Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Funga Zvakanakira Vamwe Uye Iva Nemutsa Uchitevedzera Jehovha

Funga Zvakanakira Vamwe Uye Iva Nemutsa Uchitevedzera Jehovha

“Anofara munhu anofunga nezvomunhu akaderera.”—PIS. 41:1.

NZIYO: 130, 107

1. Chii chinoratidza kuti vanhu vaMwari vanodanana?

VANHU vaMwari imhuri yakabatana ine rudo. (1 Joh. 4:16, 21) Dzimwe nguva tinozvipira chaizvo pakubatsira hama dzedu, asi kakawanda kacho tinoratidza kuti tinoda hama dzedu nezvinhu zvidiki zvakawanda zvatinodziitira. Semuenzaniso, tinotaura mashoko anodzikurudzira kana kudzibata zvakanaka. Patinoratidza vamwe mutsa uye patinofunga zvakavanakira, tinova “vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa.”—VaEf. 5:1.

2. Jesu akatevedzera sei rudo rwaBaba vake?

2 Jesu ainyatsotevedzera Baba vake. Akati: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai . . . , nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa.” (Mat. 11:28, 29) Kana tikatevedzera Kristu nekuratidza kuti ‘tinofunga nezvemunhu akaderera,’ tinofarirwa naBaba vedu vekudenga uye tinofara chaizvo. (Pis. 41:1) Ngationei kuti tingaratidza sei kuti tinofunga zvakanakira vamwe mumhuri, muungano uye muushumiri.

FUNGA ZVAKANAKIRA VAMWE MUMHURI

3. Murume angaratidza sei kuti anofunga zvakanakira mudzimai wake uye kuti anomunzwisisa? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

3 Varume vanofanira kuva pamberi pakufunga zvakanakira vamwe mumhuri. (VaEf. 5:25; 6:4) Semuenzaniso, vanokurudzirwa kugara nemadzimai avo “maererano nokuziva.” Mashoko aya anogonawo kushandurwa kuti “kufunga zvakavanakira; kuvanzwisisa.” (1 Pet. 3:7) Kunzwisisa kunofambidzana nekufunga zvakanakira vamwe. Semuenzaniso, murume anonzwisisa anoziva kuti mudzimai wake, semubatsiri wake, ane zvakawanda zvaakasiyana naye, asi hazvirevi kuti anokosha kupfuura mudzimai wake. (Gen. 2:18) Anoratidza kuti ane hanya nemanzwiro aanenge achiita, achimuremekedza nekumukudza. Mumwe mudzimai wekuCanada akati nezvemurume wake: “Anokoshesa manzwiro angu uye haatauri kuti, ‘Haufaniri kunzwa saizvozvo.’ Anonyatsonditeerera. Paanondibatsira kugadzirisa maonero andinenge ndichiita imwe nyaya, anozviita nemutsa.”

4. Pane zvaanoita nevamwe vakadzi, nei murume achifanira kufunga nezvemudzimai wake?

4 Murume anofunga nezvemanzwiro emudzimai wake haaiti sekuti anoda vamwe vakadzi, kana kuita seanovada paanenge achishandisa social network kana Indaneti. (Job. 31:1) Anoramba akavimbika kumudzimai wake asingangozviitiri kuti anoda mudzimai wake asiwo kuti anoda Mwari uye kuti anovenga zvakaipa.—Verenga Pisarema 19:14; 97:10.

5. Mudzimai angaratidza sei kuti anofunga zvakanakira murume wake?

5 Kana murume akatevedzera musoro wake, Jesu Kristu, anoita kuti zvive nyore kuti mudzimai wake ‘amuremekedze kwazvo.’ (VaEf. 5:22-25, 33) Kuremekedza kwaanoita murume wake kuchaita kuti afunge zvakanakira murume wake, zvichida paanenge achida imwe nguva yekuita mabasa ake ekunamata kana kuti paanenge aine zviri kumunetsa. “Dzimwe nguva mudzimai wangu anoona maitiro andinenge ndichiita obva anzwisisa kuti pane zviri kundinetsa,” anodaro mumwe murume wekuBritain. “Anobva ashandisa zvinotaurwa naZvirevo 20:5, kunyange paanenge achifanira kumirira nguva yakakodzera kuti ‘achere’ zvandinenge ndichifunga kana iri nyaya yandinokwanisa kutaura naye.”

6. Tese tingakurudzira sei vana kuti vafunge zvakanakira vamwe, uye izvozvo zvinovabatsira sei?

6 Kana vabereki vakafunga zvakanakira mumwe nemumwe wavo, vanoratidza muenzaniso wakanaka kuvana vavo. Vabereki vane basa rekudzidzisa vana vavo kuti vafunge zvakanakira vamwe. Semuenzaniso, vabereki vanogona kudzidzisa vana vavo kuti vasamhanya-mhanya muImba yeUmambo. Pavanenge vakaungana nevamwe, vanogona kuudza vana vavo kuti vasiye vakuru vachitanga kutora zvekudya. Asi vese vari muungano vanogona kubatsira vabereki. Semuenzaniso, kana mumwe mwana akaita chinhu chinoratidza kufunga zvakanakira vamwe, zvakadai sekutivhurira dhoo, tinofanira kumutenda. Izvozvo zvinomubatsira uye zvinoita kuti agare achiziva kuti “kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mab. 20:35.

FUNGA ZVAKANAKIRA VAMWE MUUNGANO

7. Jesu akaratidza sei kuti aifunga zvakanakira murume aiva matsi, uye tinodzidzei pane zvaakaita?

7 Pane imwe nguva Jesu paaiva munharaunda yeDhekaporisi, vanhu “vakauya kwaari nomunhu akanga ari matsi uye ainetseka kutaura.” (Mako 7:31-35) Pane kuti amurapire paruzhinji, “akamubvisa muboka revanhu” achibva amurapa. Nei akadaro? Sezvo murume wacho aiva matsi, anogona kunge aisasununguka kuva pakati pevanhu vakawanda. Zvichida izvi ndizvo zvakaita kuti Jesu asamurapira pane vanhu. Isu hedu hatikwanisi kuita zvishamiso zvekuporesa vanhu. Asi tinokwanisa kuratidza kuti tinofunga zvakanakira vatinonamata navo uye manzwiro avo uye ndizvo zvatinofanira kuita. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo.” (VaH. 10:24) Jesu akanzwisisa manzwiro emurume aiva matsi uye akamurapa achifunga zvakamunakira. Uyu muenzaniso wakanaka chaizvo kwatiri!

8, 9. Tingaratidza sei kuti tinofunga zvakanakira vakwegura nevane utano husina kutsarukana? (Taura mienzaniso.)

8 Ratidza kuti unofunga zvakanakira vakwegura uye vane utano husina kutsarukana. Rudo ndirwo runonyanya kukosha muungano yechiKristu kwete kugona kuita zvinhu. (Joh. 13:34, 35) Rudo irworwo runoita kuti tizvipire kubatsira vakwegura nevakaremara kuti vakwanise kupinda misangano yechiKristu uye kuparidza mashoko akanaka. Tinogona kuita izvozvo kunyange vasina zvakawanda zvavanokwanisa kuita. (Mat. 13:23) Michael, uyo anogara ari pawiricheya, anotenda chaizvo kubatsirwa kwaanoitwa nevemumhuri make uye nehama dzemuboka rake rekuparidza. Anoti: “Nemhaka yekundibatsira kwavari kuita, ndiri kukwanisa kupinda misangano kakawanda uye kugara ndichiparidza. Ndinonyanya kufarira kuparidza munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda.”

9 Misha yeBheteri yakawanda ine vakwegura uye vane utano husina kutsarukana. Vatariri vane hanya vanofunga zvakanakira vashumiri ava vakatendeka nekuronga kuti vaite ushumiri hwekunyora tsamba uye kufona. “Tinotenda kuti tine ropafadzo yekunyora tsamba,” anodaro Bill uyo ane makore 86 uye anonyorera tsamba vanhu vari munzvimbo dziri kwadzo dzega. Nancy, ane makore anoda kusvika 90, anoti: “Handioni kunyora tsamba sebasa rekungoisa tsamba mumahamvuropu. Iri ritori basa rekuparidza. Vanhu vanofanira kuziva chokwadi!” Ethel, akaberekwa muna 1921, anoti: “Ndinogara ndichingorwadziwa. Mamwe mazuva kupfeka chaiko kunotondiomera.” Kunyange zvakadaro, anonakidzwa nekuparidza nefoni uye ane vanofarira vaanogara achifonera. Barbara, ane makore 85, anoti: “Sezvo utano hwangu husina kutsarukana, kugara ndichiparidza kunondiomera chaizvo. Asi kuparidza nefoni kunoita kuti ndikwanise kutaura nevanhu. Ndinokutendai Jehovha!” Munguva isingasviki gore, boka iri revakwegura rakaita maawa 1 228, rakanyora tsamba 6 265, rakafonera vanhu kanopfuura ka2 000, uye rakapa vanhu mabhuku 6 315! Kushanda kwavo nesimba kwakafadza mwoyo waJehovha!—Zvir. 27:11.

10. Tingaita sei kuti hama dzedu dzinyatsobatsirwa nemisangano yechiKristu?

10 Funga zvakanakira vamwe pamisangano yechiKristu. Tinoda kuti hama dzedu dzinyatsobatsirwa nemisangano. Kufunga zvakavanakira kuchaita kuti vabatsirwe nemisangano yedu. Tingazviita sei? Imwe nzira ndeyekukurumidza kusvika kuti tisazovhiringidza vamwe. Zvinonzwisisika kuti pane zvinogona kumuka zvotitadzisa kubata nguva. Asi kana tiine tsika yekunonoka, tinofanira kufunga zvatingaita kuti tiwedzere kuita zvakanakira vamwe. Gara uchiziva kuti Jehovha neMwanakomana wake ndivo vanotikoka. (Mat. 18:20) Tinofanira kuvaremekedza chaizvo!

11. Nei vanenge vaine zvekuita pamusangano vachifanira kushandisa zvinotaurwa pana 1 VaKorinde 14:40?

11 Tinoratidzawo kuti tinofunga zvakanakira hama dzedu nekuteerera murayiro wekuti: “Zvinhu zvose ngazviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.” (1 VaK. 14:40) Hama dzinenge dziine zvekuita pamusangano dzinoteerera murayiro iwoyo nekuita zvikamu zvadzo munguva yadzinenge dzakapiwa. Pavanoita izvozvo vanenge vachiratidza kuti vanofunga zvakanakira mukurukuri anenge achizotevera uye ungano yese. Dzimwe hama dzinogona kunge dzichigara kure. Vamwe vanogona kunge vachifamba nezvifambiso zveveruzhinji. Uye vamwe vane varume kana madzimai asingatendi vanenge vakavamirira kuti vadzoke.

12. Nei tichifanira kuremekedza vakuru vanoshanda nesimba? (Ona bhokisi rakanzi “ Remekedza Vari Kutungamirira.”)

12 Tinofanira kuremekedza vafudzi vanoshanda nesimba muungano uye vanoshingaira muushumiri. (Verenga 1 VaTesaronika 5:12, 13.) Hapana mubvunzo kuti unokoshesa kushanda nesimba kunoitwa nevakuru. Saka ita zvese zvaunogona kuti uvatsigire nekuti, ‘vari kukurinda sevanhu vachazozvidavirira.’—VaH. 13:7, 17.

FUNGA ZVAKANAKIRA VAMWE MUUSHUMIRI

13. Tinodzidzei pamabatiro aiita Jesu vanhu?

13 Achitaura nezvaJesu, Isaya akati: “Hapana tsanga yakapwanyika yaachatyora; uye haazodzimi mwenje usina kujeka wetambo yomufurakisi.” (Isa. 42:3) Jesu ainzwira vanhu tsitsi nekuti aivada. Ainzwisisa manzwiro evakanga vakaita setsanga yakapwanyika kana kuti semwenje werambi wakanga wava kudzima. Izvi zvaiita kuti afunge zvakanakira vamwe uye ave nemutsa nemwoyo murefu. Kunyange vana vaida kuva pedyo naye. (Mako 10:14) Isu hatikwanisi hedu kudzidzisa uye kunzwisisa zvinhu sezvaiitwa naJesu! Asi tinogona kufunga zvakanakira vanhu vari mundima yedu uye ndizvo zvatinofanira kuita. Izvi zvinosanganisira matauriro atinoita navo uye kuti tinotaura navo nguvai uye kwenguva yakareba sei.

14. Nei tichifanira kungwarira matauriro atinoita nevanhu?

14 Tinofanira kutaura sei nevanhu? Mazuva ano, mamiriyoni evanhu ari ‘kubatwa zvisina kunaka’ nevezvemabhizinesi, vezvematongerwo enyika uye vatungamiriri vezvitendero vane uori neutsinye. (Mat. 9:36) Izvi zviri kuita kuti vakawanda vasavimbe chero naani zvake uye vasava netariro. Saka zvinokosha chaizvo kuti patinotaura tishandise mashoko anoratidza kuti tine mutsa uye tsitsi. Vakawanda vari kufarira mashoko atinoparidza kwete chete nekuti tinoziva zvinotaurwa neBhaibheri kana kuti tinoritsanangura zvinonzwisisika asiwo nekuti tinoratidza kuti tinonyatsovafarira uye tinofunga zvakavanakira.

15. Inzira dzipi dzatingaratidza nadzo kuti tinofunga zvakanakira vanhu vatinoparidzira?

15 Pane nzira dzakawanda dzekuratidza nadzo kuti tinofunga zvakanakira vatinoparidzira. Kubvunza mibvunzo kunobatsira chaizvo pakudzidzisa. Tinofanira kubvunza mibvunzo zvine mutsa neruremekedzo. Mumwe piyona aishanda mundima yaiva nevanhu vanonyara akadzidza kusabvunza mibvunzo ingaita kuti munhu anyare. Mibvunzo yacho ndeiya inogona kuomera munhu kuti apindure kana yekuti anopa mhinduro isiri iyo. Semuenzaniso, aisabvunza mibvunzo yakadai sekuti, ‘Unoziva zita raMwari here?’ kana kuti ‘Unoziva kuti Umambo hwaMwari chii here?’ Asi aigona kutaura kuti, “Ndakadzidza muBhaibheri kuti Mwari ane zita. Ndingakuratidzai here zita racho?” Tsika uye vanhu zvinosiyana-siyana saka izvi zvingasashanda mune dzimwe nzvimbo. Asi tinofanira kugara tichifunga zvakanakira vamwe nekuvaremekedza uye izvi zvinosanganisira kunyatsoziva vanhu vatinenge tichiparidzira.

16, 17. Kufunga zvakanakira vavakidzani vedu kuchatibatsira sei pakusarudza (a) nguva yatinovashanyira padzimba dzavo? (b) nguva yatinotora tichikurukura navo?

16 Tinofanira kushanyira vavakidzani vedu nguvai? Patinoparidza paimba neimba, tinenge tisina kukokwa. Saka zvinokosha kuti tiparidze panguva yekuti vanhu vangada kuti tikurukure! (Mat. 7:12) Semuenzaniso, vanhu vari mundima yako vanofarira kumuka zuva rakwira here pakupera kwevhiki? Kana zvakadaro, unogona kutanga ushumiri hwako nekuparidza mumugwagwa, munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda kana kuti kudzokera kuvanhu vaunoziva kuti vanenge vamuka.

17 Tinofanira kukurukura nemunhu kwenguva yakareba sei? Vanhu vakawanda vakabatikana chaizvo, saka zvingava zvakanaka kuti usagarisa kunyanya mumazuva aunotanga kuonana nemunhu wacho. Zviri nani kuti ukurumidze kupedza nyaya yamunenge muchikurukura pane kugarisa. (1 VaK. 9:20-23) Vanhu pavanoona kuti tiri kunzwisisa mamiriro avo ezvinhu, vangada kuti tizodzoka. Tinofanira kuratidza chibereko chemweya waMwari muushumiri hwedu. Kana tikadaro, tinonyatsova “vashandi pamwe chete naMwari,” achitotishandisa kuti mumwe munhu auye kuchokwadi.—1 VaK. 3:6, 7, 9.

18. Kana tichifunga zvakanakira vamwe, makomborero api atinogona kuzowana?

18 Saka ngatiitei zvese zvatinogona kuti tifunge zvakanakira vamwe mumhuri, muungano uye muushumiri. Kana tikadaro tichawana makomborero akawanda iye zvino uye mune ramangwana. Pisarema 41:1, 2 inoti: “Anofara munhu anofunga nezvomunhu akaderera; Jehovha achamupukunyutsa muzuva redambudziko. . . . Iye achanzi anofara munyika.”