NYAYA YEKUDZIDZA 43
RWIYO 90 Kurudziranai
Zvaungaita Kana Usina Chokwadi Nezvimwe Zvinhu
“Ivai nechokwadi nezvinhu zvese.”—1 VAT. 5:21.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza kuti tingagadzirisa sei zvinhu zvatisina chokwadi nazvo izvo zvinogona kutikanganisa pakushumira kwatinoita Jehovha.
1-2. (a) Vamwe vashumiri vaJehovha vanogona kunetseka nezvinhu zvipi? (b) Tichakurukurei munyaya ino?
VANHU vemazera ese vanombotadza kuva nechokwadi nezvimwe zvinhu. a Semuenzaniso, wechidiki anogona kunetseka kuti Jehovha anonyatsomuda here. Izvozvo zvinogona kuita kuti azeze kubhabhatidzwa. Kana kuti funga nezvehama inenge yakasarudza kuisa Umambo pekutanga payaiva mudiki pane kutsvaga mari yakawanda. Iye zvino yakura uye mari yayo inongokwana kuti iwanise mhuri yayo zvinhu zvinongodiwa pakurarama. Izvi zvinogona kuita kuti itange kunetseka kuti yakasarudza zvakanaka here payaiva mudiki. Fungawo nezvehanzvadzi yakwegura. Inogona kuora mwoyo kuti haisisina simba rekuita zvayaimboita. Wakambozvibvunzawo here mibvunzo yakaita seiyi: ‘Jehovha anondionawo here? Kusiya kwandakaita zvimwe zvinhu kuti ndishumire Jehovha kune zvakwakabatsira here? Ndichiri kukosha kuna Jehovha here?’
2 Kana tikasatsvaga mhinduro dzemibvunzo iyi, zvinogona kukanganisa kunamata kwedu. Munyaya ino tichadzidza kuti Bhaibheri ringatibatsira sei kana (1) tichinetseka kuti Jehovha anotida, (2) tichizvidemba nezvisarudzo zvatakaita, uye (3) tichiona sekuti hatichakoshi kuna Jehovha.
ZVATINGAITA KANA TIINE MIBVUNZO
3. Tingaitei kana tiine mibvunzo yatiinayo?
3 Kana tiine mibvunzo tinofanira kutsvaga mhinduro dzacho muBhaibheri. Kana tikadaro, kutenda kwedu muna Jehovha uye ushamwari hwedu naye zvichawedzera kusimba uye tichakwanisa ‘kumira takasimba mukutenda.’—1 VaK. 16:13.
4. Tingava sei “nechokwadi nezvinhu zvese”? (1 VaTesaronika 5:21)
4 Verenga 1 VaTesaronika 5:21. Bhaibheri rinotikurudzira kuti “ivai nechokwadi nezvinhu zvese.” Tingazviita sei? Kana tisina chokwadi nezvechimwe chinhu tinofanira kutsvaga kuti Bhaibheri rinoti chii nezvechinhu ichocho. Semuenzaniso, funga nezvewechidiki uya anoona sekuti haakoshi kuna Mwari. Anofanira kungosiya pfungwa idzodzo dzakadaro here? Aiwa. Anofanira kuva “nechokwadi nezvinhu zvese” kuburikidza nekutsvaga kuti Jehovha anoona sei nyaya yacho.
5. Tingaziva sei mafungiro aJehovha kana tiine mibvunzo yatiinayo?
5 Patinenge tichiverenga Shoko raMwari, tinoita setiri kunzwa Jehovha achitaura nesu. Asi kuti tinzwisise mafungiro aMwari pamubvunzo watinenge tiinawo zvinotoda kushanda nesimba. Tinofanira kutsvaga mavhesi eBhaibheri anonyatsopindura mubvunzo watinenge tiinawo. Tinogona kutsvakurudza nezvenyaya yacho tichishandisa zvinhu zvatinopiwa nesangano raJehovha zvinotibatsira pakudzidza. (Zvir. 2:3-6) Tinogona kunyengetera kuti Jehovha atitungamirire patinenge tichitsvakurudza otibatsira kunzwisisa mafungiro ake pamubvunzo watinenge tiinawo. Zvadaro, tinogona kutsvaga mazano eBhaibheri uye mamwe mashoko anoshanda mumamiriro edu ezvinhu. Tinogona kubatsirwawo kana tikaverenga nyaya dzevanhu vemuBhaibheri vakambova mumamiriro ezvinhu akafanana needu.
6. Misangano inotibatsira sei kana tiine mibvunzo yatiinayo?
6 Tinonzwawo Jehovha achitaura nesu patinenge tiri pamisangano. Kana tikagara tichipinda misangano, tinogona kunzwa imwe pfungwa muhurukuro kana mhinduro yemumwe munhu inenge ichinyatsopindura mubvunzo watinenge tiinawo. (Zvir. 27:17) Ngatichikurukurai zvichatibatsira kuziva mafungiro aJehovha panyaya dzinotevera.
UNGAITEI KANA UCHIONA SEKUTI JEHOVHA HAAKUDI?
7. Mubvunzo upi ungabvunzwa nevamwe?
7 Wakambozvibvunza here kuti, ‘Jehovha anondionawo here?’ Kana uchifunga kuti haukoshi, unogona kuona sekuti hazvitomboiti kuti uve neushamwari neMusiki wezvinhu zvese. Mambo Dhavhidhi anogona kunge akambovawo nemafungiro akadaro. Kungofunga kuti Jehovha ane hanya nevanhu kwaitomushamisa. Ndokusaka akabvunza kuti: “Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamuine hanya naye, iye mwanakomana wemunhu zvamunomufunga?” (Pis. 144:3) Tingawanepi mhinduro yemubvunzo iwoyo?
8. Maererano na1 Samueri 16:6, 7, 10-12, Jehovha anoonei paanotarisa vanhu?
8 Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha anoona vaya vangaonekwa nevamwe sevasingakoshi. Semuenzaniso, Jehovha akatuma Samueri kuti aende kuimba yaJese kunozodza mumwe wevanakomana vake kuti azova mambo wevaIsraeri. Jese akadana vanakomana vake 7 kuti vauye kuzoonana naSamueri asi akasiya Dhavhidhi, uyo aiva mudiki pavari vese. b Asi Jehovha akasarudza Dhavhidhi. (Verenga 1 Samueri 16:6, 7, 10-12.) Jehovha aiona zvakaita mwoyo waDhavhidhi. Aiziva kuti mukomana uyu ainyatsomuda.
9. Chii chingaita kuti uve nechokwadi chekuti Jehovha anokuda? (Onawo mufananidzo.)
9 Funga zvinoitwa naJehovha zvinoratidza kuti anokuona. Anokupa mazano anonyatsoenderana nemamiriro ako ezvinhu. (Pis. 32:8) Angakupa sei mazano anoenderana newe kana iye asingakuzivi? (Pis. 139:1) Paunoshandisa mazano aunopiwa naJehovha, woona kuti ari kukubatsira, uchava nechokwadi chekuti Jehovha anokuda. (1 Mak. 28:9; Mab. 17:26, 27) Jehovha anoona zvese zvaunoita kuti umushumire uye umuteerere. Anoona unhu hwako hwakanaka uye anoda kuti uve shamwari yake. (Jer. 17:10) Achafara kana ukabvuma kuva shamwari yake.—1 Joh. 4:19.
UNGAITEI KANA UCHIDEMBA ZVAWAKASARUDZA KARE?
10. Mibvunzo ipi yatingava nayo patinofunga nezvezvisarudzo zvatakaita kare?
10 Dzimwe nguva, vamwe vanogona kufunga nezvezvisarudzo zvavakaita kare voona sekuti havana kusarudza zvakanaka. Pamwe vakasiya basa raibhadhara kana kuti vakarega kutanga bhizinesi ravaida vachiitira kuti vakwanise kunyatsoshumira Jehovha. Panogona kunge patopfuura makore akawanda kubva pavakaita chisarudzo ichocho. Iye zvino vava kuona vamwe vanhu vavaizivana navo vakasarudza kutsvaga mari uye zvingaita sekuti vanhu vacho vava nemari yakawanda uye kuti vagere zvakanaka. Izvi zvinogona kuita kuti vatange kufunga kuti: ‘Kusiya kwandakaita zvimwe zvinhu kuti ndishumire Jehovha kune zvakwakabatsira here? Hakuna kutoita kuti ndirasikirwe nemikana yekuita mari here?’
11. Munyori wePisarema 73 ainetseka nei?
11 Kana uchinetseka nemibvunzo iyoyo, funga nezvemanzwiro aiita munyori wePisarema 73. Aiona vanhu vakanga vasingashumiri Jehovha asi vakapfuma, vaine utano uye vachiita sevasina zvaivanetsa. (Pis. 73:3-5, 12) Paaivatarisa oona sekuti vari kubudirira, aibva afunga kuti kushumira kwaaiita Jehovha hakuna zvakwaibatsira. Pfungwa idzodzo ‘dzaiswera dzichimutambudza.’ (Pis. 73:13, 14) Akaita sei kuti agadzirise mafungiro ake?
12. Maererano naPisarema 73:16-18, munyori wePisarema akagadzirisa sei mafungiro ake?
12 Verenga Pisarema 73:16-18. Munyori wepisarema akaenda kunzvimbo tsvene yaJehovha. Paaiva ikoko, akakwanisa kunyatsofunga zvakanaka. Akaona kuti kunyange zvazvo vamwe vaiita sekuti vari kufambirwa neupenyu, vaisava netariro yekurarama nekusingaperi. Izvozvo zvakaita kuti avezve nechido chekuramba achishumira Jehovha.—Pis. 73:23-28.
13. Ungawana sei rugare rwemupfungwa kana usina chokwadi nezvimwe zvisarudzo zvawakaita? (Onawo mufananidzo.)
13 Uchibatsirwa neShoko raMwari unogona kuvawo nerugare rwemupfungwa sezvakaita munyori wepisarema. Unokwanisa kuva nerugare urwu kana ukafungisisa kukosha kwezvauinazvo iye zvino, kusanganisira pfuma iri kudenga, wozvienzanisa nezvichaitika kune vaya vari kungoraramira zvinhu zviri munyika ino. Vanogona kunge vari kungovimba nekubudirira kwavari kuita iye zvino nekuti havana zvimwe zvavari kutarisira mune ramangwana. Asi Jehovha anokuvimbisa makomborero anopfuura chero chaungafungidzira. (Pis. 145:16) Uyewo funga izvi: Unonyatsoziva here kuti upenyu hwako hungadai hwakaita sei kudai wakaita zvisarudzo zvakasiyana nezvawakaita? Chatinoziva ndeichi: Vaya vanoita zvisarudzo zvichibva pakuda kwavanoita Mwari uye muvakidzani havana kana chakanaka chavacharasikirwa nacho.
UNGAITEI KANA UCHIONA SEKUTI HAUKOSHI KUNA JEHOVHA?
14. Vamwe vari mumamiriro ezvinhu akaita sei, uye vanogona kuzvibvunza kutii?
14 Vamwe vashumiri vaJehovha vane matambudziko anokonzerwa nekukwegura, vane utano husina kunaka, kana kuti vane urema. Izvi zvinogona kuita kuti vaone sekuti havakoshi kuna Jehovha. Vanogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndichiri kukosha kuna Jehovha here?’
15. Munyori wePisarema 71 aiva nechivimbo chekutii?
15 Munyori wePisarema 71 ainetsekawo nezvinhu zvakafanana nezvabva kutaurwa. Akanyengetera kuti: “Musandisiya kana simba rangu rapera.” (Pis. 71:9, 18) Asi munyori wepisarema akaramba aine chivimbo chekuti kana akaramba achishumira Mwari wake akavimbika, aizomutungamirira uye aizomutsigira. Munyori wepisarema akadzidza kuti Jehovha anofadzwa nevaya vanoita zvese zvavanogona kuti vamushumire pasinei nemamiriro avo ezvinhu.—Pis. 37:23-25.
16. Ndezvipi zvinogona kuitwa nevakwegura zvinoratidza kuti vachiri kukosha kuna Jehovha? (Pisarema 92:12-15)
16 Vakwegura, zvionei semaonerwo amunoitwa naJehovha. Anogona kukubatsirai kuti murambe muchimushumira makatendeka kunyange muri kunetseka neutano. (Verenga Pisarema 92:12-15.) Pane kuisa pfungwa pane zvamusingachakwanisi kuita, dziisei pane zvamunokwanisa kuita. Semuenzaniso, munogona kusimbisa vamwe nemuenzaniso wenyu wekutendeka uye kuvafarira kwamunoita. Munogona kuvaudza nezvekutsigirwa kwamanga muchiitwa naJehovha makore ese aya uye kuvaudzawo nezvechivimbo chamuinacho chekuti achazadzisa zvese zvaakavimbisa. Uye yeukai kuti pamunonyengeterera vamwe zvinovabatsira zvikuru. (1 Pet. 3:12) Pasinei nemamiriro edu ezvinhu, tese hedu tine zvatinogona kuitira Jehovha uyewo vamwe.
17. Nei tisingafaniri kuzvienzanisa nevamwe?
17 Kana uchinetseka kuti hauchakwanisi kuita zvakawanda mubasa raJehovha, iva nechokwadi chekuti anokoshesa chero zvaunokwanisa kuita. Unogona kunzwa uchida kuenzanisa zvauri kuita nezvinoitwa nevamwe. Asi usamboita izvozvo! Nemhaka yei? Nekuti Jehovha haakuenzanisi nevamwe. (VaG. 6:4) Semuenzaniso, Mariya akapa Jesu chipo chinodhura chemafuta anonhuwirira. (Joh. 12:3-5) Asi chirikadzi yaishayiwa yakauya patemberi nechipo chetumari tuviri tusinganyanyi kukosha. (Ruka 21:1-4) Kunyange zvakadaro, Jesu akaona kuti kupa kwakaita vakadzi vaviri ava kwairatidza kutenda kwavo. Saka pasinei nekuti ungaona sekuti zvauri kuita zvidiki kana kuti hazvikoshi, unogona kuva nechokwadi chekuti Baba vake Jehovha, vanonyatsokoshesa chero zvaunoita zvichibva pakuzvipira kwako kwavari uye kuda kwaunovaita.
18. Chii chichatibatsira kana tisina chokwadi nezvimwe zvinhu? (Onawo bhokisi rakanzi “ Shoko raJehovha Rinogona Kukubatsira Kana Usina Chokwadi Nezvimwe Zvinhu.”)
18 Tese tinombotadza kuva nechokwadi nezvimwe zvinhu. Asi sezvataona, Shoko raMwari Bhaibheri, rinogona kutibatsira kugadzirisa mafungiro edu. Saka ita zvese zvaunogona kuti uwane mhinduro dzemibvunzo yaunenge uinayo uye izvozvo zvichaita kuti uve nechivimbo pane kuti uore mwoyo. Jehovha anokuona uye anonyatsokuziva. Anokoshesa kusiya kwawakaita zvimwe zvinhu kuti umushumire uye achakupa mubayiro. Iva nechokwadi chekuti Jehovha anoda uye ane hanya nemushumiri wake mumwe nemumwe akavimbika.
RWIYO 111 Zvinoita Kuti Tifare
a KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Munyaya ino tiri kutaura nezvezvinhu zvatisina chokwadi nazvo kana kuti mibvunzo yatingava nayo iyo inoita kuti tione sekuti hatikoshi kuna Jehovha kana kuti tione sekuti zvisarudzo zvatakaita pakumushumira zvakanga zvisina kuchenjera. Hatisi kutaura nezvekusava nechokwadi kunotaurwa muBhaibheri kunoratidza kuti munhu haana kutenda kana kuti haavimbi nezvakavimbiswa naJehovha.
b Kunyange zvazvo Bhaibheri risingatauri kuti Dhavhidhi aiva nemakore mangani Jehovha paakamusarudza, zvinoita sekuti akanga achiri mumakore ekuyaruka.—Ona Nharireyomurindi yaSeptember 1, 2011, peji 29, ndima 2.