NYAYA YEKUDZIDZA 39
Zita Rako Riri “Mubhuku Reupenyu” Here?
“Bhuku rekuyeuchidza rakanyorwa pamberi pake kuitira vaya vanotya Jehovha.”—MAR. 3:16.
RWIYO 61 Shingai, Imi Zvapupu!
ZVICHADZIDZWA *
1. Maererano naMaraki 3:16, ibhuku ripi riri kunyorwa naJehovha uye rinei?
JEHOVHA ava nezviuru zvemakore achinyora bhuku rinokosha. Bhuku iri rine mazita, uye rinotanga nezita rechapupu chakatendeka chekutanga, Abheri. * (Ruka 11:50, 51) Kubvira ipapo, Jehovha ari kuwedzera mazita mubhuku iri uye iye zvino mava nemamiriyoni emazita. MuBhaibheri, bhuku iri rinonzi “bhuku rekuyeuchidza,” “bhuku reupenyu,” uye “gwaro reupenyu.” Munyaya ino tichange tichiriti “bhuku reupenyu.”—Verenga Maraki 3:16; Zvak. 3:5; 17:8.
2. Ndivanaani vane mazita anonyorwa mubhuku reupenyu uye tingaitei kuti mazita edu avewo mubhuku iroro?
2 Bhuku iri rinokosha rine mazita evanhu vese vanonamata Jehovha vachimutya kana kuti vachimuremekedza zvikuru uye vanoda zita rake. Vachawana mukana wekuwana upenyu husingaperi. Mazuva ano tinogona kuita kuti mazita edu anyorwe mubhuku iroro kana tikava neushamwari hwepedyo naJehovha, zvichibva pachibayiro cherudzikinuro cheMwanakomana wake, Jesu Kristu. (Joh. 3:16, 36) Tese tinoda kuti mazita edu anyorwe mubhuku iroro, pasinei nekuti tine tariro yekurarama kudenga kana kuti panyika.
3-4. (a) Kana mazita edu akanyorwa mubhuku reupenyu iye zvino, zvinoreva here kuti tichatowana upenyu husingaperi? Tsanangura. (b) Tichakurukurei munyaya ino neinotevera?
3 Izvi zvinoreva here kuti vese vane mazita akanyorwa mubhuku iri vachatowana upenyu husingaperi? Tinowana mhinduro yacho pamashoko akataurwa naJehovha kuna Mozisi ari pana Eksodho 32:33. Jehovha akati: “Anenge anditadzira, ndiye wandichadzima mubhuku rangu.” Saka mazita ari mubhuku iroro anogona kudzimwa, zvichiita sekuti Jehovha akatanga anyora mazita acho nepenzura. (Zvak. 3:5) Tinofanira kuva nechokwadi chekuti zita redu richaramba riri mubhuku iroro kusvikira ranyorwa zvekuti harichadzimwi, zvichiita sekuti ranyorwa neingi.
4 Izvi zvinoita kuti tive nemibvunzo. Semuenzaniso, Bhaibheri rinotii nezvevaya vane mazita akanyorwa mubhuku reupenyu uye vaya vane mazita asimo? Vaya vane mazita acharamba ari mubhuku iroro vachawana upenyu husingaperi riini? Zvakadini nevaya vakafa vasina kuwana mukana wekuziva Jehovha? Zvinoita here kuti mazita avo anyorwe mubhuku iroro? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya ino neinotevera.
NDIVANAANI VANE MAZITA ARI MUBHUKU REUPENYU?
5-6. (a) Sezvinoratidzwa pana VaFiripi 4:3, ndevapi vamwe vane mazita akanyorwa mubhuku reupenyu? (b) Mazita avo achanyorwa riini zvekusadzimwa mubhuku reupenyu?
5 Ndivanaani vane mazita akanyorwa mubhuku iri rekufananidzira? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, ngationgororei mapoka mashanu evanhu. Pamapoka aya, vamwe vane mazita akanyorwa mubhuku reupenyu asi vamwe havana.
6 Boka rekutanga nderevaya vakasarudzwa kuti vanotonga naJesu kudenga. Mazita avo ari mubhuku reupenyu here iye zvino? Ehe arimo. Maererano nezvakataurwa nemuapostora Pauro kune ‘vaaishanda navo’ vaiva muFiripi, mazita evakazodzwa avo vakasarudzwa kuti vanotonga naJesu ari mubhuku reupenyu. (Verenga VaFiripi 4:3.) Asi kuti mazita avo arambe ari mubhuku iri rekufananidzira, vanofanira kuramba vakatendeka. Pavanozoiswa chisimbiso chekupedzisira, zvichida vasati vafa kana kuti kutambudzika kukuru kusati kwatanga, mazita avo anobva anyorwa zvekusadzimwa mubhuku iri.—Zvak. 7:3.
7. Maererano naZvakazarurwa 7:16, 17, mazita evaya vari muboka guru remamwe makwai achanyorwa riini zvekusadzimwa mubhuku reupenyu?
7 Boka rechipiri iboka guru remamwe makwai. Mazita avo akatonyorwa mubhuku reupenyu here iye zvino? Ehe akanyorwa. Mazita avo acharamba ari mubhuku reupenyu here pashure pekunge vapona paAmagedhoni? Ehe. (Zvak. 7:14) Jesu akati vanhu ava vakaita semakwai, vachaenda “kuupenyu husingaperi.” (Mat. 25:46) Asi vaya vachapona paAmagedhoni havasi kubva vangopiwa upenyu husingaperi. Mazita avo acharamba akaita sekunge akanyorwa nepenzura mubhuku reupenyu. Mukutonga Kwemakore 1 000, Jesu ‘achavafudza uye achavatungamirira kuzvitubu zvemvura yeupenyu.’ Vaya vachabvuma kutungamirirwa naKristu uye vachaonekwa kuti vakatendeka kuna Jehovha ndivo vane mazita achanyorwa zvekusadzimwa mubhuku reupenyu.—Verenga Zvakazarurwa 7:16, 17.
8. Ndivanaani vane mazita asina kunyorwa mubhuku reupenyu, uye chii chichaitika kwavari?
8 Boka rechitatu imbudzi dzichaparadzwa paAmagedhoni. Mazita evanhu ava haana kunyorwa mubhuku reupenyu. Jesu akati “vachaenda kunoparadzwa nekusingaperi.” (Mat. 25:46) Pauro akafemerwa kunyora kuti “ivava vachatongerwa kuparadzwa zvachose.” (2 VaT. 1:9; 2 Pet. 2:9) Izvozvo zvinogona kutaurwawo nezvevaya vakatadzira mweya mutsvene nemaune kubva kare. Naivowo havazowani upenyu husingaperi, asi vachaparadzwa zvachose. Zviri pachena kuti havazomutswi. (Mat. 12:32; Mako 3:28, 29; VaH. 6:4-6) Iye zvino ngationgororei mapoka maviri achamutsirwa pano panyika.
VAYA VACHAMUTSWA
9. Sezvinoratidzwa pana Mabasa 24:15, mapoka api maviri evanhu achamutsirwa panyika, uye musiyano upi uri paari?
9 Bhaibheri rinotaura nezvemapoka maviri evanhu achamutswa aine mukana wekuzorarama nekusingaperi pano panyika, “vakarurama” uye “vasina kururama.” (Verenga Mabasa 24:15.) “Vakarurama” ndevaya vakashumira Jehovha vakatendeka pavaiva vapenyu. Uye “vasina kururama” ndevaya vasina kushumira Jehovha. Kakawanda kacho vaiita zvinhu zvisina kururama. Sezvo mapoka maviri aya achizomutswa, tingati here mazita avo akanyorwa mubhuku reupenyu? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, ngatikurukurei nezveboka rimwe nerimwe.
10. Nei “vakarurama” vachizomutswa, uye vamwe vavo vachawana ropafadzo ipi? (Onawo “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” iri mumagazini ino, panyaya ine chekuita nevaya vachamutsirwa panyika.)
10 “Vakarurama” ndivo boka rechina. Vasati vafa, mazita avo akanga anyorwa mubhuku reupenyu. Mazita avo akabviswa here mubhuku iri pavakafa? Kwete, nekuti vese vachiri “vapenyu” kuna Jehovha. Jehovha “haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu, nekuti kwaari vese vapenyu.” (Ruka 20:38) Izvi zvinoreva kuti vakarurama pavanomutsirwa panyika, mazita avo achawanika mubhuku reupenyu, kunyange zvazvo pakutanga achange akanyorwa zvekuti anogona kudzimwa. (Ruka 14:14) Vamwe vavo pavachamutswa, vachawana ropafadzo yekushumira ‘semachinda munyika yese.’—Pis. 45:16.
11. “Vasina kururama” vachafanira kudzidzei kuitira kuti mazita avo azonyorwa mubhuku reupenyu?
11 Ngatipedzisei nekukurukura nezveboka rechishanu, “vasina kururama.” Zvichida nekuti vaisaziva zvinodiwa naJehovha, vaisaita zvakarurama vachiri vapenyu. Saka mazita avo haana kunyorwa mubhuku reupenyu. Asi Mwari achavamutsa kuitira kuti vave nemukana wekuti mazita avo azonyorwa mubhuku iroro. Vanhu ava “vasina kururama” vachava nezvakawanda zvavachada kubatsirwa pazviri. Vasati vafa, vamwe vavo vaiita zvinhu zvakaipa chaizvo. Saka vachafanira kudzidziswa kuti vararame maererano nemitemo yaJehovha. Kuti izvozvo zviitike, Umambo hwaMwari huchaita kuti pave nebasa guru rekudzidzisa vanhu risati ramboitwa panyika.
12. (a) Ndivanaani vachadzidzisa vasina kururama? (b) Chii chichaitika kune vaya vacharamba kushandisa zvavanenge vadzidza?
12 Ndivanaani vachadzidzisa vasina kururama? Ndeveboka guru uyewo vakarurama vanenge vamutswa. Kuitira kuti mazita avo azonyorwa mubhuku reupenyu, vasina kururama vachafanira kutanga vava neushamwari naJehovha vozvitsaurira kwaari. Jesu Kristu nevakazodzwa vachange vachinyatsotarisa vari kudenga kuti vaone kuti vasina kururama vari kuitei nezvavari kudzidziswa. (Zvak. 20:4) Chero ani zvake acharamba kuteerera zvaanenge adzidziswa achabviswa panyika, kunyange zvazvo angava nemakore 100. (Isa. 65:20) Jehovha naJesu vanokwanisa kuziva zviri mumwoyo uye vachava nechokwadi chekuti hapana chero ani zvake achazosiyiwa achiita zvakaipa munyika itsva.—Isa. 11:9; 60:18; 65:25; Joh. 2:25.
KUMUKIRA UPENYU UYE KUMUKIRA KUTONGWA
13-14. (a) Kare tainzwisisa sei mashoko aJesu ari pana Johani 5:29? (b) Chii chatinofanira kucherechedza pamashoko iwayo?
13 Jesu akataurawo nezvevaya vachamutsirwa pano panyika. Semuenzaniso, akati: “Nguva iri kuuya yekuti vese vari mumakuva evanoyeukwa vachanzwa inzwi rake, vobuda, vaya vakaita zvakanaka vachamukira upenyu, uye vaya vaiita zvakaipa vachamukira kutongwa.” (Joh. 5:28, 29) Jesu airevei?
14 Kare tainzwisisa mashoko aJesu sekuti aireva zvaizoitwa nevachamutswa pashure pekunge vamutswa; kureva kuti vamwe vachamuka voita zvakanaka asi vamwe vachamuka voita zvakaipa. Asi cherechedza kuti Jesu haasi kuti vaya vachabuda mumakuva evanoyeukwa, vachaita zvinhu zvakanaka kana kuti vachaita zvakaipa. Ari kutaura zvavakatoita. Ari kutaura nezvevaya “vakaita zvakanaka” uye vaya “vaiita zvakaipa.” Izvi zvinoratidza kuti zvinhu izvi zvakaitika vasati vafa. Izvozvo zvine musoro nekuti hapana achabvumirwa kuva netsika yekuita zvakaipa munyika itsva. Vasina kururama vanofanira kunge vaiita zvinhu izvi zvakaipa vasati vafa. Saka tinofanira kunzwisisa sei mashoko aJesu anotaura ‘nezvekumukira upenyu’ uye ‘kumukira kutongwa’?
15. Ndivanaani “vachamukira upenyu,” uye nei zvakadaro?
15 Vakarurama, kureva vaya vakaita zvakanaka vasati vafa, “vachamukira upenyu” nekuti mazita avo achange akatonyorwa mubhuku reupenyu. Izvi zvinoreva kuti ‘kumuka kwevaya vakaita zvakanaka’ kunotaurwa pana Johani 5:29 ndiko kumuka ‘kwevakarurama’ kunotaurwa pana Mabasa 24:15. Tsanangudzo iyi inoenderana nezvinotaurwa pana VaRoma 6:7, iyo inoti: “Uya anenge afa asunungurwa pachivi chake.” Zvivi zvevakarurama ava zvinodzimwa pavanofa, asi Jehovha anoramba achiyeuka zvinhu zvakanaka zvavakaita. (VaH. 6:10) Vakarurama ava vanenge vamutswa vachafanira kuramba vakatendeka kuitira kuti mazita avo arambe ari mubhuku reupenyu.
16. Zvinorevei kuti vamwe “vachamukira kutongwa”?
16 Zvakadii nevaya vaiita zvakaipa vasati vafa? Kunyange zvazvo zvivi zvavo zvichidzimwa pavanofa, havana zvavakaita zvinoratidza kuti vainge vakatendeka kuna Jehovha. Mazita avo haana kunyorwa mubhuku reupenyu. Saka kumuka ‘kwevaya vaiita zvakaipa’ ndiko kumuka ‘kwevasina kururama’ kunotaurwa pana Mabasa 24:15. “Vachamukira kutongwa.” * Kutongwa kwevasina kururama kunoreva kuti vachaongororwa. (Ruka 22:30) Zvichatora nguva kuti vaonekwe kuti vakakodzera here kuti mazita avo anyorwe mubhuku reupenyu kana kuti kwete. Kuti mazita evasina kururama ava anyorwe mubhuku reupenyu, vanotofanira kusiya mararamiro akaipa avaimboita vozvitsaurira kuna Jehovha.
17-18. Vese vachamutsirwa panyika vachafanira kuitei, uye “mabasa” api anotaurwa pana Zvakazarurwa 20:12, 13?
17 Pasinei nekuti vainge vakarurama kana kuti vainge vasina kururama, vaya vachamutswa vachafanira kuteerera mitemo iri mumagwaro matsva ayo achavhurwa mumakore 1 000. Muapostora Johani akatsanangura zvaakaratidzwa achiti: “Ndakaona vakafa, vakuru nevadiki, vamire pamberi pechigaro cheumambo, uye magwaro akavhurwa. Asi pane rimwe gwaro rakavhurwa; iro gwaro reupenyu. Vakafa vakatongwa pachishandiswa zviya zvakanga zvakanyorwa mumagwaro acho maererano nemabasa avo.”—Zvak. 20:12, 13.
18 Vachamutswa vachatongwa maererano “nemabasa” api? Vachatongerwa mabasa avakaita vasati vafa here? Aiwa! Ngatiyeukei kuti zvivi zvavo zvakaregererwa pavakafa. Saka ari kunzi “mabasa avo” haasi aya avakaita vasati vafa. Asi anofanira kunge ari mabasa avachaita pashure pekunge vadzidziswa munyika itsva. Kunyange varume vakatendeka vakadai saNoa, Samueri, Dhavhidhi, uye Dhanieri vachafanira kudzidza nezvaJesu Kristu votenda muchibayiro chake. Kana vanhu ava vakatendeka vachifanira kudzidza zvinhu zvakawanda, ko kuzoti vaya vasina kururama?
19. Chii chichaitika kune vaya vacharamba mukana uyu wakazonaka?
19 Chii chichaitika kune vaya vacharamba mukana uyu wakazonaka? Zvakazarurwa 20:15 inotiudza kuti: “Munhu wese akawanikwa asina kunyorwa mubhuku reupenyu akakandwa mugungwa remoto.” Izvi zvinoreva kuti vachaparadzwa zvachose. Saka zvinokosha chaizvo kuti tiite kuti zita redu rinyorwe mubhuku reupenyu uye kuti rirambe ririmo!
20. Ibasa ripi rinonakidza richaitwa Mumakore 1 000 Ekutonga kwaKristu? (Ona mufananidzo uri pakavha.)
20 Makore 1 000 Ekutonga kwaKristu ichange iri nguva inofadza chaizvo! Pachava nebasa rakakura chaizvo rekudzidzisa vanhu rati ramboitwa panyika. Asi ichavawo nguva yekuongororwa kwemaitiro evakarurama uye evasina kururama. (Isa. 26:9; Mab. 17:31) Basa iri rekudzidzisa richaitwa sei? Nyaya yedu inotevera ichatibatsira kunzwisisa uye kukoshesa urongwa uhwu hwakazonaka.
RWIYO 147 Upenyu Husingaperi Hwakapikirwa
^ Nyaya ino ichataura nezvekugadziriswa kwemanzwisisiro atinoita mashoko aJesu ari pana Johani 5:28, 29 ane chekuita nevanhu “vachamukira upenyu” uye “vachamukira kutongwa.” Tichadzidza kuti izvozvo zvinorevei uye kuti ndivanaani vari mumapoka maviri aya.
^ Bhuku iri rakatanga kunyorwa kubvira “pakuvambwa kwenyika,” uye nyika iyi inomiririra vanhu vanogona kudzikinurwa nechibayiro cherudzikinuro chaJesu. (Mat. 25:34; Zvak. 17:8) Saka murume akarurama Abheri, anofanira kunge ari iye wekutanga ane zita rakanyorwa mubhuku iri reupenyu.
^ Kare taitsanangura kuti shoko rekuti “kutongwa” rakashandiswa pano rinoreva mutongo wakaipa kana kuti kutongerwa rufu. Shoko rekuti “kutongwa” rinogona kureva izvozvo. Asi panyaya iyi, zvinoita sekuti Jesu akashandisa shoko rekuti “kutongwa” achireva kunyatsotarisa munhu uchimucherechedza kana kuti sezvinotaurwa nerimwe duramanzwi rechiGiriki, zvinoreva “kuongorora maitiro emunhu.”