Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 38

“Uyai Kwandiri, . . . Uye Ini Ndichakuzorodzai”

“Uyai Kwandiri, . . . Uye Ini Ndichakuzorodzai”

“Uyai kwandiri, imi mese munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai.”—MAT. 11:28.

RWIYO 17 “Ndinoda”

ZVICHADZIDZWA *

1. Sezvakanyorwa pana Mateu 11:28-30, Jesu akavimbisei?

JESU akapa vimbiso yakanaka chaizvo kuvanhu vainge vakamuteerera. Akati: “Uyai kwandiri, . . . uye ini ndichakuzorodzai.” (Verenga Mateu 11:28-30.) Aya aisangova mashoko asina zvaanobatsira. Funga zvaakaitira mukadzi aiva nechirwere chaishungurudza.

2. Jesu akaitirei mukadzi airwara?

2 Mukadzi wacho aida chaizvo kubatsirwa. Akanga aenda kuna vanachiremba vakawanda achitarisira kurapwa. Akanga aita makore 12 achitambura, asi hapana akakwanisa kumuporesa. Maererano neMutemo waMozisi akanga asina kuchena. (Revh. 15:25) Paakanzwa kuti Jesu aigona kurapa vanhu vairwara, akaenda kunomutsvaga. Paakamuwana, akabata masa enguo yake yekunze akabva angopora. Jesu haana kungogumira pakumuporesa asi akamuremekedza uye akaratidza kuti aimukoshesa. Semuenzaniso, paaitaura naye akashandisa shoko rekuti “mwanasikana” iro rairatidza ruremekedzo. Mukadzi wacho akazorodzwa uye akasimbiswa chaizvo.—Ruka 8:43-48.

3. Mibvunzo ipi yatichapindura?

3 Ona kuti mukadzi wacho ndiye akaenda kuna Jesu. Izvi ndizvo zvatinofanira kuitawo. Ndisu tinofanira kuenda kuna Jesu. Parizvino Jesu haasi kuita zvishamiso zvekuporesa zvirwere zvevaya ‘vanouya’ kwaari. Asi achiri kutikoka achiti: “Uyai kwandiri, . . . uye ini ndichakuzorodzai.” Munyaya ino tichapindura mibvunzo mishanu inoti: Tinoenda sei kuna Jesu? Jesu airevei paakati: “Takurai joko rangu”? Tinodzidzei pana Jesu? Nei basa raakatipa richizorodza? Uye tingaitei kuti tirambe tichiwana zororo pasi pejoko raJesu?

“UYAI KWANDIRI”

4-5. Ndedzipi dzimwe nzira dzatinoenda nadzo kuna Jesu?

4 Imwe nzira yekuenda nayo kuna Jesu ndeyekudzidza zvakawanda pamusoro pezvaakataura uye zvaakaita. (Ruka 1:1-4) Hapana munhu anotiitira izvi. Tinofanira kudzidza tega nezvake. Tinoendawo kuna Jesu patinosarudza kubhabhatidzwa tova mudzidzi waKristu.

5 Imwewo nzira yekuenda nayo kuna Jesu ndeyekutaura nevakuru vemuungano kana tichida kubatsirwa. Jesu anoshandisa ‘varume ava vaakapa sezvipo’ kuti vachengete makwai ake. (VaEf. 4:7, 8, 11; Joh. 21:16; 1 Pet. 5:1-3) Ndisu tinofanira kuvakumbira kuti vatibatsire. Hatitarisiri vakuru kuti vazive zvatinenge tichifunga vobva vaziva kuti votibatsira sei. Funga zvakataurwa neimwe hama inonzi Julian. Inoti: “Ndaifanira kusiya basa rangu repaBheteri nemhaka yeutano, uye imwe shamwari yangu yakandiudza kuti ndikumbire vakuru kuti vandishanyire vondikurudzira. Pakutanga ndakafunga kuti zvaisava hazvo nebasa. Asi ndakazokumbira kubatsirwa uye kundishanyira kwavakaita kwakandibatsira chaizvo.” Vakuru vakavimbika, vakadai sevaviri vakashanyira Julian, vanogona kutibatsira kuziva “pfungwa dzaKristu,” kureva kuti kunzwisisa uye kutevedzera mafungiro nemaitiro aKristu. (1 VaK. 2:16; 1 Pet. 2:21) Pavanotibatsira saizvozvo vanenge vatipa chipo chikuru chaizvo.

“TAKURAI JOKO RANGU”

6. Jesu airevei paakati: “Takurai joko rangu”?

6 Jesu paakati: “Takurai joko rangu,” angangodaro aireva kuti “Nditeererei.” Anogonawo kunge aireva kuti “Pindai pajoko randiri, uye tichashandira Jehovha pamwe chete.” Mashoko acho ese anoratidza kuti tinofanira kushanda.

7. Maererano naMateu 28:18-20, takapiwa basa ripi, uye tingava nechokwadi chekutii?

7 Tinobvuma kukokwa naJesu patinotsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha tobhabhatidzwa. Jesu anokoka munhu wese kuti auye kwaari uye haarambi kugamuchira munhu wese anonyatsoda kushumira Jehovha. (Joh. 6:37, 38) Vateveri vese vaKristu vakapiwa ropafadzo yekuita basa iro Jesu akapiwa naJehovha. Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jesu acharamba ainesu kuti atibatsire kuita basa racho.—Verenga Mateu 28:18-20.

‘DZIDZAI KWANDIRI’

Zorodza Vamwe Sezvaiitwa naJesu (Ona ndima 8-11) *

8-9. Nei vanhu vanozvininipisa vaida kuva pedyo naJesu, uye mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?

8 Vanhu vanozvininipisa vaida kuva pedyo naJesu. (Mat. 19:13, 14; Ruka 7:37, 38) Nei vaidaro? Funga nezvekusiyana kwainge kwakaita Jesu nevaFarisi. Vatungamiriri ivavo vechitendero vakanga vasina rudo uye vaizvikudza. (Mat. 12:9-14) Asi Jesu aiva nerudo uye aizvininipisa. VaFarisi vaida kuzivikanwa nevanhu vakawanda uye kuonekwa sevanokosha. Jesu akataura kuti izvozvo hazvina kunaka, uye akadzidzisa vadzidzi vake kuti vazvininipise uye vade kushumira vamwe. (Mat. 23:2, 6-11) VaFarisi vaityisidzira vanhu, saka vanhu vaingovateerera nekuti vaitya. (Joh. 9:13, 22) Jesu aizorodza vamwe nekuvaitira zvinhu zvakanaka uye kutaura navo zvakanaka.

9 Unotevedzerawo Jesu here? Zvibvunze kuti: ‘Ndinozivikanwa semunhu munyoro uye anozvininipisa here? Ndine chido chekuita mabasa anotarisirwa pasi kuti ndishumire vamwe here? Ndinonzwira vamwe tsitsi here?’

10. Jesu akaita kuti vaaishanda navo vanzwe sei?

10 Jesu aiita kuti vanhu vaaishanda navo vanzwe vakasununguka, uye aifarira kuvadzidzisa. (Ruka 10:1, 19-21) Aikurudzira vadzidzi vake kubvunza mibvunzo uye aida kunzwa mafungiro avo. (Mat. 16:13-16) Kungofanana nezvirimwa zvinokura zvakanaka kana zvichiwana mvura yakakwana, vadzidzi vaJesu vakabudirira pane zvavaiita. Vakabata zvavakadzidziswa naJesu uye vakaita mabasa akanaka.

Iva Munhu Akasununguka Uye Ane Ushamwari

Ita Basa Uye Shingaira

Zvininipise Uye Shanda Nesimba *

11. Tinofanira kuzvibvunza mibvunzo ipi?

11 Une vanhu vari pasi pako here? Kana zvakadaro, zvibvunze kuti: ‘Ndinobata sei vamwe kubasa kana kumba? Ndinoita kuti vave nerugare here? Maitiro angu anoita kuti vamwe vanzwe vakasununguka kundibvunza mibvunzo here? Uye ndinodawo kunzwa zvavanofunga here?’ Hatimbodi kuita sevaFarisi avo vaiitira hasha vanhu vaisagutsikana nezvavaidzidzisa. Vaitambudzawo vaya vaitaura zvinhu zvaipesana nezvavaifunga.—Mako 3:1-6; Joh. 9:29-34.

“MUCHAWANA ZORORO”

12-14. Nei basa ratakapiwa naJesu richizorodza?

12 Nei kuita basa ratakapiwa naJesu kuchitizorodza? Pane zvikonzero zvakawanda, asi tichangokurukura zvishoma zvacho.

13 Tine vatariri vakanaka kupfuura vamwe vese. Kunyange zvazvo Jehovha ari Wekumusorosoro, haasi tenzi asingaongi zvinoitwa nevashumiri vake uye haana utsinye. Anokoshesa basa ratinoita. (VaH. 6:10) Uye anotipa simba ratinoda kuti tiite basa raakatipa. (2 VaK. 4:7; VaG. 6:5) Jesu, Mambo wedu, anotiratidza muenzaniso wakanaka wemabatiro atinofanira kuita vamwe. (Joh. 13:15) Uye vakuru vanotifudza vanoedza kutevedzera Jesu, “mufudzi mukuru.” (VaH. 13:20; 1 Pet. 5:2) Vanoedza chaizvo kuva netsitsi, kukurudzira vamwe uye kuva neushingi sezvavanotidzidzisa uye kutidzivirira.

14 Tine shamwari dzakanaka zvikuru. Hapana vamwe vanhu vane shamwari dzine rudo uye vanoita basa rine chinangwa sesu. Chimbofunga izvi: Tine ropafadzo yekushanda nevanhu vane tsika dzakanaka zvikuru asi vasingazvioni sevari nani pane vamwe. Vane zvakawanda zvavanogona asi havazvitutumadzi, uye vanoona vamwe sevari nani kwavari. Havangotioni sevanhu vavanoshanda navo chete asiwo seshamwari. Uye vanotida chaizvo zvekuti vanozvipira kutifira.

15. Tinofanira kuona sei basa ratiri kuita?

15 Tine basa rakanaka rinopfuura mamwe ese. Tinodzidzisa vanhu chokwadi nezvaJehovha uye tinofumura nhema dzaDhiyabhorosi. (Joh. 8:44) Satani anoremedza vanhu nemitoro yavasingagoni kutakura. Semuenzaniso, anoda kuti tifunge kuti Jehovha haazotiregereri zvivi zvedu uye kuti hapana anogona kutida. Nhema idzodzo dzinokanganisa vanhu uye dzinoodza mwoyo. Patinoenda kuna Kristu, zvivi zvedu zvinoregererwa. Uye chokwadi ndechekuti Jehovha anotida chaizvo. (VaR. 8:32, 38, 39) Zvinofadza chaizvo kubatsira vanhu kuti vadzidze kuvimba naJehovha uye kuvaona vachivandudza upenyu hwavo.

RAMBAI MUCHIWANA ZORORO PASI PEJOKO RAJESU

16. Mutoro watinonzi naJesu titakure wakasiyana sei nemimwe yatinofanira kutakura?

16 Mutoro watinonzi naJesu titakure wakasiyana nemimwe mitoro yatinofanira kutakura. Semuenzaniso, vakawanda vanobva kubasa vakaneta chaizvo uye vasingafari. Asi patinoshumira Jehovha naKristu, tinonzwa tichifara chaizvo. Tinogona kunge takaneta panopera zuva uye tinenge tichifanira kuzvimanikidza kuenda kumisangano manheru acho. Asi kakawanda kacho patinosvika kumba tabva kumisangano, tinenge tazorodzwa uye tasimbiswa. Ndizvo zvinoitikawo patinoshanda nesimba kuti tiparidze uye tidzidze Bhaibheri tiri tega. Mubayiro watinowana wakakura chaizvo kupfuura simba ratinoshandisa.

17. Tinofanira kuzivei nezvedu uye chii chatinofanira kungwarira?

17 Tinofanira kuziva kuti simba remumwe nemumwe wedu rine parinogumira. Saka tinofanira kungwarira zvinhu zvatinoita. Tinogona kutambisa simba redu tichiedza kuunganidza pfuma. Ona zvakataurwa naJesu kune mumwe murume wechidiki akapfuma ainge amubvunza kuti: “Chii chandinofanira kuita kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?” Murume wacho akanga agara achiteerera Mutemo. Anofanira kunge aiva munhu kwaye nekuti Evhangeri yaMako inotaura kuti Jesu “akaratidza kuti aimuda.” Jesu akakoka murume wacho kuti ave muteveri wake. Akati: “Enda unotengesa zvinhu zvauinazvo . . . uye uya uve muteveri wangu.” Murume wacho aida kutevera Jesu, asi aisada kusiya “zvinhu zvakawanda” zvaaiva nazvo. (Mako 10:17-22) Saka haana kubvuma joko raJesu uye akaramba achishandira “Pfuma.” (Mat. 6:24) Dai uriwe ungadai wakasarudza kuitei?

18. Tinofanira kupota tichiita sei uye nei tichifanira kudaro?

18 Tinofanira kupota tichiongorora zvinhu zvatinokoshesa muupenyu. Nei tichifanira kudaro? Kuitira kuti tive nechokwadi chekuti tiri kushandisa simba redu zvakanaka. Funga zvakataurwa nemumwe mukomana anonzi Mark. Akati: “Kwemakore akawanda, ndaifunga kuti ndiri kurarama upenyu husina zvakawanda. Ndaipayona, asi nguva yangu yakawanda nesimba zvaiperera pakutsvaga mari kuitira kuti upenyu hwangu huwedzere kuva nani. Zvaindinetsa kuti nei ndakanga ndisiri kugutsikana neupenyu hwangu. Ndakabva ndaona kuti ndainyanya kutsvaga zvinhu zvandaifarira ini pachangu uye ndaizopa Jehovha nguva nesimba zvinenge zvasara.” Mark akachinja mafungiro ake nemararamiro ake, uye akanga ava kukwanisa kuita zvakawanda mubasa raJehovha. “Dzimwe nguva ndinombozvidya mwoyo,” anodaro Mark, “asi Jehovha naJesu vanondibatsira kuti ndirambe ndakaisa pfungwa pazvinhu zvekunamata.”

19. Nei kuva nemaonero akanaka kuchikosha chaizvo?

19 Ticharamba tichiwana zororo pasi pejoko raJesu kana tikaita zvinhu zvitatu. Chekutanga, ramba uine maonero akanaka. Tiri kuita basa raJehovha, saka tinofanira kuriita sezvinodiwa naJehovha. Tiri vashandi, uye Jehovha ndiye Tenzi wedu. (Ruka 17:10) Kana tikaedza kuita basa rake nenzira yedu zvinotiomera nekuti tinenge tichiita setiri kurwisana nejoko rake. Kunyange mombe ine simba rakawanda inenge iri pajoko inogona kukuvara kana kuneta kana ikaramba ichiedza kuenda kusingadiwi natenzi wayo. Asi kana tikaita basa raJehovha sezvaanoda, tinoita zvinhu zvataisafunga kuti tinozvikwanisa uye tinokunda matambudziko ataisafunga kuti tinokunda. Yeuka kuti hapana chinotadzisa kuti kuda kwaJehovha kuitwe.—VaR. 8:31; 1 Joh. 4:4.

20. Tinofanira kutakura joko raJesu nevavariro ipi?

20 Chechipiri, shanda nevavariro yakanaka. Chinangwa chedu ndechekuita kuti Baba vedu vane rudo Jehovha varumbidzwe. Vaya vaitevera Jesu nemhaka yemakaro kana kuti nekungoda kuwana zvimwe zvinhu vakarasikirwa nemufaro wavo uye vakabva vangosiya joko raJesu. (Joh. 6:25-27, 51, 60, 66; VaF. 3:18, 19) Asi vaya vaiita zvinhu nekuti vaida Mwari uye vaida muvakidzani vakatakura joko iroro vachifara kweupenyu hwavo hwese panyika, vaine tariro yekuzoshumira naKristu kudenga. Kufanana navo, ticharamba tichifara kana tikaramba takatakura joko raJesu nevavariro yakanaka.

21. Maererano naMateu 6:31-33 tingatarisira kuti Jehovha aite sei?

21 Chechitatu, iva nechokwadi chekuti Jehovha achava newe. Takasarudza upenyu hwekuzvipira uye hwekushanda nesimba. Jesu akatinyevera kuti tichatambudzwa. Asi tinogona kutarisira kuti Jehovha achatipa simba rekutsungirira chero dambudziko. Kana tikaramba tichitsungirira, kutenda kwedu kunowedzera kusimba. (Jak. 1:2-4) Tinogona kutarisirawo kuti Jehovha achatipa zvatinoda, Jesu achatifudza, uye hama nehanzvadzi dzedu dzichatikurudzira. (Verenga Mateu 6:31-33; Joh. 10:14; 1 VaT. 5:11) Hapana chimwe chatingada chinopfuura izvozvo.

22. Chii chinoita kuti tifare chaizvo?

22 Mukadzi akarapwa naJesu akazorodzwa musi chaiwo waakarapwa. Asi achazorodzwa nekusingaperi kana kuri kuti akazova mudzidzi waKristu akatendeka. Unofunga kuti akaitei? Kana kuri kuti akasarudza kugamuchira joko raJesu, fungidzira mubayiro waaizowana wekushumira naJesu kudenga. Kana aine chero zvaakasiya kuti atevere Kristu hazvitombokoshi kana zvichienzaniswa nemubayiro wekuenda kudenga. Pasinei nekuti tariro yedu ndeyekudenga kana kuti ndeyepanyika, tinofara chaizvo kuti takabvuma kukokwa naJesu paakati: “Uyai kwandiri.”

RWIYO 13 Kristu, Muenzaniso Wedu

^ ndima 5 Jesu anotikoka kuti tiuye kwaari. Kubvuma kukokwa naye kunosanganisirei? Nyaya ino ichapindura mubvunzo iwowo uye ichatiyeuchidza kuti tinozorodzwa sei nekushanda naKristu.

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu akazorodza vamwe munzira dzakawanda.

^ ndima 66 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama iri kuzorodzawo vamwe munzira dzakasiyana-siyana.