Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 35

Jehovha Anokoshesa Vashumiri Vake Vanozvininipisa

Jehovha Anokoshesa Vashumiri Vake Vanozvininipisa

“Jehovha . . . anocherechedza vanozvininipisa.”—PIS. 138:6.

RWIYO 48 Kufamba naJehovha Zuva Nezuva

ZVICHADZIDZWA *

1. Jehovha anoona sei vanhu vanozvininipisa? Tsanangura.

JEHOVHA anoda vanhu vanozvininipisa. Vaya vanozvininipisa zvechokwadi ndivo chete vanogona kuva shamwari dzake dzepedyo. “Asi vanozvikudza anongovaziva vari kure.” (Pis. 138:6) Tese tinoda kufadza Jehovha uye tinoda kuti ave pedyo nesu, saka tine zvikonzero zvakanaka zvekuti tidzidze kuzvininipisa.

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Munyaya ino tichawana mhinduro dzemibvunzo mitatu inoti: (1) Kuzvininipisa kuita sei? (2) Nei tichifanira kudzidza kuzvininipisa? (3) Ndepapi pazvingatiomera kuti tizvininipise? Sezvatichaona, patinozvininipisa, tinofadza mwoyo waJehovha uye zvinotibatsira.—Zvir. 27:11; Isa. 48:17.

KUZVININIPISA KUITA SEI?

3. Kuzvininipisa kuita sei?

3 Kuzvininipisa kusazviona seunokosha kupfuura vamwe uye kusazvikudza. Bhaibheri rinoratidza kuti munhu anozvininipisa anoziva kuti Jehovha mukuru chaizvo kwaari. Anobvuma kuti munhu wese ane paanomupfuura.—VaF. 2:3, 4.

4-5. Nei vamwe vanhu vanoita sevanozvininipisa vasingazvininipisi?

4 Vamwe vanhu vanoita sevanozvininipisa. Vanogona kunge vari vanhu vakanyarara kana kuti vanonyara. Kana kuti vanogona kunge vaine tsika dzakanaka uye vachiremekedza vamwe nekuti ndizvo zvavakadzidziswa nevabereki vavo. Asi nechemumwoyo vanogona kunge vachizvikudza zvisingaiti. Zvavari chaizvo zvinozongobuda pachena.—Ruka 6:45.

5 Panewo vamwe vanhu vanoratidzika sevane chivimbo uye vasingatyi kutaura zvavanofunga. Izvi hazvirevi kuti vanozvikudza. (Joh. 1:46, 47) Asi vanhu vakadaro vanofanira kungwarira kuti vasavimba nezvavanokwanisa kuita. Tinogona kunge tiri vanhu vakasununguka kutaura nevamwe kana kuti tiri vanhu vanonyara, tese tinofanira kuedza chaizvo kuva vanhu vanozvininipisa.

Muapostora Pauro aizvininipisa (Ona ndima 6) *

6. Sezvinoratidzwa pana 1 VaKorinde 15:10, tinodzidzei pamuenzaniso wemuapostora Pauro?

6 Funga zvakaitwa nemuapostora Pauro. Akashandiswa chaizvo naJehovha pakutanga ungano itsva mumaguta akasiyana siyana. Anogona kunge akaita zvakawanda muushumiri kupfuura vamwe vaapostora vaJesu Kristu. Asi Pauro haana kuzviona seaiva nani pane hama dzake. Achizvininipisa akati: “Ini ndiri mudiki pavaapostora vese, uye handina kukodzera kunzi muapostora, nekuti ndaitambudza ungano yaMwari.” (1 VaK. 15:9) Pauro akabva ataura kuti nyasha dzaMwari, kwete unhu hwake pachake kana mabasa ake, ndidzo dzakaita kuti ave neushamwari hwepedyo naJehovha. (Verenga 1 VaKorinde 15:10.) Pauro akaratidza kuzvininipisa mutsamba yaakanyorera vaKristu vaiva muKorinde kunyange zvazvo vamwe vaiva muungano yacho vaimushora.—2 VaK. 10:10.

Karl F. Klein, aiva hama yaizvininipisa iyo yakashumira muDare Rinotungamirira (Ona ndima 7)

7. Imwe hama yakakurumbira yakaratidza sei kuti yaizvininipisa?

7 Vanhu vaJehovha vakawanda vakakurudzirwa nenyaya yeupenyu yaHama Karl F. Klein, avo vakashumira senhengo yeDare Rinotungamirira. Munyaya yavo yeupenyu, Hama Klein vakataura vachizvininipisa nezvematambudziko akawanda avakasangana nawo. Semuenzaniso, kuma 1920, vakaomerwa nebasa repaimba neimba zvekuti pavakariita kekutanga, vakazoita makore anoda kusvika maviri vasati variita zvakare. Pave paya, pavaishumira paBheteri, vakambochengeta chigumbu pavakapiwa zano. Vakamboita nguva vaine chirwere chepfungwa chaikonzerwa nekushushikana asi chakazopera. Kunyange zvakadaro, vakaita mabasa akawanda anokosha. Zvaida kuzvininipisa chaiko kuti hama inozivikanwa chaizvo itaure nezvematambudziko ayo uye zvayaikanganisa. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinoyeuka Hama Klein uye dzinofarira nyaya yavo yeupenyu yavaitaura zvinhu sezvazviri. *

NEI TICHIFANIRA KUDZIDZA KUZVININIPISA?

8. Rugwaro rwa1 Petro 5:6 runotibatsira sei kuona kuti kuzvininipisa kunofadza Jehovha?

8 Chikonzero chinonyanya kukosha chekuti tidzidze kuzvininipisa ndechekuti kuzvininipisa kunofadza Jehovha. Muapostora Petro akajekesa izvozvo. (Verenga 1 Petro 5:6.) Richitaura nezvemashoko aPetro, bhuku rinonzi “Uya Uve Muteveri Wangu” rinoti: “Kuzvikudza kwakaita somuchetura. Migumisiro yako ingarwadza. Unhu hungaita kuti munhu ane chipo chikuru ave wenhando kuna Mwari. Asi kuzvininipisa, kungaita kuti kunyange munhu akaderera chaizvo ave anokosha zvikuru kuna Jehovha. . . . Mwari . . . achafarawo kukupa mubayiro wokuzvininipisa kwako.” * Hapana chimwe chinhu chiri nani chingapfuura kufadza mwoyo waJehovha.—Zvir. 23:15.

9. Nei kuzvininipisa kuchiita kuti vamwe vanhu vade kuva pedyo nesu?

9 Kuzvininipisa kunoitawo kuti tiwane makomborero akawanda. Kana tichizvininipisa, vamwe vanhu vanoda kuva shamwari dzedu. Kuti uzvinzwisise, funga kuti iwe unoda kushamwaridzana nevanhu vakaita sei. (Mat. 7:12) Hatiwanzoda kushamwaridzana nevanhu vanongofunga kuti zvavanoita ndizvo chete zvakanaka uye vanoramba kunzwawo pfungwa dzevamwe. Asi zvinotifadza kuva pamwe nehama nehanzvadzi dzinoteerera mashoko emuBhaibheri anoti: “Muchinzwirana tsitsi, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana nyasha kwazvo, muchizvininipisa.” (1 Pet. 3:8) Kana tichifarira vanhu vakadaro, isuwo tinofanira kuzvininipisa kuti vatifarirewo.

10. Nei kuzvininipisa kuchitibatsira kutsungirira matambudziko?

10 Kuzvininipisa kunotibatsira kutsungirira matambudziko muupenyu. Chokwadi ndechekuti tinogona kuona zvimwe zvinhu zvatinofunga kuti hazvifaniri kunge zvakadaro. Mambo akachenjera Soromoni akati “Ndakaona varanda vari pamabhiza asi machinda achifamba netsoka sevaranda.” (Mup. 10:7) Dzimwe nguva vanhu vane unyanzvi hwakakura hwekuita zvinhu havarumbidzwi. Uye vaya vasinganyatsogona kuita zvinhu dzimwe nguva vanorumbidzwa kakawanda. Asi Soromoni akaona kuti zvakanaka kugamuchira upenyu sezvahuri, torega kugumbuka nezvinhu zvakadaro. (Mup. 6:9) Kana tichizvininipisa, hatizoomerwi nekugamuchira zvimwe zvinhu zvinoitika muupenyu kunyange tisingazvifariri.

NDEPAPI PAZVINGATIOMERA KUTI TIZVININIPISE?

Nei zvisiri nyore kuzvininipisa pakadai? (Ona ndima 11-12) *

11. Tinofanira kuitei patinopiwa zano?

11 Zuva rega rega tine mikana yakawanda yekuratidza kuzvininipisa. Funga nezvemienzaniso mishomanana. Patinopiwa zano. Tinofanira kuyeuka kuti munhu paanotipa zano, kazhinji kacho tinenge takanganisa kupfuura zvatiri kufunga. Pakadaro, tinganzwa tichida kuramba zano racho. Tinogona kushora munhu wacho kana kuti matauriro aanenge aita. Asi kana tichizvininipisa tichaedza kuva nemafungiro akanaka.

12. Maererano naZvirevo 27:5, 6, nei tichifanira kuonga patinopiwa zano nemumwe munhu? Taura muenzaniso.

12 Munhu anozvininipisa anogamuchira zano. Ngatitii uri pamusangano weungano. Pashure pekutaura nevanhu vakawanda vemuungano, mumwe wavo anokutora moenda padivi, obva akuudza kuti une kamuriwo pazino. Izvi zvinoita kuti unyare. Asi unotenda chaizvo kuti munhu wacho akuudza. Ungatoti dai paine akurumidza kuzviona andiudzawo. Ndizvowo zvatinofanira kuita kana hama kana hanzvadzi ikaita ushingi hwekutipa zano panguva yakakodzera. Tinofanira kuitenda. Tinoona munhu iyeye seshamwari yedu, kwete semuvengi.—Verenga Zvirevo 27:5, 6; VaG. 4:16.

Nei tichifanira kuzvininipisa kana vamwe vakapiwa mabasa muungano? (Ona ndima 13-14) *

13. Tingaratidza sei kuzvininipisa vamwe vanhu pavanopiwa zvekuita musangano?

13 Vamwe pavanopiwa zvekuita musangano. “Pandinoona vamwe vachipiwa zvekuita, dzimwe nguva ndinonetseka kuti nei ndisiri ini ndasarudzwa,” anodaro mumwe mukuru anonzi Jason. Unombonzwawo saizvozvo here? Hazvina kuipa kuti munhu ‘avavarire’ kuitira Jehovha zvakawanda. (1 Tim. 3:1) Asi tinofanira kungwarira zvatinofunga. Kana tikasangwarira, kuzvikudza kunogona kutanga kukura mumwoyo medu. Semuenzaniso, murume wechiKristu anogona kutanga kufunga kuti ndiye akanyatsokodzera kuti aite rimwe basa remuungano. Kana kuti mudzimai wechiKristu angafunga kuti, ‘Murume wangu anotogona kuita basa iri kupfuura nhingi!’ Asi kana tichinyatsozvininipisa, hatizovi nemafungiro akadaro.

14. Tinodzidzei pane zvakaitwa naMozisi vamwe vanhu pavakapiwa mabasa?

14 Zvakaitwa naMozisi vamwe pavakapiwa mabasa zvinogona kutibatsira chaizvo. Mozisi aikoshesa basa rake rekutungamirira vaIsraeri. Asi akaita sei Jehovha paakaita kuti vamwe vashumire pamwe chete naye? Haana kurwadziwa nazvo. (Num. 11:24-29) Pabasa rekutonga vanhu, Mozisi akazvininipisa ndokubvuma kuti vamwe vamubatsire. (Eks. 18:13-24) VaIsraeri vakanga vava nevanhu vakawanda vaitonga nyaya dzavo. Izvi zvinoratidza kuti Mozisi ainyanya kufunga zvinhu zvinoita kuti vamwe vabatsirwe pane kungozvifunga iye pachake. Tinowana chidzidzo chakanaka chaizvo pane zvaakaita. Kana tichida kuramba tichifarirwa naJehovha, tinofanira kuyeuka kuti kuzvininipisa kunokosha chaizvo kupfuura unyanzvi hwatingava nahwo. “Kunyange zvazvo Jehovha akakwirira, anocherechedza vanozvininipisa.”—Pis. 138:6.

15. Zvii zvakachinja muupenyu hwehama nehanzvadzi dzakawanda?

15 Zvinhu pazvinochinja muupenyu hwedu. Mumakore achangopfuura, vakawanda vava nemakumi emakore vachishumira Jehovha vakachinjwa mabasa avo. Muna 2014, sangano rakabvisa urongwa hwekuva nevatariri veruwa, saka hama idzi nemadzimai adzo vakapiwa mamwe mabasa enguva yakazara. Kubvira mugore iroro, vatariri vematunhu vava kurega basa remudunhu pavanosvitsa makore 70. Uye hama dzinenge dzava nemakore 80 kana kupfuura hadzicharambi dziri varongi mumatare evakuru. Uyewo, mumakore achangopfuura, vakawanda vaishumira paBheteri vakanzi vanopayona. Vamwewo vakamira basa renguva yakazara nemhaka yekurwara, kuchengeta mhuri, kana zvimwewo zvikonzero.

16. Hama nehanzvadzi dzedu dzakaratidza sei kuzvininipisa kuti dzijairane nekuchinja kwainge kwaita zvinhu?

16 Kuchinja uku kwaisava nyore kuhama nehanzvadzi idzi. Zviri pachena kuti vaida chaizvo mabasa avo, uye vakawanda vacho vakanga vava nemakore vachiaita. Zvakanga zvisiri nyore kuti vamwe vavo vajairane nekuchinja kwainge kwaita zvinhu. Asi nekufamba kwenguva, vakazopedzisira vava kujairana neupenyu hutsva. Chii chakavabatsira? Kuda Jehovha ndiko kwakanyanya kuvabatsira. Vaiziva kuti vainge vakazvitsaurira kuna Mwari, kwete kubasa, kana zita rebasa ravaiita. (VaK. 3:23) Vari kuramba vachishumira Jehovha vachifara uye vachizvininipisa chero kwavanenge vari. ‘Vanokanda zvese zvinovadya mwoyo kwaari,’ vachiziva kuti iye ane hanya navo.—1 Pet. 5:6, 7.

17. Nei tichionga chaizvo kuti Shoko raMwari rinotikurudzira kuva vanhu vanozvininipisa?

17 Tinoonga chaizvo kuti Shoko raMwari rinotikurudzira kuti tive vanhu vanozvininipisa. Patinoshanda nesimba kuti tive vanhu vanozvininipisa, vamwe vanofara kuva nesu uye isu tinofarawo kuva navo. Zvinotibatsira kutsungirira matambudziko atinosangana nawo muupenyu. Chinonyanya kukosha ndechekuti tinova pedyo naBaba vedu vekudenga. Tinofara chaizvo kuziva kuti kunyange zvazvo Jehovha “Akakwirira uye [ari] Wekumusoro,” anoda vashumiri vake vanozvininipisa uye anovakoshesa.—Isa. 57:15.

RWIYO 45 Kufungisisa Kwemwoyo Wangu

^ ndima 5 Zvinokosha chaizvo kuti tizvininipise. Kuzvininipisa kuita sei? Nei tichifanira kudzidza kuzvininipisa? Uye nei dzimwe nguva zvichitiomera kuti tirambe tichizvininipisa panochinja zvinhu? Nyaya ino ichapindura mibvunzo iyi inokosha.

^ ndima 7 Ona nyaya inoti Jehovah Has Dealt Rewardingly With Meiri muNharireyomurindi yeChirungu yaOctober 1, 1984.

^ ndima 53 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Muapostora Pauro ari kutandara nevamwe vaKristu pamba peimwe hama uyewo ari kutaurawo nevana zvichiratidza kuti anozvininipisa.

^ ndima 57 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama iri kugamuchira zano rinobva muBhaibheri rairi kupiwa nehama yechidiki.

^ ndima 59 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama iya yechikuru haisi kuitira godo hama yechidiki pairi kuitisa musangano webasa.