Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 39

Kana Munhu Watinoda Akasiya Jehovha

Kana Munhu Watinoda Akasiya Jehovha

‘Vaimurwadzisa kakawanda.’—PIS. 78:40.

RWIYO 102 ‘Batsirai Vaya Vasina Simba’

ZVICHADZIDZWA *

1. Munhu anganzwa sei kana mumwe wemumhuri make akadzingwa?

HAMA yako yakambodzingwa muungano here? Izvozvo zvinorwadza chaizvo. Imwe hanzvadzi inonzi Hilda yakati: “Murume wangu paakafa pashure pemakore 41 tiri tese, ndakafunga kuti hapana chimwe chinhu chichazombondirwadza chinopfuura ipapo. * Asi mwanakomana wangu paakasiya ungano, mudzimai wake nevana, ndakarwadziwa chaizvo kupfuura zvandakaita pakafa murume wangu.”

Jehovha anoziva kurwadziwa kwaunoita kana hama yako ikarega kumushumira (Ona ndima 2-3) *

2-3. Maererano naPisarema 78:40, 41, Jehovha anonzwa sei kana vashumiri vake vakamusiya?

2 Funga nezvekurwadziwa kwakaita Jehovha paakasiyiwa nedzimwe ngirozi dzaiva mumhuri yake. (Jud. 6) Uye fungidzira kuti airwadziwa sei paaiona vanhu vake vaaida vaIsraeri, vachingoramba vachimupandukira. (Verenga Pisarema 78:40, 41.) Unogona kuva nechokwadi chekuti Baba vedu vekudenga vane rudo, vanorwadziwawo kana mumwe munhu waunoda akavasiya. Vanonzwisisa kurwadziwa kwauri kuita. Vachakukurudzira uye vachakutsigira.

3 Munyaya ino tichakurukura zvatingaita kuti tibatsirwe naJehovha kana mumwe munhu watinoda akarega kumushumira. Tichaongororawo kuti tingabatsira sei vamwe vari muungano vari kusangana nedambudziko iri. Asi ngatitangei nekukurukura mafungiro asina kunaka atisingafaniri kuva nawo.

USAZVIPA MHOSVA

4. Vabereki vakawanda vanonzwa sei kana mwana wavo akasiya Jehovha?

4 Kana mwana akasiya Jehovha, vabereki vanowanzonetseka kuti zvii zvavangadai vakaita kuti vamubatsire kuti arambe ari muchokwadi. Pakadzingwa mwanakomana wake, Luke akati: “Ndakazvipa mhosva. Zvaiuya kuhope ndakarara. Dzimwe nguva ndaichema uye ndairwadziwa mumwoyo.” Elizabeth, uyo aivawo nemwanakomana akadzingwa, aiwanzotaura achirwadziwa achiti: “Chii chandakakanganisa saamai? Ndainzwa sekuti ndakanga ndisina kunyatsodzidzisa mwanakomana wangu kuti ade Jehovha.”

5. Kana munhu akasiya Jehovha, imhosva yaani?

5 Tinofanira kuyeuka kuti Jehovha akapa mumwe nemumwe wedu rusununguko rwekusarudza. Izvi zvinoreva kuti tinogona kusarudza kumuteerera kana kusamuteerera. Vamwe vana vakasarudza kushumira Jehovha uye kuramba vakatendeka kwaari, pasinei nekuti vabereki vavo vaisava mienzaniso yakanaka. Vamwe vaiva nevabereki vakashanda nesimba pakuvadzidzisa kuti vade Jehovha, asi vakazosiya Jehovha pavakanga vakura. Izvi zvinoratidza kuti mumwe nemumwe wedu anofanira kusarudza kuti oshumira Jehovha here kana kuti kwete. (Josh. 24:15) Saka imi vabereki vari kurwadziwa nekuti mwana wenyu akarega kushumira Jehovha, musazvipa mhosva.

6. Wechidiki anogona kunzwa sei kana mubereki wake akasiya Mwari?

6 Dzimwe nguva mubereki anogona kusiya chokwadi, kunyange kusiyawo mhuri yake. (Pis. 27:10) Izvi zvinogona kukanganisa vana vairemekedza uye vaiyemura mubereki wacho. Esther uyo ana baba vakadzingwa anoti: “Ndaiwanzochema nekuti ndakaziva kuti vakanga vasiri kungosiya chokwadi zvishoma nezvishoma. Vakanga vatosarudza kuti havachadi kushumira Jehovha. Ndinoda baba vangu, saka pavakadzingwa ndaigara ndichinetseka nezvavo. Ndaigara ndichivhunduka.”

7. Jehovha anonzwa sei nezvewechidiki ane mubereki akadzingwa?

7 Vechidiki, kana muine mubereki akadzingwa, zivai kuti tiri kurwadziwawo. Ivai nechokwadi chekuti Jehovha anoziva kurwadziwa kwamuri kuitwa. Anokudai uye anofara kuti muri kuramba muchimushumira makatendeka, uye isu hama nehanzvadzi dzenyu dziri muungano tiri kufarawo. Yeukaiwo kuti zvisarudzo zvakaitwa nevabereki venyu, haisi mhosva yenyu. Sezvambotaurwa, Jehovha akapa munhu mumwe nemumwe rusununguko rwekusarudza kuti omushumira here kana kuti kwete. Uye munhu mumwe nemumwe akazvitsaurira uye akabhabhatidzwa anofanira ‘kutakura mutoro wake.’—VaG. 6:5.

8. Vanhu vemumhuri vakatendeka, vangaitei pavanenge vakamirira hama yavo kuti idzoke kuna Jehovha? (Onawo bhokisi rakanzi “ Dzoka Kuna Jehovha.”)

8 Kana munhu watinoda akasiya Jehovha, tinotarisira kuti rimwe zuva achadzoka kwaari. Asi ungaitei iye zvino paunenge wakamirira kuti adzoke kuna Jehovha? Ita zvese zvaunogona kuti kutenda kwako kurambe kwakasimba. Kana ukadaro, uchava muenzaniso wakanaka kune vamwe vemumhuri kunyange kune uya akadzingwa. Uchawanawo simba rekutsungirira marwadzo auinawo. Ngatikurukurei zvimwe zvaunogona kuita.

UNGAITEI KUTI URAMBE UINE KUTENDA KWAKASIMBA?

9. Zvii zvaungaita kuti uwane simba rinobva kuna Jehovha? (Onawo bhokisi rakanzi “ Mavhesi Anokunyaradza Kana Hama Yako Yasiya Jehovha.”)

9 Gara uchiita zvinhu zvinoita kuti urambe wakasimba pakunamata. Zvinokosha kuti urambe uchizvisimbisa uye uchisimbisa vamwe vemumhuri. Ungazviita sei? Wana simba rinobva kuna Jehovha nekugara uchiverenga Shoko raMwari uchifungisisa zvaunenge waverenga uyewo uchipinda misangano yechiKristu. Joanna uyo ana sisi uye baba vakasiya chokwadi anoti: “Ndinonzwa kugadzikana pandinoverenga nezvevanhu vanotaurwa muBhaibheri vakadai saAbhigairi, Esteri, Jobho, Josefa uye Jesu. Mienzaniso yavo inondikurudzira uye inondibatsira kuva nemafungiro akanaka. Ndinokurudzirwawo nenziyo dzinobuda paJW Broadcasting.”

10. Pisarema 32:6-8, inotibatsira sei patinenge tichishungurudzika?

10 Udza Jehovha zvese zviri kukunetsa. Paunenge uchishungurudzika, usarega kunyengetera kuna Jehovha. Ramba uchikumbira Mwari wedu ane rudo kuti akubatsire kuona zvinhu semaonero aanoita uye kuti ‘akupe njere uye akurayiridze nzira yaunofanira kufamba nayo.’ (Verenga Pisarema 32:6-8.) Ichokwadi kuti zvingakurwadza kuti uudze Jehovha manzwiro aunenge uchiita. Asi Jehovha anonyatsonzwisisa kurwadziwa kwaunenge uchiita mumwoyo. Anokuda chaizvo uye anokukurudzira kuti udurure mwoyo wako kwaari.—Eks. 34:6; Pis. 62:7, 8.

11. Maererano naVaHebheru 12:11, nei tichifanira kuvimba nechirango chinopiwa naJehovha? (Onawo bhokisi rakanzi “ Kudzinga Kunoratidza Kuti Jehovha Anotida.”)

11 Tsigira chisarudzo chakaitwa nevakuru. Jehovha ndiye akaita kuti pave neurongwa hwekudzinga. Chirango chake chakanakira munhu wese, kusanganisira mutadzi wacho. (Verenga VaHebheru 12:11.) Vamwe vari muungano vanogona kutaura kuti vakuru vakaita chisarudzo chisina kunaka nekudzinga kwavakaita mumwe munhu. Asi yeuka kuti kakawanda kacho vanhu ivavo havatauri nezvekukanganisa kwemunhu wacho akaita chivi. Hatizivi zvese zvakaitika. Saka zvakanaka kuti tivimbe kuti vakuru vakatonga nyaya yacho vakaita zvese zvavanogona kuti vatevedzere zvinotaurwa neMagwaro uye kuti vatonge vachimiririra Jehovha.—2 Mak. 19:6.

12. Vamwe vakabatsirwa sei nekutsigira kwavakaita chirango chaJehovha?

12 Kana ukatsigira chisarudzo chinenge chaitwa nevakuru, unogona kutobatsira hama yako kuti idzoke kuna Jehovha. Elizabeth ambotaurwa anoti: “Zvakanga zvakaoma chaizvo kuti tirege kutaura nemwanakomana wedu uyo akanga abva zera. Asi paakadzoka kuna Jehovha, akabvuma kuti chisarudzo chekuti adzingwe chainge chakanaka. Nekufamba kwenguva akataura kuti aionga zvidzidzo zvaakanga awana. Ndakasvika pakukoshesa chirango chaJehovha.” Murume wake Mark, anowedzera kuti: “Pava paya, mwanakomana wedu akandiudza kuti chimwe chikonzero chakaita kuti ade kudzoka, ndechekuti takanga taita chaizvo zvataifanira kuita. Ndinofara chaizvo kuti Jehovha akatibatsira kuti tive vanhu vanomuteerera.”

13. Chii chinogona kukubatsira paunenge uchirwadziwa?

13 Taura neshamwari dzinokunzwisisa. Shamwaridzana nevaKristu vakasimba pakunamata avo vanogona kukubatsira kuti urambe uine mafungiro akanaka. (Zvir. 12:25; 17:17) Joanna ambotaurwa anoti: “Ndainzwa sekuti ndiri ndega. Asi kutaura neshamwari dzandinovimba nadzo kwakandibatsira chaizvo.” Ungaitei kana vamwe vari muungano vakataura mashoko anoita kuti uwedzere kurwadziwa?

14. Nei tichifanira kuramba ‘tichinzwisisana uye tichiregererana nemwoyo wese’?

14 Iva nemwoyo murefu kuhama nehanzvadzi dzako. Hatingatarisiri hedu kuti munhu wese ataure zvinhu zvakakodzera. (Jak. 3:2) Tese tinokanganisa, saka usashamisika kana vamwe vachitadza kuziva kuti votaurei kana kuti vakataura vasingazivi mashoko angaita kuti urwadziwe. Yeuka zano remuapostora Pauro rekuti: “Rambai muchinzwisisana uye muchiregererana nemwoyo wese kunyange kana paine ane chaakatadzirwa nemumwe.” (VaK. 3:13) Imwe hanzvadzi ine hama yayo yainge yakadzingwa inoti: “Jehovha akandibatsira kuti ndiregerere hama dzaiedza kundikurudzira asi dzichitaura mashoko anorwadza.” Ungano ingaitei kuti ibatsire vanhu vemumhuri vakatendeka?

UNGANO INOGONA KUBATSIRA

15. Tingaitei kuti tibatsire vemumhuri vane hama yavo ichangobva kudzingwa?

15 Iva nemutsa uye ratidza ushamwari kune vemumhuri vakatendeka. Miriam anoti aizeza kuenda kumisangano pakadzingwa hanzvadzi yake. Anoti: “Ndaitya kuti vanhu vaizotii. Asi paiva nehama nehanzvadzi dzakawanda dzairwadziwawo nezvakaitika uye havana kutaura zvakashata nezvehanzvadzi yangu. Vakandibatsira zvekuti handina kuzombonzwa sendaiva ndega panguva iyoyo yandairwadziwa.” Imwe hanzvadzi inoti: “Pakadzingwa mwanakomana wedu, shamwari dzedu dzakauya kuzotinyaradza. Vamwe vaitiudza kuti vaishaya zvekutaura. Vaichema neni uye vamwe vainditumira tsamba dzinokurudzira. Zvavakaita zvakandibatsira chaizvo!”

16. Ungano ingaitei kuti irambe ichibatsira vaya vane hama yavo yakadzingwa?

16 Ramba uchitsigira vemumhuri vakatendeka. Iye zvino ndipo pavava kuda kutonyanya kuratidzwa rudo uye kukurudzirwa. (VaH. 10:24, 25) Dzimwe nguva, vaya vane hama yavo yakadzingwa, vanogona kuona kuti vamwe vari muungano haachatauri navo, zvoita sekuti naivowo vakadzingwa. Usaita kuti vanzwe saizvozvo! Vechidiki vane vabereki vakasiya chokwadi ndivo vanotonyanya kuda kurumbidzwa uye kukurudzirwa. Maria uyo ane murume akadzingwa achibva asiya mhuri anoti: “Dzimwe shamwari dzangu dzaiuya kumba uye dzaibika zvekudya dzichindibatsira kudzidza nevana vangu. Dzainzwa kurwadziwa kwandaiita uye dzaichema neni. Dzaindimiririra vamwe pavaitaura mashoko asiri echokwadi nezvangu. Dzaindikurudzira chaizvo!”—VaR. 12:13, 15.

Hama nehanzvadzi dzemuungano dzinogona kuratidza rudo nekubatsira vaya vane hama yakadzingwa (Ona ndima 17) *

17. Vakuru vangaitei kuti vanyaradze vaya vakaora mwoyo?

17 Vakuru, shandisai mikana yese yamunowana kuti musimbise vaya vane hama yavo yakadzingwa. Mune basa rinokosha chaizvo rekunyaradza vaya vane hama yavo yakasiya Jehovha. (1 VaT. 5:14) Kuti muvakurudzire, taurai navo misangano isati yatanga uye yapera. Vashanyirei uye nyengeterai navo. Budai navo muushumiri uye potai muchivakoka pakunamata kwenyu kwemhuri. Vakuru vanofanira kuva nehanya nevaya vari kushungurudzika vachivanzwira tsitsi uye vachivaratidza rudo.—1 VaT. 2:7, 8.

RAMBA UINE TARIRO UYE UCHIVIMBA NAJEHOVHA

18. Maererano na2 Petro 3:9, Jehovha anoda kuti vaya vakarega kumushumira vaitei?

18 Jehovha haana “waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vanhu vese vasvike pakutendeuka.” (Verenga 2 Petro 3:9.) Kunyange kana munhu akaita chivi chakakura, upenyu hwake huchiri kukosha kuna Mwari. Yeuka kuti Jehovha akabhadhara mutengo wakakura, upenyu hweMwanakomana wake waanoda achiitira mumwe nemumwe wedu. Nerudo rwake, Jehovha anoedza kubatsira vaya vakamusiya kuti vadzoke kwaari. Ane tariro yekuti vachadzoka sezvatinoona mumufananidzo waJesu wemwanakomana akarasika. (Ruka 15:11-32) Vakawanda vakasiya chokwadi vakazodzoka kuna Baba vavo vekudenga vane rudo. Uye ungano yakavagamuchira nemaoko maviri. Elizabeth ambotaurwa akafara chaizvo pakadzorerwa mwanakomana wake. Anoti: “Ndinotenda chaizvo vaya vaitikurudzira kuti tisarasa tariro.”

19. Nei tichigona kuramba tichivimba naJehovha?

19 Tinogona kuvimba naJehovha nguva dzese. Haambotiudzi kuti tiite zvinhu zvinotikuvadza. NdiBaba vane rupo uye vane tsitsi vanoda chaizvo vaya vanovada uye vanovanamata. Iva nechokwadi chekuti Jehovha haambokusiyi paunenge uchishungurudzika. (VaH. 13:5, 6) Mark ambotaurwa anoti: “Jehovha haana kumbobvira atisiya, anogara achitibatsira patinosangana nematambudziko.” Jehovha acharamba achikupa ‘simba rakawedzerwa pane rawagara uinaro.’ (2 VaK. 4:7) Saka unogona kuramba wakatendeka uye uine tariro, kunyange hama yako ikasiya Jehovha.

RWIYO 44 Munyengetero Wemunhu Akasuruvara

^ ndima 5 Tinorwadziwa chaizvo kana munhu watinoda akasiya Jehovha. Munyaya ino tichaona kuti Mwari anonzwa sei kana izvozvo zvikaitika. Tichadzidza kuti vemumhuri vakatendeka vangaitei kuti vatsungirire marwadzo acho uye kuti varambe vakasimba pakunamata. Tichaonawo kuti vese vari muungano vanganyaradza uye vangatsigira sei vaya vane mumwe wemumhuri akadzingwa.

^ ndima 1 Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

^ ndima 79 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama painosiya mhuri yayo uye painosiya Jehovha, mudzimai wayo nevana vanotambura.

^ ndima 81 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Vakuru vaviri vauya kuzokurudzira mhuri yemuungano.