Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 39

“Ndakaona Boka Guru Revanhu”

“Ndakaona Boka Guru Revanhu”

“Ndakaona boka guru revanhu vakanga vasingakwanisi kuverengwa nemunhu, . . . vamire pamberi pechigaro cheumambo nepamberi peGwayana.”—ZVAK. 7:9.

RWIYO 60 Kana Vachida Upenyu

ZVICHADZIDZWA *

1. Zvinhu zvakanga zvakamira sei muupenyu hwemuapostora Johani munenge muna 95 C.E?

MUNENGE mugore ra95 C.E., zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka muupenyu hwemuapostora Johani. Akanga akwegura, uye aiva musungwa pachitsuwa chinonzi Patmosi, uye kunenge kuti ndiye ega muapostora akanga achiri mupenyu. (Zvak. 1:9) Aiziva kuti vanhu vakatsauka pakutenda vaidzidzisa nhema uye vaipesanisa ungano. Zvingangodaro zvaiita sekuti chiKristu chechokwadi chakanga chava kutsakatika.—Jud. 4; Zvak. 2:15, 20; 3:1, 17.

Muapostora Johani akaona boka guru revanhu vakapfeka nguo refu chena, uye vakabata mapazi emichindwe. (Ona nyaya ndima 2)

2. Maererano naZvakazarurwa 7:9-14, Johani akaratidzwa uprofita hupi? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

2 Johani paaiva panguva yakaoma kudai, Mwari akamuratidza zvaizoitika mune ramangwana. Pane zvaakaratidzwa, anoona ngirozi dzichiudzwa kuti dzirambe dzakabata mhepo dzinoparadza dzekutambudzika kukuru kusvikira boka revaranda raiswa chisimbiso chekupedzisira. (Zvak. 7:1-3) Boka iri rine vanhu 144 000 vachatonga naJesu kudenga. (Ruka 12:32; Zvak. 7:4) Johani akabva ataura nezverimwe boka rakakura chaizvo achiti: “Ndakaona boka guru revanhu vakanga vasingakwanisi kuverengwa nemunhu, vanobva kumarudzi ese nemadzinza nevanhu nendimi, vamire pamberi pechigaro cheumambo nepamberi peGwayana.” (Verenga Zvakazarurwa 7:9-14.) Johani anofanira kunge akafara chaizvo paakaziva kuti kwaizova nevanhu vakawanda vaizonamata Mwari nenzira yaanoda.

3. (a) Nei zvakaonekwa naJohani zvichifanira kusimbisa kutenda kwedu? (b) Tichadzidzei munyaya ino?

3 Zvakaonekwa naJohani zvakasimbisa kutenda kwake. Isuwo kutenda kwedu kunosimbiswa zvakanyanya sezvo tiri kurarama panguva yekuzadzika kwezvaakaratidzwa. Tiri kuona vakawanda vachiuya kuzonamata Jehovha uye vanhu vacho vane tariro yekupona pakutambudzika kukuru vorarama nekusingaperi panyika. Munyaya ino tichadzidza kuti mumakore anodarika 80 akapfuura Jehovha akaita sei kuti vanhu vake vazive chinonzi boka guru. Uye tichakurukura zvinhu zviviri nezveboka iri zvinoti: (1) kukura kwaro uye (2) kuti vanhu vacho vanobva mumarudzi akasiyana-siyana. Izvi zvinofanira kusimbisa kutenda kwevanhu vese vanoda kuva muboka iri rine tariro yakazonaka.

BOKA GURU REVANHU RICHAGARA KUPI?

4. Ichokwadi chipi chinodzidziswa neBhaibheri chisinganzwisiswi nemachechi uye Vadzidzi veBhaibheri vaitiwo chii panyaya iyi?

4 Machechi haadzidzisi zvinotaurwa neBhaibheri zvekuti vanhu vanoteerera Mwari vachagara panyika nekusingaperi. (2 VaK. 4:3, 4) Zvitendero zvakawanda zvinodzidzisa kuti vanhu vese vakanaka vanoenda kudenga pavanofa. Asi izvi zvakasiyana nezvaidzidziswa neboka diki reVadzidzi veBhaibheri iro raibudisa magazini yainzi Watch Tower makore ekuma1800 ava kunopera. Boka iri rakanzwisisa kuti Mwari aizoita kuti nyika ive Paradhiso uye kuti vanhu vakawanda chaizvo vaizogara panyika pano, kwete kudenga. Asi Vadzidzi veBhaibheri vakatora makore akawanda kuti vanzwisise zvakajeka kuti vanhu vanoteerera ava vaizova vanaani.—Mat. 6:10.

5. Vadzidzi veBhaibheri vaiti chii nezvevaKristu 144 000?

5 Vadzidzi veBhaibheri vaizivawo kuti Bhaibheri rinoti rimwe boka revanhu ‘raizotengwa panyika’ kuti ritonge naJesu kudenga. (Zvak. 14:3) Boka iri raizova nevaKristu 144 000 vanoshingaira vainge vashumira Mwari vakatendeka vachiri panyika. Vadzidzi veBhaibheri vaitiwo kudii nezveboka guru?

6. Vadzidzi veBhaibheri vaiti chii nezveboka guru?

6 Pane zvaakaratidzwa, Johani akaona boka iroro revanhu “vamire pamberi pechigaro cheumambo nepamberi peGwayana.” (Zvak. 7:9) Mashoko iwayo akaita kuti Vadzidzi veBhaibheri vati boka guru raizogara kudenga sezvaizoita vaKristu 144 000. Kana vaKristu 144 000 uye veboka guru vaizogara kudenga, mapoka acho ari maviri aizosiyana papi? Vadzidzi veBhaibheri vaifunga kuti boka guru rinofanira kunge riri revaKristu vainge vasina kunyatsoteerera Mwari vachiri panyika. Kunyange zvazvo vaiva vanhu vaizvibata vachiri panyika, vamwe vavo vanogona kunge vakaramba vari mumachechi aidzidzisa nhema. Vadzidzi veBhaibheri vakazoti vanhu vakadaro vairatidza kuti vanoda Mwari asi kwete zvekusvika pakukodzera kuti vatonge naJesu. Sezvo vanhu vari muboka iri vaida Mwari zvisina kunyatsosimba, vaizokodzera kuva kudenga pamberi pechigaro cheumambo asi vaisazokodzera kugara pazvigaro zveumambo.

7. Vadzidzi veBhaibheri vaiti ndivanaani vaizogara panyika panguva yeKutonga kwaKristu Kwemakore 1 000, uye vaitii nezvevarume vakatendeka vekare?

7 Saka ndivanaani vaizogara panyika? Vadzidzi veBhaibheri vaiti kana vaKristu 144 000 neveboka guru vaenda kudenga, vamwe vanhu vakawanda vaizopiwa upenyu panyika vachiwana makomborero anounzwa neKutonga kwaKristu Kwemakore 1 000. Vadzidzi veBhaibheri vakanga vasingatarisiri kuti mamiriyoni iwayo aizoshumira Jehovha Kutonga kwaKristu kusati kwatanga. Asi vaifunga kuti boka iri raizodzidziswa zvinodiwa naJehovha mumakore 1 000 ekutonga kwaKristu. Pashure paizvozvo, vaya vanenge vakararama maererano nezvinodiwa naJehovha vaizopiwa upenyu husingaperi panyika, asi vaya vainge vapandukira Mwari vaizoparadzwa. Vadzidzi veBhaibheri vaifungawo kuti zvichida vamwe vanhu, avo vaizoshumira ‘semachinda’ panyika panguva iyoyo, kusanganisira varume nevakadzi vakafa Kristu asati auya, vaizopiwa mubayiro wekuwana upenyu hwekudenga panopera makore 1 000.—Pis. 45:16.

8. Mapoka api matatu aionekwa seari muchinangwa chaMwari?

8 Saka Vadzidzi veBhaibheri vaiona sekuti kune mapoka matatu anoti: (1) vanhu 144 000, avo vaizotonga naJesu kudenga; (2) boka guru revaKristu vasinganyanyi kushingaira, avo vaizomira pamberi pechigaro cheumambo chaJesu kudenga; uye (3) mamiriyoni evanhu aizodzidziswa nzira dzaJehovha panyika panguva yeKutonga kwaKristu Kwemakore 1 000. * Asi Jehovha akazovabatsira kunyatsonzwisisa nyaya iyi.—Zvir. 4:18.

CHIEDZA CHECHOKWADI CHINOWEDZERA KUJEKA

Pagungano rakaitwa muna 1935, vanhu vakawanda vaiva netariro yekugara panyika vakabhabhatidzwa (Ona ndima 9)

9. (a) Veboka guru vanogona sei kumira “pamberi pechigaro cheumambo nepamberi peGwayana” ivo vari panyika? (b) Nei kunzwisisa Zvakazarurwa 7:9 saizvozvo kuine musoro?

9 Muna 1935 Zvapupu zvaJehovha zvakazonzwisisa kuti boka guru revanhu rakaratidzwa Johani nderipi. Zvakasvika pakuona kuti vanhu vari muboka guru havafaniri havo kunge vari kudenga kuti vamire “pamberi pechigaro cheumambo nepamberi peGwayana.” Asi vanoita izvozvo nenzira yekufananidzira. Kunyange zvazvo vachizogara panyika, vanomira “pamberi pechigaro cheumambo” nekubvuma simba raJehovha uye nekuzviisa pasi peuchangamire hwake. (Isa. 66:1) Vanogona kumira “pamberi peGwayana” nekutenda muchibayiro cherudzikinuro chaJesu. Pfungwa yakafanana neiyi iri pana Mateu 25:31, 32. Panotaura kuti “marudzi ese,” kusanganisira vakaipa, anonzi “achaunganidzwa pamberi” paJesu uyo anenge ari pachigaro chake chinobwinya. Zviri pachena kuti marudzi aya anenge asiri kudenga asi panyika. Kugadziriswa uku kwaiva nemusoro. Kunoratidza chikonzero nei Bhaibheri risingati boka guru revanhu rinoendeswa kudenga. Panongova neboka rimwe chete revanhu 144 000 vakavimbiswa upenyu hwekudenga kuti ‘vanotonga semadzimambo pamusoro penyika’ vaina Jesu.—Zvak. 5:10.

10. Nei vanhu veboka guru vachifanira kudzidziswa nezvaJehovha makore 1 000 ekutonga kwaKristu asati atanga?

10 Saka kubvira muna1935, Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kunzwisisa kuti boka guru revanhu rakaratidzwa Johani nderevaKristu vakatendeka vane tariro yekurarama panyika nekusingaperi. Kuti vapone pakutambudzika kukuru, vanofanira kudzidziswa nezvaJehovha votanga kumunamata makore 1 000 ekutonga kwaKristu asati atanga. Vanofanira kuratidza kutenda kwakasimba kuti vagone “kupukunyuka zvinhu zvese izvi zvinofanira kuitika” makore 1 000 ekutonga kwaKristu asati atanga.—Ruka 21:34-36.

11. Nei vamwe vadzidzi veBhaibheri vangadaro vaifunga kuti vamwe vanhu vaizoenda kudenga paizopera makore 1 000 ekutonga kwaKristu?

11 Zvakadii nepfungwa yekuti vamwe vanhu vaiita zvakanaka vaizoenda kudenga kana makore 1 000 ekutonga kwaKristu apera? Pfungwa iyi yakataurwa makore akawanda akapfuura muNharireyomurindi yaFebruary 15, 1913. Vamwe vaigona kunge vakafunga kuti, ‘Hazvingaiti kuti vanhu vekare vakatendeka vapiwe mubayiro wekurarama panyika asi vaKristu vainge vasina kunyanya kutendeka vachipiwa mubayiro wekurarama kudenga.’ Mafungiro iwayo aibva pamaonero asiri iwo ekuti: (1) boka guru richagara kudenga, uye (2) boka guru nderevaKristu vasinganyanyi kushingaira.

12-13. Vakazodzwa neveboka guru vanozivei nezvemubayiro wavo?

12 Asi sezvataona, kubva muna 1935, Zvapupu zvaJehovha zvakanyatsonzwisisa kuti vaya vachapona paAmagedhoni ndeveboka guru revanhu vakaonekwa naJohani. ‘Vachabuda mukutambudzika kukuru’ pano panyika, uye ‘vacharamba vachishevedzera nenzwi guru vachiti ‘Ruponeso rwedu runobva kuna Mwari wedu agere pachigaro cheumambo, uye kuGwayana.’’ (Zvak. 7:10, 14) Bhaibheri rinodzidzisawo kuti vaya vachamutsirwa kudenga vachawana “zvinhu zvakanaka” kupfuura zvichawanikwa nevanhu vakatendeka vekare. (VaH. 11:40) Chokwadi chakanzwisiswa nehama dzedu muna 1935 chakaita kuti dzitange kushingaira pabasa rekuudza vanhu kuti vashumire Jehovha vova netariro yekugara panyika nekusingaperi.

13 Vaya vari muboka guru vanofara chaizvo netariro yavo. Vanonzwisisa kuti Jehovha ndiye anosarudza kuti pavanamati vake vakatendeka ndevapi vachamushumira vari kudenga kana kuti panyika. Vakazodzwa neveboka guru vese vanoziva kuti vachapiwa mubayiro zvichibva panyasha dzaJehovha dzinoratidzwa pachishandiswa chibayiro cherudzikinuro chaJesu Kristu.—VaR. 3:24.

KUKURA KWARO

14. Nei vakawanda vainetseka nezvekuzadzika kweuprofita hunotaura nezveboka guru?

14 Vanhu vaJehovha pavakajekeserwa nyaya yeboka guru muna 1935, vakawanda vakasara vachinetseka kuti vaya vane tariro yekugara panyika vaizosvika sei pakuva boka rakakura. Funga nezvaRonald Parkin uyo aiva nemakore 12 pakajekeswa zvakaita boka guru. Anoti: “Panguva iyoyo pasi rese paiva nevaparidzi vanenge 56 000 uye vakawanda vavo vainge vakazodzwa. Saka boka guru racho raisaita serakakura.”

15. Boka guru rakaramba sei richiwedzera?

15 Asi mumakore akatevera mamishinari akaendeswa kunyika dzakawanda, uye Zvapupu zvaJehovha zvakaramba zvichiwedzera. Muna 1968, takatanga kudzidzisa vanhu Bhaibheri tichishandisa bhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi. Kujekesa kwaraiita chokwadi cheBhaibheri kwakaita kuti vakawanda vauye kuna Jehovha zvainge zvisati zvamboitika. Mumakore mana vadzidzi vanopfuura 500 000 vakabhabhatidzwa. Sezvo simba rechechi yeRoma raiita richidzikira muLatin America nedzimwe nyika uye basa redu richiwedzera kubvumidzwa muEastern Europe nemune dzimwe nyika dzemuAfrica, mamwe mamiriyoni evadzidzi akabhabhatidzwa. (Isa. 60:22) Mumakore achangopfuura, sangano raJehovha rakabudisa zvimwe zvinhu zvekubatsira vanhu kuti vazive zvinodzidziswa neBhaibheri. Zviri pachena kuti pava neboka guru rine vanhu vanopfuura 8 miriyoni.

BOKA GURU REMARUDZI AKASIYANA-SIYANA

16. Vanhu veboka guru vari kuunganidzwa vachibva kupi?

16 Paakanyora zvaakaona, Johani akati boka guru raizova nevanhu vanobva “kumarudzi ese nemadzinza nevanhu nendimi.” Muprofita Zekariya ainge ambotaura mashoko akafanana naiwayo. Akati: “Mazuva iwayo varume gumi vemitauro yese yemarudzi vachabata, chokwadi vachanyatsobata nguo yemuJudha, vachiti: ‘Tinoda kuenda nemi, nekuti takanzwa kuti Mwari anemi.’”—Zek. 8:23.

17. Chii chiri kuitwa pakubatsira vanhu vemarudzi ese nendimi?

17 Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti mashoko akanaka anofanira kuparidzwa mumitauro yakawanda kuti vanhu vemitauro yese vaunganidzwe. Tava nemakore anopfuura 130 tichishandura mabhuku anotsanangura Bhaibheri, asi iye zvino tiri kuita basa iri zvisati zvamboitwa, tichishandurira mumitauro inopfuura 900. Zviri pachena kuti Jehovha ari kuita chishamiso chekuunganidza boka guru revanhu vachibva kumarudzi ese. Sezvo zvekudya zvekunamata zvichiwanikwa mumitauro yakawanda, boka iri remarudzi akasiyana-siyana rakabatana pakunamata. Uye tinozivikanwa nekushingaira kwatinoita pakuparidza uye nekudanana kwatinoita. Izvi zvinosimbisa kutenda kwedu.—Mat. 24:14; Joh. 13:35.

ZVAKARATIDZWA JOHANI ZVINOTIBATSIRA SEI?

18. (a) Maererano naIsaya 46:10, 11, nei zvisingatishamisi kuti Jehovha akazadzisa uprofita hunotaura nezveboka guru? (b) Nei vaya vane tariro yekugara panyika vasingaoni sekuti pane zvavari kunyimwa?

18 Tinofarira chaizvo uprofita hunotaura nezveboka guru. Hazvitishamisi kuti Jehovha akazadzisa uprofita ihwohwo nenzira inoshamisa kudaro. (Verenga Isaya 46:10, 11.) Veboka guru vanokoshesa chaizvo tariro yavakapiwa naJehovha. Havaoni sekuti vari kusaririra nekuti havana kuzodzwa nemweya mutsvene waMwari kuti vashumire naJesu kudenga. MuBhaibheri tinoverenga nezvevarume nevakadzi vaiva nekutenda avo vaitungamirirwa nemweya mutsvene, asi vasiri muboka re144 000. Johani Mubhabhatidzi ndemumwe wavo. (Mat. 11:11) Mumwe wacho ndiDhavhidhi. (Mab. 2:34) Ivo nevamwe vakawanda vachamutswa kuti vagare muparadhiso panyika. Vese zvavo pamwe chete neboka guru vachava nemukana wekuratidza kuti vakavimbika kuna Jehovha uye vanotsigira uchangamire hwake.

19. Kana tikanzwisisa zvinorehwa nezvakaratidzwa Johani nezveboka guru tichaita sei?

19 Aka ndekekutanga kuti Mwari aunganidze mamiriyoni evanhu vanobva kumarudzi ese kuti vamunamate vakabatana. Pasinei nekuti tariro yedu ndeyekugara panyika here kana kuti kudenga, tinofanira kubatsira vanhu vakawanda sezvatingagona kuti vapinde muboka guru ‘remamwe makwai.’ (Joh. 10:16) Munguva pfupi iri kuuya Jehovha achaunza dambudziko guru richaparadza hurumende nezvitendero izvo zviri kukonzera kutambura kwevanhu. Veboka guru vane mukana wakazonaka wekushumira Jehovha panyika nekusingaperi.—Zvak. 7:14.

RWIYO 139 Zvione Uripo, Zvese Zvava Zvitsva

^ ndima 5 Nyaya ino ichataura nezveuprofita hwakaratidzwa Johani hwekuunganidzwa ‘kweboka guru revanhu.’ Tine chokwadi chekuti ichasimbisa kutenda kwevanhu vese vari muboka iroro vane tariro yakazonaka.

^ ndima 8 Ona bhuku rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, mapeji 159-163.