Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 35

Koshesa Hama Nehanzvadzi Dzedu Dzakura

Koshesa Hama Nehanzvadzi Dzedu Dzakura

“Kuchena musoro ikorona yerunako.”—ZVIR. 16:31.

RWIYO 138 Runako Rwevachena Musoro

ZVICHADZIDZWA *

1-2. (a) Maererano naZvirevo 16:31, tinofanira kuona sei hama nehanzvadzi dzakura? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura munyaya ino?

VANHU vanoshanyira imwe paki iri kuArkansas, USA, vanogona kuona madhaimondi ari pasi. Asi madhaimondi iwayo anenge asina kukweshwa kuti ashandiswe pazvishongo. Saka vakawanda vanoona madhaimondi aya vangasaziva kuti chii chavari kuona uye vanongopfuura vachisiya pfuma iyi.

2 Kufanana nemadhaimondi iwayo, hama nehanzvadzi dzedu dzakura ipfuma inokosha. Shoko raMwari rinofananidza vhudzi ravo rachena nekorona yerunako. (Verenga Zvirevo 16:31; 20:29) Asi zviri nyore kuti titadze kuona kukosha kwepfuma iyi. Kana vechidiki vakanzwisisa kuti vanhu vakura vanokosha, vanogona kuwana chimwe chinhu chinokosha kupfuura upfumi. Munyaya ino tichapindura mibvunzo mitatu inoti: Nei Jehovha achiona vashumiri vake vakura sepfuma? Nei hama nehanzvadzi dzakura dzichikosha musangano raJehovha? Tingaitei kuti tidzidze kwavari?

NEI JEHOVHA ACHIONA VASHUMIRI VAKE VAKURA SEPFUMA?

Vakwegura vakatendeka vanokosha kuna Jehovha Mwari uye kuvanhu vake (Ona ndima 3)

3. Maererano naPisarema 92:12-15, nei hama nehanzvadzi dzakura dzichikosha kuna Jehovha?

3 Hama nehanzvadzi dzakura dzinokosha kuna Jehovha Mwari. Anonyatsoziva zvavari uye anokoshesa unhu hwavo hwakanaka. Anofara kana vechikuru vakaita kuti vechidiki vavewo neuchenjeri hwavakawana mumakore akawanda avashumira Jehovha vakatendeka. (Job. 12:12; Zvir. 1:1-4) Jehovha anokoshesawo kutsungirira kwavo. (Mar. 3:16) Vakasangana nematambudziko akawanda muupenyu hwavo asi vakaramba vaine kutenda kwakasimba muna Jehovha. Tariro yavo yeramangwana yawedzera kujeka kupfuura zvayainge yakaita pavakatanga kudzidza chokwadi. Uye Jehovha anovada nekuti vanoramba vachizivisa zita rake “kunyange pavanenge vachembera.”—Verenga Pisarema 92:12-15.

4. Chii chinogona kukurudzira hama nehanzvadzi dzedu dzakura?

4 Kana wava kukwegura, iva nechokwadi chekuti Jehovha anoyeuka basa rese rawakamuitira. (VaH. 6:10) Wakashanda nesimba pabasa rekuparidza uye izvozvo zvinofadza Baba vedu vekudenga. Wakatsungirira matambudziko kunyange anorwadza chaizvo. Wakateerera uye wakatsigira zvinotaurwa neBhaibheri. Wakaita mabasa anokosha musangano raJehovha uye wakadzidzisa vamwe. Wakaita zvese zvaunogona kuti ufambirane nekuchinja kuri kuita zvinhu musangano raJehovha. Wakatsigira uye wakakurudzira vamwe vari kuita ushumiri hwenguva yakazara. Jehovha Mwari anokuda chaizvo nekuti wakavimbika. Anovimbisa kuti “haazosiyi vanhu vake vakavimbika.” (Pis. 37:28) Anokuvimbisa kuti: “Ndicharamba ndichikutakura kusvikira wachena musoro.” (Isa. 46:4) Saka usaona sekuti sezvo wakura hauchakoshi musangano raJehovha. Unokosha chaizvo!

VAKURA VANOKOSHA MUSANGANO RAJEHOVHA

5. Vechikuru vanofanira kuyeukei?

5 Vechikuru vanogona kuita zvakawanda musangano raJehovha. Kunyange zvazvo vangasava nesimba seravaimbova naro, vane ruzivo rwakawanda rwavakawana mumakore avashumira Jehovha. Jehovha anogona kuramba achivashandisa munzira dzakasiyana-siyana, sezvinoratidzwa mumienzaniso inotevera yekare uye yemazuva ano.

6-7. Taura mienzaniso yemuBhaibheri inoratidza kuti Jehovha akakomborera sei vanhu vakura vakamushumira vakavimbika.

6 MuBhaibheri tinowana mienzaniso yakanaka yevanhu vakatendeka vakaramba vachishumira Jehovha pavainge vakwegura. Semuenzaniso, Mozisi aiva nemakore anenge 80, paakatanga kushumira semuprofita waJehovha uye mumiririri wevaIsraeri. Dhanieri paangangodaro aiva nemakore anopfuura 90, Jehovha akanga achiri kumushandisa semuprofita wake. Muapostora Johani anofanirawo kunge aiva nemakore ekuma90, paakafemerwa kuti anyore bhuku raZvakazarurwa.

7 Vamwe vashumiri vaJehovha vakawanda vakanga vasina kukurumbira uye zvaigona kuva nyore kuti pasava neanovacherechedza. Asi Jehovha akavacherechedza uye akavapa mubayiro wekuvimbika kwavo. Semuenzaniso, murume akanga akarurama uye akazvipira pakunamata uyo ainzi Simiyoni, haanyanyi kutaurwa nezvake muBhaibheri, asi Jehovha aimuziva uye akamupa ropafadzo yekuona Jesu ari mucheche uye yekuprofita nezvemwana wacho naamai vake. (Ruka 2:22, 25-35) Fungawo nezvaAna uyo aiva muprofitakadzi ainge akafirwa nemurume. Aiva nemakore 84 uye “akanga asingamboshayikwi patemberi.” Kuenda kwaaiita kutemberi nguva dzese kwakakomborerwa mumwe musi paakaona Jesu ari mucheche. Simiyoni naAna vaikosha kuna Jehovha.—Ruka 2:36-38.

Hanzvadzi Didur avo vapfuura makore 80, vari kuramba vachishumira Jehovha vakavimbika (Ona ndima 8)

8-9. Chirikadzi dzinoramba dzichiitei musangano raJehovha?

8 Mazuva ano kune vechikuru vakawanda vakatendeka uye vechidiki vanogona kudzidza kwavari. Funga nezvahanzvadzi Lois Didur. Vaingova nemakore 21 pavakatanga kushumira sapiyona chaiye muCanada. Pashure paizvozvo, ivo nemurume wavo John vakaita makore akawanda vari mubasa rekufambira. Vakazoshumira paBheteri remuCanada kwemakore anopfuura 20. Lois paaiva nemakore 58, iye naJohn vakakumbirwa kuti vanoshumira kuUkraine. Vakaita sei? Vakaona here sekuti vakanga vanyanya kukura zvekuti vaisakwanisa kushumira kune imwe nyika? Vakabvuma kuenda uye John akagadzwa kuti ashumire muDare reBazi ikoko. John paakazofa papera makore 7, Lois akasarudza kuramba achishumira ari kuUkraine. Lois ava nemakore 81. Achiri kushumira Jehovha akatendeka pamwe chete nemhuri yeBheteri yekuUkraine uye vese vanomuda chaizvo.

9 Chirikadzi dzakaita saLois dzingasacherechedzwa zvakanyanya sezvadzaiitwa varume vadzo vachiri vapenyu, asi kuva chirikadzi hakurevi kuti kukosha kwadzo kwadzikira. Jehovha anokoshesa chaizvo hanzvadzi dzakatsigira varume vadzo kwemakore akawanda uye dzichiri kumushumira dzakavimbika. (1 Tim. 5:3) Dzinokurudzirawo vechidiki.

10. Muenzaniso upi wakazonaka wakaratidzwa naTony?

10 Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakatendeka idzo dzinogara munzvimbo dzinochengetwa vakwegura, dzinokoshawo chaizvo. Semuenzaniso imwe hama inonzi Tony ndimo mainogara. Akabhabhatidzwa muPennsylvania, U.S.A., muna August 1942 aine makore 20. Achangobhabhatidzwa akaramba kupinda muchiuto uye izvi zvakaita kuti agare mujeri kwemakore maviri nehafu. Iye nemudzimai wake Hilda vakarera vana vaviri muchokwadi. Kwemakore, Tony akashumira muungano nhatu semutariri anotungamirira (ava kuzivikanwa semurongi mudare revakuru) uye akashumira semutariri wegungano redunhu. Aienda kunoitisa misangano uye zvidzidzo zveBhaibheri kune rimwe jeri. Tony ava nemakore 98 uye ari kuramba achiita zvese zvaanogona pakushumira Jehovha uye ari kushanda pamwe chete neungano yaanopinda nayo.

11. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa vaya vanogara munzvimbo dzinochengetwa vakwegura kana kuti vakwegura vari muungano yedu?

11 Tingaratidza sei kuti tinoremekedza hama nehanzvadzi dzinogara munzvimbo dzinochengetwa vakwegura kana kuti dziri muungano yedu? Vakuru vanogona kuronga kuti vakwegura vabatane neungano vachiitawo zvavanokwanisa. Tinogona kuratidza kuti tine hanya navo nekuvashanyira kana kukurukura navo tichionana pavhidhiyo. Tinoda kuva nehanya chaizvo nevakwegura vangangodaro vachigara kure neungano yavo. Tinofanira kungwarira kuti tisapedzisira takanganwa vakwegura ivavo. Vamwe vavo vangaomerwa nekutaura nezveupenyu hwavo kana kuti vangaona sekuti hazvina kukodzera kuti vadaro. Asi tichakurudzirwa chaizvo kana tikavabvunza mibvunzo toteerera pavanenge vachitaura nezvemufaro wavakava nawo musangano raJehovha.

12. Tinogona kuwana hama nehanzvadzi dzakaita sei muungano yedu?

12 Muungano yedu munogona kunge muine mienzaniso yakazonaka yehama nehanzvadzi dzechikuru dzakatendeka. Hanzvadzi inonzi Harriette yakashumira Jehovha yakatendeka kwemakore akawanda muungano yavo muNew Jersey, kuU.S.A. Asi akazotama achinogara nemwanasikana wake. Hama nehanzvadzi dzemuungano yaakanga ava kupinda nayo dzaikurukura naye uye dzakasvika pakumuziva dzikazoona kuti aiva pfuma inokosha chaizvo. Akavakurudzira nenyaya dzezvaiitika mubasa remumunda paakatanga kudzidza chokwadi mumakore ekuma1920. Panguva iyoyo aigara achitakura toothbrush paaienda kunoparidza nekuti aigona kusungwa oita nguva ari mujeri. Muna 1933 Harriette akaiswa mujeri kaviri, achigaramo kwevhiki. Murume wake uyo aisava Chapupu aimutsigira, uye aichengeta vana vavo vatatu Harriette paaiva mujeri. Vechikuru vakatendeka vakadai saHarriette vanofanira kukosheswa chaizvo!

13. Tadzidzei nezvekukosha kwevakwegura vari musangano raJehovha?

13 Hama nehanzvadzi dzedu dzakwegura dzinokosha chaizvo kuna Jehovha uye kusangano rake. VaKristu ava vakaona kuti Jehovha akakomborera sei sangano rake uye kuti ari kuvakomborerawo sei munzira dzakasiyana-siyana. Vakawana zvidzidzo zvinokosha kubva pazvikanganiso zvavo. Vaone ‘sezvitubu zveuchenjeri’ uye dzidza kwavari. (Zvir. 18:4) Kana ukawana nguva yekuvaziva, kutenda kwako kuchasimbiswa uye uchadzidza zvakawanda.

DZIDZA ZVAKAWANDA KUNE VAKWEGURA

Erisha akabatsirwa nekuva naEriya, saizvozvowo hama nehanzvadzi dzinogona kubatsirwa nezvinotaurwa nevaya vashumira Jehovha kwenguva yakareba (Ona ndima 14-15)

14. Dheuteronomi 32:7 inokurudzira vechidiki kuti vaitei?

14 Tanga iwe kutaura navo. (Verenga Dheuteronomi 32:7.) Ichokwadi kuti maziso avo anenge asisanyatsooni, vanenge vava kufamba zvishoma nezvishoma uye vanenge vava kutaura zvakanyorovera, asi vachiri vadiki mumwoyo uye vakaita “zita rakanaka” naJehovha. (Mup. 7:1) Yeuka zvikonzero zvinoita kuti Jehovha avakoshese. Ramba uchivaremekedza. Ita zvakaitwa naErisha. Akaramba aina Eriya pazuva ravakapedzisira kuva pamwe chete. Erisha akataura katatu kuti: “Handisi kuzokusiyai.”—2 Madz. 2:2, 4, 6.

15. Mibvunzo ipi yatingabvunza vakwegura?

15 Ratidza kuti une hanya nevakwegura nekuvabvunza mibvunzo zvine ruremekedzo. (Zvir. 1:5; 20:5; 1 Tim. 5:1, 2) Bvunza mibvunzo yakaita seiyi: “Pamaiva mudiki, chii chakaita kuti mugutsikane kuti makanga mawana chokwadi?” “Zvakaitika muupenyu hwenyu zvakakubatsirai sei kuti muve pedyo naJehovha?” “Chii chakakubatsirai kuti murambe muchifara mubasa raJehovha?” (1 Tim. 6:6-8) Chibva wateerera pavanenge vachitaura.

16. Munhu akwegura newechidiki vanokurudzirwa sei pavanowana nguva yekutaura vese?

16 Munhu akwegura paanotaura newechidiki, vese vanokurudzirwa. (VaR. 1:12) Imi vechidiki muchawedzera kuva nechokwadi chekuti Jehovha ane hanya nevashumiri vake vakatendeka uye munhu akwegura achanzwa kuti anodiwa. Achanakidzwa nekukuudza kuti Jehovha akamukomborera sei.

17. Nei tichigona kuti vakwegura vakatendeka vanowedzera kuva nerunako makore zvaanopindana?

17 Runako runooneka nemaziso runowanzopera nekukura, asi vaya vakavimbika kuna Jehovha vanowedzera kuva vanhu vakanaka kwaari gore rimwe nerimwe. (1 VaT. 1:2, 3) Nei ichocho chiri chokwadi? Nekuti kwemakore akawanda mweya waMwari wakavadzidzisa uye wakavabatsira kuti vave neunhu hwakanaka. Patinowedzera kuziva hama nehanzvadzi dzedu dzakwegura, patinodziremekedza uye patinodzidza kwadziri, tinowedzera kudzikoshesa chaizvo!

18. Tichakurukurei munyaya inotevera?

18 Ungano inowedzera kusimba kana vechidiki vakakoshesa vakwegura uyewo kana vakwegura vakakoshesa vechidiki. Munyaya inotevera tichakurukura kuti vakwegura vangaratidza sei kuti vanokoshesa vechidiki vari muungano.

RWIYO 144 Ramba Wakatarisa Mubayiro!

^ ndima 5 Hama nehanzvadzi dzedu dzakura dzinokosha chaizvo. Nyaya ino ichatikurudzira kuti tiwedzere kuvakoshesa uye ichataura kuti tingabatsirwa sei zvizere neuchenjeri hwavo uye neruzivo rwavo. Ichaitawo kuti vakwegura vaone kuti vanokosha chaizvo musangano raMwari.