Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 36

Wagadzirira Kuva Mubati Wevanhu Here?

Wagadzirira Kuva Mubati Wevanhu Here?

“Rega kutya. Kubvira zvino uchange uchibata vanhu vari vapenyu.”—RUKA 5:10.

RWIYO 73 Tipeiwo Ushingi

ZVICHADZIDZWA *

1. Jesu akakoka vabati vehove vana kuti vaitei, uye vakabva vaita sei?

VADZIDZI vaJesu vanoti Petro, Andreya, Jakobho uye Johani vaiva nebhizinesi rekubata hove. Fungidzira kushamiswa kwavakaitwa pavakanzwa Jesu achiti: “Nditeverei, uye ndichakuitai vabati vevanhu.” * Varume ava vakaita sei? Bhaibheri rinoti: “Vakabva vangosiya mambure avo, vakamutevera.” (Mat. 4:18-22) Chisarudzo ichocho chakachinja upenyu hwavo zvachose. Pane kuti vabate hove, vakanga vava ‘kubata vanhu vari vapenyu.’ (Ruka 5:10) Mazuva ano, Jesu ari kukokawo vanhu vane mwoyo yakanaka avo vanoda chokwadi, kuti vave vabati vevanhu. (Mat. 28:19, 20) Wakabvumawo here kukokwa naJesu kuti uve mubati wevanhu?

2. Nei tichifanira kutanga tafungisisa tisati tasarudza kuva vabati vevanhu, uye chii chichatibatsira kuti tiite chisarudzo ichocho?

2 Zvimwe wafambira mberi pakudzidza kwauri kuita Bhaibheri, uye wasvika panguva yekusarudza kuti wova muparidzi wemashoko akanaka here kana kuti kwete. Kana uri kuzeza kubvuma kukokwa kwawakaitwa naJesu, usaora mwoyo. Ungangodaro uri kuzeza nekuti unoziva kuti chisarudzo ichi chakakosha chaizvo. Ichokwadi kuti Bhaibheri rinoti Petro nevamwe vake “vakabva vangosiya” mambure avo. Asi Petro nemunin’ina wake havana kuita chisarudzo ichi vasina kutanga vafunga. Mwedzi 6 izvi zvisati zvaitika, vakanga vava kutoziva kuti Jesu ndiye Mesiya. (Joh. 1:35-42) Zvimwe iwe wakatodzidzawo nezvaJehovha naJesu, uye unoda kuramba uchiswedera pedyo naJehovha. Asi usati wasarudza kuva muparidzi, unofanira kunyatsofunga nezvazvo. Chii chakabatsira Petro, Andreya nevamwewo kuti vasarudze kuva vadzidzi vaJesu?

3. Zvii zvichakubatsira kuti uve mudzidzi waKristu anobudirira?

3 Vadzidzi vaJesu vekutanga vaiva nechido chekuita basa, vaiziva maitirwo ebasa, vaiva neushingi uye vaisabvumira zvimwe zvinhu zvichivatadzisa kuita basa ravo. Izvi zvakaita kuti vabudirire pakuva vabati vevanhu. Nyaya ino ichataura kuti ungavatevedzera sei kuti ubudirire pakuva mudzidzi waKristu.

IVA NECHIDO CHAKASIMBA CHEKUPARIDZA

Petro nevamwe vakava vabati vevanhu. Basa iri rinokosha richiri kuitwawo mazuva ano (Ona ndima 4-5)

4. Chii chakaita kuti Petro ave mubati wehove?

4 Petro aibata hove kuti ariritire mhuri yake, asi handizvo zvega zvaiita kuti aite basa iri. Zvinoita sekuti basa iri airida chaizvo. (Joh. 21:3, 9-15) Akadzidzawo kuda basa rekuva mubati wevanhu. Uye achibatsirwa naJehovha, Petro akava nyanzvi pabasa iri.—Mab. 2:14, 41.

5. Maererano naRuka 5:8-11, nei Petro akatya, uye chii chinogona kutibatsira kuti tikunde manzwiro akafanana naiwayo?

5 Tinoparidza nekuti tinoda Jehovha, uye ndicho chikonzero chikuru nei tichiita basa iri. Kuda Jehovha kunotibatsira kuti tiite basa iri kunyange zvazvo tingaona sekuti hatina kukodzera kuriita. Jesu paakakoka Petro kuti ave mubati wevanhu, akamuudza kuti: “Rega kutya.” (Verenga Ruka 5:8-11.) Petro aisatya zvingaitika kana akava mudzidzi. Asi akakangwa mate mukanwa nechishamiso chakanga chaitwa naJesu kuti vabate hove, uye Petro akanzwa asina kukodzera kushanda naJesu. Iwe unogona kunetsekawo paunofunga zvese zvaunofanira kuita kuti uve mudzidzi waKristu. Kana zvakadaro, wedzera kuda kwaunoita Jehovha, Jesu, nemuvakidzani wako, uye uchava nechido chekubvuma kukokwa naJesu kuti uve mubati wevanhu.—Mat. 22:37, 39; Joh. 14:15.

6. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tide kuparidza?

6 Ona zvimwe zvikonzero nei tichida kuparidza. Tinoda kuteerera murayiro waJesu wekuti: “Endai . . . munoita kuti vanhu vave vadzidzi.” (Mat. 28:19, 20) Tinoparidzawo nekuti vanhu ‘vari kubatwa zvisina kunaka uye vakapararira semakwai asina mufudzi’ uye vanofanira kudzidza chokwadi nezveUmambo. (Mat. 9:36) Jehovha anoda kuti vanhu vakasiyana-siyana vasvike pakuva neruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi, voponeswa.—1 Tim. 2:4.

7. VaRoma 10:13-15 inoratidza sei kuti basa rekuparidza rinokosha?

7 Patinofunga kuti basa redu rekuparidza rinoponesa sei vanhu, tichabva tada kuriita. Kusiyana nemubati wehove uyo anotengesa kana kudya hove dzaanobata, isu ‘tinobata’ vanhu kuti tivaponese.—Verenga VaRoma 10:13-15; 1 Tim. 4:16.

DZIDZA ZVAKAWANDA NEZVEBASA REKUPARIDZA

8-9. Mubati wehove anofanira kuzivei, uye zvinomubatsirei?

8 Mumazuva aJesu, muIsraeri aiita basa rekubata hove, aifanira kuziva marudzi ehove dzaaigona kubata. (Revh. 11:9-12) Aifanira kuzivawo kwaiwanikwa hove dzacho. Hove dzinowanzogara pane mvura yadzinofarira uye pane chikafu chakawanda. Zvine basa here kuti munhu aenda kunobata hove nguvai? Tichifunga nezvenguva yakanaka yekubata hove, ona zvakataurwa neimwe hama inogara pachitsuwa chiri kuPacific payakakoka mumwe mumishinari kuti vaende kunobata hove. Mumishinari wacho akati, “Ngatisanganei mangwana makuseni na9:00.” Hama yacho yakamupindura kuti, “Aiwa shamwari. Tinoenda kunobata hove panguva yadzinobatika, kwete panguva yakatinakira.”

9 Vadzidzi vaJesu vekutanga vaiendawo munzvimbo dzaiwanikwa vanhu uye panguva yavaigona kuwanikwa. Semuenzaniso, vateveri vaJesu vaiparidza patemberi uye mumasinagogi, paimba neimba nemumisika. (Mab. 5:42; 17:17; 18:4) Isuwo tinofanira kuziva nguva dzinowanikwa vanhu vemundima yedu uye kwavanowanikwa. Tinofanira kunge takagadzirira kuchinja zvatakaronga kuitira kuti tiparidze kunowanikwa vanhu uye panguva dzavanowanikwa.—1 VaK. 9:19-23.

VABATI VEHOVE VANE UNYANZVI . . . 1. vanoshanda panguva nenzvimbo inowanzowanikwa hove (Ona ndima 8-9)

10. Maturusi api atiri kupiwa nesangano raJehovha?

10 Mubati wehove anofanira kunge aine zvekushandisa zvinoenderana nepaari kubatira hove dzacho uye anofanira kunge achigona kuzvishandisa. Isuwo tinofanira kunge tiine zvekushandisa zvinoenderana nebasa redu uye tinofanira kuziva kuti zvinoshandiswa sei. Jesu akapa vadzidzi vake mirayiro yakajeka yekuti vangaparidza sei mashoko akanaka. Akavaudza zvavaifanira kutakura, kwavaifanira kuparidza, uye zvekutaura zvacho. (Mat. 10:5-7; Ruka 10:1-11) Mazuva ano sangano raJehovha rinotipa Bhokisi reMaturusi Ekudzidzisa, iro rine maturusi ari kunyatsotibatsira chaizvo. * Uye tinodzidziswa kuti tingashandisa sei maturusi iwayo. Izvi zviri kutibatsira kuti tive nechivimbo uye unyanzvi hunodiwa pabasa redu.—2 Tim. 2:15.

VABATI VEHOVE VANE UNYANZVI . . . 2. vanoziva kushandisa zvinhu zvakakodzera (Ona ndima 10)

IVA NEUSHINGI

11. Nei vabati vevanhu vachifanira kuva neushingi?

11 Vanhu vanoita basa rekubata hove vachitengesa vanofanira kuva neushingi nekuti hapasi pese pavanogona kuziva mamiriro ekunze. Uye dzimwe nguva kunogona kungoerekana kwaita dutu remvura. Vanowanzoshanda usiku murima. Patinotanga kuparidza uye kuzivikanwa semumwe weZvapupu zvaJehovha, tinogona kusangana nemadutu akadai sekupikiswa nevemumhuri, kusekwa neshamwari dzedu uye vamwe vanhu vanogona kuramba kuteerera mashoko edu. Asi izvi hazvitishamisi. Jesu akataura kuti aizotuma vateveri vake kuti vaparidzire vanhu vanovapikisa.—Mat. 10:16.

12. Maererano naJoshua 1:7-9, chii chingatibatsira kuti tive neushingi?

12 Ungaita sei kuti uve neushingi? Chekutanga, iva nechokwadi chekuti Jesu ari kuramba achitungamirira basa iri ari kudenga. (Joh. 16:33; Zvak. 14:14-16) Chechipiri, iva nekutenda kwakasimba muvimbiso yaJehovha yekuti achakuchengeta. (Mat. 6:32-34) Kana kutenda kwako kukawedzera kusimba, uchawedzerawo kuva neushingi. Petro nevamwe vake vakaratidza kutenda kwakakura pavakasiya bhizinesi ravo rehove, ndokutevera Jesu. Iwe wakaratidzawo kutenda kwakakura pawakaudza hama neshamwari dzako kuti wava kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye kuti wava kupinda misangano yazvo! Zviri pachena kuti wakachinja zvakawanda muupenyu hwako kuitira kuti uite zvinodiwa naJehovha. Kuita izvozvo kwaidawo kutenda uye ushingi. Sezvaunoramba uchiva neushingi, unogona kuva nechokwadi chekuti “Jehovha Mwari wako anewe kwese kwaunoenda.”—Verenga Joshua 1:7-9.

VABATI VEHOVE VANE UNYANZVI . . . 3. vanoratidza ushingi zvinhu pazvinenge zvakaoma (Ona ndima 11-12)

13. Kufungisisa uye kunyengetera kunokubatsira sei kuti uve neushingi?

13 Zvii zvimwe zvaungaita kuti uve neushingi? Nyengetera uchikumbira kuva neushingi. (Mab. 4:29, 31) Jehovha achapindura minyengetero yako uye haazombokusiyi. Anoramba achikutsigira. Unogonawo kufunga kuti Jehovha akabatsira sei vamwe kare. Chibva wafungawo kuti Jehovha akakubatsira sei kuti ukunde matambudziko ako uye kuti akakupa sei simba rekuti uchinje mararamiro awaiita. Chokwadi ndechekuti uya akatungamirira vanhu vake kupfuura nemuGungwa Dzvuku anogona kukubatsira kuti uve mudzidzi waKristu. (Eks. 14:13) Unogona kuva nekutenda muna Jehovha kwakafanana nekwaiva nemunyori wemapisarema uyo akati: “Jehovha ari kurutivi rwangu; handizotyi. Munhu angandiitei?”—Pis. 118:6.

14. Unodzidzei pana Masae naTomoyo?

14 Chimwe chinoita kuti tive neushingi kudzidza kuti Jehovha akabatsira sei vanhu vanonyara kuti vasvike pakuva neushingi. Funga zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Masae. Ainyara uye ainzwa sekuti haazombofi akakwanisa kuita basa rekuparidza. Ainzwa sekuti kutaura nevanhu vaasingazivi kwainge kwakamuomera chaizvo uye aiona sekuti haafi akazvikwanisa. Saka akashanda nesimba kuti awedzere kuda kwaanoita Mwari uye kwaanoita vavakidzani vake. Akafunga nezvekuti ino ndiyo nguva yekukurumidza kuita basa rekuparidza uye akanyengetera achikumbira kubatsirwa kuti ave nechido chakasimba chekuparidza. Kutya kwaaiita kwakapera, uye akatoshumira sapiyona wenguva dzese. Jehovha anogonawo kubatsira vaparidzi vatsva kuti ‘vashinge.’ Funga nezveimwe hanzvadzi inonzi Tomoyo. Paakatanga kuparidza paimba neimba, munhu waakatanga kuona akamupopotera achiti: “Handidi zvekutaura neZvapupu zvaJehovha ini!” uye akabva arovera dhoo rake. Asingatyi, Tomoyo akabva audza mumwe waaiparidza naye kuti: “Wazvinzwa here? Handina kana chandataura, asi azviziva kuti ndiri Chapupu chaJehovha. Ndafara chaizvo!” Iye zvino Tomoyo ava piyona wenguva dzese.

USAREGA ZVIMWE ZVINHU ZVICHIKUTADZISA KUITA BASA RAKO

15. Kana tichiomerwa nebasa rekuparidza, tingatevedzera sei vabati vehove, uye nei zvichikosha kuti tidaro?

15 Vaya vanobudirira pakubata hove vane zvinhu zvavanotofanira kuita. Vanomukira mangwanani-ngwanani, voshanda kusvika vapedza, uye vanoramba vachibata hove pasinei nemamiriro ekunze anenge akaipa. Isuwo kana tichida kutsungirira topedza basa redu hatifaniri kurega zvimwe zvinhu zvichititadzisa kuriita.—Mat. 10:22.

16. Chii chingatibatsira kuti tikwanise kuita zvinhu zvingangodaro zvakatiomera?

16 Hatiberekwi tichida kuita zvinhu zvakaoma. Asi tinoberekwa tichingoda kuita zvinhu zviri nyore kwatiri. Saka tinofanira kudzidza kuzvidzora. Tinotoda kubatsirwa kuti tidzidze kuita zvinhu zvingangodaro zvakatiomera. Jehovha anotipa rubatsiro irworwo achishandisa mweya wake mutsvene.—VaG. 5:22, 23.

17. Sezviri pana 1 VaKorinde 9:25-27, muapostora Pauro akati aifanira kuitei kuti akwanise kuita zvakarurama?

17 Muapostora Pauro aizvidzora. Asi akati aifanira ‘kurwadzisa’ muviri wake kuti aite zvinhu zvakarurama. (Verenga 1 VaKorinde 9:25-27.) Akakurudzira vamwe kuti vazvidzore uye vaite zvinhu zvese “nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.” (1 VaK. 14:40) Tinofanira kushanda nesimba kuti tirambe tichishumira Jehovha. Izvi zvinosanganisira kugara tichiparidza uye tichidzidzisa mashoko akanaka.—Mab. 2:46.

USAVERENGERA

18. Tinofanira kuitei kana tichida kuti Jehovha atione sevanhu vari kubudirira pabasa rekuparidza?

18 Munhu anobata hove dzekutengesa anoyera kubudirira kwake nekuwanda kwehove dzaanobata. Asi isu hatiyeri kubudirira kwedu nekuwanda kwevanhu vatinobatsira kuva Zvapupu zvaJehovha. (Ruka 8:11-15) Kana tikaramba tichiparidza mashoko akanaka uye tichidzidzisa vamwe, Jehovha achationa sevanhu vari kubudirira. Nei zvakadaro? Nekuti tinenge tichiteerera iye neMwanakomana wake.—Mako 13:10; Mab. 5:28, 29.

19-20. Ndechipi chikonzero chinokosha chatiinacho chekuparidza iye zvino?

19 Mune dzimwe nyika, pane mwedzi inobvumirwa kuita basa rekubata hove. Munyika dzakadaro, munhu anobata hove anowedzera kushanda nesimba mwaka wekubata hove paunenge wava kupera. Sevabati vevanhu, chikonzero chatiinacho chekuti tiparidze iye zvino ndechekuti kuguma kwenyika ino kuri kuswedera pedyo! Nguva yasara yekuita basa iri rinoponesa upenyu yava shoma chaizvo. Usaverengera kana kuona sekuti unofanira kumirira nguva yakanyatsonaka kuti uite basa iri rinokosha.—Mup. 11:4.

20 Iye zvino iva nechido chakasimba chekuita basa, wedzera ruzivo rwako rweBhaibheri, iva neushingi, uye usarega zvimwe zvinhu zvichikutadzisa kuita basa rako. Batana nevamwe vabati vevanhu vanopfuura 8 miriyoni uye uchawana mufaro unobva kuna Jehovha. (Neh. 8:10) Iva nechido chekuita zvese zvaunogona mubasa iri uye ramba uchiriita kusvikira Jehovha ati zvakwana. Nyaya inotevera ichataura zvinhu zvitatu zvatingaita kuti tisimbise chido chedu chekuramba tichiparidza mashoko akanaka eUmambo.

RWIYO 66 Zivisa Mashoko Akanaka

^ ndima 5 Jesu akakoka vabati vehove vaizvininipisa uye vaishanda nesimba kuti vave vadzidzi vake. Mazuva ano, Jesu achiri kukoka vanhu vakadaro kuti vave vabati vevanhu. Nyaya ino ichataura zvinofanira kuitwa nevadzidzi veBhaibheri vari kuzeza kuita zvakataurwa naJesu.

^ ndima 1 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Mashoko ekuti “vabati vevanhu” anoreva vanhu vese vanoparidza mashoko akanaka uye vanodzidzisa vamwe kuti vave vadzidzi vaKristu.

^ ndima 10 Ona nyaya inoti “Kudzidzisa Chokwadi,” iri muNharireyomurindi yaOctober 2018, mapeji 11-16.