Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 41

RWIYO 13 Kristu, Muenzaniso Wedu

Zvatinodzidza Pane Zvakaitwa naJesu Mumazuva 40 Ekupedzisira Ari Panyika

Zvatinodzidza Pane Zvakaitwa naJesu Mumazuva 40 Ekupedzisira Ari Panyika

“Akaonekwa navo kwemazuva 40, uye aitaura nezveUmambo hwaMwari.”—MABASA 1:3.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti tingatevedzera sei zvakaitwa naJesu mumazuva 40 ekupedzisira ari pano panyika.

1-2. Chii chakaitika vadzidzi vaviri vaJesu pavaifamba vachienda kuEmausi?

 MUSI wacho ndiNisani 16, muna 33 C.E. Vadzidzi vaJesu vakasuwa uye vari kutya. Vaviri vavo vanobuda muJerusarema vakananga kuEmausi, musha uri anenge makiromita 11 kubva muJerusarema. Varume ava vakaora mwoyo nekuti Jesu, murume wavaitevera, akanga achangobva kuurayiwa. Mesiya uyo wavaitarisira kuti aizobatsira vaJudha akanga afa. Asi panobva paitika chimwe chinhu chavasingambotarisiri.

2 Mumwe murume wavasingazivi anotanga kufamba navo. Vadzidzi vanotanga kuudza murume wacho nezvezvinhu zvinorwadza zvakanga zvaitika kuna Jesu. Murume wacho anotanga kuvaudza zvinhu zvavasingazombokanganwi. “Achitangira pane zvakanyorwa naMozisi neVaprofita vese,” murume wacho anovatsanangurira kuti nei Mesiya aifanira kutambura uye kufa. Pavanozosvika kuEmausi, vanozoziva kuti murume uya wavanga vasiri kuziva, ndiJesu akanga amutswa. Fungidzira kuti vanofara sei pavanoziva kuti Mesiya mupenyu!—Ruka 24:​13-35.

3-4. Vadzidzi vaJesu vakaita sei pavakakurudzirwa naye, uye tichadzidzei munyaya ino? (Mabasa 1:3)

3 Mumazuva 40 ekupedzisira ari panyika, Jesu akazviratidza kakawanda kuvadzidzi vake. a (Verenga Mabasa 1:3.) Panguva iyoyo, Jesu akakurudzira vadzidzi vake avo vaitya uye vainge vakasuwa. Izvi zvakaita kuti vaparidze uye vadzidzise mashoko eUmambo vachifara, vaine ushingi uye vaine chivimbo.

4 Tine zvatinogona kudzidza kubva pane zvakaitwa naJesu panguva iyi. Munyaya ino tichaona kuti Jesu akashandisa sei nguva yake kuti (1) akurudzire vadzidzi vake, (2) avabatsire kuwedzera kunzwisisa zvinotaurwa neMagwaro uye (3) avadzidzise kuti vazokwanisa kuita mamwe mabasa mune ramangwana. Patichakurukura chimwe nechimwe chezvinhu izvi, tichaona kuti tingatevedzera sei Jesu.

KURUDZIRA VAMWE

5. Nei vadzidzi vaJesu vaida kukurudzirwa?

5 Vadzidzi vaJesu vaida kukurudzirwa. Nei zvakadaro? Vamwe vavo vainge vasiya misha, mhuri uye mabhizinesi avo kuti vatevere Jesu. (Mat. 19:27) Vamwe vaibatwa zvisina kunaka nekuti vakanga vava vadzidzi vake. (Joh. 9:22) Vakazvipira kuita zvinhu izvi nekuti vainyatsotenda kuti Jesu ndiye aiva Mesiya akavimbiswa. (Mat. 16:16) Asi Jesu paakaurayiwa, vakaora mwoyo nekuti vaifunga kuti zvese zvavaitarisira zvaisazomboitika.

6. Jesu akaitei pashure pekunge amutswa?

6 Jesu haana kuona kusuwa kwainge kwaita vadzidzi vake sekushaya kutenda, asi akanzwisisa kuti vairwadziwa nezvainge zvaitika. Saka kubva pazuva raakamutswa akatanga kukurudzira shamwari dzake. Semuenzaniso, Mariya Magadharini paaichema akamira paguva rake, Jesu akazviratidza kwaari. (Joh. 20:​11, 16) Akazviratidzawo kune vadzidzi vake vaviri vataurwa nezvavo patangira nyaya ino. Uye akazviratidza kune muapostora Petro. (Ruka 24:34) Tinodzidzei pane zvakaitwa naJesu? Ona zvakaitika paakazviratidza kekutanga.

7. Sezvakanyorwa pana Johani 20:​11-16, Jesu akaona Mariya achiitei mangwanani emusi waNisani 16, uye izvozvo zvakaita kuti Jesu aitei? (Onawo mufananidzo.)

7 Verenga Johani 20:​11-16. Musi waNisani 16, achiri mangwanani-ngwanani, vakadzi vakawanda vakavimbika vakaenda kwainge kwavigwa Jesu. (Ruka 24:​1, 10) Ngationei zvakaitika kune mumwe wevakadzi ava ainzi Mariya Magadharini. Mariya paakasvika paguva raJesu akaona musina chinhu. Saka akamhanya kunoudza Petro naJohani. Varume ava vakamhanya vachienda kuguva racho iye achitevera ari kumashure. Varume vacho pavakaona kuti muguva makanga musina chinhu vakabva vadzokera kumba. Asi Mariya akaramba ari ipapo achichema. Haana kuziva kuti Jesu aimuona. Jesu akaona kuchema kwaiita mukadzi uyu uye izvozvo zvakaita kuti ade kumunyaradza. Saka akazviratidza kwaari ndokubva aita chimwe chinhu chakakurudzira Mariya chaizvo. Akataura naye uye akamupa basa rinokosha rekunoudza hama dzake nezvekumutswa kwake.—Joh. 20:​17, 18.

Tevedzera Jesu kuburikidza nekucherechedza zviri kusangana nehama nehanzvadzi dzako woita zvese zvaunogona kuti udzinyaradze (Ona ndima 7)


8. Tingatevedzera sei Jesu?

8 Tingatevedzera sei Jesu? Tinotevedzera Jesu nekukurudzira hama nehanzvadzi dzedu kuti dzirambe dzichishumira Jehovha. SaJesu tinofanira kucherechedza matambudziko avari kusangana nawo, kuedza kunzwisisa kuti vari kunzwa sei uye kuvanyaradza. Funga zvakaitika kuna Jocelyn, akafirwa nemunin’ina wake mutsaona. “Kwemwedzi yakawanda ndaigara ndakasuruvara,” anodaro Jocelyn. Asi imwe hama nemudzimai wayo vakamukoka kumba kwavo, vakanyatsomuteerera uye vakamuyeuchidza kuti anokosha kuna Mwari. Jocelyn anoti: “Zvakanga zvakandiomera zvekuti ndainzwa sekunge ndiri kunyura mugungwa asi Jehovha akashandisa vaviri ava kuti andinunure. Vakandibatsira kuti ndivezve nechido chekuramba ndichishumira Jehovha.” Nesuwo tinogona kukurudzira vamwe nekunyatsovateerera pavanenge vachitaura zviri mumwoyo mavo uye nekutaura navo tichivanzwira tsitsi tiine chinangwa chekuvakurudzira kuti varambe vachishumira Mwari.—VaR. 12:15.

BATSIRA VAMWE KUTI VANZWISISE SHOKO RAMWARI

9. Vadzidzi vaJesu vaiva nedambudziko rei uye Jesu akavabatsira sei?

9 Vadzidzi vaJesu vaitenda muShoko raMwari uye vaiedza kushandisa zvarinotaura muupenyu hwavo. (Joh. 17:6) Asi vaitadza kunzwisisa kuti nei Jesu akanga aurayiwa padanda achinzi munhu ane mhosva. Jesu aiziva kuti vadzidzi vake vaiva nekutenda uye vaida Jehovha, asi akaona kuti vaifanira kuwedzera kunzwisisa Magwaro. (Ruka 9:​44, 45; Joh. 20:9) Saka akavabatsira kuti vanzwisise zvairehwa neMagwaro. Ona kuti akazviita sei paakazviratidza kuvadzidzi vaviri mumugwagwa waienda kuEmausi.

10. Jesu akabatsira sei vadzidzi vake kuti vanyatsonzwisisa kuti aiva Mesiya? (Ruka 24:​18-27)

10 Verenga Ruka 24:​18-27. Ona kuti Jesu haana kubva akurumidza kuvaudza kuti aiva ani. Asi akavabvunza mibvunzo. Nei akadaro? Pamwe aida kuti vataure zvavaifunga uye zvaiva mumwoyo mavo. Uye ndizvo zvavakaita. Vakamuudza kuti vakanga vari kutarisira kuti Jesu aizonunura vaIsraeri kubva pakudzvinyirirwa nevaRoma. Pavakanga vapedza kutaura zvaivanetsa, Jesu akashandisa Magwaro kuti avabatsire kunzwisisa zvakanga zvichangobva kuitika. b Pava paya manheru iwayo, Jesu akazobatsirawo vamwe vadzidzi kuti vanzwisise zvinhu izvozvo. (Ruka 24:​33-48) Tinodzidzei kubva panyaya iyi?

11-12. (a) Tinodzidzei pamadzidzisiro aiita Jesu chokwadi cheBhaibheri? (Onawo mifananidzo.) (b) Hama yakadzidzisa Nortey Bhaibheri yakamubatsira sei?

11 Tingatevedzera sei Jesu? Kutanga, patinenge tichidzidzisa vadzidzi vedu veBhaibheri, tinofanira kubvunza mibvunzo inoita kuti vataure zvavari kufunga uye zviri pamwoyo pavo. (Zvir. 20:5) Kana wanzwisisa manzwiro avo, varatidze kuti vangatsvaga sei mavhesi emuBhaibheri anoshanda mumamiriro avo ezvinhu. Pane kuti uvaudze zvekuita, vabatsire kunzwisisa zvinorehwa neMagwaro uye kuti vaone kuti vangashandisa sei mazano eBhaibheri muupenyu hwavo. Ona zvakamboitika kune imwe hama yekuGhana inonzi Nortey.

12 Nortey akatanga kudzidza Bhaibheri paaiva nemakore 16. Asi pasina nguva vemumhuri make vakatanga kumupikisa. Chii chakamubatsira kuti arambe achidzidza Bhaibheri? Hama yaimudzidzisa Bhaibheri yakanga yashandisa Mateu chitsauko 10 kuti imutsanangurire kuti vaKristu vechokwadi vaizopikiswa. Nortey anoti: “Saka pandakatanga kupikiswa, ndakabva ndava nechivimbo chekuti ndakanga ndawana chokwadi.” Hama yaimudzidzisa Bhaibheri yakamubatsirawo kuti anzwisise zvinorehwa naMateu 10:16 kuitira kuti angwarire uye aratidze ruremekedzo paanenge achitsanangura zvaanotenda kune vamwe vemumhuri make. Pashure pekunge abhabhatidzwa, Nortey aida kupayona asi baba vake vaitarisira kuti aende kuyunivhesiti. Pane kuti iudze Nortey zvekuita, hama yacho yakashandisa mibvunzo uye yakabatsira Nortey kuti afunge nezvemazano eBhaibheri aaigona kushandisa mumamiriro ake ezvinhu. Zvakabatsira sei? Nortey akasarudza kupinda mubasa renguva yakazara. Baba vake vakabva vamudzinga pamba. Nortey anonzwa sei nezvakaitika zvese izvi? Anoti: “Ndine chokwadi chekuti ndakaita chisarudzo chakanaka.” Kana isuwo tikatsanangurira vamwe zvinorehwa neMagwaro, tinogona kuvabatsira kuti vave vaKristu vakasimba pakunamata.—VaEf. 3:​16-19.

Tevedzera Jesu kuburikidza nekubatsira vamwe kuti vanzwisise Magwaro (Ona ndima 11) e


DZIDZISA HAMA KUTI DZIKWANISE KUVA “ZVIPO” KUUNGANO

13. Jesu akaita sei kuti ave nechokwadi chekuti basa raBaba vake raizoramba richiitwa? (VaEfeso 4:8)

13 Paaiva panyika, Jesu ainyatsoita basa raakapiwa naBaba vake. (Joh. 17:4) Asi Jesu aisava nemafungiro ekuti kana uchida kuti rimwe basa riitwe zvakanaka, unofanira kuriita wega. Mumakore 3 nehafu aakaita ushumiri hwake, akadzidzisa vamwe kuita mabasa. Asati adzokera kudenga, Jesu akasiyira vadzidzi vake basa guru rekuchengeta makwai aJehovha anokosha uye rekutungamirira pabasa rekuparidza nekudzidzisa. Vamwe vadzidzi vacho vanogona kunge vaiva nemakore ekuma20. (Verenga VaEfeso 4:8.) Jesu akashandisa sei mazuva ake 40 ekupedzisira ari panyika kuti abatsire varume ava vaizvipira, vakavimbika uye vaishanda nesimba kuti vazova “zvipo” muungano?—Ona study note iri pana VaEfeso 4:8 muBhaibheri reChirungu Rekudzidza.

14. Jesu akadzidzisei vadzidzi vake mumazuva 40 ekupedzisira ari panyika? (Onawo mufananidzo.)

14 Jesu paaiona kuti vadzidzi vake vane pavaifanira kugadzirisa, aivabudira pachena asi aizviita nerudo. Semuenzaniso, akacherechedza kuti vamwe vavo vaisanyatsotenda kuti akanga amutswa saka akavabatsira kuti vazive chokwadi uye akavatsiura. (Ruka 24:​25-27; Joh. 20:27) Akavabatsirawo kuti vanyanye kukoshesa basa rekufudza kupfuura mabasa ekuzviraramisa. (Joh. 21:15) Akavayeuchidzawo kuti vasaenzanisa mabasa avainge vapiwa pakushumira Jehovha nemabasa ainge apiwa vamwe. (Joh. 21:​20-22) Uye akagadzirisawo maonero asiri iwo avaiva nawo panyaya yeUmambo uye akavabatsira kuti varambe vakaisa pfungwa pabasa rekuparidza. (Mab. 1:​6-8) Vakuru vangadzidzei kubva pane zvakaitwa naJesu?

Tevedzera Jesu nekubatsira varume kuti vakwanise kuzoita mabasa akakura muungano (Ona ndima 14)


15-16. (a) Vakuru vangatevedzera sei Jesu? (b) Patrick akabatsirwa sei nekutsiurwa kwaakaitwa?

15 Vakuru vangatevedzera sei Jesu? Vanofanira kudzidzisa uye kubatsira varume kusanganisira vaya vanenge vachiri vadiki kuti vazoita mabasa akakura muungano. c Vakuru havatarisiri vaya vavanenge vachidzidzisa kuti vasatombokanganisa. Vanofanira kutsiura hama idzi zvine rudo kuitira kuti dzive neruzivo uye dzione kukosha kwekuva vanhu vanozvininipisa, vakatendeka uye vane chido chekushumira vamwe.—1 Tim. 3:1; 2 Tim. 2:2; 1 Pet. 5:5.

16 Ona kuti imwe hama inonzi Patrick yakabatsirwa sei nekutsiurwa kwayakaitwa. Paaiva mudiki, Patrick aisagona kutaura nevamwe zvakanaka uye aibata vamwe zvisina kunaka, kunyange hanzvadzi. Mumwe mukuru akaona dambudziko raiva naPatrick uye akabva amutsiura, asi akazviita zvine rudo. Patrick anoti: “Ndinotenda kuti hama iyi yakanditsiura ikandibatsira kuona zvandaifanira kugadzirisa. Ndaiwanzorwadziwa pandaiona vamwe vachipiwa mabasa andaida kuita muungano. Asi kutsiurwa kwandakaitwa nemukuru uyu kwakandibatsira kuti ndiise pfungwa pakushumira hama nehanzvadzi dzangu ndichizvininipisa pane kuda chinzvimbo kana ropafadzo muungano.” Kushandisa zvaakaudzwa kwakaita kuti Patrick azogadzwa kuti ave mukuru muungano aine makore 23.—Zvir. 27:9.

17. Jesu akaratidza sei kuti aivimba nevadzidzi vake?

17 Jesu akapa vadzidzi vake basa rekuparidza uyewo rekudzidzisa. (Ona study note yakanzi teaching them iri pana Mateu 28:​20, muBhaibheri reChirungu Rekudzidza.) Vadzidzi vake vanogona kunge vaiona sekuti havakwanisi kuita basa iroro. Asi Jesu aiva nechokwadi chekuti vairikwanisa uye akavaudza izvozvo. Akaratidza kuti aivimba navo paakati: “Ndiri kukutumai sekutumwa kwandakaitwawo naBaba.”—Joh. 20:21.

18. Vakuru vangatevedzera sei Jesu?

18 Vakuru vangatevedzera sei Jesu? Vakuru vagara nebasa vanopawo vamwe mabasa ekuita. (VaF. 2:​19-22) Semuenzaniso, vakuru vanogona kuita kuti vechidiki vavewo nezvekuita pavanenge vachichenesa Imba yeUmambo uye kuita kuti igare yakanaka. Pavanopa vamwe mabasa, vanoratidza kuti vanovimba navo nekuvaratidza kuti basa racho rinoitwa sei vobva vavasiya vachiriita. Mumwe mukuru achangobva kugadzwa anonzi Matthew anotenda kuti vakuru vagara nebasa vakamudzidzisa kuti akwanise kuita mabasa akasiyana-siyana muungano uye vaivimba kuti aizokwanisa kuita mabasa acho zvakanaka. Anoti: “Pandaikanganisa vaindibatsira kuti ndidzidze pane zvandinenge ndakanganisa uye kuti ndizokwanisa kuita basa racho zvakanaka panguva inotevera.” d

19. Tinofanira kuva nechido chekuitei?

19 Jesu akashandisa mazuva ake 40 ekupedzisira ari panyika kuti akurudzire vamwe uye avadzidzise. Dai tese tikava nechido chekunyatsotevedzera zvaakaita. (1 Pet. 2:21) Achatibatsira kuti timutevedzere nekuti akavimbisa kuti: “Ndichange ndiinemi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.”—Mat. 28:20.

RWIYO 15 Rumbidzai Dangwe raJehovha!

a Mabhuku eEvhangeri nemamwe mabhuku eBhaibheri anotaura kuti Jesu akazviratidza kakawanda kune vamwe vanhu pashure pekunge amutswa. Semuenzaniso akazviratidza kuna Mariya Magadharini (Joh. 20:​11-18); vamwe vakadzi (Mat. 28:​8-10; Ruka 24:​8-11); vadzidzi vaviri (Ruka 24:​13-15); Petro (Ruka 24:34); vaapostora, Tomasi asipo (Joh. 20:​19-24); vaapostora, Tomasi aripo (Joh. 20:26); vadzidzi 7 (Joh. 21:​1, 2); vadzidzi vanopfuura 500 (Mat. 28:16; 1 VaK. 15:6); kumunin’ina wake Jakobho (1 VaK. 15:7); kuvaapostora vese (Mab. 1:4); uye kuvaapostora pavaiva pedyo neBhetani. (Ruka 24:​50-52) Kunenge kuti pamwe paakazviratidza kuvateveri vake hapana kunyorwa muBhaibheri.—Joh. 21:25.

b Kuti uone uprofita hwakasiyana-siyana hunotaura nezvaMesiya, ona nyaya iri pajw.org yakanzi, “Jesu Ndiye Mesiya Anotaurwa Muuprofita Here?

c Dzimwe nguva varume vari pakati pemakore 25 ne30, vanogona kugadzwa kuti vave vatariri vematunhu. Asi varume ivavo vanofanira kutanga vamboshumira sevakuru.

d Kuti uwane mamwe mazano ekubatsira hama dzechidiki kuti dzizokwanisa kupiwa mamwe mabasa muungano, verenga Nharireyomurindi yaAugust 2018 mapeji 11-12, ndima 15-17, uyewo yaApril 15, 2015, mapeji 3-13.

e KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Pashure pekunge abatsirwa kunzwisisa zvinotaurwa neMagwaro, mudzidzi weBhaibheri anorasa zvinhu zvaaishandisa pakupemberera Krisimasi.