Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 38

Shandisa Nguva Yerugare Zvakanaka

Shandisa Nguva Yerugare Zvakanaka

“Munyika makanga musina chainetsa uye pasina akamurwisa mumakore aya, nekuti Jehovha akamupa zororo.”—2 MAK. 14:6.

RWIYO 60 Kana Vachida Upenyu

ZVICHADZIDZWA *

1. Ndepapi pazvingatiomera kushumira Jehovha?

NDEPAPI pazvinganyanya kukuomera kushumira Jehovha? Ndepaya here paunenge uine matambudziko akawanda kana kuti paanenge ari mashoma? Patinenge tiine matambudziko, zviri nyore kuti tivimbe naJehovha. Asi tinoita sei kana zvinhu zviri kutifambira zvakanaka muupenyu hwedu? Tinombokanganwa here kuti kushumira Mwari ndiko kunonyanya kukosha? Jehovha akayambira vaIsraeri kuti izvi zvaigona kuitika.—Dheut. 6:10-12.

Mambo Asa akarwisa zvakasimba kunamata kwenhema (Ona ndima 2) *

2. Zvii zvakaitwa naMambo Asa?

2 Mambo Asa akaratidza uchenjeri nekunyatsovimba naJehovha. Akashumira Jehovha zvinhu pazvainge zvakaipa uyewo pakwaiva nerugare. Kubva pakutanga, “mwoyo waAsa wakanga wakanyatsoperera kuna Jehovha.” (1 Madz. 15:14, mashoko emuzasi) Asa akaratidza kuzvipira kwake paakabvisa kunamata kwenhema kwaiitwa muJudha. Bhaibheri rinoti: “Akabvisa atari dzavanamwari vekune dzimwe nyika nenzvimbo dzakakwirira, akaputsa shongwe dzinoyera, uye akatema mapango anoyera.” (2 Mak. 14:3, 5) Akabvisawo ambuya vake Maaka pachinzvimbo chinokosha chavaiva nacho muumambo hwacho. Akavabvisirei? Nekuti vaikurudzira vanhu kunamata chidhori.—1 Madz. 15:11-13.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Asa haana kungogumira pakubvisa kunamata kwenhema. Akabatsirawo vanhu vaiva munyika yeJudha kuti vatangezve kunamata Jehovha. Jehovha akakomborera Asa nevaIsraeri nekuita kuti vave nenguva yerugare. * Kwemakore 10 Asa achitonga, “munyika makanga musina chainetsa.” (2 Mak. 14:1, 4, 6) Munyaya ino, tichakurukura kuti Asa akashandisa sei nguva iyoyo yerugare. Tichabva takurukurawo zvakaitwa nevaKristu vekutanga, avo vakashandisa zvakanaka nguva yerugare sezvakaita Asa. Tichapedzisa nekupindura mubvunzo uyu wekuti: Kana uchigara munyika inobvumira rusununguko rwekunamata ungaitei kuti unyatsoshandisa nguva iyoyo yerugare?

ASA AKASHANDISA SEI NGUVA YERUGARE?

4. Maererano na2 Makoronike 14:2, 6, 7, Asa akashandisa sei nguva yerugare?

4 Verenga 2 Makoronike 14:2, 6, 7. Asa akaudza vanhu kuti Jehovha ndiye akanga ‘avapa zororo kumativi ese.’ Asa haana kuona sekuti nguva iyi yerugare yaiva nguva yekutambarara. Asi akatanga kuvaka maguta, masvingo, shongwe uye kugadzira magedhi. Akaudza vanhu veJudha kuti: “Nyika ichiri mumaoko edu.” Asa airevei? Aireva kuti vanhu vaigona kufamba vakasununguka munyika yavakanga vapiwa naMwari vachivaka pasina muvengi aivapikisa. Akakurudzira vanhu kuti vanyatsoshandisa zvakanaka nguva iyi yerugare.

5. Nei Asa akasimbisa uto rake?

5 Asa akashandisawo nguva yerugare kuti asimbise uto rake. (2 Mak. 14:8) Izvi zvinoreva here kuti akanga asingavimbi naJehovha? Aiwa. Asa aiziva kuti raiva basa rake samambo kuti abatsire vanhu kugadzirira matambudziko avaizosangana nawo. Aizivawo kuti rugare rwaiva muJudha rwaigona kupera, uye izvozvo ndizvo zvakaitika.

VAKRISTU VEKUTANGA VAKASHANDISA SEI NGUVA YERUGARE?

6. VaKristu vekutanga vakashandisa sei nguva yerugare?

6 Kunyange zvazvo vaKristu vekutanga vaigara vachitambudzwa, pane nguva dzavaimbovawo nerugare. Vakashandisa sei mikana iyoyo? Varume nevakadzi ivavo vakatendeka vakaramba vachiparidza mashoko akanaka. Nhoroondo iri muna Mabasa inoti ‘vaifamba vachitya Jehovha.’ Vakaramba vachiparidza mashoko akanaka uye izvi zvakaita kuti ‘varambe vachiwedzera.’ Zviri pachena kuti Jehovha akakomborera kushingaira kwavaiita kuparidza munguva dzerugare.—Mab. 9:26-31.

7-8. Pauro nevamwe vaKristu vakaitei pavakawana mukana? Tsanangura.

7 VaKristu vekutanga vaishandisa mikana yese yekuparidza yavaiwana. Semuenzaniso, muapostora Pauro paakaziva kuti akanga azarurirwa suo guru paaiva muEfeso, akashandisa mukana wacho kuparidza uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi muguta racho.—1 VaK. 16:8, 9.

8 Pauro nevamwe vaKristu vakawana mumwe mukana wekuparidza pakagadziriswa nyaya yekuchecheudzwa muna 49 C.E. (Mab. 15:23-29) Ungano padzakaudzwa nezvechisarudzo chacho, vadzidzi vakashanda nesimba pakuzivisa “mashoko akanaka eshoko raJehovha.” (Mab. 15:30-35) Zvakaguma nei? Bhaibheri rinoti: “Ungano dzakaramba dzichisimbiswa pakutenda uye dzichiwedzera zuva nezuva.”—Mab. 16:4, 5.

KUSHANDISA NGUVA YERUGARE MAZUVA ANO

9. Munyika dzakawanda zvinhu zvakamira sei panyaya yekuparidza, uye mubvunzo upi watingazvibvunza?

9 Munyika dzakawanda mazuva ano, tinoparidza takasununguka. Unogara munyika ine rusununguko rwekunamata here? Kana zvakadaro, zvibvunze kuti, ‘Ndiri kushandisa sei rusununguko urwu?’ Mazuva ano ekupedzisira, vanhu vaJehovha vari kuita basa rakakura rekuparidza nekudzidzisa zvisati zvamboitwa. (Mako 13:10) Tine zvakawanda zvatinogona kuita mubasa iri.

Vakawanda vakawana makomborero pavakaita ushumiri mune imwe nyika kana kuti pavakaparidzira vaya vanotaura mumwe mutauro (Ona ndima 10-12) *

10. Tinokurudzirwa kuitei pana 2 Timoti 4:2?

10 Ungashandisa sei zvakanaka nguva yerugare? (Verenga 2 Timoti 4:2.) Unogona kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwako here kuitira kuti ukwanise kuwedzera basa rako rekuparidza, zvimwe uchitoshumira sapiyona? Kana usingakwanisi, mumwe wemumhuri menyu anokwanisa here kudaro? Ino haisi nguva yekuzviunganidzira pfuma, nekuti zvinhu izvozvo hatisi kuzopukunyuka nazvo pakutambudzika kukuru.—Zvir. 11:4; Mat. 6:31-33; 1 Joh. 2:15-17.

11. Zvii zviri kuitwa nevamwe kuti vakwanise kuparidza mashoko akanaka kuvanhu vakawanda?

11 Vaparidzi vakawanda vakadzidza mumwe mutauro kuitira kuti vaushandise pakuparidza uye kudzidzisa. Sangano raMwari riri kutibatsira nekuramba richibudisa mabhuku mune mimwe mitauro. Semuenzaniso, muna 2010, mabhuku edu aiwanika mumitauro inenge 500. Mazuva ano ava kuwanika mumitauro inopfuura 1 000!

12. Vanhu vanobatsirwa sei kana vakanzwa mashoko eUmambo mumutauro wavo? Taura muenzaniso.

12 Vanhu vanoita sei pavanonzwa chokwadi chiri muShoko raMwari mumutauro waamai? Funga nezveimwe hanzvadzi yakabatsirwa negungano remunharaunda rakaitirwa muMemphis, Tennessee, U.S.A. Gungano racho rakaitwa mumutauro weKinyarwanda, uyo unonyanya kutaurwa kuRwanda, Congo (Kinshasa), uye Uganda. Pakapera gungano, hanzvadzi iyi yaitaura chiKinyarwanda yakati: “Aka ndiko kekutanga kunyatsonzwisisa gungano rese kubva zvandakatamira kuUnited States makore 17 apfuura.” Zviri pachena kuti hanzvadzi iyi yakabayiwa mwoyo payakanzwa purogiramu yacho mumutauro waamai. Kana mamiriro ezvinhu achibvumira, unogona here kudzidza mumwe mutauro kuti ubatsire vamwe vari mundima yenyu? Mumwe munhu wemundima yenyu angada here kuteerera mashoko aunoparidza kana ukataura naye nerurimi rwaamai vake? Kushanda nesimba kwaunenge waita kuchaita kuti ufare.

13. Hama dzedu dzekuRussia dzakashandisa sei nguva yerugare?

13 Dzimwe hama dzedu hadzina rusununguko rwekuparidza pachena. Mune dzimwe nyika, hurumende dzinorambidza basa redu rekuparidza. Funga nezvehama dzedu dzekuRussia. Vakatambudzwa kwemakore akawanda, asi muna March 1991, hurumende yakavapa rusununguko rwekunamata. Panguva iyoyo, muRussia maiva neZvapupu zvinenge 16 000. Papera makore 20, vaparidzi vacho vakanga vava kupfuura 160 000! Zviri pachena kuti hama dzedu dzakashandisa zvakanaka mukana wadzakawana wekuparidza dzakasununguka. Nguva iyoyo yerugare haina kuramba iripo. Kunyange zvazvo zvinhu zvachinja munyika yacho, vachiri kushingaira chaizvo pakunamata Jehovha. Vari kuramba vachiita zvese zvavanogona kuti vamushumire.

NGUVA YERUGARE HAIRAMBI IRIPO

Pashure pekunge Mambo Asa anyengetera nemwoyo wese, Jehovha akaita kuti Judha ikunde uto guru remuvengi (Ona ndima 14-15)

14-15. Jehovha akashandisa sei simba rake kuti abatsire Asa?

14 Mumazuva aAsa, nguva yerugare yakasvika pakuguma. Kwakauya uto guru remasoja 1 miriyoni aibva kuItiopiya. Mukuru mukuru wacho, Zera, aiva nechivimbo chekuti iye neuto rake vaizokunda Judha. Asi Asa aivimba naMwari wake Jehovha. Asa akanyengetera achiti: “Haiwa Jehovha Mwari wedu, tibatsirei, nekuti tinovimba nemi, uye tauya kuzorwa neboka revanhu ava muzita renyu.”—2 Mak. 14:11.

15 Uto revaItiopiya raiva nemasoja anopeta kanenge kaviri masoja aAsa, asi Asa aiziva kuti Jehovha aiva nesimba uye aigona kubatsira vanhu Vake. Jehovha haana kumurasisa. Uto revaItiopiya rakarakashwa.—2 Mak. 14:8-13.

16. Tinoziva sei kuti nguva yerugare ichaguma?

16 Kunyange zvazvo tisingazivi zvichaitika kune mumwe nemumwe wedu mune remangwana, tinoziva kuti rugare rungangodaro ruine vanhu vaMwari iye zvino harusi kuzoramba ruripo. Jesu akataura kuti mumazuva ekupedzisira, vadzidzi vake ‘vaizovengwa nemarudzi ese.’ (Mat. 24:9) Uyewo muapostora Pauro akati, “vese vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Tim. 3:12) Satani “akatsamwa kwazvo,” uye tinenge tichizvinyepera kana tikafunga kuti tinogona kunzvenga kutsamwa kwake.—Zvak. 12:12.

17. Kutenda kwedu kungaedzwa sei?

17 Munguva pfupi iri kuuya, tese tichasangana nemiedzo yekutenda kwedu. Pachava “nekutambudzika kukuru kusati kwamboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino.” (Mat. 24:21) Panguva iyoyo, vemumhuri medu vanogona kutipandukira uye basa redu rinogona kurambidzwa. (Mat. 10:35, 36) Mumwe nemumwe wedu achavimba naJehovha kuti amubatsire uye amudzivirire sezvakaitwa naAsa here?

18. Maererano naVaHebheru 10:38, 39, chii chichatibatsira kugadzirira zvatichazoita pakunenge kusisina rugare?

18 Jehovha ari kutibatsira kuti tizova nekutenda kwakasimba. Ari kushandisa “muranda akatendeka, akangwara,” kuti atipe “zvekudya panguva yakakodzera” kuti zvitibatsire kuramba takasimba pakunamata. (Mat. 24:45) Asi tinofanirawo kuita zvese zvatinogona kuti tive nekutenda kwakasimba muna Jehovha.—Verenga VaHebheru 10:38, 39.

19-20. Maererano na1 Makoronike 28:9, mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza, uye nei tichifanira kuzvibvunza mibvunzo iyoyo?

19 Tinofanira ‘kutsvaga Jehovha’ sezvakaitwa naMambo Asa. (2 Mak. 14:4; 15:1, 2) Tinotanga kutsvaga kwacho nekuziva Jehovha, tobhabhatidzwa. Tinoshandisa mikana yese yatinowana kuti tisimbise kuda kwatinoita Jehovha. Saka tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndinogara ndichipinda misangano yeungano here?’ Pamisangano tinowana simba rekuti tirambe tichishumira Jehovha, uye tinokurudzirwa nehama nehanzvadzi dzedu. (Mat. 11:28) Tingazvibvunzawo kuti, ‘Ndinogara ndichidzidza Bhaibheri ndiri ndega here?’ Kana uchigara nemhuri yako, mune nguva yamakasarudza kuti muite kunamata kwemhuri vhiki rega rega here? Kana uchigara wega, unoronga nguva yekudzidza sekunge kuti une mhuri here? Uyewo unoita zvese zvaunogona mubasa rekuparidza uye kudzidzisa vamwe here?

20 Nei tichifanira kubvunza mibvunzo iyoyo? Bhaibheri rinotiudza kuti Jehovha anoongorora zvatinofunga uye zviri mumwoyo medu, uye izvozvo ndizvo zvatinofanirawo kuita. (Verenga 1 Makoronike 28:9.) Kana tikaona kuti tinofanira kuchinja zvinangwa zvedu kana kuti mafungiro edu, tinofanira kukumbira Jehovha kuti atibatsire kuchinja. Ino ndiyo nguva yekuti tigadzirire miedzo iri mberi. Usarega chimwe chinhu chichikutadzisa kushandisa zvakanaka nguva yerugare!

RWIYO 62 Rwiyo Rutsva

^ ndima 5 Unogara munyika yaunogona kunamata Jehovha wakasununguka here? Kana zvakadaro, uri kushandisa sei nguva iyi yerugare? Nyaya ino ichakubatsira kuona kuti ungatevedzera sei Mambo Asa weJudha uye vaKristu vekutanga. Vakashandisa zvakanaka nguva yainge isina chainetsa.

^ ndima 3 KUTSANANGURWA KWESHOKO: Shoko rekuti “rugare” rinoreva zvakawanda kwete kusavapo kwehondo chete. Shoko racho rechiHebheru rinopa pfungwa yekuva neutano hwakanaka, kuchengeteka, uye kugara zvakanaka.

^ ndima 57 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mambo Asa akabvisa ambuya vake pachinzvimbo chavo nekuti vaikurudzira kunamata kwenhema. Vatsigiri vaAsa vakatevedzera muenzaniso wake ndokuparadza zvidhori.

^ ndima 59 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Murume nemudzimai vanoshingaira, vari kuita kuti upenyu hwavo husava netwakawanda-wanda kuitira kuti vaende kunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda.