Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoziva Here Kuti Inguvai?

Unoziva Here Kuti Inguvai?

KANA uchida kuziva kuti dzava nguvai, unoita sei? Zvimwe unotarisa pawachi yako yemuruoko kana kuti yepamadziro. Kana shamwari yako ikakubvunza kuti inguvai, unopindura uchitii? Pane nzira dzakasiyana-siyana dzekutaura nadzo kuti inguvai. Ndedzipi idzodzo?

Ngatitii papfuura awa imwe chete nemaminitsi 30 kubva pakwana 12:00 dzemasikati. Unogona kuti dzava 1:30. Zvichienderana nekwaunogara uye zvinoitwa ikoko, unogona kutaura kuti dzava 13:30. Izvozvo zvinobva pakuti zuva rine maawa 24. Kunotova nedzimwe nzvimbo dzekuti nguva imwe chete iyoyo inotaurwa ichinzi “hafu 2,” zvichireva kuti kwasara maminitsi 30 kuti 2 dzikwane.

Semunhu anoverenga Bhaibheri, unogona kunetseka kuti vanhu vemunguva dzeBhaibheri vaitaura sei nguva. Paisava nenzira imwe chete yekutaura nayo nguva. Magwaro echiHebheru anotaura ‘nezvemangwanani,’ “masikati,” “masikati machena” uye “manheru.” (Gen. 8:11; 19:27; 43:16; Dheut. 28:29; 1 Madz. 18:26) Asi dzimwe nguva paishandiswa nguva dzaiita kuti zvive nyore kuziva kuti chimwe chinhu chakaitika nguvai.

Munguva dzeBhaibheri, zvainge zvakajairika kuti pave nevarindi. Vainyanya kudiwa usiku. Mazana emakore Jesu asati aberekwa, vaIsraeri vakakamura nguva dzeusiku kuva zvikamu zvitatu zvainzi nguva dzekurinda. (Pis. 63:6) Vatongi 7:19 inotaura ‘nezvekurinda kwepakati peusiku.’ Pakazosvika nguva yaJesu, vaJudha vakanga vava kutevedzera zvaiitwa nevaGiriki nevaRoma zvekukamura nguva dzeusiku kuva zvikamu zvina.

Mabhuku eEvhangeri anotaura kakawanda nezvenguva idzi dzekurinda. Semuenzaniso, Jesu akafamba pamusoro pemvura achienda kwaiva nevadzidzi vake “munguva yokurinda yechina yousiku.” (Mat. 14:25) Paaitaura mumwe muenzaniso, Jesu akati: “Kudai muridzi wemba akanga aziva kuti mbavha yaizouya panguva ipi yokurinda, angadai akaramba akamuka uye asina kubvumira imba yake kuti ipazwe.”—Mat. 24:43.

Jesu akataura nezvenguva dzekurinda dzese dziri ina paakaudza vadzidzi vake kuti: “Rambai makarinda, nokuti hamuzivi pachauya tenzi wemba, zvimwe kumanheru kana pakati pousiku kana pakurira kwejongwe kana mangwanani-ngwanani.” (Mako 13:35) Nguva yekutanga, iyo yainzi “kumanheru,” yaitanga zuva ravira kusvika kuma9 dzemanheru. Nguva yechipiri, iyo yainzi “pakati pousiku,” yaibva kuma9 dzemanheru kusvika pakati peusiku. Nguva yechitatu, iyo yainzi “kurira kwejongwe,” yaibva pakati peusiku kusvika kuma3 dzemangwanani. Iyi inogona kunge iri iyo nguva yakarira jongwe usiku hwakasungwa Jesu. (Mako 14:72) Nguva yechina, iyo yainzi “mangwanani-ngwanani,” yaibva kuma3 dzemangwanani kusvika pakubuda kwezuva.

Kunyange zvazvo zvinhu zvinoshandiswa pakuziva nguva mazuva ano zvainge zvisipo munguva dzeBhaibheri, vanhu vepanguva iyoyo vaiva nemaziviro avaiita nguva masikati kana usiku.