Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Uchiratidza Rudo Nekuti Runovaka

Ramba Uchiratidza Rudo Nekuti Runovaka

“Rudo runovaka.”—1 VAK. 8:1.

NZIYO: 109, 121

1. Inyaya ipi inokosha yakataurwa naJesu paaiva nevadzidzi vake usiku hwekupedzisira asati afa?

PAAIVA nevadzidzi vake usiku hwekupedzisira, Jesu akataura nezverudo ka30. Akaratidza kuti vadzidzi vake vanofanira ‘kudanana.’ (Joh. 15:12, 17) Kudanana kwavo kunofanira kunge kwakakura zvekuti vanhu vanonyatsoona kuti ndivo vateveri vake vechokwadi. (Joh. 13:34, 35) Rudo urwu runopfuura kungonzwa kuti unoda mumwe munhu. Jesu aitaura nezverudo rwekuzvipira. Akati: “Hapana ane rudo rukuru kune urwu, kuti mumwe munhu ape mweya wake nokuda kweshamwari dzake. Imi muri shamwari dzangu kana muchiita zvandiri kukurayirai.”—Joh. 15:13, 14.

2. (a) Chii chatinowana pakati pevanhu vaMwari? (b) Mibvunzo ipi yatichapindura munyaya ino?

2 Rudo rwechokwadi rwekuzvipira uye kubatana kunoramba kwakaita vashumiri vaJehovha mazuva ano zvinoratidza kuti ivo vanhu vaMwari. (1 Joh. 3:10, 11) Tinoonga chaizvo kuti vashumiri vaJehovha vane rudo rwaKristu pasinei nenyika yavanobva, dzinza ravo, mutauro wavo kana kuti tsika dzavo. Tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Nei rudo ruchinyanya kukosha mazuva ano? Jehovha naJesu vanotivaka sei murudo? Semunhu mumwe nemumwe tingaratidza sei rudo “runovaka” serwaKristu?’—1 VaK. 8:1.

NEI RUDO RUCHINYANYA KUKOSHA MAZUVA ANO?

3. “Nguva dzinonetsa” dziri kukanganisa sei vanhu?

3 Sezvo upenyu hwakazara ‘nekunetseka nezvinhu zvinokuvadza’ vakawanda ‘munguva dzino dzinonetsa’ vanoshushikana nezvinhu zvakasiyana-siyana. (Pis. 90:10; 2 Tim. 3:1-5) Vakawanda vanoona sekuti kukanda mapfumo pasi kuri nani. Zvinofungidzirwa kuti vanhu vanopfuura 800 000 vanozviuraya gore rega rega. Izvi zvinoreva kuti mumasekondi 40 ega ega pane munhu mumwe chete anozviuraya. Zvinosuruvarisa kuti kunyange vamwe vaKristu vakakurirwa nematambudziko vakatosvika pakuzviuraya.

4. Vanhu vapi vemuBhaibheri vakaratidza kuti vaishuwa kufa?

4 Vamwe vashumiri vaMwari vanotaurwa muBhaibheri vakamboomerwa neupenyu zvekuti vakatanga kuona sekuti kufa kwaiva nani. Semuenzaniso, paakanga ari mumarwadzo Jobho akataura nezveupenyu hwake achiti: “Ndahuramba; handingadi kurarama nokusingagumi.” (Job. 7:16; 14:13) Jona akatsamwa chaizvo zvinhu pazvisina kufamba sezvaaitarisira zvekuti akati: “Zvino haiwa Jehovha, ndapota, chiurayai henyu mweya wangu, nokuti kufa kwangu kuri nani pane kuti ndive mupenyu.” (Jona 4:3) Pane imwe nguva, Eriya muprofita akanga akatendeka, akavhiringidzwa nezvakanga zvaitika zvekuti akakumbira kuti afe. Akati: “Zvakwana! Zvino, haiwa Jehovha, chiurayai henyu mweya wangu.” (1 Madz. 19:4) Asi Jehovha aikoshesa vashumiri vake ivavo vainge vakazvipira kwaari uye aida kuti vararame. Pane kuvashora, akavabatsira kuti vavezve nechido chekurarama kuitira kuti varambe vachimushumira vakatendeka.

5. Nei hama nehanzvadzi dzedu dzichida kuratidzwa rudo kunyanya iye zvino?

5 Kunyange zvazvo hama nehanzvadzi dzedu dzisingakandi mapfumo pasi, vakawanda vavo mazuva ano vari kusangana nezvinhu zvinotemesa musoro uye vanoda kuvakwa murudo. Vamwe vanotsungirira kutambudzwa uye kushorwa. Vamwe vanogara vachishungurudzwa kana kuti kunyeyewa kubasa. Kana kuti vanorukutika nekushanda ovhataimu kana kuti vanopiwa basa rakawandisa. Vamwewo vane matambudziko anopedza simba mudzimba dzavo, zvimwe vanoshungurudzwa newavakaroorana naye asingatendi. Zvinetso izvi nezvimwewo zviri kuita kuti vakawanda vari muungano vagare vakarukutika uye vanetseke mupfungwa. Ndiani angabatsira vakaora mwoyo kuti vaenderere mberi neupenyu?

VAKWA NERUDO RWAJEHOVHA

6. Rudo rwaJehovha runosimbisa sei vashumiri vake?

6 Jehovha anosimbisa vashumiri vake nekuvavimbisa kuti acharamba achivada. VaIsraeri vanofanira kunge vakakurudzirwa chaizvo pavakanzwa mashoko aJehovha ekuti: “Wave uchikosha kwandiri, wanzi unokudzwa, uye ini ndakuda. . . . Usatya, nokuti ndinewe.” (Isa. 43:4, 5) Semumwe wevashumiri vaJehovha, unogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha anokuda chaizvo. * Shoko raMwari rinovimbisa vanhu vanoita kuti kunamata kwakachena kuenderere mberi richiti: “Somunhu ane simba, achaponesa. Achakufarira nomufaro.”—Zef. 3:16, 17.

7. Rudo rwaJehovha rwakafanana papi nerwaamai vanoyamwisa? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

7 Jehovha anovimbisa kuti achatsigira uye achanyaradza vanhu vake pasinei nematambudziko avangasangana nawo. “Muchayamwa. Muchatakurwa parutivi, uye mucharezvwa muri pamabvi. [Semwanakomana] anoramba achinyaradzwa naamai vake, saizvozvowo ini ndicharamba ndichikunyaradzai.” (Isa. 66:12, 13) Fungidzira kuti mwana anonzwa sei amai vake pavanomubereka kumusana kana kuti pavanomurezva pamabvi avo. Saizvozvowo, Jehovha ari kuratidza kukura kwakaita rudo rwake kuvanamati vake vechokwadi. Gara uchiziva kuti Jehovha anokukoshesa chaizvo uye anokuda.—Jer. 31:3.

8, 9. Rudo rwaJesu rungatisimbisa sei?

8 Chimwe chikonzero chinoita kuti vaKristu vaswedere pedyo naJehovha ndechekuti “akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Joh. 3:16) Chibayiro chaJesu chinoratidza kuti naiyewo anotida, uye izvi zvinotisimbisa. Shoko raMwari rinotivimbisa kuti “kutambura kana nhamo . . . hazvizokwanisi kutiparadzanisa norudo rwaMwari ruri muna Kristu.”—VaR. 8:35, 38, 39.

9 Patinosangana nemiedzo inotipedza simba, inoita kuti tinetseke mupfungwa kana kuti inotishayisa mufaro pakushumira Jehovha, rudo rwaKristu runogona kutisimbisa kuti titsungirire. (Verenga 2 VaKorinde 5:14, 15.) Rudo rwaKristu runogona kutipa simba uye kuita kuti tisakanda mapfumo pasi patinowirwa nenjodzi dzinongoitika dzega, patinotambudzwa, patinokanganisa kana kuti patinozvidya mwoyo.

TINOFANIRA KUDA HAMA DZEDU

Kudzidza nezvaJesu kunogona kukukurudzira (Ona ndima 10, 11)

10, 11. Ndiani anofanira kuvaka vakaora mwoyo? Tsanangura.

10 Jehovha anoshandisa ungano kuti ativake nerudo rwake. Mumwe nemumwe wedu anogona kutevedzera Jehovha nekuda uye kuvaka hama pane zvekunamata uye kudzikurudzira. (1 Joh. 4:19-21) Pauro akakurudzira vaKristu achiti: “Rambai muchinyaradzana nokuvakana, sezvamuri kutoita chaizvo.” (1 VaT. 5:11) Vese vari muungano, kwete vakuru chete, vanogona kutevedzera Jehovha naJesu nekunyaradza uye kuvaka hama nehanzvadzi.—Verenga VaRoma 15:1, 2.

11 Vamwe vari muungano vanogona kunge vakanyanya kuora mwoyo kana kuti vachinyanya kunetseka mupfungwa. Vanhu vakadaro vanogona kuenda kunoona chiremba kuti vabatsirwe. (Ruka 5:31) Vakuru nevamwe vari muungano vanoziva kuti havana kudzidziswa kuita mabasa ekurapa zvirwere zvepfungwa. Asi vane basa rinokosha ravanofanira kuita. Vanofanira ‘kutaura zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo, kutsigira vasina simba, kuitira mwoyo murefu vanhu vese.’ (1 VaT. 5:14) VaKristu vese vanofanira kuratidza tsitsi nemwoyo murefu, vachitaura zvinonyaradza kuti vavake vaya vakaora mwoyo. Unonyaradza uye unokurudzira vamwe here? Chii chaungaita kuti uwedzere kunyaradza uye kukurudzira vamwe?

12. Taura muenzaniso unoratidza kuvakwa kwakaitwa mumwe munhu nerudo rweungano.

12 Rudo rwedu rungavaka sei vaya vanenge vachishushikana? Imwe hanzvadzi yechiKristu yekuEurope yakati: “Dzimwe nguva ndinombofunga kuzviuraya. Asi ndine vanhu vanondibatsira. Ungano yandiri kupinda nayo ndiyo inoita kuti ndirambe ndiri mupenyu. Hama nehanzvadzi dzirimo dzine rudo uye dzinokurudzira zvikuru. Kunyange zvazvo vakawanda vasingazivi kuti ndine chirwere chedepression, ungano inogara ichinditsigira. Imwe mhuri inondibata semwana wayo. Vanondichengeta, uye vanogara vakagadzirira kundibatsira nguva dzese.” Ichokwadi kuti havasi vese vanokwanisa kubatsira kusvika ipapo. Asi zvatinoita nemwoyo wese zvinogona kubatsira chaizvo vaya vanenge vachishushikana. *

ZVATINGAITA KUTI TIVAKE VAMWE MURUDO

13. Chii chatinofanira kuita kuti tivake vamwe?

13 Iva muteereri akanaka. (Jak. 1:19) Kuteerera uchinzwira munhu tsitsi kuratidza rudo. Kuti unzwisise manzwiro anenge achiita munhu akaora mwoyo, unogona kumubvunza mibvunzo nekungwarira asi uchiratidza kumunzwira tsitsi. Kana ukadaro uchakwanisa kuvaka munhu wacho. Chiso chako ngachiratidze kuti unonyatsomuda. Kana mumwe muKristu achida kukutsanangurira kese kanenge kachimunetsa, iva nemwoyo murefu uye usamudimburira panzira. Kana ukateerera nemwoyo murefu, uchanyatsonzwisisa zvinenge zvichimunetsa. Izvozvo zvichabatsira hama kana kuti hanzvadzi yako inenge ichinetseka kuti ivimbe newe uye izvi zvichaita kuti ide kuteerera zvaunotaura paunenge uchiedza kuivaka. Munhu wacho anogona kunyaradzwa chaizvo kana ukaratidza kuti unonyatsomuda.

14. Nei tisingafaniri kutsoropodza vamwe?

14 Usava munhu anongotsoropodza. Tikatsoropodza munhu anenge akaora mwoyo anowedzera kunetseka uye zvinogona kutiomera kuti timuvake murudo. “Kune munhu anotaura asingafungi zvinobaya sezvinoita bakatwa, asi rurimi rwevakachenjera runoporesa.” (Zvir. 12:18) Hatingaiti zvekuronga ‘kubaya’ vanhu vakaora mwoyo nemashoko anorwadza. Asi kunyange zvikangoitikawo tisina kuzvironga, zvinogona kuita kuti mumwe munhu arwadziwe chaizvo. Kuti tivake vamwe murudo tinofanira kuva netsitsi, tichiedza kuzviona tiri isu tiri mudambudziko ravainaro.—Mat. 7:12.

15. Chii chatinogona kushandisa kuti tivake vamwe murudo?

15 Nyaradza vamwe neShoko raMwari. (Verenga VaRoma 15:4, 5.) Bhaibheri rakazara nemashoko anonyaradza. Rinobva kuna “Mwari anopa kutsungirira nenyaradzo.” Tinewo mabhuku anotibatsira kunzwisisa Bhaibheri. Tinogona kushandisa Watch Tower Publications Index uye Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza. Mabhuku aya anotibatsira kuti tiwane pfungwa dzeBhaibheri dzinotibatsira kutsungirira matambudziko ese atingasangana nawo. Anotibatsirawo kuti tiwane pfungwa dzatinogona kushandisa pakunyaradza uye pakukurudzira hama nehanzvadzi dzedu.

16. Tinofanira kuva neunhu hupi patinokurudzira muKristu akaora mwoyo?

16 Iva neunyoro nerupfave. Izvi zvinokosha patinokurudzira uye kuvaka mumwe munhu. Jehovha pachake ‘ndiBaba vengoni huru kwazvo uye Mwari wekunyaradza kwese,’ uye ane “tsitsi huru” kuvashumiri vake. (Verenga 2 VaKorinde 1:3-6; Ruka 1:78; VaR. 15:13) Pauro akaita zvakanaka chaizvo panyaya iyi. Akanyora kuti: “Asi, takava norupfave pakati penyu, sezvinoita amai vanoyamwisa kana vachitarisira vana vavo. Naizvozvo, zvataikudai kwazvo, hatina kungofara kukupai mashoko akanaka aMwari chete, asiwo mweya yedu, nokuti makadiwa nesu.” (1 VaT. 2:7, 8) Patinova neunyoro sezvinoitwa naJehovha, tinogona kupindura minyengetero yemunhu anenge achinetseka.

17. Kuti tikwanise kuvaka hama dzedu murudo tinofanira kuva nemaonero api?

17 Usatarisira kuti hama dzako dzisatombokanganisa. Ramba uchiona hama nehanzvadzi dzako neziso rakanaka. Uchaora mwoyo kana ukatarisira kuti hama dzako dzisatombokanganisa. (Mup. 7:21, 22) Yeuka kuti Jehovha haatarisiri kuti tiite zvatisingakwanisi. Kana tikamutevedzera, tichakwanisa kushivirira kukanganisa kunoitwa nevamwe. (VaEf. 4:2, 32) Pane kuvaita kuti vafunge kuti havasi kunyatsoshumira Jehovha, varumbidze nezvavari kutoita. Izvozvo zvinogona kuvakurudzira. Kurumbidza vamwe nemwoyo wese kunovavaka murudo uye kunoita kuti vave ‘nechikonzero chekupembera nemufaro’ mubasa ravanoitira Jehovha. Zviri nani chaizvo kuti tidaro pane kuvaodza mwoyo nekuvaenzanisa nevamwe.—VaG. 6:4.

18. Nei tichifanira kuvaka vamwe murudo?

18 Mumwe nemumwe wevashumiri vaJehovha anokosha chaizvo kwaari uye kuna Jesu. (VaG. 2:20) Tinoda chaizvo hama nehanzvadzi dzedu dzatinonamata nadzo uye tinoda kudzibatsira tichiratidza unyoro nerudo. Kuti tikwanise kunyaradza vamwe, “ngatiteverei zvinhu zvinoita kuti pave norugare uye zvinhu zvinovaka mumwe nomumwe.” (VaR. 14:19) Tinotarisira kugara muParadhiso musingazombovi nechinhu chinotiodza mwoyo. Panenge pasisina kurwara, hondo, rufu, kutambudzwa, kunetsana mudzimba uye kuora mwoyo. Pachapera makore 1 000, vanhu vachange vasisina chivi. Vaya vachakunda muedzo wekupedzisira vachazogamuchirwa sevanakomana vaJehovha Mwari vepanyika vova “norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.” (VaR. 8:21) Ngatirambei tichiratidza rudo runovaka uye tichibatsirana kuti tikwanise kupinda munyika itsva yaMwari.

^ ndima 12 Kuti muone mazano ezvingaitwa pakubatsira munhu anenge aine pfungwa yekuda kuzviuraya, onai nyaya dziri muMukai dzinoti: “Chandinoraramira Chii? Zvikonzero Zvitatu Zvokuti Urambe Uchirarama” (April 2014); “Pfungwa Dzokuda Kuzviuraya Padzinombouya” (January 2012); uye inoti Life Is Worth Living(October 22, 2001).