Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NdeWemasimbaose Asi Anofunga Zvakanakira Vamwe

NdeWemasimbaose Asi Anofunga Zvakanakira Vamwe

“[Jehovha] anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.”—PIS. 103:14.

NZIYO: 30, 10

1, 2. (a) Mabatiro anoita Jehovha vanhu akasiyana sei nezvinoitwa nevanhu vane simba? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

VANHU vane simba “vanozviita madzishe” evamwe vanhu kunyange kutovadzvinyirira. (Mat. 20:25; Mup. 8:9) Izvi zvakasiyana nezvinoitwa naJehovha. Kunyange zvazvo ari Wemasimbaose, anonzwisisa kuti tiri vanhu vane chivi. Ane mutsa uye anofunga zvakatinakira. Anonzwisisa manzwiro atinoita uye anotibatsira patinenge tichida kubatsirwa. “Achiyeuka kuti tiri guruva,” haambofi akatikumbira kuti tiite zvatisingakwanisi.—Pis. 103:13, 14.

2 Bhaibheri rine mienzaniso yakawanda inoratidza kuti Jehovha anofunga zvakanakira vashumiri vake. Ngatikurukurei mienzaniso mitatu. Wekutanga inzira yaakashandisa kuti abatsire Samueri, akanga achiri mudiki, kuti audze Mupristi Mukuru Eri mashoko ekutongwa. Wechipiri, mwoyo murefu waakaratidza Mosesi paairamba kuva mutungamiriri wevaIsraeri. Wechitatu, mabudisiro aakaita vaIsraeri muIjipiti achifunga zvakavanakira. Patinenge tichikurukura mienzaniso iyi ngatifungei zvainotidzidzisa nezvaJehovha.

KUFUNGA ZVAKANAKIRA MUKOMANA WECHIDIKI

3. Chii chisingawanzoitiki chakaitika kuna Samueri rimwe zuva akarara, uye izvi zvinomutsa mubvunzo upi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

3 Samueri atanga ‘kushumira Jehovha’ patebhenekeri achiri mudiki chaizvo. (1 Sam. 3:1) Rimwe zuva Samueri paainge akarara pakaitika chimwe chinhu chisingawanzoitiki. * (Verenga 1 Samueri 3:2-10.) Akanzwa inzwi richimushevedza nezita. Achifunga kuti raiva inzwi reMupristi Mukuru Eri, Samueri akamhanyira kwaari ndokuti: “Ndiri pano, nokuti mandishevedza.” Eri akaramba kuti ainge amushevedza. Pazvakaitikazve kaviri, Eri akaziva kuti ndiMwari akanga achishevedza Samueri. Saka akamuudza kuti aifanira kudavira sei, uye Samueri akaita saizvozvo. Nei Jehovha asina kuita kuti Samueri amuzive pekutanga? Bhaibheri haritauri chikonzero chacho asi zvakaitika zvinoratidza kuti aifunga nezvaSamueri uyo akanga achiri mudiki. Tinozviziva sei?

4, 5. (a) Samueri akaitei nebasa raakapiwa naMwari, uye zvinhu zvakazofamba sei mangwana acho? (b) Nyaya iyi inotidzidzisei nezvaJehovha?

4 Verenga 1 Samueri 3:11-18. Mutemo waJehovha wairayira vana kuti varemekedze vanhu vakuru, kunyanya munhu aiva jinda. (Eks. 22:28; Revh. 19:32) Zvakaoma kufungidzira Samueri achimukira kuenda kuna Eri omuudza neushingi mashoko aMwari ekutonga. Nhoroondo yacho inototiudza kuti Samueri “aitya kuudza Eri zvaakanga aona.” Asi Mwari akaita kuti Eri azive kuti ndiye akanga achishevedza Samueri. Saka Eri akaudza Samueri kuti: “[Usandivanzira chero] chinhu chimwe chete pane zvose zvaakuudza.” Samueri akateerera Eri ‘ndokumuudza zvese.’

5 Eri anogona kunge asina kushamiswa nemashoko akataurwa naSamueri. Aienderana ‘neemunhu waMwari’ akanga ambotaura naEri. (1 Sam. 2:27-36) Nyaya yaSamueri naEri inotiratidza kuti Jehovha ane uchenjeri chaizvo uye anofunga zvakanakira vamwe.

6. Tinodzidzei pane zvakaitwa naMwari achibatsira Samueri paaiva mudiki?

6 Uri wechidiki here? Kana zvakadaro, nyaya yaSamueri inoratidza kuti Jehovha anonzwisisa matambudziko aunosangana nawo uye manzwiro aunoita. Zvichida unonyara kana kuti zvinokuomera kuudza vanhu vakuru mashoko eUmambo kana kuratidza kuti wakasiyana nevezera rako. Ziva kuti Jehovha anoda kukubatsira. Saka nyengetera uchimuudza zvese zviri mumwoyo mako. (Pis. 62:8) Funga nezvevechidiki vanotaurwa muBhaibheri vakadai saSamueri. Uye taura nevamwe vaKristu, vangava vechidiki kana vechikuru, vangangodaro vakakurira matambudziko akaita seako. Vangatokuudza pavakabatsirwa naJehovha, zvichida nenzira dzavaisatarisira.

KUFUNGA ZVAKANAKIRA MOSESI

7, 8. Jehovha akaratidza sei kuti ainyatsofunga nezvemanzwiro aMosesi?

7 Mosesi paaiva nemakore 80, Jehovha akamupa basa rakaoma. Mosesi aifanira kusunungura vaIsraeri avo vaiva varanda muIjipiti. (Eks. 3:10) Izvi zvinofanira kunge zvakamuvhundutsa nekuti ainge ava nemakore 40 achifudza makwai muMidhiyani. Saka Mosesi akati: “Ndini ani kuti ndiende kuna Farao uye kuti ndibudise vanakomana vaIsraeri muIjipiti?” Mwari akamusimbisa achiti: “Ndichava newe.” (Eks. 3:11, 12) Akamuvimbisawo kuti varume vakuru vaIsraeri ‘vaizoteerera inzwi rake.’ Kunyange zvakadaro Mosesi akapindura kuti: “Ko kana . . . vakasateerera?” (Eks. 3:18; 4:1) Mosesi aitoramba zvaitaurwa naMwari. Asi Jehovha akaramba achimuitira mwoyo murefu. Akatomupa simba rekuita zvishamiso, zvichiita kuti Mosesi ave munhu wekutanga muBhaibheri kuva nesimba rakadaro.—Eks. 4:2-9, 21.

8 Kunyange zvakadaro Mosesi akaedza kunzvenga basa racho, achiti aisagona kutaura zvakanaka. Mwari akamuudza kuti: “Ndichava nomuromo wako uye ndichakudzidzisa zvaunofanira kutaura.” Mosesi akazobvuma here? Zviri pachena kuti haana, nekuti akakumbira Mwari kuti atume mumwewo munhu. Izvi zvakaita kuti Jehovha atsamwe. Asi akaramba achifunga nezvemanzwiro aiita Mosesi, saka akasarudza Aroni kuti ave mutauriri waMosesi.—Eks. 4:10-16.

9. Mwoyo murefu uye mutsa zvakaratidzwa naJehovha zvakabatsira sei Mosesi pabasa rake?

9 Nyaya iyi inotidzidzisei nezvaJehovha? Sezvo ari Mwari Wemasimbaose, aigona kunge akatyisidzira Mosesi kuti akurumidze kuteerera. Pane kudaro, Jehovha akaratidza mwoyo murefu nemutsa, achisimbisa mushumiri wake aizvininipisa. Izvi zvakashanda here? Hongu. Mosesi akava mutungamiriri akanaka chaizvo aiedza kubata vamwe neunyoro achifunga zvakavanakira sezvaakanga aitirwa naJehovha.—Num. 12:3.

Unotevedzera Jehovha here pane zvaunoita nevamwe? (Ona ndima 10)

10. Tinobatsirwa sei nekufunga zvakanakira vamwe sezvinoita Jehovha?

10 Zvidzidzo zvipi zvatinowana? Une mudzimai, uri mubereki kana kuti mukuru muungano here? Kana zvakadaro, une simba rauinaro. Saka zvinokosha kuti utevedzere Jehovha nekufunga zvakanakira vamwe nekuvaratidza mutsa uye mwoyo murefu. (VaK. 3:19-21; 1 Pet. 5:1-3) Paunoedza kutevedzera Jehovha naMosesi Mukuru, Jesu Kristu, zvinova nyore kuti vamwe vataure newe uye unogona kuvakurudzira. (Mat. 11:28, 29) Vamwe vachatevedzerawo zvaunoita.—VaH. 13:7.

MUNUNURI ANOTYISA ASI ANOFUNGA ZVAKANAKIRA VAMWE

11, 12. Jehovha paakatungamirira vaIsraeri kubuda muIjipiti, akaita sei kuti vanzwe vakachengeteka?

11 VaIsraeri pavakabuda muIjipiti muna 1513 B.C.E., vanogona kunge vaipfuura mamiriyoni matatu. Pavanhu ivavo paiva nevana, vanhu vakwegura uye zvichida vamwe vairwara kana kuti vainge vakaremara. Paidiwa mutungamiriri anonzwisisa uye anofunga zvakanakira vamwe kuti atungamirire vanhu vakawanda kudaro. Achishandisa Mosesi, Jehovha akaratidza kuti akanga ari mutungamiriri akadaro. Saka vaIsraeri vainzwa vakachengeteka pavaibuda muIjipiti kunyange zvazvo iri iyo yega nyika yavainge vagara mairi.—Pis. 78:52, 53.

12 Jehovha akaita sei kuti vanhu vake vanzwe vakachengeteka? Chimwe chaakaita ndechekuti, akavatungamirira kubva muIjipiti vakarongeka uye “vakagadzirira kurwa.” (Eks. 13:18) Kurongeka ikoko kwakaita kuti vaIsraeri vaone kuti Mwari wavo akanga achivatungamirira. Jehovha akaitawo kuti vaone kuti akanga ari pakati pavo achishandisa ‘gore masikati uye chiedza chemoto’ usiku. (Pis. 78:14) Jehovha aitoita seari kuvaudza kuti: “Musatya. Ndinemi kuti ndikutungamirirei uye ndikudzivirirei.” Zvakazoitika zvaitoda kuti vaIsraeri vave nechokwadi chekuti Jehovha ainge ainavo.

Chii chakaitwa naJehovha achiratidza kuti aifunga zvakanakira vaIsraeri paGungwa Dzvuku? (Ona ndima 13)

13, 14. (a) Zvii zvakaitwa naJehovha paGungwa Dzvuku zvairatidza kuti aifunga zvakanakira vaIsraeri? (b) Jehovha akaratidza sei kuti aiva nesimba rakakura chaizvo kupfuura revaIjipiti?

13 Verenga Eksodho 14:19-22. Fungidzira uripowo ipapo, shure kwenyu kune mauto aFarao uye mberi kwenyu kune Gungwa Dzvuku. Mwari anobva apindira. Shongwe yegore inoenda shure kwenyu ichitadzisa vaIjipiti kuti vasvike kwamuri uye ichivaita kuti varambe vari murima. Asi kwamuri kune chiedza chinoshamisa. Unobva waona Mosesi achitambanudzira ruoko rwake pamusoro pagungwa, uye mhepo ine simba yekumabvazuva inovhura nzira yakakura inosvika kumhiri kwegungwa racho. Iwe, nevemumhuri yako pamwe chete nezvipfuwo zvenyu munofamba zvakarongeka muchipinda pakati pegungwa nevamwe vanhu vese. Unobva waona chimwe chinhu chinoshamisa. Pamuri kufamba napo pakaoma, hapana kana matope uye muri kunyatsofamba zvakanaka. Saka kunyange vaya vanofamba zvishoma nezvishoma vanokwanisa kuyambuka zvakanaka.

14 Verenga Eksodho 14:23, 26-30. Panguva iyoyo, Farao uyo anozvikudza uye asina kuchenjera anopinda mugungwa achikuteverai. Mosesi anotambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa zvekare. Panguva ino, mvura yakaita madziro inobva yasangana yofushira Farao nemauto ake.—Eks. 15:8-10.

15. Nyaya iyi inokudzidzisei nezvaJehovha?

15 Nyaya iyi inotidzidzisa kuti Jehovha ndiMwari akarongeka. Izvi zvinoita kuti tinzwe takachengeteka. (1 VaK. 14:33) Jehovha anoratidzawo kuti mufudzi ane rudo uye anoratidza nenzira dzakasiyana-siyana kuti ane hanya nevanhu vake. Anoita kuti vagare vakachengeteka nekuvadzivirira pavavengi vavo. Izvi zvinoita kuti tive nechivimbo uye zvinotinyaradza chaizvo sezvo nyika ino yava pedyo nekuguma.—Zvir. 1:33.

16. Kuongorora kununurwa kwakaitwa vaIsraeri naJehovha kunotibatsira sei?

16 Mazuva ano, Jehovha anochengeta vanhu vake seboka. Anovabatsira kuti varambe vaine ushamwari hwakanaka naye uye anovadzivirira pavavengi vavo. Acharamba achiita izvozvo panguva yekutambudzika kukuru kuri kuuya. (Zvak. 7:9, 10) Saka pasinei nekuti uri mudiki kana kuti wakura, une utano hwakanaka kana kuti wakaremara, vanhu vaMwari havazombovhunduki kana kutya panguva yekutambudzika kwacho. * Asi vachayeuka mashoko aJesu Kristu ekuti: “Mirai muti twasu, musimudze misoro yenyu, nokuti kununurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.” (Ruka 21:28) Vacharamba vaine chivimbo chakadaro kunyange pavacharwiswa naGogi, mubatanidzwa wenyika dzakawanda uyo uchange uine simba rakakura chaizvo kupfuura raiva naFarao. (Ezek. 38:2, 14-16) Chii chichaita kuti vanhu vaMwari varambe vaine chivimbo? Vanoziva kuti Jehovha haachinji. Acharatidzazve kuti muponesi ane hanya nevanhu vake uye anofunga zvakavanakira.—Isa. 26:3, 20.

17. (a) Tinobatsirwa sei patinodzidza nezvenyaya dzemuBhaibheri dzinoratidza kuti Jehovha ane hanya nevanhu vake? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

17 Munyaya ino taona mimwe mienzaniso inoratidza kuti Jehovha paanotungamirira uye paanonunura vanhu vake anozviita nemutsa achifunga zvakavanakira. Paunofungisisa nyaya dzakadaro, edza kudzidza zvimwe zvinhu zvitsva nezvaJehovha. Paunodzidza zvakawanda nezveunhu hwaJehovha unowedzera kumuda uye kutenda maari. Munyaya inotevera tichadzidza kuti tingatevedzera sei Jehovha nekufunga zvakanakira vamwe mumhuri medu, muungano uye muushumiri.

^ ndima 3 Munyori wenhoroondo yechiJudha Josephus anoti Samueri aiva nemakore 12 panguva yacho.

^ ndima 16 Zvine musoro kuti titi vamwe vachapona paAmagedhoni vachange vakaremara. Paaiva panyika, Jesu akarapa “hosha dzemarudzi ose,” achitiratidza zvaachaitira vanhu mune ramangwana, kwete vanenge vamutswa, asi vanenge vapona paAmagedhoni. (Mat. 9:35) Vachamutswa vachange vaine miviri isina kana pakaremara.