Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 36

Tinotarisira Amagedhoni Nemufaro

Tinotarisira Amagedhoni Nemufaro

“Kwakaaunganidza kunzvimbo inonzi Amagedhoni.”—ZVAK. 16:16.

RWIYO 150 Tsvaga Mwari Kuti Ununurwe

ZVICHADZIDZWA *

1-2. (a) Nei kuuya kweAmagedhoni ari mashoko akanaka? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi munyaya ino?

VAMWE vanhu pavanonzwa nezveshoko rekuti “Amagedhoni,” vanofunga nezvehondo yenyukiriya kana kuti njodzi yakakura inogona kuitika panyika. Asi Bhaibheri parinotaura nezveAmagedhoni rinenge richitaura mashoko akanaka anofadza. (Zvak. 1:3) Hondo yeAmagedhoni haisi kuzoparadza vanhu vese asi ichaponesa vamwe. Izvi zvichaitika sei?

2 Bhaibheri rinoratidza kuti hondo yeAmagedhoni ichagumisa utongi hwevanhu zvoita kuti vanhu varege kupera panyika. Hondo iyoyo ichaparadza vakaipa, yoponesa vakarurama. Uye ichaponesa vanhu nekuti ichadzivirira nyika kuti isaramba ichiparadzwa nevanhu. (Zvak. 11:18) Kuti chokwadi ichi chiwedzere kutijekera, ngatikurukurei mibvunzo 4 inoti: Chii chinonzi Amagedhoni? Chii chichaitika kana yava pedyo? Tingaitei kuti tivewo pakati pevachaponeswa paAmagedhoni? Tingaitei kuti tirambe takatendeka sezvo Amagedhoni yava pedyo?

CHII CHINONZI AMAGEDHONI?

3. (a) Shoko rekuti “Amagedhoni” rinorevei? (b) Zvakazarurwa 16:14, 16 inoratidza sei kuti Amagedhoni haisi nzvimbo chaiyo iripo panyika?

3 Verenga Zvakazarurwa 16:14, 16. Shoko rekuti “Amagedhoni” rinongowanika kamwe chete muBhaibheri, uye rinobva pashoko rechiHebheru rinoreva kuti “Gomo reMegidho.” (Zvak. 16:16; mashoko emuzasi) Megidho raiva guta remuIsraeri. (Josh. 17:11) Asi panyika hapana nzvimbo chaiyo inonzi Amagedhoni. Shoko racho pacharo rinoreva mamiriro ezvinhu achavapo kana “madzimambo enyika yese” aunganidzwa kuti arwisane naJehovha. (Zvak. 16:14) Asi tinoshandisawo shoko rekuti “Amagedhoni” tichireva hondo ichaitika kana madzimambo enyika aunganidzwa. Tinoziva sei kuti Amagedhoni inzvimbo yekufananidzira? Chekutanga, hakuna gomo rinonzi Megidho. Chechipiri, nharaunda yeMegidho idiki chaizvo zvekuti haikwani “madzimambo enyika yese” nemauto awo nezvombo zvawo zvehondo. Chechitatu, sezvatichaona munyaya ino, hondo yeAmagedhoni ichatanga “madzimambo” enyika paacharwisa vanhu vaMwari avo vakapararira nenyika yese.

4. Nei Jehovha akaita kuti hondo yake huru yekupedzisira ive nechekuita nenzvimbo inonzi Megidho?

4 Nei Jehovha akaita kuti hondo yake huru yekupedzisira ive nechekuita neMegidho? MuMegidho nemuBani reJezreeri iro raiva pedyo, makarwiwa hondo dzakawanda. Dzimwe nguva Jehovha aibatsira vanhu vake muhondo idzodzo. Semuenzaniso, “pedyo nemvura yeMegidho,” Mwari akabatsira mutongi wevaIsraeri Bheraki, kuti akunde uto revaKenani raitungamirirwa nemukuru weuto ainzi Sisera. Bheraki nemuprofitakadzi Dhibhora vakatenda Jehovha nekuti akaita chishamiso chakavabatsira kuti vakunde. Vakaimba kuti: “Nyeredzi dzakarwisa dziri kudenga; dzakarwa naSisera. . . . Rukova rwaKishoni rwakavakukura.”—Vat. 5:19-21.

5. Hondo yeAmagedhoni ichange yakasiyana papi nehondo yakarwiwa naBheraki?

5 Bheraki naDhibhora vakapedzisa rwiyo rwavo nemashoko ekuti: “Saka vavengi venyu vese ngavaparare, haiwa Jehovha, asi vaya vanokudai ngavaite sezuva riri kubuda richibwinya.” (Vat. 5:31) Izvi ndizvo zvichaitikawo pahondo yeAmagedhoni. Vavengi vaMwari vachaparara, uye vaya vanoda Mwari vachaponeswa. Asi pane musiyano unokosha pahondo mbiri idzi. PaAmagedhoni, vanhu vaMwari havasi kuzorwa. Vachange vasina kana zvombo. ‘Simba ravo richabva pakuramba vakadzikama uye pakuvimba’ naJehovha nemauto ake ekudenga.—Isa. 30:15; Zvak. 19:11-15.

6. Jehovha anogona kushandisei kuti akunde vavengi vake paAmagedhoni?

6 Mwari achakunda sei vavengi vake paAmagedhoni? Anogona kushandisa nzira dzakasiyana-siyana. Semuenzaniso, anogona kushandisa kudengenyeka kwenyika, chimvuramabwe, uye mheni. (Job. 38:22, 23; Ezek. 38:19-22) Anogonawo kuita kuti vavengi vake varwisane. (2 Mak. 20:17, 22, 23) Uye anogona kushandisa ngirozi dzake kuti dziuraye vakaipa. (Isa. 37:36) Chero chaachashandisa, Mwari achakunda. Vavengi vake vese vachaparadzwa. Uye vanhu vese vakarurama vachaponeswa.—Zvir. 3:25, 26.

CHII CHICHAITIKA KANA AMAGEDHONI YAVA PEDYO?

7-8. (a) Maererano na1 VaTesaronika 5:1-6, mashoko api asingawanzotaurwa achataurwa nevatungamiriri venyika? (b) Nei mashoko aya achange ari nhema dzakaipa chaizvo?

7 “Zuva raJehovha” risati ratanga, pachaziviswa kuti, “Kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana!” (Verenga 1 VaTesaronika 5:1-6.) “Zuva raJehovha” rinotaurwa nezvaro pana 1 VaTesaronika 5:2 rinoreva “kutambudzika kukuru.” (Zvak. 7:14) Tichazoziva sei kuti kutambudzika ikoko kwava kuda kutanga? Bhaibheri rinotiudza kuti pachaziviswa mashoko asingawanzotaurwa nezvawo. Ndiwo achava chiratidzo chekuti kutambudzika kukuru kwava kutanga.

8 Mashoko iwayo ndiwo akataurwa nezvawo kuti vanenge vachiti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana.” Nei vatungamiriri venyika vachataura kudaro? Vatungamiriri vezvitendero vachabatanawo navo here? Zvinogona kudaro. Asi mashoko iwayo achange angori dzimwe nhema dzakafemerwa nemadhimoni. Nhema idzi dzichange dzakaipa chaizvo nekuti dzichaita kuti vanhu vafunge kuti hapana chichavawana asi chokwadi ndechekuti kutambudzika kukuru kunenge kwava kuda kutanga. “Vachabva vangoparadzwa pakarepo vasingatarisiri, semauyiro anoita marwadzo emukadzi ane pamuviri ava kusununguka.” Chii chichaitika kuvashumiri vaJehovha vakatendeka? Vanogona kushamiswa nekutanga kwezuva raJehovha asi vanenge vakagadzirira.

9. Mwari achaparadza sei nyika yaSatani?

9 Jehovha haasi kuzoparadza nyika yaSatani yese panguva imwe chete sezvaakaita panguva yaNoa. Asi achatanga nekuparadza chikamu chayo chimwe chete, ozoparadza zvimwe zvacho zvese. Achatanga, nekuparadza Bhabhironi Guru, kureva zvitendero zvese zvenhema. Uye paAmagedhoni, achabva aparadza zvimwe zvikamu zvenyika yaSatani zvinenge zvasara zvakadai sezvematongerwo enyika, mauto, uye zvekutengeserana. Iye zvino ngatikurukurei zviitiko izvozvo zvikuru zviviri.

10. Maererano naZvakazarurwa 17:1, 6 uye 18:24, nei Jehovha achaparadza Bhabhironi Guru?

10 “Kutongwa kwepfambi huru.” (Verenga Zvakazarurwa 17:1, 6; 18:24.) Bhabhironi Guru riri kuita kuti vanhu vakawanda vasaremekedze Mwari. Riri kudzidzisa nhema nezvaMwari. Riri kuita upfambi nekutsigira kwarinoita vatongi venyika. Riri kushandisa simba raro kudzvinyirira vanhu vari muzvitendero zvaro richivatorera mari. Uye radeura ropa rakawanda kusanganisira ropa revashumiri vaMwari. (Zvak. 19:2) Jehovha achaparadza sei Bhabhironi Guru?

11. “Chikara chitsvuku” chinomiririrei uye Mwari achachishandisa sei kuti chiparadze Bhabhironi Guru?

11 Jehovha achaparadza “pfambi huru” iyi achishandisa “nyanga gumi” ‘dzechikara chitsvuku.’ Chikara ichi chekufananidzira chinomiririra Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese. Nyanga gumi dzinomiririra hurumende dziripo iye zvino dziri kutsigira sangano iroro. Panguva yaMwari yakakodzera, hurumende idzodzo dzicharwisa Bhabhironi Guru. ‘Dzichariparadza nekuripfekenura,’ padzicharitorera upfumi hwaro hwese nekufumura uipi hwaro. (Zvak. 17:3, 16) Kuparadzwa ikoko kuchavhundutsa vatsigiri varo uye kuchakurumidza kuitika. Zvichaita sekuti kwaitika nezuva rimwe chete. Vatsigiri varo vachavhunduka nekuti rava nemakore richidada richiti: “Ndinogara samambokadzi, handisi chirikadzi, uye handizombochemi.”—Zvak. 18:7, 8.

12. Jehovha haasi kuzobvumira hurumende kuti dziitei uye nei asiri kuzodzibvumira?

12 Mwari haasi kuzobvumira hurumende kuti dziparadze vanhu vake. Vanodada nekuzivikanwa nezita rake, uye vakateerera murayiro wake wekuti vabude muBhabhironi Guru. (Mab. 15:16, 17; Zvak. 18:4) Vanoshandawo nesimba vachibatsira vanhu kuti vabude mariri. Saka vashumiri vaJehovha havasi ‘kuzowirwa nemamwe matambudziko aro.’ Kunyange zvakadaro, kutenda kwavo kuchaedzwa.

Pasinei nekwavanenge vari panyika, vanhu vaMwari vachavimba naye pavanenge vava kurwiswa (Ona ndima 13) *

13. (a) Ndiani anonzi Gogi? (b) Maererano naEzekieri 38:2, 8, 9, Gogi achasvika riini panzvimbo yekufananidzira inonzi Amagedhoni?

13 Kurwisa kwaGogi. (Verenga Ezekieri 38:2, 8, 9.) Zvitendero zvese zvenhema pazvinenge zvaparadzwa, kuchangosara chitendero chimwe chete chechokwadi. Kuchangosara sangano raJehovha chete. Zviri pachena kuti Satani achaita hasha. Achabudisa hasha dzake achishandisa ‘kutaura kwakafemerwa, kusina kuchena’ kwemadhimoni uko kuchaita kuti nyika dzibatane dzorwisa vashumiri vaJehovha. (Zvak. 16:13, 14) Nyika idzodzo dzinenge dzabatana ndidzo dzinonzi “Gogi wenyika yeMagogi.” Padzinenge dzava kurwisa vanhu vaJehovha, ndipo padzinenge dzasvika panzvimbo yekufananidzira inonzi Amagedhoni.—Zvak. 16:16.

14. Gogi achasvika pakuzivei?

14 Gogi achavimba ‘neruoko rwenyama,’ kureva simba remauto ake. (2 Mak. 32:8) Isu tichavimba naJehovha Mwari wedu, asi Gogi achazviona sezvisina musoro. Achaona saizvozvo nekuti Bhabhironi Guru raiva nesimba asi vanamwari varo havana kuriponesa ‘pachikara’ uye ‘panyanga dzacho gumi.’ (Zvak. 17:16) Saka achafunga kuti achatiparadza nyore nyore. Acharwisa vanhu vaJehovha “semakore akafukidza nyika.” (Ezek. 38:16) Asi Gogi achabva aona kuti pake pamuperera. Achaziva kuti ari kurwa naJehovha sezvakaita Farao paGungwa Dzvuku.—Eks. 14:1-4; Ezek. 38:3, 4, 18, 21-23.

15. Jesu achaitei pahondo yeAmagedhoni?

15 Kristu nemauto ake ekudenga vachanunura vanhu vaMwari uye vachaparadza Gogi nemauto ake. (Zvak. 19:11, 14, 15) Ko chii chichaitikawo kuna Satani, muvengi mukuru waJehovha, uyo anenge anyepera vanhu ovaita kuti varwise vanhu vaMwari paAmagedhoni? Jesu achamukanda mugomba rakadzikadzika pamwe chete nemadhimoni ake uye vachavharirwa imomo kwemakore 1 000.—Zvak. 20:1-3.

UNGAITEI KUTI UPONESWE PAAMAGEDHONI?

16. (a) Tinoratidza sei kuti ‘tinoziva Mwari’? (b) PaAmagedhoni, chii chichaitika kuvanhu vanoziva Jehovha?

16 Tingava tiine makore akawanda tiri muchokwadi kana kuti kwete, kuti tiponeswe paAmagedhoni tinofanira kuratidza kuti ‘tinoziva Mwari’ uye kuti ‘tinoteerera mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.’ (2 VaT. 1:7-9) ‘Kuziva Mwari’ kunoreva kuziva zvaanoda nezvaasingadi uye mirayiro yake. Tinoratidzawo kuti tinomuziva nekumuda, kumuteerera uye kunamata iye ega. (1 Joh. 2:3-5; 5:3) Patinoratidza kuti tinoziva Mwari, tinova neropafadzo ‘yekuzivikanwa naye’ uye izvozvo zvichaita kuti tiponeswe paAmagedhoni. (1 VaK. 8:3) Tinoziva sei izvozvo? Nekuti kana ‘tichizivikanwa naye’ zvinoreva kuti anenge achitifarira.

17. Zvinorevei ‘kuteerera mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu’?

17 “Mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu” anosanganisira chokwadi chese chakadzidziswa naJesu chiri muShoko raMwari. Tinoteerera mashoko akanaka patinorarama maererano nawo. Kuteerera kwacho kunosanganisira kuisa zvine chekuita neUmambo pekutanga, kurarama zvinoenderana nemitemo yaMwari uye kuparidza nezveUmambo hwaMwari. (Mat. 6:33; 24:14) Kunosanganisirawo kutsigira hama dzaKristu dzakazodzwa pakuita basa radzo rinokosha.—Mat. 25:31-40.

18. Hama dzaKristu dzakazodzwa dzichatenda sei kubatsirwa kwadzakaitwa neboka guru?

18 Munguva pfupi iri kuuya, vashumiri vaMwari vakazodzwa vachakwanisa kutenda kubatsirwa kwavakaitwa ‘nemamwe makwai.’ (Joh. 10:16) Vachazviita sei? Hondo yeAmagedhoni isati yatanga, vaKristu vese ve144 000 vachange vamutsirwa kudenga vaine miviri yemweya, isingafi. Vachava mumauto ekudenga ayo achaparadza Gogi uye achachengetedza “boka guru” revanhu vaJehovha. (Zvak. 2:26, 27; 7:9, 10) Boka guru richafara chaizvo kuti rakatsigira vashumiri vaJehovha vakazodzwa pavakanga vachiri panyika.

TINGAITEI KUTI TIRAMBE TAKATENDEKA SEZVO MUGUMO WAVA PEDYO?

19-20. Pasinei nematambudziko atinosangana nawo, tingaramba sei takatendeka sezvo Amagedhoni yava pedyo?

19 Mumazuva ano akaoma ekupedzisira, vanhu vaJehovha vakawanda vari kutsungirira matambudziko. Kunyange zvakadaro, tinogona kutsungirira tichifara. (Jak. 1:2-4) Kuti tidaro, tinofanira kuramba tichinyengetera zvinobva pamwoyo. (Ruka 21:36) Tinofanirawo kudzidza Shoko raMwari zuva nezuva uye kufungisisa zvatinenge taverenga, kusanganisira uprofita hunoshamisa hunotaura nezvenguva yatiri. (Pis. 77:12) Kuita izvi pamwe nekushingaira muushumiri zvichasimbisa kutenda kwedu uye tariro yedu.

20 Chimbofunga kuti uchafara sei kana Bhabhironi Guru raparadzwa uye Amagedhoni yapera. Uyewo funga kufara kwauchaita kana zita raMwari uye uchangamire hwake zvanyatsorevererwa. (Ezek. 38:23) Ndokusaka vaya vanoziva Mwari, vanoteerera Mwanakomana wake, uye vanotsungirira kusvika kumugumo vachifarira kuuya kweAmagedhoni.—Mat. 24:13.

RWIYO 143 Ramba Uchishanda, Wakarinda, Wakamirira

^ ndima 5 Vanhu vaJehovha vava nenguva yakareba vakamirira Amagedhoni. Munyaya ino tichakurukura kuti chii chinonzi Amagedhoni, chii chichaitika kana yava pedyo, uye kuti tingaramba sei takatendeka sezvo mugumo wava pedyo.

^ ndima 71 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Zvinhu zvichaitika mune ramangwana. (1) Ticharamba tichiparidza kana zvichiri kuita, (2) ticharamba tichidzidza, uye (3) ticharamba tichivimba naMwari kuti achatichengetedza.

^ ndima 85 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mapurisa ari kugadzirira kuti apinde zvenharo mumba meimwe mhuri yechiKristu inovimba kuti Jesu nengirozi dzake vari kuona zviri kuitika.