozivei? Muri mukuru akanaka chaizvo. Ndangoti muzvizive.’” Imwe hanzvadzi yekuTürkiye c inonzi Sera inoti: “Vakuru vanoda kukurudzirwa kuitira kuti varambe vachiita basa ravo. Saka tinogona kuvanyorera kadhi, kuvakoka kuti tizodya navo kana kubuda navo muushumiri.” Pane here mukuru ane zvaanoita zvaunoonga chaizvo? Tsvaga nzira dzekuratidza kuonga kwaunoita.—1 VaK. 16:18.

Unogona kukurudzira vakuru kuti varambe vachiita basa ravo (Ona ndima 7, 11, 15)


VATARIRI VEMATUNHU VANOSIMBISA UNGANO

12. Urongwa hupi hwakaitwa panguva yevaKristu vekutanga kuti ungano dzisimbiswe? (1 VaTesaronika 2:​7, 8)

12 Kristu Jesu akapawo vamwe varume basa rekubatsira ungano neimwe nzira. Vachitungamirirwa naJesu, vakuru vaiva muJerusarema vakatuma Pauro, Bhanabhasi, uye vamwe varume sevatariri vanofambira. (Mab. 11:22) Nechikonzero chei? Chikonzero chacho chakafanana nechakaita kuti vamwe vagadzwe sevashumiri veungano uye vakuru. Vakagadzwa kuti vasimbise ungano. (Mab. 15:​40, 41) Varume ava vaizvipira munzira dzakawanda kuti vaite basa iri. Dzimwe nguva vaiisa upenyu hwavo pangozi kuti vadzidzise uye vakurudzire vamwe.—Verenga 1 VaTesaronika 2:​7, 8.

13. Ndeapi mamwe mabasa anoitwa nemutariri wedunhu?

13 Vatariri vematunhu vanogara vari parwendo. Vamwe vanofamba nzendo dzakareba vachishanyira ungano. Vhiki rimwe nerimwe, mutariri wedunhu anopa hurukuro dzakati kuti, anoenda kunofudza, uye anoitisa musangano wemapiyona, musangano wevakuru, uye misangano yebasa rekuparidza. Anogadzirira hurukuro uye anoronga magungano edunhu neemunharaunda. Anodzidzisa pazvikoro zvemapiyona uye anoronga musangano unokosha nemapiyona emudunhu racho. Anoitawo mamwe mabasa aanenge apihwa nehofisi yebazi uye dzimwe nguva mamwe acho anenge achifanira kuitwa nekukurumidza.

14. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tionge vatariri vedu vematunhu vanoshanda nesimba?

14 Ungano dzinobatsirwa sei nebasa revatariri vematunhu? Ichitaura nezvekushanya kwevatariri vanofambira, imwe hama yekuTürkiye inoti: “Pese pavanoshanya vanondikurudzira kuti ndiwedzere nguva yandinoshandisa pakubatsira hama nehanzvadzi dzangu. Ndakaonana nevatariri vematunhu vakawanda asi hapana kana mumwe chete wavo akamboita kuti ndione sekuti akanga akanyanya kubatikana kana kuti akanga asingadi kutaura neni.” Johanna, ambotaurwa nezvake, akashanda nemutariri wedunhu muushumiri, asi hapana kana munhu wavakawana ari pamba. Anoti: “Kunyange zvakadaro, handifi ndakakanganwa zuva iroro. Vanasisi vangu vaviri vanga vatama uye ndaivasuwa chaizvo. Mutariri wedunhu akandikurudzira uye akandibatsira kuona kuti panguva ino tingasakwanisa kugara pedyo nehama neshamwari dzedu. Asi munyika itsva tichange tiine mikana isingaperi yekuva pamwe chete navo.” Vatariri vematunhu vakawanda vane zvavakaitawo zvakaita kuti vadiwe nevaya vavanoshumira.—Mab. 20:37–21:1.

15. (a) Maererano na3 Johani 5-8, tingaratidza sei kuti tinoonga vatariri vematunhu? (Onawo mufananidzo.) (b) Nei tichifanira kuratidza kuti tinoonga madzimai ehama dzakagadzwa uye izvozvo tingazviita sei? (Ona bhokisi rakanzi “ Yeuka Madzimai Avo.”)

15 Muapostora Johani akakurudzira Gayo kuti agamuchire hama dzaishanya uye kuti aonekane “nadzo zvakanaka nenzira yakakodzera kuna Mwari.” (Verenga 3 Johani 5-8.) Imwe nzira yatinoita izvozvo ndeyekukoka mutariri wedunhu kuti azodya nesu. Imwewo nzira ndeyekutsigira urongwa hwekuparidza hunoitwa paanoshanya. Leslie, ambotaurwa nezvake, anoratidza kuonga kwake nedzimwewo nzira. Anoti: “Ndinonyengetera kuti Jehovha avape zvavanoda. Ini nemurume wangu tinovanyorerawo tsamba tichivaudza kubatsirwa kwatinoitwa nekushanya kwavo.” Yeuka kuti vatariri vematunhu vanongovawo vanhu vakaita sesu. Dzimwe nguva vanorwara, vanonetseka uye vanomboorawo mwoyo. Mashoko anokurudzira kana kuti chipo chidiki chaungapa, zvinogona kunge zvitori mhinduro yemunyengetero wemutariri wako wedunhu!—Zvir. 12:25.

PARI KUDIWA HAMA DZINOSHUMIRA MUUNGANO

16. Maererano naZvirevo 3:​27, hama dzingazvibvunza mibvunzo ipi?

16 Pasi rese, pari kudiwa dzimwe hama kuti dzishumire sevarume vakagadzwa. Kana uri hama yakabhabhatidzwa, unokwanisa kubatsira here? (Verenga Zvirevo 3:27.) Unoda here kushanda kuti uzokwanisa kugadzwa semushumiri weungano? Kana uri mushumiri weungano, unoda here kushanda kuti uzokodzera kushumira semukuru? d Unokwanisa kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwako here kuti unyorere kuti upinde Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo? Chikoro ichocho chichakubatsira kuti ukwanise kupiwa mamwe mabasa naJesu. Kana uchinzwa sekuti haukodzeri, nyengetera kuna Jehovha. Mukumbire kuti akubatsire nemweya wake mutsvene kuti ukwanise kuita chero basa raunenge wapiwa.—Ruka 11:13; Mab. 20:28.

17. Kupiwa kwatakaitwa varume sezvipo kunoratidzei nezvaMambo wedu, Kristu Jesu?

17 Hama dzakagadzwa naJesu kuti dzive zvipo, uchapupu hwekuti ari kutitungamirira mumazuva ano ekupedzisira. (Mat. 28:20) Tinoonga chaizvo kuti tina Mambo ane rudo, ane rupo, anoziva zvatinoda uye anotipa hama kuti dzitibatsire. Saka tsvaga mikana yekuratidza kuonga kwaunoita varume ava vanoshanda nesimba. Uye usambofa wakatadza kutenda Jehovha, uyo anotipa “zvipo zvese zvakanaka nezvipo zvese zvakakwana.”—Jak. 1:17.

RWIYO 99 Zviuru Zvehama

a Vakuru vanoshumira senhengo dzeDare Rinotungamirira, hama dzinobatsira Dare Rinotungamirira, nhengo dzeDare Rebazi, uye vaya vanoita mamwe mabasa, vese zvipo zvakapiwa ungano naJesu.

b Mamwe mazita akachinjwa.

c Yaimbonzi Turkey.

d Kuti uone mamwe mashoko anotaura kuti hama ingaitei kuti izoshumira semushumiri weungano kana kuti semukuru, ona nyaya dzinoti “Hama—Mune Chinangwa Chekuva Mushumiri Weungano Here?” uye “Hama—Mune Chinangwa Chekuva Mukuru Here?” dziri muNharireyomurindi yaNovember 2024.