Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 37

Nei Tichizviisa Pasi paJehovha Uye Tinozviita Sei?

Nei Tichizviisa Pasi paJehovha Uye Tinozviita Sei?

“Hatifaniri here kutowedzera kuzviisa pasi paBaba?”—VAH. 12:9.

RWIYO 9 Jehovha Ndiye Mambo Wedu!

ZVICHADZIDZWA *

1. Nei tichifanira kuzviisa pasi paJehovha?

TINOFANIRA kuzviisa pasi * paJehovha nekuti ndiye Musiki wedu. Saka ane kodzero yekutiudza zvatinofanira kuita nezvatisingafaniri kuita. (Zvak. 4:11) Asi chimwe chikonzero chinoita kuti timuteerere ndechekuti matongero ake ndiwo akanaka kupfuura mamwe ese. Vatongi vakawanda vane simba pamusoro pevamwe vanhu uye izvi zvava nenguva refu zvakadaro. Asi patinoenzanisa matongero avo nematongero aJehovha, tinoona kuti Jehovha ndiye Mutongi anopfuura vese pauchenjeri, uye pakuratidza rudo, ngoni, netsitsi.—Eks. 34:6; VaR. 16:27; 1 Joh. 4:8.

2. VaHebheru 12:9-11 inotipa zvikonzero zvipi zvekuzviisa pasi paJehovha?

2 Jehovha anoda kuti timuteerere kwete nekungoti tinomutya, asi nekuti tinomuda uye tinomuona saBaba vedu vane rudo. Mutsamba yaakanyorera vaHebheru, Pauro akati tinofanira “kuzviisa pasi paBaba” nekuti vanotidzidzisa “kuti tibatsirwe.”—Verenga VaHebheru 12:9-11.

3. (a) Tinoratidza sei kuti tinozviisa pasi paJehovha? (b) Tichapindura mibvunzo ipi?

3 Tinozviisa pasi paJehovha nekuita zvese zvatinogona kuti timuteerere muzvinhu zvese uye nekurwisa kuti tisavimba nekunzwisisa kwedu. (Zvir. 3:5) Zvinova nyore kuzviisa pasi paJehovha kana tikadzidza zvakawanda nezvake. Nei tichitaura kudaro? Nekuti patinodzidza nezvake tinobva taona kunaka kwaakaita. (Pis. 145:9) Patinodzidza zvakawanda nezvaJehovha, tinowedzera kumuda. Uye kana tichida Jehovha, hatizofaniri hedu kuva nemitemo yakawanda-wanda yezvatinofanira kuita kana kuti zvatisingafaniri kuita. Tinoedza kuita kuti mafungiro edu nemanzwiro edu aenderane nezvinodiwa naJehovha, uye tinotambira kure nezvakaipa. (Pis. 97:10) Asi dzimwe nguva zvinombotiomera kuteerera Jehovha. Nei zvichidaro? Vakuru, vanababa, uye vanaamai vangadzidzei pane zvakaitwa naGavhuna Nehemiya; Mambo Dhavhidhi; uye Mariya, amai vaJesu? Nyaya ino ichapindura mibvunzo iyi.

NEI ZVINGATIOMERA KUZVIISA PASI PAJEHOVHA?

4-5. Maererano naVaRoma 7:21-23, nei zvingatiomera kuzviisa pasi paJehovha?

4 Chimwe chingaita kuti zvitiomere kuzviisa pasi paJehovha ndechekuti tese tine chivi. Saka hapasi pese patinoda kuteerera Mwari. Adhamu naEvha pavakapandukira Mwari vachibva vadya muchero wavakarambidzwa, vakazvisarudzira vega zvavaiti zvakanaka uye zvavaiti zvakaipa. (Gen. 3:22) Mazuva ano vanhu vakawanda havadiwo kuteerera Jehovha uye vanosarudza vega zvavanoti zvakanaka uye zvavanoti zvakaipa.

5 Kunyange vaya vanoda Jehovha uye vanomuziva vanogona kuomerwa nekunyatsozviisa pasi pake. Muapostora Pauro zvaimuomerawo kuti anyatsoita zvinodiwa naMwari. (Verenga VaRoma 7:21-23.) Kungofanana naPauro, tinoda kuita zvinonzi naJehovha zvakarurama. Asi tinofanira kugara tichishanda nesimba kuti tirwise chido chekuita zvakaipa.

6-7. Chii chimwe chikonzero chinoita kuti zvitiomere kuzviisa pasi paJehovha? Taura muenzaniso.

6 Chimwe chikonzero chinoita kuti zvitiomere kuzviisa pasi paJehovha ndechekuti tinokanganiswa netsika nemafungiro evanhu vekwatakakurira. Mafungiro evanhu vakawanda anopesana nezvinodiwa naJehovha, saka tinofanira kushanda nesimba chaizvo kuti tisava nemafungiro evanhu ivavo. Funga nezvemuenzaniso unotevera.

7 Mune dzimwe nzvimbo, vechidiki vanowanzokurudzirwa kuti vaite mari yakawanda. Imwe hanzvadzi inonzi Mary * yakasangana nemuedzo iwoyo. Asati adzidza nezvaJehovha, aidzidza pane chimwe chezvikoro zvepamusoro munyika mavo. Vemumhuri make vaida kuti awane basa rinobhadhara, kuitira kuti ave munhu anoremekedzwa. Naiyewo ndizvo zvaaida. Asi paakadzidza nezvaJehovha ndokutanga kumuda, akachinja zvinangwa zvake. Kunyange zvakadaro, anoti: “Dzimwe nguva ndinowana mikana yekuita mari yakawanda, asi ndinoziva kuti zvinozonditadzisa kushumira Jehovha sezvandiri kuita iye zvino. Marererwo andakaitwa achiri kuita kuti zvindiomere kuramba. Ndinotokumbira Jehovha kuti andibatsire kukunda muedzo wekubvuma basa rinozonditadzisa kumushumira zvakanaka.”—Mat. 6:24.

8. Iye zvino tava kuda kukurukurei?

8 Sezvataona, kuzviisa pasi paJehovha kwakatinakira. Chimwezve chinoita kuti vaya vane simba ravakapiwa naJehovha vakadai sevakuru, vanababa uye vanaamai vatevedzere zvinodiwa naMwari ndechekuti zvavanoita zvinobatsira vamwe. Ngatikurukurei mimwe mienzaniso iri muBhaibheri inotibatsira kushandisa simba ratinenge takapiwa nenzira inofadza Jehovha.

VAKURU VANODZIDZEI PANA NEHEMIYA

Vakuru vanoshandawo nevamwe paImba yeUmambo sezvaiitwa naNehemiya paaishanda nevamwe pakuvakazve Jerusarema (Ona ndima 9-11) *

9. Zvinhu zvipi zvinoshungurudza zvakaonekwa naNehemiya?

9 Jehovha akapa vakuru basa rinokosha chaizvo rekufudza vanhu vake. (1 Pet. 5:2) Vakuru vanogona kudzidza zvakawanda nekuongorora mabatiro akaita Nehemiya vanhu vaJehovha. Sagavhuna weJudha, Nehemiya aiva nesimba rakati kurei. (Neh. 1:11; 2:7, 8; 5:14) Funga zvimwe zvinhu zvinoshungurudza zvakaonekwa naNehemiya. Akaona kuti vanhu vakanga vasvibisa temberi uye vaisatsigira vaRevhi sezvainzi neMutemo vaite. VaJudha vaityora mutemo weSabata, uye vamwe varume vakanga varoora vakadzi vemamwe marudzi. Gavhuna Nehemiya aifanira kugadzirisa mamiriro ezvinhu aya akaoma.—Neh. 13:4-30.

10. Nehemiya akaitei nezvinhu zvinoshungurudza zvaakaona?

10 Nehemiya haana kushandisa simba rake kuti amanikidze vanhu vaMwari kuti vaite zvaaida. Asi akanyengetera nemwoyo wese achikumbira kubatsirwa naJehovha, uye akadzidzisa vanhu vacho Mutemo waJehovha. (Neh. 1:4-10; 13:1-3) Nehemiya akashandawo pamwe chete nehama dzake, achitodzibatsira kuvakazve masvingo eJerusarema.—Neh. 4:15.

11. Maererano na1 VaTesaronika 2:7, 8, vakuru vanofanira kubata sei vanhu vari muungano?

11 Matambudziko anosangana nevakuru anogona kusiyana neakasangana naNehemiya, asi vanogona kumutevedzera munzira dzakawanda. Semuenzaniso, vanoshanda nesimba kuti vabatsire hama nehanzvadzi dzavo. Uye havazvione sevari nani nemhaka yebasa ravo muungano. Asi vanobata ungano nerudo.(Verenga 1 VaTesaronika 2:7, 8.) Rudo rwavo rwakadzama uye kuzvininipisa kwavo kunoita kuti vataure zvakanaka nevamwe. Andrew, uyo ava nemakore akawanda ari mukuru anoti: “Ndakaona kuti kakawanda hama nehanzvadzi dzinofara kana mukuru achidzibata zvakanaka uye aine ushamwari. Izvi zvinoita kuti ungano ide kushandira pamwe nevakuru.” Mumwe mukuru agara nebasa anonzi Tony, anoti: “Ndinoedza kushandisa zano riri pana VaFiripi 2:3 uye ndinogara ndichiedza kuona vamwe sevari nani kundipfuura. Izvi zvinondibatsira kuti ndisaita semunhu anongomirira kuudza vamwe zvekuita.”

12. Nei zvichikosha kuti vakuru vazvininipise?

12 Vakuru vanofanira kuzvininipisa sezvinoita Jehovha. Kunyange zvazvo Jehovha ari Mutongi Mukuru kupfuura vamwe vese, ‘anokotama’ kuti asimudze “munhu akaderera kubva muguruva.” (Pis. 18:35; 113:6, 7) Jehovha anotovenga vaya vanozvikudza uye vanodada.—Zvir. 16:5.

13. Nei mukuru achifanira ‘kudzora rurimi rwake zvakasimba.’?

13 Mukuru anozviisa pasi paJehovha anofanira ‘kudzora rurimi rwake zvakasimba.’ Kana akasarudzora, anogona kutaura zvisina kunaka kana mumwe munhu akasamuremekedza. (Jak. 1:26; VaG. 5:14, 15) Andrew, ambotaurwa nezvake anoti: “Dzimwe nguva ndinombonzwa ndichida kutaura zvisina kunaka kuhama kana hanzvadzi yandinenge ndaona sekuti haina kundiremekedza semukuru. Asi ndinofungisisa nezvevarume vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri, uye izvozvo zvinondibatsira kuona kuti kuzvininipisa uye kuva munyoro kunokosha.” Vakuru vanoratidza kuti vanozviisa pasi paJehovha nekutaura zvakanaka, vachiratidza kuti vanoda vaya vari muungano kusanganisira vamwe vakuru.—VaK. 4:6.

VANABABA VANODZIDZEI PANA DHAVHIDHI?

14. Jehovha akapa vanababa basa rei, uye anotarisira kuti vaitei?

14 Jehovha akaita kuti baba vave musoro wemhuri, uye anotarisira kuti baba vadzidzise uye varayire vana vavo. (1 VaK. 11:3; VaEf. 6:4) Asi baba havafaniri kushandisa simba ravo kuita chero zvavada. Vanozvidavirira kuna Jehovha nekuti mhuri dzese dzinowana mazita adzo kwaari. (VaEf. 3:14, 15) Vanababa vanoratidza kuzviisa pasi paJehovha nekushandisa simba ravo nenzira inoita kuti Mwari afare. Vanogona kudzidza zvakawanda paupenyu hwaMambo Dhavhidhi.

Minyengetero yababa vanoshumira Jehovha inofanira kuratidza kuti vanozvininipisa (Ona ndima 15-16) *

15. Nei Mambo Dhavhidhi ari muenzaniso wakanaka wekuti vanababa vatevedzere?

15 Jehovha akagadza Dhavhidhi kuti ave musoro wemhuri yake uyewo werudzi rwese rwaIsraeri. Samambo, Dhavhidhi aiva nesimba rakawanda. Dzimwe nguva aishandisa simba rake zvisina kunaka uye aimbokanganisa chaizvo. (2 Sam. 11:14, 15) Asi akaratidza kuti aizviisa pasi paJehovha nekubvuma kururamiswa. Paainyengetera aidurura mwoyo wake kuna Jehovha. Uye aiedza nepaaigona napo kuti ateerere mazano aJehovha. (Pis. 51:1-4) Kuwedzera pane izvozvo, aizvininipisa chaizvo zvekuti aigamuchira mazano akanaka kwete aingobva kuvarume chete, asiwo kuvakadzi. (1 Sam. 19:11, 12; 25:32, 33) Dhavhidhi akadzidza pane zvaakakanganisa uye ainyanya kukoshesa kushumira Jehovha muupenyu hwake.

16. Vanababa vanodzidzei pana Dhavhidhi?

16 Vanababa vanodzidzei pana Mambo Dhavhidhi? Musashandisa zvisiri izvo simba ramakapiwa naJehovha. Bvumai zvamunenge makanganisa, uye gamuchirai mazano emuBhaibheri amunopiwa nevamwe. Kana mukadaro, mhuri yenyu ichakuremekedzai nekuti munozvininipisa. Pamunenge muchinyengetera nemhuri yenyu, dururai mwoyo wenyu kuna Jehovha uye mhuri yenyu ngainzwe kuti munovimba naJehovha zvakadii. Chinhu chinonyanya kukosha ndechekuti mukoshese kushumira Jehovha muupenyu hwenyu. (Dheut. 6:6-9) Muenzaniso wenyu wakanaka ndiwo chimwe chezvipo zvinokosha zvikuru zvamunogona kupa mhuri yenyu.

VANAAMAI VANODZIDZEI PANA MARIYA?

17. Jehovha akapa vanaamai basa rei?

17 Jehovha akapa vanaamai basa rinokudzwa mumhuri, uye akavapa simba pavana vavo. (Zvir. 6:20) Zvinoitwa naamai uye zvavanotaura zvinogona kubatsira vana vavo kweupenyu hwese. (Zvir. 22:6) Ngationei kuti vanaamai vanodzidzei pana Mariya, amai vaJesu.

18-19. Vanaamai vanodzidzei pana Mariya?

18 Mariya ainyatsoziva Magwaro. Airemekedza Jehovha chaizvo uye aiva neushamwari hwakasimba naye. Aida kuita zvinodiwa naJehovha kunyange zvazvo zvaireva kuti upenyu hwake hwese hwaizochinja.—Ruka 1:35-38, 46-55.

Kana amai vakaneta, vanofanira kutoshanda nesimba kuti varatidze kuti vanoda mhuri yavo (Ona ndima 19) *

19 Vanaamai, munogona kutevedzera Mariya munzira dzakasiyana-siyana. Mungazviita sei? Chekutanga, munogona kuramba muine ushamwari naJehovha kana muchidzidza Bhaibheri uye muchinyengetera. Chechipiri, munofanira kuva nechido chekuchinja upenyu hwenyu kuti mufadze Jehovha. Zvimwe makarerwa nevabereki vaikurumidza kugumbuka uye vaipopotera vana vavo. Saka munogona kunge makakura muchifunga kuti ndizvo zvinofanira kuitwa pakurera vana. Kunyange pamunenge madzidza zvinodiwa naJehovha, zvinogona kukuomerai kuramba makadzikama uye kuva nemwoyo murefu, kunyanya vana venyu pavanorega kukuteererai imi makaneta. (VaEf. 4:31) Ipapo ndipo pamunofanira kuwedzera kunyengetera kuna Jehovha kuti akubatsirei. Vamwe amai vanonzi Lydia vanoti: “Dzimwe nguva ndinotofanira kunyengetera zvakasimba kuti ndirege kutaura ndakagumbuka mwanakomana wangu paanorega kunditeerera. Pamwe pacho ndinotorega kupedzisa zvandinenge ndichitaura ndonyengetera kuti Jehovha andibatsire. Munyengetero unoita kuti ndirambe ndakadzikama.”—Pis. 37:5.

20. Vamwe vanaamai vanoomerwa nei uye vangakunda sei dambudziko racho?

20 Vamwe vanaamai vanogona kuomerwa nekuratidza vana vavo rudo. (Tito 2:3, 4) Vamwe vakadzi vakarerwa nevabereki vainge vasingavaratidzi rudo. Kana ari iwo marererwo awakaitwa, haufaniri hako kudzokorora zvaiitwa nevabereki vako pakurerawo vana vako. Amai vanoteerera Jehovha vanofanira kudzidza kuda vana vavo. Zvinogona kunge zvisiri nyore kuti vachinje mafungiro avo, manzwiro avo uye maitiro avo. Asi vanogona kuchinja, uye kuchinja ikoko kuchavabatsira ivo nemhuri yavo.

RAMBA UCHIZVIISA PASI PAJEHOVHA

21-22. Maererano naIsaya 65:13, 14, tinobatsirwa sei nekuzviisa pasi paJehovha?

21 Mambo Dhavhidhi aiziva kuti kuzviisa pasi paJehovha kunobatsira. Akanyora kuti: “Mirayiro inobva kuna Jehovha yakarurama, inoita kuti mwoyo ufare; murayiro waJehovha wakachena, unoita kuti maziso apenye. Mushumiri wenyu anoyambirwa nayo; kuichengeta kunounza mubayiro mukuru.” (Pis. 19:8, 11) Mazuva ano tinoona kusiyana kwakaita vanhu vanozviisa pasi paJehovha nevasingamuteereri. Vaya vanozviisa pasi paJehovha ‘vanoshevedzera vachifara nekuti vanenge vakagadzikana mumwoyo.’—Verenga Isaya 65:13, 14.

22 Kana vakuru, vanababa, uye vanaamai vakazviisa pasi paJehovha vanova neupenyu huri nani, mhuri dzavo dzinova nemufaro, uye ungano yese inowedzera kubatana. Chikuru pane zvese ndechekuti vanofadza mwoyo waJehovha. (Zvir. 27:11) Hapana chimwe chinofadza kupfuura izvozvo!

RWIYO 123 Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika

^ ndima 5 Nyaya ino ichataura kuti nei tichifanira kuzviisa pasi paJehovha. Icharatidzawo kuti vaya vane simba ravakapiwa vakadai sevakuru, vanababa, navanaamai vangadzidzei pane zvakaitwa naGavhuna Nehemiya, Mambo Dhavhidhi, uye Mariya, amai vaJesu.

^ ndima 1 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Mashoko ekuti kuzviisa pasi haafadzi kune vaya vanomanikidzwa kuteerera mumwe munhu. Asi vanhu vaMwari vanosarudza vega kumuteerera, saka havaoni kuzviisa pasi sechinhu chakaipa.

^ ndima 7 Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

^ ndima 62 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Mukuru ari kushanda nemwanakomana wake paImba yeUmambo sezvaiitwa naNehemiya achibatsira pakuvakazve masvingo eJerusarema.

^ ndima 64 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Baba vari kunyengeterera mhuri yavo nemwoyo wese kuna Jehovha.

^ ndima 66 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Kakomana kapedza nguva yakareba kachitamba magemhu paTV asi kasina kuita mabasa epamba kana kuita basa rakapiwa kuchikoro. Amai vacho vaneta nebasa, asi vanokatsiura vakadzikama uye vasingashandisi mashoko akaipa.