Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Vharanda Retemberi yaSoromoni Rainge Rakakwirira Zvakadini?
Vharanda racho raishandiswa pakupinda muNzvimbo Tsvene yetemberi. Maererano nemaBhaibheri eShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene akabudiswa 2023 asati asvika, “vharanda raiva pamberi raiva rakareba makubhiti 20, rakaenzana nekufara kweimba yacho, uye rakanga rakakwirira 120.” (2 Mak. 3:4) Dzimwe shanduro dzinotiwo vharanda racho rainge “rakakwirira makubhiti 120,” zvichiita kuti rive shongwe yakakwirira nemamita 53!
Asi Shanduro yeNyika Itsva yeChirungu yakaprindwa muna 2023 inotaura nezvevharanda retemberi yaSoromoni ichiti: “Rakanga rakakwirira makubhiti 20,” kana kuti mamita anenge 9. a Ona zvikonzero zvishomanana zvakaita kuti izvi zvigadziriswe.
Kukwirira kwevharanda racho hakutaurwi pana 1 Madzimambo 6:3. Muvhesi iyoyo, munyori wacho Jeremiya anotaura nezvekureba uye kufara kwevharanda racho kwete kukwirira kwaro. Muchitsauko chinotevera, anotsanangura nezvezvimwe zvinhu zvaikurumidza kuoneka patemberi yacho, zvakadai seDziva resimbi yakanyungudutswa, zvingoro gumi uye mbiru mbiri dzemhangura dzaiva panze pevharanda. (1 Madz. 7:15-37) Kudai vharanda racho rainge rakakwirira nemamita anopfuura 50 uye rakakwirira chaizvo kupfuura temberi yacho, Jeremiya angadai asina kutaura nezvekukwirira kwaro here? Kunyange papera mazana emakore, vaJudha vainyora zvakaitika kare vakati vharanda retemberi yaSoromoni rakanga risina kukwirira kupfuura temberi yacho.
Vaongorori veBhaibheri havana chokwadi nazvo kuti madziro etemberi aigona kutakura vharanda rainge rakakwirira nemakubhiti 120. Zvivakwa zvematombo nezvidhinha zvaivako kare, zvakadai semagedhi etemberi emuIjipiti, zvainge zvakafara chaizvo nechekuzasi zvoita zvichitetepa pazvinenge zvichikwira mudenga. Asi temberi yaSoromoni yainge isina kudaro. Vaongorori veBhaibheri vanofunga kuti madziro ayo ainge asina kukora zvekupfuura makubhiti 6 kana kuti mamita 2,7. Mumwe murume anoongorora mavakirwo ezvivakwa zvekare anonzi Theodor Busink akati: “Zvichitorerwa pakukora kwemadziro [epaipindwa napo mutemberi], vharanda racho raisagona kunge [rakakwirira] nemakubhiti 120.”
Mashoko a2 Makoronike 3:4 anogona kunge akakopwa zvisiri izvo. Kunyange zvazvo zvimwe zvinyorwa zvekare zvichiti “120” muvhesi iyi, zvimwe zvinyorwa zvinovimbwa nazvo zvakadai seCodex Alexandrinus yekumakore ekuma400 C. E. uye Codex Ambrosianus yekumakore ekuma500 C. E., zvinoti “makubhiti 20.” Chii chaigona kuita kuti munyori aite chikanganiso chekunyora “120”? Mashoko anoshandurwa kuti “100” uye kuti “makubhiti” anoratidzika zvakafanana muchiHebheru. Saka munyori anogona kunge akanyora shoko rekuti “100” panzvimbo pekunyora kuti “makubhiti.”
Kunyange zvazvo tichiedza kunzwisisa zvinhu izvi uye kuratidza kuti temberi yaSoromoni yainge yakaita sei, tinonyanya kuisa pfungwa dzedu patemberi huru yemweya iyo yaimiririrwa netemberi yaSoromoni. Tinoonga chaizvo kuti Jehovha akakoka vashumiri vake vese kuti vamunamate mutemberi iyoyo yemweya!—VaH. 9:11-14; Zvak. 3:12; 7:9-17.
a MuShanduro yeNyika Itsva yeChirungu mune mashoko emuzasi anojekesa kuti “zvimwe zvinyorwa zvekare zvinoti ‘120,’ asi zvimwe zvinyorwa nedzimwe shanduro zvichiti ‘makubhiti 20.’”