Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 37

“Usarega Ruoko Rwako Ruchizorora”

“Usarega Ruoko Rwako Ruchizorora”

“Dyara mbeu yako mangwanani uye usarega ruoko rwako ruchizorora kusvikira manheru.”—MUP. 11:6.

RWIYO 68 Kudyara Mbeu yeUmambo

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Muparidzi 11:6 yakabatana papi nebasa rekuparidza mashoko akanaka eUmambo?

MUNE dzimwe nyika, vanhu pavanonzwa mashoko akanaka vanobva vada kudzidza zvakawanda. Ndizvo chaizvo zvavanenge vakamirira! Asi mune dzimwewo nyika, vanhu havanyanyi kufarira zvaMwari kana kuti zveBhaibheri. Kwaunogara vanhu vanowanzoita sei? Pasinei nezvavangaita, Jehovha anoda kuti tirambe tichiparidza kusvikira ati zvakwana.

2 Jehovha akatosarudza nguva ichapera basa racho, uye kana rapera, ‘mugumo uchabva wasvika.’ (Mat. 24:14, 36) Iye zvino tingateerera sei mashoko ekuti “usarega ruoko rwako ruchizorora”? *Verenga Muparidzi 11:6.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Nyaya yakapfuura yakataura zvinhu 4 zvatinofanira kuita kuti tibudirire pakuva “vabati vevanhu.” (Mat. 4:19) Nyaya ino ichataura zvinhu zvitatu zvatingaita kuti tiwedzere kuva nechido chekuparidza, pasinei nemamiriro ezvinhu atingatarisana nawo. Tichadzidza kuti nei zvichikosha kuti (1) tirambe tichiisa basa rekuparidza pekutanga muupenyu hwedu, (2) tive nemwoyo murefu, uye (3) tirambe tiine kutenda kwakasimba.

RAMBA WAKAISA PFUNGWA PABASA REKUPARIDZA

4. Nei tichifanira kuramba takaisa pfungwa dzedu pabasa ratakapiwa naJehovha?

4 Jesu akagara ataura zvinhu zvaizoratidza mazuva ekupedzisira uye zvinhu izvozvo zvaigona kutadzisa vateveri vake kuisa basa rekuparidza pekutanga muupenyu hwavo. Akakurudzira vadzidzi vake kuti ‘varambe vakarinda.’ (Mat. 24:42) Panguva yaNoa, paiva nezvinhu zvakawanda zvaitadzisa vanhu kuteerera yambiro yaaivapa. (Mat. 24:37-39; 2 Pet. 2:5) Zvinhu zvakadaro zvinogonawo kutitsausa mazuva ano. Saka tinoda kuramba takaisa pfungwa dzedu pabasa ratakapiwa naJehovha.

5. Mabasa 1:6-8 inotaura kuti basa rekuparidza raizoitwa kusvika kupi?

5 Mazuva ano tinofanira kunyatsoisa pfungwa dzedu pabasa rekuparidza Umambo. Jesu akataura kuti vateveri vake vaizoramba vachiparidza pashure pekunge afa uye kuti vaizoparidza kupfuura zvaakaita achiri panyika. (Joh. 14:12) Jesu paakanga afa, vamwe vadzidzi vake vakadzokera kunobata hove. Paakamutswa, akaita chishamiso chekuti vamwe vadzidzi vake vabate hove dzakawanda. Pachiitiko ichocho ndipo paakavaudza kuti basa ravo rekuva vabati vevanhu raikosha kupfuura chero chii zvacho chavaizoita. (Joh. 21:15-17) Nguva pfupi asati aenda kudenga, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti basa rekuparidza raakanga atanga raizoitwawo mune dzimwe nyika dziri kure neIsraeri. (Verenga Mabasa 1:6-8.) Papera makore, Jesu akaita kuti muapostora Johani aone chiratidzo chezvaizoitika “muzuva raShe.” * Pazvinhu zvaakaona, Johani akaona ngirozi iine “mashoko akanaka anogara nekusingaperi” achiparidzwa “kumarudzi ese nemadzinza nendimi nevanhu.” (Zvak. 1:10; 14:6) Zviri pachena kuti mazuva ano Jehovha anoda kuti tiitewo basa iri rekuparidza riri kuitwa pasi rese kusvikira rapera.

6. Tingaitei kuti tirambe takaisa pfungwa pabasa rekuparidza?

6 Tinogona kuramba takaisa pfungwa pabasa rekuparidza kana tikafungisisa zviri kuitwa naJehovha kuti atibatsire. Semuenzaniso, ari kutipa zvekudya zvekunamata zvakawanda zvakadai semabhuku akaprindwa, mabhuku epamafoni, zvekuteerera, mavhidhiyo, uye JW Broadcasting®. Chimbofunga izvi: Website yedu inowanika mumitauro inopfuura 1 000. (Mat. 24:45-47) Vanhu vari munyika havana kubatana nemhaka yekusiyana kwavakaita mune zvematongerwo enyika, zvechitendero, uye zveupfumi. Asi pasi rese pane vashumiri vaMwari vanopfuura 8 miriyoni vakanyatsobatana. Semuenzaniso, musi weChishanu, April 19, 2019, pasi rese Zvapupu zvakaona vhidhiyo yekukurukurwa kwerugwaro rwezuva. Manheru acho, vanhu 20 919 041 vakaungana munzvimbo dzakasiyana-siyana vachichengeta Chirangaridzo cherufu rwaJesu. Patinofunga nezveropafadzo yatiinayo yekuona zviitiko izvi zvinoshamisa uye kubatanidzwa pazviri, tinobva tada kuramba takaisa pfungwa pabasa reUmambo.

Jesu haana kubvumira chero chii zvacho chichimutadzisa kupupura chokwadi (Ona ndima 7)

7. Zvakaitwa naJesu zvingatibatsira sei kuti tirambe takaisa pfungwa pabasa rekuparidza?

7 Chimwe chinogona kutibatsira kuti tirambe takaisa pfungwa pabasa rekuparidza kutevedzera zvakaitwa naJesu. Haana kurega chero chii zvacho chichimutadzisa kupupura chokwadi. (Joh. 18:37) Haana kutorwa mwoyo Satani paaida kumupa “umambo hwese hwenyika nekubwinya kwahwo”; uyewo haana kutorwa mwoyo vamwe pavaida kumuita mambo. (Mat. 4:8, 9; Joh. 6:15) Haana kuva nechido chekuwana pfuma yepanyika uyewo haana kutya kupikiswa zvakasimba kwaaiitwa. (Ruka 9:58; Joh. 8:59) Kutenda kwedu pakunoedzwa, tinogona kuramba takaisa pfungwa pabasa rekuparidza kana tikayeuka zano remuapostora Pauro. Akakurudzira vaKristu kuti vatevedzere muenzaniso waJesu kuitira kuti varege ‘kuneta vodzokera shure’!—VaH. 12:3.

IVA NEMWOYO MUREFU

8. Munhu ane mwoyo murefu, anokwanisa kuitei uye nei kuva nawo kuchinyanya kukosha iye zvino?

8 Munhu ane mwoyo murefu, anokwanisa kumirira chimwe chinhu akadzikama. Tinofanira kuva nemwoyo murefu patinenge tichitarisira kuguma kwemamiriro ezvinhu akaoma, kana kuzadzika kwechimwe chinhu chatinoda chatava nenguva refu takamirira. Muprofita Habhakuki aiva neshungu dzekuona mhirizhonga ichipera pakati pevaJudha. (Hab. 1:2) Vadzidzi vaJesu vaitarisira kuti Umambo “hwaizongooneka pakarepo” uye hwaizovanunura pakudzvinyirirwa nevaRoma. (Ruka 19:11) Tinoda chaizvo kuti Umambo hwaMwari hubvise uipi, hwounza nyika itsva inenge iine vanhu vakarurama. (2 Pet. 3:13) Asi tinofanira kuva nemwoyo murefu, tomirira nguva yaJehovha yaakasarudza kuzviita. Ngationei zvimwe zvinoitwa naJehovha pakutidzidzisa kuva nemwoyo murefu.

9. Mienzaniso ipi inoratidza kuti Jehovha ane mwoyo murefu?

9 Hapana anopfuura Jehovha pakuratidza mwoyo murefu. Akapa Noa nguva yakakwana yekuti avake areka uye yekuti ave “muparidzi wekururama.” (2 Pet. 2:5; 1 Pet. 3:20) Abrahamu paairamba achibvunza mibvunzo nezvechisarudzo chaJehovha chekuparadza vanhu vakaipa vaigara muSodhomu neGomora, Jehovha akamuteerera. (Gen. 18:20-33) Kwemazana emakore, Jehovha akaratidza mwoyo murefu wakanyanya kuvaIsraeri vakanga vasingateereri. (Neh. 9:30, 31) Mazuva ano tinoona kuti Jehovha ane mwoyo murefu nekuti ari kupa vanhu vese vaanoda kuti vauye kwaari nguva yekuti “vasvike pakutendeuka.” (2 Pet. 3:9; Joh. 6:44; 1 Tim. 2:3, 4) Zvinoitwa naJehovha zvinotipa chikonzero chakanaka chekuva nemwoyo murefu sezvatinoramba tichiparidza nekudzidzisa. Anotidzidzisawo kuva nemwoyo murefu achishandisa mumwe mufananidzo uri muShoko rake.

Sezvinoita murimi anoshanda nesimba asi aine mwoyo murefu, tinomirira zvibereko zvebasa redu (Ona ndima 10-11)

10. Maererano naJakobho 5:7, 8, tinodzidzei kubva pane zvinoitwa nemurimi?

10 Verenga Jakobho 5:7, 8. Zvinoitwa nemurimi zvinotidzidzisa kuti tingava sei nemwoyo murefu. Ichokwadi kuti zvimwe zvirimwa zvinokurumidza kukura. Asi zvirimwa zvakawanda, kunyanya zviya zvinobereka michero, zvinotora nguva yakareba kuti zviibve. Mwaka wekurima muIsraeri waiita inenge mwedzi 6. Murimi aidyara mbeu paitanga kunaya mvura uye aizotanga kukohwa paipera mwaka wemvura. (Mako 4:28) Kana tikava nemwoyo murefu sezvinoitwa nemurimi, tinenge taratidza kuti takachenjera. Asi izvi zvingasava nyore.

11. Kuva nemwoyo murefu kunotibatsira sei muushumiri?

11 Vanhu vane chivi vanowanzoda kukurumidza kuona zvibereko zvebasa ravo. Asi kana tichida kuwana goho rakanaka, tinofanira kutimba munda wedu, todyara, uye toramba tichisakura nekudiridza. Basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi rinodawo kuti tirambe tichishanda nesimba. Zvinotora nguva kuti tibatsire vadzidzi vedu veBhaibheri kuti vasava nerusarura uye kuti varatidze vamwe rudo. Kuva nemwoyo murefu kuchatibatsira kuti tisaora mwoyo kana vanhu vakasatiteerera. Kunyange vanhu vakatiteerera, tinofanira kuva nemwoyo murefu. Hatigoni kumanikidza mudzidzi weBhaibheri kuti ave nekutenda. Dzimwe nguva vadzidzi vaJesu vaimbononokawo kunzwisisa zvaainge avadzidzisa. (Joh. 14:9) Ngatiyeukei kuti isu tingadyara uye tingadiridza, asi Mwari ndiye anoita kuti zvikure.—1 VaK. 3:6.

12. Tingaratidza sei mwoyo murefu patinenge tichiparidzira hama dzedu dzisiri Zvapupu?

12 Zvinogona kutiomerawo kuti tive nemwoyo murefu patinoparidzira hama dzedu dzisiri Zvapupu. Zano riri pana Muparidzi 3:1, 7 rinogona kutibatsirawo. Panoti: ‘Pane nguva yekunyarara nenguva yekutaura.’ Maitiro edu anogona kubatsira hama dzedu kuti dzide kuteerera mashoko edu, asi tinofanirawo kugara takagadzirira kuvaudza nezvaJehovha. (1 Pet. 3:1, 2) Tinofanira kuparidza nekudzidzisa tichishingaira, asi tinofanirawo kuva nemwoyo murefu kumunhu wese kusanganisira vemumhuri medu.

13-14. Ndevapi vamwe vanhu vakaratidza mwoyo murefu vatingatevedzera?

13 Tinogonawo kudzidza kuva nemwoyo murefu kubva pavanhu vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri uyewo vemazuva ano. Habhakuki aida kuona uipi huchipera, asi akaratidza kuti aiva nemwoyo murefu paakati: “Ndicharamba ndakamira panzvimbo yangu yekurindira.” (Hab. 2:1) Muapostora Pauro akataura kuti aida “kupedza” ushumiri hwake. Asi akaramba achiratidza mwoyo murefu “achipa uchapupu hwakasimba hwemashoko akanaka.”—Mab. 20:24.

14 Funga nezvemumwe murume nemudzimai vakagirajuweta kuGiriyedhi. Vakanzi vanoshumira kune imwe nyika yaiva neZvapupu zvishoma, uye chitendero chikuru cheko hachisi chechiKristu. Vanhu vakawanda veko vakanga vasingadi kudzidza Bhaibheri. Asi vamwe vavakadzidza navo kuGiriyedhi avo vaishumira kune dzimwe nyika vaivaudza nezvevanhu vakawanda vavaidzidza navo Bhaibheri vaifambira mberi. Pasinei nekuti vanhu vakawanda vemundima yavo vaisada kuteerera, murume nemudzimai ava, vairamba vachiparidza. Pashure pekuparidza kwemakore 8 mundima yaiva nevanhu vashoma vaiteerera, vakafara chaizvo pakabhabhatidzwa mumwe mudzidzi wavo weBhaibheri. Mienzaniso iyi yevanhu vekare uye vemazuva ano yakafanana papi? Vanhu ava havana kumira kushingaira kana kurega ruoko rwavo ruchizorora, uye Jehovha akavakomborera nekuti vakanga varatidza mwoyo murefu. ‘Ngatitevedzerei vaya vanogara nhaka yezvinhu zvakavimbiswa, vachizviwana kuburikidza nekutenda uye mwoyo murefu.’—VaH. 6:10-12.

RAMBA UINE KUTENDA KWAKASIMBA

15. Kutenda kunotibatsira sei kuti tiwedzere kuva nechido chekuparidza?

15 Tine kutenda mumashoko atinoparidza, saka tinoda kuudza vanhu vakawanda nezvawo. Tine chokwadi nezvakavimbiswa muShoko raMwari. (Pis. 119:42; Isa. 40:8) Tiri kuona uprofita hwakawanda huri muBhaibheri huchizadziswa mazuva ano. Tinoonawo vanhu vachiva neupenyu huri nani pavanotanga kushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri. Uchapupu uhwu hunoita kuti tiwedzere kuva nechokwadi kuti mashoko akanaka eUmambo anofanira kunzwiwa nemunhu wese.

16. Maererano naPisarema 46:1-3, kutenda muna Jehovha naJesu kunotibatsira sei kuti tive nechido chakasimba chekuparidza?

16 Tinotendawo muna Jehovha, muridzi wemashoko atinoparidza, uyewo tinotenda muna Jesu, uyo waakagadza kuti ave Mambo weUmambo. (Joh. 14:1) Pasinei nezvinoitika kwatiri, Jehovha acharamba ari nzvimbo yedu yekupotera uye simba redu. (Verenga Pisarema 46:1-3.) Uyewo tine chivimbo chekuti Jesu ari kutungamirira basa rekuparidza ari kudenga, achishandisa simba raakapiwa naJehovha.—Mat. 28:18-20.

17. Taura muenzaniso unoratidza kuti nei tichifanira kuramba tichiparidza.

17 Kutenda kunoita kuti tive nechivimbo chekuti Jehovha achakomborera zvatinoita, dzimwe nguva achizviita nenzira dzatisingatarisiri. (Mup. 11:6) Semuenzaniso, zuva rega rega zviuru zvevanhu zvinopfuura nemunzvimbo dzinenge dziine matafura nezvingoro zvemabhuku edu. Iyi inzira yakanaka yekuparidza nayo here? Hongu! Ushumiri Hwedu hweUmambo hwaNovember 2014 hwakataura nezvemumwe musikana wepayunivhesiti aida kunyora rondedzero pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Akashaya Imba yeUmambo, asi akawana tafura yedu yaiva nemabhuku payunivhesiti, uyewo akawana mashoko ekushandisa parondedzero yake. Akazobhabhatidzwa uye ava kushumira sapiyona wenguva dzese. Nyaya dzakadaro dzinotikurudzira kuti tirambe tichiparidza nekuti dzinoratidza kuti pachiri nevanhu vanofanira kunzwa mashoko eUmambo.

USATOMBOREGA RUOKO RWAKO RUCHIZORORA

18. Nei tiine chokwadi chekuti basa rekuparidza Umambo richaitwa kusvikira Jehovha ati zvakwana?

18 Tinogona kuva nechokwadi chekuti basa rekuparidza Umambo richapera panguva yarinofanira kupera. Funga zvakaitika mumazuva aNoa. Jehovha akaratidza kuti anoita zvinhu panguva yaanenge asarudza. Pachine makore 120, Jehovha akasarudza nguva yaizouya mafashamo. Papera makore akawanda, Jehovha akazoudza Noa kuti avake areka. Noa akaita makore anenge 40 kana kuti 50 achishanda nesimba mafashamo asati atanga. Pasinei nekuti vanhu vaisateerera, akaramba achivayambira kusvikira Jehovha ati yakanga yava nguva yekupinza mhuka muareka. Panguva yakakodzera, “Jehovha akavhara suo.”—Gen. 6:3; 7:1, 2, 16.

19. Chii chatinogona kutarisira kana tikasarega ruoko rwedu ruchizorora?

19 Munguva pfupi iri kuuya Jehovha achagumisa basa rekuparidza Umambo, achabva aparadza nyika yaSatani ounza nyika itsva ichange iine vanhu vanoteerera Mwari. Kusvikira nguva iyoyo yakwana, ngatitevedzerei Noa, Habhakuki, nevamwe vasina kurega ruoko rwavo ruchizorora. Ngatirambei takaisa pfungwa pabasa rekuparidza, tiine mwoyo murefu uye tiine kutenda kwakasimba muna Jehovha nevimbiso dzake.

RWIYO 75 “Ndiri Pano! Nditumei!”

^ ndima 5 Nyaya yakapfuura yakakurudzira vadzidzi veBhaibheri vari kufambira mberi kuti vabvume kukokwa kwavakaitwa naJesu kuti vave vabati vevanhu. Nyaya ino ichataura zvinhu zvitatu zvingaitwa nevaparidzi vese, vatsva uye vagara nebasa, kuti vave nechido chakasimba chekuita basa rekuparidza Umambo kusvikira Jehovha ati zvakwana.

^ ndima 2 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Munyaya ino, mashoko ekuti “usarega ruoko rwako ruchizorora” anoreva kuti tinofanira kuva nechido chekuramba tichiparidza mashoko akanaka kusvikira Jehovha ati zvakwana.

^ ndima 5 “Zuva raShe” rakatanga Jesu paakagadzwa saMambo muna 1914, uye rinoperera pakuguma kwemakore 1 000 ekutonga kwake.