Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VaKristu Vakura—Jehovha Anokoshesa Kuvimbika Kwenyu

VaKristu Vakura—Jehovha Anokoshesa Kuvimbika Kwenyu

PASI rese, vakuru vechiKristu vanokoshesa mabasa avanoita pakati pevanhu vaMwari. Vakuru ava chikomborero chaicho kwatiri tese. Asi munguva shoma yapfuura pane zvinhu zvakachinja. Vakuru vechikuru vakakumbirwa kuti vape vakuru vachiri vechidiki mamwe mabasa akakura avaiita. Zvaizoitwa sei?

Urongwa hutsva ndehwekuti vatariri vematunhu uye varayiridzi vari mundima vanomira kuita mabasa iwayo pavanosvitsa makore 70. Uyewo vakuru vane makore 80 vanosiyira vakuru vachiri vechidiki mamwe mabasa avaiita, akadai sekuva murongi muDare Rebazi kana kuva murongi mudare revakuru muungano. Vakuru ava vakaita sei zvinhu pazvakachinjwa? Vakaramba vakavimbika kuna Jehovha uye kusangano rake.

“Ndakanyatsobvumirana nechisarudzo chacho,” anodaro Ken, uyo akashanda semurongi muDare reBazi kwemakore anenge 49. “Mangwanani emusi wandakaziva nezvechisarudzo chacho, ndakanga ndanyengetera kuna Jehovha, ndichitaura kuti painge pava kudiwa hama yechidiki kuti ive murongi.” Zvakaitwa naKen zvinoratidza manzwiro akava nehama dzechikuru dzakatendeka pasi rese. Asi sezvo dzaida kushumira vamwe, pakutanga dzimwe hama hadzina kufara.

“Zvakambondibata-bata,” anodaro Esperandio, uyo aimbova murongi mudare revakuru muungano make. Asi anoti: “Ndaida nguva yakawanda kuti ndione nezveutano hwangu.” Esperandio achiri kushumira Jehovha akatendeka uye ari kubatsira chaizvo muungano make.

Zvakadini nevatariri vanofambira vasisaiti mabasa avaimboita? Allan, uyo akashumira semutariri anofambira kwemakore 38 anoti: “Pandakazviziva, ndakavhunduka.” Zvisinei, akaona zvakanakira kudzidzisa varume vechidiki kuita basa racho, uye achiri kushumira akatendeka.

Russell, uyo akashumira semutariri anofambira uye semurayiridzi ari mundima kwemakore 40, akati pakutanga iye nemudzimai wake havana kufara. Anoti: “Taida chaizvo ropafadzo yedu uye taiona sekuti taikwanisa kuramba tichiita basa racho.” Russell nemudzimai wake vari kushandisa ruzivo rwavo uye izvi zviri kubatsira vaparidzi vemuungano mavo.

Kunyange zvazvo usina kunzwa sezvakaita vanhu vambotaurwa nezvavo, nyaya iri muna 2 Samueri inogona kukubatsira kuti unzwisise vamwe vakava nemanzwiro akadaro.

MURUME AIVA NEMWERO, AIONA ZVINHU SEZVAZVIRI

Funga zvakaitika Mambo Dhavhidhi paakapandukirwa nemwanakomana wake Absaromu. Dhavhidhi akatiza muJerusarema ndokuenda kuMahanaimu, kumabvazuva kweRwizi rwaJodhani. Vari ikoko, Dhavhidhi nevarume vaaiva navo vaida zvinhu zvekurarama nazvo. Unoyeuka here zvakazoitika?

Varume vatatu vemunharaunda yacho vakauya nemibhedha, zvekudya, uye zvimwe zvinhu zvekushandisa. Mumwe wevarume vacho aiva Bhazirai. (2 Sam. 17:27-29) Pakafa Absaromu uyo akanga amupandukira, Dhavhidhi akanga ava kukwanisa kudzokera kuJerusarema uye Bhazirai akamuperekedza kusvika kuJodhani. Dhavhidhi akamukurudzira kuti vaende vese kuJerusarema. Mambo akati aizomupawo zvekudya, kunyange zvazvo Bhazirai aiva “munhu akapfuma kwazvo” uye aisada hake zvekudya zvaaizopiwa. (2 Sam. 19:31-33) Asi Dhavhidhi anofanira kunge aikoshesa unhu hwaBhazirai uye mazano aaizowana kwaari. Yaizova ropafadzo yakakura kuti agare uye ashande mumuzinda wamambo.

Achiratidza kuti aiona zvinhu sezvazviri uye kuti aiva nemwero, Bhazirai akataura kuti akanga ava nemakore 80. Akawedzera kuti: “Ndichagona kutsauranisa zvakanaka nezvakaipa here?” (2 Sam. 19:35) Airevei? Bhazirai anofanira kunge aiva neuchenjeri sezvo akanga akura. Uye akanga achiri kukwanisa kupa mazano akanaka sezvakazoitwa “nevarume vakuru” pavakabatsira Mambo Rehobhoamu. (1 Madz. 12:6, 7; Pis. 92:12-14; Zvir. 16:31) Saka Bhazirai paakataura nezvekutsauranisa zvakanaka nezvakaipa anogona kunge aireva zvaakanga asisakwanisi kuita nekuti akanga akura. Akataura kuti nemhaka yekukura akanga asisakwanisi kuravidza uye kunzwa zvakanaka. (Mup. 12:4, 5) Saka Bhazirai akakurudzira Dhavhidhi kuti aende kuJerusarema nemurume wechidiki ainzi Kimhamu uyo anogona kunge aiva mwana waBhazirai.—2 Sam. 19:36-40.

KURONGA RAMANGWANA

Kuchinja kwezvinhu kwataurwa patangira nyaya ino kunoratidza maonero akafanana neaiva naBhazirai. Zvinonzwisisika kuti mazuva ano, pane zvakawanda zvaifanira kufungwa nezvazvo kupfuura mamiriro ezvinhu emunhu mumwe chete uye zvaanokwanisa, sezvakaitwa pana Bhazirai. Paifanira kuongororwa kuti ndezvipi zvainge zvakanyatsonakira vakuru vakatendeka vari pasi rese.

Varume vechikuru ava vane mwero vaigona kuona kuti mune ramangwana sangano raJehovha richasimbiswa rowedzera kukura kana mabasa avaiita kwenguva yakareba akadzidziswa hama dzechidiki. Vakawanda vehama idzi dzechikuru ndivo vakadzidzisa hama dzechidiki, sezvakaitwa naBhazirai uyo anofanira kunge akadzidzisa mwanakomana wake, uye muapostora Pauro uyo akadzidzisa Timoti. (1 VaK. 4:17; VaF. 2:20-22) Hama idzi dzechidiki dzinoratidza kuti dzava “zvipo zviri varume” vanokwanisa kubatsira ‘pakuvakwa kwemuviri waKristu.’—VaEf. 4:8-12; enzanisa naNumeri 11:16, 17, 29.

MIKANA YEKUSHUMIRA JEHOVHA

Vakawanda vari muungano yevanhu vaMwari avo vakapa vamwe mamwe mabasa avaiita vari kushandisa mimwe mikana yekuita basa raJehovha.

“Iye zvino ndava kukwanisa kukurukura nevarume vasingatendi vehanzvadzi dzemuungano yedu,” anodaro Marco, uyo akashumira semutariri anofambira kwemakore 19.

“Zvinangwa zvedu zvitsva zvinosanganisira kubatsira vaya vasisaiti mabasa echiKristu uye kuwedzera zvidzidzo zveBhaibheri,” anodaro Geraldo, uyo aiva mutariri anofambira kwemakore 28. Anotaura kuti pari zvino iye nemudzimai wake vari kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri 15 uye vakawanda vakanga vasisaiti mabasa echiKristu vava kupinda misangano.

Allan, ambotaurwa nezvake anoti: “Tava nemukana wekunyatsoita basa rekuparidza. Tiri kunakidzwa nekuparidza munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda, mundima yebhizinesi, uye kuvavakidzani vedu. Vavakidzani vedu vaviri vakauya kuImba yeUmambo.”

Kana uri hama yakavimbika, inokwanisa kuita basa uye wakapiwa rimwe basa pakati pevanhu vaMwari, pane zvimwe zvinokosha zvaunogona kuita. Unogona kutsigira basa raJehovha nekupawo varume vechidiki vari muungano ruzivo rwako. Russell ambotaurwa nezvake anoti, “Jehovha ari kudzidzisa uye ari kushandisa vechidiki vane zvipo. Hama dziri kubatsirwa nekushanda kwavo nesimba pakudzidzisa uye pakufudza.”—Ona Bhokisi rakanzi “ Batsira Varume Vechidiki Kuti Vaite Zvakawanda Muungano.”

JEHOVHA ANOKOSHESA KUVIMBIKA KWAKO

Kana uchangobva kutanga rimwe basa, ramba uine maonero akanaka. Wakatobatsira vanhu vakawanda nekushanda kwawaiita nesimba, uye unogona kuramba uchidaro. Wagara uchidiwa nevanhu uye vacharamba vachikuda.

Chinonyanya kukosha ndechekuti Jehovha acharamba achikuyeuka. ‘Haazokanganwi basa rako nerudo rwawakaratidza nekuda kwezita rake, pakuti wakashumira vatsvene uye unoramba uchishumira.’ (VaH. 6:10) Mashoko iwayo akafemerwa anoita kuti tive nechokwadi chekuti Jehovha haambofi akakanganwa basa rese ratinoita. Unokosha chaizvo kuna Jehovha zvekuti haambokanganwi basa rawakaita uye raunoramba uchiita kuti umufadze.

Zvakadini kana usina kuchinja basa rekuita sezvataurwa munyaya ino? Nyaya iyi inoshandawo kwauri. Inoshanda sei kwauri?

Kana paine hama yechikuru yava kuita rimwewo basa unogona kudzidza kubva paruzivo rwayo. Kumbira hama yacho mazano. Uye tarisa kuti inoshandisa sei ruzivo rwayo pabasa rayava kuita pari zvino.

Pasinei nekuti uri wechikuru ava kuita rimwe basa kana kuti uri hama kana hanzvadzi iri kubatsirwa neruzivo rwevaya vakura, yeuka kuti Jehovha anokoshesa kuvimbika kwevaya vamushumira kwenguva yakareba uye vanoramba vachimushumira.