Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 39

Tsigira Vakadzi vechiKristu

Tsigira Vakadzi vechiKristu

“Vakadzi vanozivisa mashoko akanaka iuto guru.”—PIS. 68:11.

RWIYO 137 Vakadzi Vakatendeka, Hanzvadzi dzechiKristu

ZVICHADZIDZWA *

Hanzvadzi dzedu dzinoshingaira dzinopindura pamisangano, dzinoita ushumiri, dzinobatsira pakuita kuti Imba yeUmambo igare yakanaka, uye dzinoda vamwe vadzinonamata nadzo (Ona ndima 1)

1. Hanzvadzi dzinotsigira sei mabasa anoitwa musangano uye vakawanda vavo vanosangana nematambudziko api? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

TINOFARA chaizvo kuti tine hanzvadzi dzakawanda dzinoshanda nesimba muungano! Semuenzaniso, vanobatanidzwa pane zvinoitwa pamisangano uye muushumiri. Vamwe vanobatanidzwa pakugadziridza nekuchenesa Imba yeUmambo, uye vanoratidza kuti vane hanya nevavanonamata navo. Kunyange zvakadaro, vane matambudziko avanosangana nawo. Vamwe vanochengeta vabereki vavo vakwegura. Vamwe vanotsungirira kupikiswa nevemumhuri mavo. Uye vamwe vari kushanda nesimba kuti varere vana vavo, vari mubereki mumwe chete.

2. Nei tichifanira kutsigira hanzvadzi dzedu?

2 Nei tichifanira kutsigira hanzvadzi dzedu? Nekuti vanhu vari munyika havawanzobati vanhukadzi neruremekedzo. Uyewo Bhaibheri rinotikurudzira kuti tivatsigire. Semuenzaniso, muapostora Pauro akaudza ungano yaiva muRoma kuti igamuchire Febhi uye ‘imubatsire pazvese zvaaida.’ (VaR. 16:1, 2) SemuFarisi, Pauro angangodaro akakura nevanhu vaitarisira vanhukadzi pasi. Asi paakava muKristu, aitevedzera Jesu uye airemekedza vanhukadzi.—1 VaK. 11:1.

3. Jesu aiona sei vanhukadzi vese, uye aiona sei vaya vaiita kuda kwaMwari?

3 Jesu airemekedza vanhukadzi vese. (Joh. 4:27) Maonero aaiita vakadzi akanga akasiyana neevatungamiriri vechiJudha vepanguva yake. Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti: “Jesu haana kumbobvira ataura mashoko airatidza kusaremedza vakadzi.” Asi aikoshesa chaizvo vakadzi vaiita kuda kwaBaba vake. Aivaona sehanzvadzi dzake uye akataura nezvavo pamwe chete nevarume vaaiona sevanhu vemumhuri make.—Mat. 12:50.

4. Tichakurukurei munyaya ino?

4 Jesu aigara akagadzirira kubatsira vakadzi vaishumira Mwari. Aivakoshesa uye aivadzivirira. Ngatikurukurei kuti tingatevedzera sei Jesu pakuratidza kuti tine hanya nehanzvadzi dzedu.

IVA NEHANYA NEHANZVADZI DZEDU

5. Nei zvakaomera dzimwe hanzvadzi kuti dzikwanise kushamwaridzana nevamwe?

5 Tese zvedu, hama nehanzvadzi, tinoda shamwari dzakanaka. Asi dzimwe nguva hanzvadzi dzingaomerwa kuti dziwane shamwari dzakanaka. Nemhaka yei? Ona zvakataurwa nedzimwe hanzvadzi. Imwe hanzvadzi inonzi Jordan * inoti, “Sezvo ndisina kuroorwa, zvinowanzondiomera kuti ndiwane pangu chaipo muungano, uye ndinonzwa ndisingakwani pane vamwe.” Mumwe piyona akatamira kune imwe nzvimbo kuti awedzere ushumiri hwake anonzi Kristen anoti, “Paunenge uri mutsva muungano, unogona kunzwa kusurukirwa.” Dzimwe hama dzinganzwawo saizvozvo. Vaya vanogara pamba nevanhu vasiri Zvapupu vanganzwa sevakaparadzana nevanhu vemumhuri mavo uye panguva imwe chete vanganzwa vakaparadzana nevavanonamata navo. Vaya vanenge vasisakwanisi kubva pamba vanganzwa kusurukirwa, uye ndiwo manzwiro angaitawo vaya vanenge vachichengeta munhu wemumhuri ari kurwara. Annette anoti, “Ndaisakwanisa kuenda kunotandara nevamwe nekuti kakawanda kacho ndini ndaichengeta amai vangu vairwara.”

Sezvakaitwa naJesu, tinogona kuratidza kuti tine hanya nehanzvadzi dzakatendeka (Ona ndima 6-9) *

6. Maererano naRuka 10:38-42, Jesu akabatsira sei Marita naMariya?

6 Jesu aiwana nguva yekutandara nevakadzi vaishumira Mwari, uye aiva shamwari yechokwadi kwavari. Funga nezveushamwari hwaaiva nahwo naMariya naMarita, avo vanofungidzirwa kuti vainge vasina kuroorwa. (Verenga Ruka 10:38-42.) Jesu aiita kuti vanzwe vakasununguka nezvaaitaura uye nezvaaiita. Semuenzaniso, Mariya akanzwa akasununguka kugara patsoka dzaJesu semudzidzi. * Uye Marita akanzwa akasununguka kuudza Jesu manzwiro ake paakaona kuti Mariya akanga asiri kumubatsira. Pavaitandara kudaro, Jesu akakwanisa kubatsira vakadzi ava kuti vadzidze zvinhu zvinokosha. Uye akaratidza kuti aiva nehanya navo pamwe chete nehanzvadzi yavo Razaro, nekumbopota achivashanyira. (Joh. 12:1-3) Ndosaka Mariya naMarita vakakwanisa kukumbira Jesu kuti avabatsire Razaro paakarwara zvikuru.—Joh. 11:3, 5.

7. Ndeipi imwe nzira yatinogona kukurudzira nayo hanzvadzi?

7 Dzimwe hanzvadzi dzinongowana mikana yakakura yekuva nevamwe vaKristu pamisangano. Saka tinoda kushandisa mikana iyoyo kuti tidzigamuchire, titaure nadzo, uye tidzibatsire kuona kuti tine hanya nadzo. Jordan ambotaurwa nezvake anoti, “Zvinondikurudzira chaizvo kana vamwe vakaonga mhinduro dzandinenge ndapa pamisangano, vakaronga kubuda neni muushumiri, kana kuti vakaratidza kuti vane hanya neni nedzimwe nzira.” Tinofanira kuita kuti hanzvadzi dzedu dzizive kuti dzinokosha kwatiri. Imwe hanzvadzi inonzi Kia inoti, “Kana ndikatadza kupinda mumwe musangano, ndinoziva kuti mumwe munhu anondinyorera meseji achindibvunza kuti ndakadii. Izvi zvinoita kuti ndizive kuti hama nehanzvadzi dzine hanya neni.”

8. Ndedzipi dzimwe nzira dzatinogona kutevedzera nadzo Jesu?

8 Tinogona kuwana nguva yekutandara nehanzvadzi sezvaiita Jesu. Tinogona kuvakoka kuti tizodya navo kana kuti titandare navo. Kana tavakoka, tinoda kuramba tichitaura zvinhu zvinokurudzira. (VaR. 1:11, 12) Vakuru vanofanira kuva nemaonero akafanana neaiva naJesu. Aiziva kuti kusava muwanano kunogona kuomera vamwe, asi akajekesa kuti kuva muwanano kana kuti kuva nevana hakusi iko kunoita kuti munhu arambe achifara. (Ruka 11:27, 28) Asi ticharamba tichifara kana tikaita kuti kushumira Jehovha kuve chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwedu.—Mat. 19:12.

9. Vakuru vangaitei kuti vabatsire hanzvadzi?

9 Vakuru ndivo vanofanira kuva pamberi pakuona vakadzi vechiKristu sehanzvadzi dzavo uye savanaamai vavo. (1 Tim. 5:1, 2) Vakuru vanofanira kuwana nguva yekutaura nehanzvadzi misangano isati yatanga kana kuti yapera. Kristen ambotaurwa anoti, “Mumwe mukuru akaona kuti ndainge ndakawandirwa nezvekuita, uye aida kunzwisisa kuti chii chaiita kuti zvidaro. Ndakafara chaizvo pandakaziva kuti aiva nehanya neni.” Kana vakuru vakagara vachiwana nguva yekutaura nehanzvadzi dzavo dzechiKristu, vanenge vachiratidza kuti vane hanya nadzo. * Annette ambotaurwa nezvake anotaura kubatsira kwazvinoita kugara achitaura nevakuru. Anoti: “Ndinowedzera kuvaziva, uye ivo vanozivawo kuti ndiri munhu akaita sei. Saka pandinenge ndasangana nedambudziko rakakura, ndinonzwa ndakasununguka kutaura navo kuti vandibatsire.”

KOSHESA HANZVADZI

10. Chii chingabatsira hanzvadzi dzedu kuti dzifare?

10 Tese zvedu varume nevakadzi, tinofara kana vamwe vakatirumbidza uye vakaonga basa ratinoita. Asi tinoora mwoyo kana vamwe vakasaratidza kuonga unyanzvi hwedu kana basa redu. Mumwe piyona asina kuroorwa anonzi Abigail, anoti dzimwe nguva anonzwa sekuti vanhu havana basa naye. Anoti: “Ndinongozivikanwa semunin’ina wanhingi kana kuti mwanasikana wanhingi. Dzimwe nguva ndinonzwa sekuti hapana anombondionawo.” Asi ona zvakataurwa neimwe hanzvadzi isina kuroorwa inonzi Pam, iyo yakashumira kwemakore akawanda semumishinari. Hanzvadzi Pam vakazodzokera kumusha kunochengeta vabereki vavo. Iye zvino vava nemakore ekuma70 uye vachiri kupayona. Vanoti: “Ndinofara chaizvo kana vamwe vakandiudza kuti vanokoshesa basa randinoita.”

11. Jesu akaratidza sei kuti aikoshesa basa raiitwa nevakadzi vakatendeka vaaiwanzofamba navo paaiita ushumiri hwake?

11 Jesu aionga kubatsirwa kwaaiitwa nevakadzi vaitya Mwari avo vaimushumira vachishandisa “zvinhu zvavo.” (Ruka 8:1-3) Akavapa ropafadzo iyoyo uye akavadzidzisawo zvinhu zvakadzama zvaMwari. Semuenzaniso akavaudza kuti aizofa uye aizomutswa. (Ruka 24:5-8) Sekubatsira kwaakaita vaapostora, akabatsirawo vakadzi ava kuti vagadzirire miedzo yavaizosangana nayo. (Mako 9:30-32; 10:32-34) Kunyange zvazvo vaapostora vakatiza Jesu paakasungwa, vamwe vakadzi vaimushumira vakaramba vainaye paakanga ava kufa padanda rekutambudzirwa.—Mat. 26:56; Mako 15:40, 41.

12. Jesu akapa vamwe vakadzi basa ripi?

12 Jesu akapa vakadzi basa rinokosha. Vamwe vakadzi vaitya Mwari ndivo vakatanga kumuona paakamutswa. Akatuma vakadzi ava kuti vanoudza vaapostora kuti akanga amutswa kubva kuvakafa. (Mat. 28:5, 9, 10) Uye paPendekosti ya33 C.E., vakadzi vanogona kunge vaivapowo pakadururwa mweya mutsvene. Kana kuri kuti vaivapowo, vanofanira kunge vakagamuchira chipo chekukwanisa kutaura nemimwe mitauro vachiudza vamwe “nezvezvinhu zvikuru pamusoro paMwari.”—Mab. 1:14; 2:2-4, 11.

13. Zvii zviri kuitwa nevakadzi vechiKristu mazuva ano uye tingaratidza sei kuti tinokoshesa zvavari kuita?

13 Hanzvadzi dzedu dzinofanira kurumbidzwa nezvese zvadziri kuita mubasa raJehovha. Izvi zvinosanganisira kuvaka uye kugadzirisa zvivakwa, kutsigira mapoka emimwe mitauro, uye kuzvipira kushumira paBheteri. Dzinobatsira pabasa rekuyamura vanenge vawirwa nenjodzi, kushandura mabhuku edu, kushumira semapiyona uye semamishinari. Hanzvadzi dzinopindawo chikoro chemapiyona, Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo uye Chikoro cheGiriyedhi, sezvinoitwa nehama. Uyewo madzimai anobatsira varume vavo kuti vakwanise kuita mabasa anokosha muungano uye musangano. Hama idzi dzaisazokwanisa kunyatsoshumira “sezvipo” kudai dzaisatsigirwa nemadzimai adzo. (VaEf. 4:8) Unofunga kuti ungaitei kuti utsigire hanzvadzi idzi pabasa radziri kuita?

14. Tichifunga zvinotaurwa pana Pisarema 68:11, zvii zvinoitwa nevakuru vakachenjera?

14 Vakuru vakachenjera vanoziva kuti hanzvadzi “iuto guru” revashandi vanozvipira uye kuti dzinowanzova neunyanzvi pabasa rekuparidza mashoko akanaka. (Verenga Pisarema 68:11.) Saka vakuru vanoedza kudzidza kubva kuhanzvadzi idzi. Abigail ambotaurwa anoti anokurudzirwa hama padzinomubvunza nzira dzaakaona dzichibudirira pakutanga kukurukura nevanhu mundima. Anoti, “Izvi zvinondibatsira kuona kuti Jehovha ane basa rinokosha raanoda kuti ndiite musangano rake.” Vakuru vanozivawo kuti hanzvadzi dzechikuru dzakatendeka dzinonyatsogona kubatsira hanzvadzi dzechidiki dzinenge dziine matambudziko. (Tito 2:3-5) Saka tinofanira kuda uye kukoshesa hanzvadzi dzedu!

DZIVIRIRA UYE BATSIRA HANZVADZI

15. Nei dzimwe nguva hanzvadzi dzichida kuti mumwe munhu adzimiririre?

15 Dzimwe nguva, hanzvadzi padzinosangana nematambudziko, dzinoda mumwe munhu anodzimiririra. (Isa. 1:17) Semuenzaniso, hanzvadzi yakafirwa kana kuti yakarambana nemurume inogona kunge ichida kuti mumwe munhu aimiririre uye aibatsire pakuita zvimwe zvinhu zvaimboitwa nemurume wayo. Hanzvadzi yakwegura ingada kuti mumwe munhu aibatsire pakutaura navanachiremba. Kana kuti hanzvadzi inopayona, uku ichiitawo mamwe mabasa eUmambo, ingada kuti mumwe munhu aimiririre kana ikatsoropodzwa nevamwe nekuti haiwanzowaniki muushumiri sezvinoita mamwe mapiyona. Ndezvipi zvimwe zvatingaita kuti tibatsire hanzvadzi dzedu? Ngationei zvakare muenzaniso waJesu.

16. Sezviri pana Mako 14:3-9, Jesu akadzivirira sei Mariya?

16 Jesu aikurumidza kudzivirira vakadzi vaishumira Mwari vamwe pavaisavanzwisisa. Akadzivirira Mariya paaitsoropodzwa naMarita. (Ruka 10:38-42) Uye akadzivirira Mariya kechipiri vamwe pavakamutsoropodza vachifunga kuti akanga aita chisarudzo chisina kunaka. (Verenga Mako 14:3-9.) Jesu ainyatsonzwisisa nei Mariya akanga aita izvozvo uye akamurumbidza achiti: “Andiitira zvakanaka. . . . Aita zvaagona.” Akatoprofita kuti zvakaitwa naMariya zvaizotaurwa “kwese kuchaparidzwa mashoko akanaka munyika yese,” uye ndizvo zviri kutoitwa nenyaya ino. Zvinoshamisa kuti Jesu akataura kuti mashoko akanaka aizoparidzwa munyika yese paairumbidza Mariya nezvaakanga aita! Mashoko ake anofanira kunge akakurudzira Mariya vamwe pavasina kufara nezvaakanga aita!

17. Taura muenzaniso wepatingafanira kudzivirira hanzvadzi.

17 Unodzivirira hanzvadzi dzako dzechiKristu here pazvinenge zvichida kuti udaro? Chimbofunga nezvemuenzaniso unotevera. Vamwe vaparidzi vanoona kuti hanzvadzi ine murume asiri Chapupu inogara ichinonoka kumisangano uye kuti inokurumidza kuenda misangano ichangopera. Vanoona kuti haiwanzouyi nevana vayo. Saka vanoitsoropodza nekuti vanofunga kuti inofanira kutaura nemurume wayo zvakasimba kuti aibvumire kuuya nevana kumisangano. Asi chokwadi ndechekuti hanzvadzi iyi iri kuita zvese zvainokwanisa. Haikwanisi kuita zvinhu zvese panguva yainoda uye haisiriyo inoita zvisarudzo zvekupedzisira pavana vayo. Ungaita sei kana ukanzwa mumwe munhu achitsoropodza hanzvadzi sezvataurwa? Kana ukarumbidza hanzvadzi yacho woudza vamwe zvakanaka zvairi kuita, unogona kuita kuti vanhu varege kutaura zvakaipa nezvayo.

18. Zvii zvimwe zvatingaita kuti tibatsire hanzvadzi dzedu?

18 Tinogona kuratidza kuti tine hanya nehanzvadzi dzedu nekudzibatsira. (1 Joh. 3:18) Imwe hanzvadzi inonzi Annette, iyo iri kuchengeta amai vayo vanorwara inoti: “Dzimwe hama nehanzvadzi dzinouya kuzondibatsira kuchengeta amai vangu kuti ndikwanise kuitawo zvimwe zvinhu, kana kuti dzinouya nezvekudya. Izvi zvinoita kuti ndinzwe ndichidiwa uye kuti ndinokosha muungano.” Hanzvadzi inonzi Jordan yakabatsirwawo. Imwe hama yakamuudza kuti angaita sei kuti mota yake irambe ichishanda zvakanaka. Jordan anoti: “Zvinofadza kuziva kuti hama nehanzvadzi dzine hanya neni uye kuti dzinoda kuti ndigare ndakachengeteka pandinenge ndichityaira.”

19. Ndezvipi zvimwe zvingaitwa nevakuru kuti vabatsire hanzvadzi?

19 Vakuru vanofanirawo kuva nehanya nezvinodiwa nehanzvadzi. Vanoziva kuti Jehovha anoda kuti hanzvadzi dzibatwe zvakanaka. (Jak. 1:27) Saka vanoratidza kunzwisisa sezvaiitwa naJesu, vasingaisi mutemo pazvinenge zviri nani kuti vanzwire tsitsi. (Mat. 15:22-28) Vakuru vasingamiriri kukumbirwa rubatsiro vanoita kuti hanzvadzi dzavo dzinzwe kuti dzinodiwa naJehovha nesangano rake. Mutariri weboka paakaziva kuti Kia akanga ava kutama, akabva aronga kuti abatsirwe. Kia anoti, “Izvi zvakaita kuti ndisanyanya kunetseka. Nemashoko avo anokurudzira uye rubatsiro rwavakandipa, vakuru vakanyatsondiratidza kuti ndinokosha muungano uye kuti kana ndikasangana nematambudziko, hama dzangu dzinomira neni.”

HANZVADZI DZESE DZECHIKRISTU DZINODA RUTSIGIRO RWEDU

20-21. Tingaratidza sei kuti tinoda hanzvadzi dzedu dzese dzechiKristu?

20 Kana tikatarisa muungano dzedu mazuva ano, tinoona vakadzi vechiKristu vakawanda vanoshanda nesimba vatinofanira kutsigira. Sezvatadzidza pamuenzaniso waJesu, tinogona kuvabatsira kana tikawadzana navo uye tikaedza kuvaziva. Tinogona kuratidza kuti tinoonga zvavari kuita mubasa raMwari. Uye tinogona kutaura tichivadzivirira pazvinenge zvakakodzera.

21 Paaipedzisa kunyora tsamba yake kuvaRoma, muapostora Pauro akataura nezvevakadzi vechiKristu 9 nemazita avo. (VaR. 16:1, 3, 6, 12, 13, 15) Zviri pachena kuti vakadzi ava vakakurudzirwa pavakanzwa kukwaziswa uye kurumbidzwa kwavaiitwa. Nesuwo ngatitsigireiwo hanzvadzi dzese dziri muungano medu. Kana tikadaro tinenge tichiratidza kuti tinodzida sevanhu vemumhuri medu.

RWIYO 136 ‘Mubayiro Wakakwana’ Unobva Kuna Jehovha

^ ndima 5 Vakadzi vechiKristu vanosangana nematambudziko akawanda. Nyaya ino ichataura kuti tingatevedzera sei muenzaniso waJesu pakutsigira hanzvadzi dzedu dzechiKristu. Tichawana zvidzidzo kubva pakuwadzana kwaiita Jesu nevanhukadzi, kuvakoshesa kwaaiita uye kuvamiririra.

^ ndima 5 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 6 Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti: “Vadzidzi vaigara patsoka dzevadzidzisi vavo. Vaiita izvozvo pavaigadzirira kuzova vadzidzisi, asi vakadzi vaisabvumirwa kuva vadzidzisi. . . . Saka varume vakawanda vechiJudha vangangodaro vakavhunduka pavakaona Mariya akagara patsoka dzaJesu achinyatsoteerera zvaaidzidzisa.”

^ ndima 9 Vakuru vanongwarira pavanenge vachibatsira hanzvadzi. Semuenzaniso, mukuru haafaniri kushanyira hanzvadzi yechiKristu ari ega.

^ ndima 65 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Ichitevedzera Jesu pakuva nehanya nevakadzi vakatendeka, hama inobatsira hanzvadzi mbiri kuchinja vhiri remota, imwe hama inoshanyira hanzvadzi inonetseka neutano, uye hama yechitatu inoenda nemudzimai wayo kunoita kunamata kwemhuri neimwe hanzvadzi nemwanasikana wayo.