Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Kana Muchiziva Zvinhu Izvi, Munofara Kana Muchizviita”

“Kana Muchiziva Zvinhu Izvi, Munofara Kana Muchizviita”

“Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.”—JOH. 4:34.

NZIYO: 80, 35

1. Mafungiro evanhu vari munyika anogona sei kukanganisa kuzvininipisa kwedu?

NEI zvakaoma kuti tishandise zvatinodzidza muShoko raMwari? Chimwe chikonzero ndechekuti zvinoda kuzvininipisa kuti munhu aite zvakarurama, uye zvakaoma kuti tirambe tichizvininipisa. Mumazuva ano “okupedzisira” takapoteredzwa nevanhu “vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza,” uye “vasingazvidzori.” (2 Tim. 3:1-3) Sevashumiri vaJehovha tinoziva kuti izvi zvakaipa, asi dzimwe nguva zvinogona kuita sekuti vaya vanozviita vari kubudirira uye vari kunyatsonakidzwa neupenyu. (Pis. 37:1; 73:3) Mumwe anogona kunetseka kuti: ‘Zvine musoro here kuti nditange kuita zvakanakira vamwe pane kuita zvakandinakira? Kana ndikazviita “muduku” vanhu vachandiremekedza here? (Ruka 9:48) Kana tikabvumira mafungiro enyika ekungozvifunga kuti ativhiringidze, tinokanganisa ushamwari wedu nevamwe muungano uye vamwe vangatadza kuziva kuti tiri vaKristu. Asi tinowana mubayiro kana tikadzidza nezvevashumiri vaJehovha vaizvininipisa tovatevedzera.

2. Chii chatinogona kudzidza pavashumiri vaMwari vakatendeka vekare?

2 Kana tichida kutevedzera vanhu vakatendeka, tinofanira kuongorora zvavakaita. Vakaita sei kuti vave neushamwari naMwari uye vawane simba rekuita kuda kwake? Kana tikaverenga nezvavo muBhaibheri tofungisisa zvatinenge taverenga, kutenda kwedu kuchasimba.

CHII CHINOITA KUTI KUTENDA KWEDU KURAMBE KWAKASIMBA?

3, 4. (a) Jehovha anotidzidzisa sei? (b) Nei tingati kudya zvekudya zvekunamata kunopfuura kungowana ruzivo?

3 Tinodzidziswa uye tinowana mazano akawanda akanaka muBhaibheri, mumabhuku edu echiKristu, panzvimbo dzedu dzekubudisira mashoko paIndaneti, paJW Broadcasting uye pamisangano yedu nemagungano. Asi maererano nemashoko aJesu ari pana Johani 4:34, kudya zvekudya zvekunamata kunopfuura kungowana ruzivo. Chii chimwe chatinofanira kuita? Jesu akati: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.”

4 Kuna Jesu, zvekudya zvekunamata zvaisanganisira kuita zvinodiwa naMwari. Izvi zvakafanana papi nezvekudya? Patinodya, tinoguta uye tinowana simba. Saizvozvowo patinoita kuda kwaMwari kutenda kwedu kunowedzera. Semuenzaniso, unombobuda here muushumiri uchinzwa wakaneta asi paunopedza ushumiri wonzwa uine simba uye uchifara?

5. Mubayiro upi watinowana kana tikava neuchenjeri?

5 Kushandisa zvatinodzidziswa naJehovha ndiko kuchenjera. (Jak. 3:13) Kana tikava neuchenjeri tinowana mubayiro. “Zvimwe zvose zvinokufadza hazvigoni kuenzaniswa nahwo. . . . Ihwo muti woupenyu kune vaya vanohubata, uye vaya vanohubata zvakasimba vachanzi vanofara.” (Zvir. 3:13-18) Jesu akati: “Kana muchiziva zvinhu izvi, munofara kana muchizviita.” (Joh. 13:17) Vadzidzi vaizoramba vachifara kudai vaizoramba vachiita zvavainge varayirwa naJesu. Vaifanira kurarama vachitevedzera zvaaidzidzisa uye muenzaniso wake.

6. Nei tichifanira kuramba tichiratidza uchenjeri?

6 Mazuva ano, zvinokoshawo kuti tirambe tichishandisa zvatinodzidza. Semuenzaniso, makanika anogona kuva nematurusi neruzivo. Asi izvozvo hazvimubatsiri kana asingazvishandisi. Kana ava nemakore achiita basa rekugadzira motokari uye aine ruzivo pakuita basa iri, anofanira kuramba achiriita kuti arambe aine unyanzvi. Saizvozvowo, tinogona kubudirira pakutanga nekuti tinenge tichishandisa zvatinoverenga muBhaibheri. Asi kuti tirambe tichifara, zuva nezuva tinofanira kushandisa zvatinodzidziswa naJehovha.

7. Chii chatinodzidza kubva pamienzaniso yemuBhaibheri?

7 Ngationei mamiriro ezvinhu anogona kuedza kuzvininipisa kwedu toona kuti vashumiri vakatendeka vakaramba sei vachizvininipisa pavaiva mumamiriro ezvinhu akadaro. Kusimba pakunamata hakungobvi pakuongorora mashoko. Saka funga kuti ungashandisa sei mashoko acho wobva wakurumidza kuashandisa.

ONA VAMWE SEVAKANGOFANANA NEWE

8, 9. Zvinotaurwa pana Mabasa 14:8-15 zvinoratidzei nezvekuzvininipisa kwemuapostora Pauro? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

8 Mwari anoda kuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:4) Unoona sei vanhu vemarudzi ese avo vasati vadzidza chokwadi? Kunyange zvazvo muapostora Pauro aitsvaga mumasinagogi kuti awane vanhu vaiziva nezvaMwari nechekare, aisangoparidzira vaJudha chete. Zvakaitwa nevanhu vainamata vamwe vanamwari zvakaedza kuzvininipisa kwake.

9 Pauro paaiva parwendo rwake rwekutanga rweumishinari, akaenda naBhanabhasi kuRistra. Vanhu vaigara ikoko vakarumbidza Pauro naBhanabhasi vachivatumidza mazita avanamwari vavo, Zeusi naHemesi. Pauro naBhanabhasi vakafarira here kurumbidzwa kwavakaitwa? Izvi zvakaita here kuti vaone sekuti vaizozorora pakutambudzwa kwavainge vamboitwa mumaguta maviri avainge vachangobva kushanyira? Vakafunga here kuti kuzivikanwa kwavainge vava kuitwa kwaizoita kuti mashoko akanaka afambire mberi? Havana kumbobvira vafunga zvakadaro. Vakabva vabvarura nguo dzavo dzekunze, vakasvetukira pakati peboka revanhu, ndokushevedzera kuti: “Muri kuitirei zvinhu izvi? Nesuwo tiri vanhu vasina simba sezvamakangoitawo.”—Mab. 14:8-15.

10. Pauro naBhanabhasi vaizviona sevakafanana nevanhu vemuRistra pakudini?

10 Pauro naBhanabhasi pavakataura kuti vaivawo vanhu, vaibvuma kuti vaiva vanhu vane chivi. Vakanga vasingarevi kuti manamatiro avo akanga akafanana neevanhu vemuRistra. Vese vari vaviri vakanga vatumwa naMwari semamishinari. (Mab. 13:2) Vakanga vakazodzwa nemweya mutsvene uye vaiva netariro yakazonaka. Asi Pauro naBhanabhasi vainzwisisa kuti vanhu vemuRistra vaigona kuwana mubayiro wakafanana newavo kana vakateerera mashoko akanaka.

11. Patinenge tichiparidza, tingatevedzera sei kuzvininipisa kwaPauro?

11 Tingatevedzera sei kuzvininipisa kwaPauro? Chekutanga, tinofanira kurwisa muedzo wekutarisira kurumbidzwa nemhaka yezvatinenge taita tichibatsirwa naJehovha. Mumwe nemumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoona sei vanhu vandinoparidzira? Ndinosarura vamwe vanhu here sezvinoitwa munzvimbo yandinogara?’ Pasi rese vanhu vaJehovha vanoongorora ndima dzavo kuti vaone kana paine vanhu vangateerera mashoko akanaka. Dzimwe nguva izvi zvingada kuti vadzidze mimwe mitauro uye tsika dzevanhu vanotarisirwa pasi. Vaya vanenge vachibatsira vanhu vakadaro havafaniri kuzviona sekuti vari nani pane vanhu ivavo. Asi vanoedza kunzwisisa munhu mumwe nemumwe kuti vamudzidzise mashoko eUmambo zvinosvika pamwoyo.

NYENGETERERA VAMWE NEMAZITA

12. Epafrasi akaratidza sei kuti aiva nehanya chaizvo nevamwe?

12 Imwe nzira yatinoratidza nayo kuti tinozvininipisa ndeyekunyengeterera “vaya vakawana kutenda, kune ropafadzo yakaenzana neyedu.” (2 Pet. 1:1) Ndizvo zvakaitwa naEpafrasi. Anongotaurwa nezvake katatu muBhaibheri, mutsamba dzakanyorwa naPauro. Paakanga ari musungwa achigara pamba muRoma, Pauro akanyorera vaKristu vaigara muKorose achiti Epafrasi ‘aigara achizvishandisa nesimba nokuda kwavo paanonyengetera.’ (VaK. 4:12) Epafrasi ainyatsoziva hama dzake uye aiva nehanya nadzo chaizvo. Kunyange zvazvo aiva “musungwa pamwe chete” naPauro, haana kurega izvozvo zvichimutadzisa kubatsira vamwe pane zvavaida pakunamata. (Fir. 23) Izvi hazviratidzi here kuti aisafunga zvakangomunakira chete? Kunyengeterera vamwe vashumiri vaJehovha kune simba chaizvo, kunyanya patinoyeuka mumwe nemumwe nezita rake.—2 VaK. 1:11; Jak. 5:16.

13. Ungatevedzera sei Epafrasi paunonyengetera?

13 Funga nezvevaya vaunganyengeterera nemazita. Sezvakaitwa naEpafrasi, hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dziri kunyengeterera shamwari dziri muungano uye mhuri dzine matambudziko kana kuti dzine zvisarudzo zvakakura zvekuita kana kuti dziri kusangana nemiedzo yakaoma. Vakawanda vanonyengeterera vaya vane mazita akanyorwa munyaya iri pajw.org yakanzi Jehovah’s Witnesses Imprisoned for Their Faith.” (Enda pakanzi NEWSROOM > LEGAL DEVELOPMENTS.) Tinofanirawo kuyeuka vaya vakafirwa, vakapona pahondo nepanjodzi zvichangobva kuitika uye vaya vari kutsungirira urombo. Zviri pachena kuti pane hama nehanzvadzi dzakawanda dzatinofanira kunyengeterera uye dzinobatsirwa neminyengetero iyoyo. Patinonyengeterera vanhu vakadaro, tinoratidza kuti hatisi kungova nehanya nezvatinoda chete asi zvinodiwawo nevamwe. (VaF. 2:4) Jehovha anonzwa minyengetero yakadaro.

“KURUMIDZA KUNZWA”

14. Jehovha anoratidza sei muenzaniso wakanaka pakuteerera?

14 Chimwe chinoratidza kuti tinozvininipisa zvakadini, chido chedu chekuteerera vamwe pavanenge vachitaura. Jakobho 1:19 inoti tinofanira “kukurumidza kunzwa.” Jehovha muenzaniso wakanaka zvikuru panyaya iyi. (Gen. 18:32; Josh. 10:14) Ona zvatinodzidza pane zvakanyorwa pana Eksodho 32:11-14. (Verenga.) Kunyange zvazvo aisada hake kubatsirwa naMosesi, Jehovha akamupa mukana wekutaura maonero ake. Ndiani angateerera kwenguva yakareba mafungiro emumwe munhu waanoziva kuti akambokanganisa pakufunga, obva aita maererano nezvinenge zvataurwa nemunhu wacho? Asi Jehovha anoteerera nemwoyo murefu vanhu vanonyengetera kwaari vaine kutenda.

15. Tingatevedzera sei Jehovha pakukudza vamwe?

15 Mumwe nemumwe anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Kana Jehovha achizvideredza kuti ateerere zvinotaurwa nevanhu sezvaakaita kuna Abrahamu, Rakeri, Mosesi, Joshua, Manoa, Eriya uye Hezekiya, ini handifaniriwo kukudza hama dzangu here, ndichidziremekedza, ndichiteerera zvadzinotaura uye kutoshandisa zvadzinotaura? Pane here ari muungano kana kuti ari mumhuri mangu anoda kuteererwa neni? Chii chandinofanira kuita nezvazvo? Uye ndinofanira kuzviita sei?’—Gen. 30:6; Vat. 13:9; 1 Madz. 17:22; 2 Mak. 30:20.

“ZVICHIDA JEHOVHA ACHAONA NEZISO RAKE”

Dhavhidhi akati: “Muregei atuke hake!” Dai uri iwe ungadai wakaita sei? (Ona ndima 16, 17)

16. Dhavhidhi akaita sei paakatukwa naShimei?

16 Kuzvininipisa kunotibatsirawo kuti tizvidzore patinogumburwa. (VaEf. 4:2) Muenzaniso wakanaka panyaya iyi uri pana 2 Samueri 16:5-13. (Verenga.) Dhavhidhi nevashandi vake vakatsungirira kutukwa uye kurwiswa naShimei, hama yaMambo Sauro. Dhavhidhi akangotsungirira pasinei nekuti aiva nesimba rekugadzirisa zvinhu. Dhavhidhi akakwanisa sei kuzvidzora? Tinogona kunzwisisa nyaya iyi nekuongorora Pisarema rechi3.

17. Chii chakabatsira Dhavhidhi kuti azvidzore uye tingamutevedzera sei?

17 Dhavhidhi akanyora Pisarema rechi3 “paaitiza mwanakomana wake Absaromu.” Zvinotaurwa muvhesi 1 ne2 zvinoenderana nezvinotsanangurwa muchitsauko 16 chebhuku ra2 Samueri. Pisarema 3:4 inozotaura nezvechivimbo chaiva naDhavhidhi ichiti: “Ndichadana Jehovha nenzwi rangu, iye achandipindura ari pagomo rake dzvene.” Isuwo tinogona kunyengetera patinenge tichibatwa zvisina kunaka. Jehovha anopindura nekutipa mweya wake mutsvene uyo unotibatsira kutsungirira. Unogona here kufunga paungada kuzvidzora kana kuregerera munhu anenge akubata zvisina kunaka? Une chivimbo here kuti Jehovha anoona dambudziko rako uye kuti achakukomborera?

“UCHENJERI NDIHWO CHINHU CHIKURU PANE ZVOSE”

18. Kuramba tichishandisa zvatinodzidziswa naJehovha kuchatibatsira sei?

18 Kuita zvinhu zvatinoziva kuti zvakanaka kunoita kuti tikomborerwe. Ndokusaka Zvirevo 4:7 ichiti: “Uchenjeri ndihwo chinhu chikuru pane zvose.” Kunyange zvazvo uchenjeri huchibva paruzivo, hunonyanya kuratidzwa nezvisarudzo zvatinoita kwete chete nekunzwisisa kwatinoita zvimwe zvinhu. Kunyange masvosve anoratidza uchenjeri. Anoratidza uchenjeri hwaakasikwa ainahwo nekuunganidza zvekudya zvawo munguva yezhizha. (Zvir. 30:24, 25) Kristu, uyo anonzi ‘uchenjeri hwaMwari,’ anogara achiita zvinofadza Baba vake. (1 VaK. 1:24; Joh. 8:29) Mwari anoziva musiyano uripo pakati pekuita chisarudzo chakanaka uye kuzadzisa chisarudzo chacho. Uye anokomborera vaya vanoramba vachizvininipisa uye vanoita zvavanoziva kuti ndezvechokwadi. (Verenga Mateu 7:21-23.) Saka shumira Jehovha uchizvininipisa. Kana ukadaro zvichakurudzira vamwe vari muungano kuti vashumirewo Jehovha vachizvininipisa. Kuchinja zvimwe zvinhu hakusi nyore uye kunotora nguva, asi izvozvo zvinoratidza kuzvininipisa uye zvichaita kuti tifare nekusingaperi.