Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 39

Kuva Munyoro Ngakuve Simba Rako

Kuva Munyoro Ngakuve Simba Rako

“Muranda waShe haafaniri kukakavara, asi anofanira kuva munyoro kuvanhu vese.”—2 TIM. 2:24.

RWIYO 120 Tevedzera Unyoro hwaKristu

ZVICHADZIDZWA a

1. Mibvunzo ipi yatinogona kubvunzwa patinenge tiri kubasa kana kuchikoro?

 UNONZWA sei kana mumwe munhu waunoshanda naye kana kuti waunodzidza naye akakubvunza zvaunotenda? Unotya here? Vakawanda vedu tinonzwa saizvozvo. Asi mubvunzo wakadaro unogona kutibatsira kuziva zvinofungwa kana kuti zvinotendwa nemumwe munhu, zvotipa mukana wekumuudza mashoko akanaka. Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva munhu anogona kubvunza mubvunzo nekuti anenge asingabvumirani nesu kana kuti achida kuitisana nharo nesu. Izvozvo hazvifaniri kutishamisa. Nekuti vamwe vanhu vakaudzwa zvisiri izvo pamusoro pezvatinotenda. (Mab. 28:22) Uyewo tiri kurarama “mumazuva ekupedzisira,” nguva iyo vanhu vakawanda “vasingatombodi kubvumirana,” uye ‘vachitotyisa.’—2 Tim. 3:​1, 3.

2. Nei zvakanaka kuti tiratidze unyoro?

2 Zvimwe unganetseka kuti, ‘Ndingaramba sei ndakadzikama uye ndichitaura zvakanaka kana mumwe munhu achida kuitisana nharo neni pamusana pezvandinotenda?’ Kuva munyoro ndiko kuchakubatsira. Munhu munyoro haakurumidzi kugumbuka asi anokwanisa kuzvidzora kana paine zvisina kumuitira zvakanaka uye asina chokwadi chekuti opindura sei. (Zvir. 16:32) Asi hapasi pese pazviri nyore kuva munyoro. Ungaitei kuti uve munhu munyoro? Ungapindura sei neunyoro kana mumwe munhu achida kuitisana nharo newe pane zvaunotenda? Uye kana uri mubereki, ungadzidzisa sei vana vako kuti vadzivirire zvavanotenda neunyoro? Ngationei.

TINGAITEI KUTI TIVE VANYORO?

3. Nei zvinganzi munhu munyoro haana kuneta-neta, asi atori nesimba? (2 Timoti 2:​24, 25)

3 Munhu munyoro haasi munhu akaneta-neta, asi atori munhu ane simba. Zvinoda ushingi kuti urambe wakadzikama zvinhu pazvinenge zvakaoma. Unyoro ndechimwe chezvinhu zvinotaurwa ‘pazvibereko zvemweya.’ (VaG. 5:​22, 23) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “unyoro” dzimwe nguva raishandiswa pakutsanangura bhiza remusango rainge rakadzidziswa kuti rikwanise kugara nevanhu. Ita seuri kuona bhiza remusango risisina ukasha. Kunyange zvazvo bhiza iri risisina ukasha, richakasimba. Tingava sei vanhu vanyoro asi panguva imwe chete tiri vanhu vakasimba? Hatikwanisi kuzviita tega. Tinofanira kunyengetera tichikumbira mweya waMwari kuti utibatsire kuva neunhu uhwu hwakanaka. Zvakaitika kune vamwe vanhu zvinoratidza kuti tinogona kuva vanyoro. Zvapupu zvakawanda zvakaramba zvakadzikama pazvaipikiswa nevanhu, uye izvozvo zvakaita kuti vanhu vaiona vazviyemure. (Verenga 2 Timoti 2:​24, 25.) Ungaitei kuti kuva munhu munyoro kuve simba rako?

4. Zvakaitwa naIsaka zvinotidzidzisei nezveunyoro?

4 MuBhaibheri mune nyaya dzakawanda dzinoratidza kukosha kwekuva munyoro. Funga nezvaIsaka. Paainge ava kugara munharaunda yevaFiristiya yeGerari, vavakidzani vake avo vaiva neshanje vakafushira matsime ainge acherwa nevashandi vababa vake. Pane kurwira matsime iwayo, Isaka nemhuri yake vakatama vachienda kune imwe nzvimbo ndokuchera mamwe matsime. (Gen. 26:​12-18) Asi vaFiristiya vakatizve mvura yaiva munzvimbo iyi yaiva yavo. Pasinei neizvi, Isaka haana kupopotedzana navo. (Gen. 26:​19-25) Chii chakamubatsira kuti arambe ari munyoro vamwe vanhu pavaida kupopotedzana naye? Anofanira kunge aiona zvakanaka zvaiitwa nevabereki vake. Akadzidza pamuenzaniso waAbrahamu wekugadzirisa zvinhu nenzira yerugare uye muenzaniso waSara ‘wekuva munhu akanyarara uye munyoro.’—1 Pet. 3:​4-6; Gen. 21:​22-34.

5. Muenzaniso upi unoratidza kuti vabereki vechiKristu vanogona kudzidzisa vana vavo kukosha kwekuva munhu munyoro?

5 Vabereki vechiKristu, munogonawo kudzidzisa vana venyu kukosha kwazvakaita kuva vanyoro. Funga nezvaMaxence, ane makore 17. Kuchikoro kwaanodzidza uye muushumiri anoona vanhu vanenge vakagumbuka. Vabereki vake vakamubatsira zvakanakanaka kuti adzidze kuva munyoro. Vabereki vake vanoti, “Maxence ava kuziva kuti kana munhu achinge adenhwa, zviri nyore kuti agumbuke kana kuratidza hasha, asi munhu akasimba anozvidzora.” Maxence akadzidza kuva munyoro.

6. Kunyengetera kunogona kutibatsira sei kuti tiwedzere kuratidza unyoro?

6 Tingaitei kana mumwe munhu akataura chinhu chinotirwadza, chakadai sekutaura zvakaipa nezvaJehovha kana kushora Bhaibheri? Tinofanira kukumbira Jehovha kuti atipe mweya wake uye uchenjeri kuti tipindure neunyoro. Ko kana tikazoona kuti hatina kunyatsopindura zvakanaka? Tinogona kunyengetera zvakare nezvenyaya yacho tichifunga kuti tingazopindura sei zvakanaka kana nyaya yakadaro ikamuka zvakare. Jehovha achabva atipa mweya wake, kuitira kuti tizvidzore toratidza unyoro.

7. Kubata mamwe mavhesi nemusoro kunotibatsira sei kuti tizvidzore pamatauriro edu uye pane zvatinoita mumamiriro ezvinhu akaoma? (Zvirevo 15:​1, 18)

7 Mamwe mavhesi eBhaibheri anogona kutibatsira kudzora rurimi rwedu patinenge tiri mumamiriro ezvinhu akaoma. Mweya waMwari unogona kutiyeuchidza mavhesi iwayo. (Joh. 14:26) Semuenzaniso, mazano atinowana mubhuku raZvirevo anogona kutibatsira kuti tive vanyoro. (Verenga Zvirevo 15:​1, 18.) Bhuku iri reBhaibheri rinoratidza kuti zvakanakirei kuzvidzora patinenge tagumburwa.—Zvir. 10:19; 17:27; 21:23; 25:15.

NJERE DZINOTIBATSIRA SEI KUTI TIVE VANYORO?

8. Nei tichifanira kufunga nezvechikonzero chinenge chaita kuti munhu abvunze pamusoro pezvatinotenda?

8 Njere dzinogonawo kutibatsira. (Zvir. 19:11) Munhu ane njere anozvidzora paanobvunzwa kana kuti paanoitiswa nharo pamusoro pezvaanotenda. Kakawanda kacho vanhu pavanotibvunza mibvunzo havatiudzi chikonzero chinenge chaita kuti vabvunze mibvunzo iyoyo. Saka tisati tapindura, zvakanaka kuti titange taziva chikonzero chaita kuti munhu wacho atange nyaya yacho.—Zvir. 16:23.

9. Gidhiyoni akaratidza sei kuti aiva nenjere uye unyoro paaikurukura nevarume vekwaEfremu?

9 Ona kuti Gidhiyoni akapindura sei varume vekwaEfremu. Vakamupopotera kuti nei akanga asina kukurumidza kuvashevedza kuti vabatane naye pakurwisa vavengi vaIsraeri. Asi chii chakaita kuti vatsamwe chaizvo? Zvimwe kwaiva kuzvikudza. Gidhiyoni akaratidza uchenjeri. Akaedza kunzwisisa kuti chii chakanga chaita kuti vatsamwe uye akavapindura neunyoro. Izvozvo zvakaguma nei? “Hasha dzavo dzakabva dzaserera.”—Vat. 8:​1-3.

10. Chii chichatibatsira kuti tizive mapinduriro atinofanira kuita vaya vanobvunza zvatinotenda? (1 Petro 3:15)

10 Zvimwe watinoshanda naye kana kuti watinodzidza naye kuchikoro angatibvunza kuti nei tichirarama tichitevedzera zvinotaurwa neBhaibheri. Tinoita zvese zvatinogona kuti tidzivirire zvatinotenda asi tichiremekedza maonero ake. (Verenga 1 Petro 3:15.) Saka pane kuti tifunge kuti kubvunza kwaaita ari kuda kuitisana nharo nesu, ngatifungei kuti mubvunzo wake unotibatsira sei kuziva zvaanokoshesa. Pasinei nechikonzero chaita kuti munhu wacho abvunze, zvakanaka kuti timupindure neunyoro. Mhinduro yedu inogona kuita kuti aongororezve maonero ake. Kunyange kana zvikaita sekuti haasi kutiremekedza, kana kuti ari kutitsvinyira, tinoda kuramba tichimupindura neunyoro.—VaR. 12:17.

Kana ukatanga wafunga kuti nei mumwe munhu achida kuti uuye kuzopemberera zuva rekuberekwa unogona kumupindura zvakanaka (Ona ndima 11-12)

11-12. (a) Chii chatinofanira kufunga nezvacho tisati tapindura mubvunzo wakaoma? (Onawo mufananidzo.) (b) Taura muenzaniso unoratidza kuti zvinobvunzwa nemumwe munhu zvinogona kubatsira sei kuti mutange kukurukura.

11 Kana mumwe watinoshanda naye akatibvunza kuti nei tisingapembereri mazuva ekuberekwa, tinogona kuzvibvunza kuti: Kungava here kuti ari kufunga kuti hatibvumirwi kumbofarawo? Kana kuti anonzwa here sekuti kusapemberera kwedu mazuva ekuberekwa kuchakanganisa mashandiro anoita vanhu pabasa? Tinogona kuita kuti watinoshanda naye agadzikane kana tikamuudza kuti tinotenda chaizvo kuti anofungawo zvakanakira vaanoshanda navo uye kuti tinoda chaizvo kushanda nevamwe tichifara. Izvozvo zvinogona kuita kuti pave nemukana wekukurukura zvine ushamwari zvinoratidzwa neBhaibheri panyaya yekupemberera mazuva ekuberekwa.

12 Tinogonawo kushandisa nzira iyoyo kana mumwe munhu akatibvunza mimwe mibvunzo yakaoma. Mumwe munhu watinodzidza naye kuchikoro anogona kutaura kuti Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kuchinja maonero azvinoita ungochani. Kungava here kuti ataura izvozvo nekuti haanyatsonzwisisi zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha nezveungochani? Kana kuti kungava here kuti ane shamwari kana kuti hama inoita zveungochani? Anofunga kuti tinovenga vanhu vanoita zveungochani here? Zvimwe tingada kumuudza kuti tinoda vanhu vese uye kuti tinoremekedza kodzero yemunhu yekusarudza zvaanoda. b (1 Pet. 2:17) Tinogona kubva tamuudza zvinotaurwa neBhaibheri uye kuti kuzvitevedzera kunotibatsira sei kuti tifare muupenyu.

13. Ungabatsira sei munhu anenge achishora kuti unotenda kuti Mwari ariko?

13 Kana mumwe munhu akasabvumirana nesu, hatifaniri kukurumidza kufunga kuti tinoziva zvaanotenda. (Tito 3:2) Ko kana waunodzidza naye kuchikoro achiti hazvina musoro kutenda kuti Mwari ariko? Ungabva watomuti here anotenda zvakasimba kuti zvinhu zvakaita zvekushanduka uye kuti anoziva zvakawanda nezvazvo? Anogona kunge achingotaurawo zvaakanzwa. Pane kutanga kuitisana nharo naye nezvesainzi, unogona kutsvaga nzira yekuita kuti asare aine chimwe chinhu chekuzofunga nezvacho. Zvimwe unogona kumuratidza vhidhiyo kana kuti nyaya inowanika pajw.org inotaura nezvezvinhu zvakasikwa. Anogona kuzoda kuti mukurukure nyaya kana kuti vhidhiyo inowanika ipapo. Kana tikamupindura neruremekedzo, zvinogona kuita kuti ade kudzidza zvakawanda nezveBhaibheri.

14. Niall akashandisa sei zvakanaka website yedu kuti abatsire waaidzidza naye kuchikoro kuti arege kuva nemaonero asiri iwo pamusoro peZvapupu zvaJehovha?

14 Mumwe mukomana anonzi Niall akashandisa website yedu kuratidza kuti zvinotaurwa nevamwe vanhu nezvedu hachisi chokwadi. Anoti, “Mumwe mukomana wandaidzidza naye kuchikoro aiwanzondiudza kuti handitendi zvinodzidziswa nesainzi nekuti ndinovimba nebhuku rengano pane kuvimba nezvinhu zvechokwadi.” Mukomana uyu paakaramba kuti Niall atsanangure zvaanotenda, Niall akamuti aende pajw.org pachikamu chakanzi “Sainzi neBhaibheri.” Niall akazoona kuti mukomana uyu anogona kunge akazoverenga zviri pachikamu chacho uye akanga ava kuda kukurukura nezvematangiro akaita upenyu. Zvakadai zvinogona kuitikawo kwauri.

GADZIRIRAI SEMHURI

15. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vapindure neunyoro pavanobvunzwa nevamwe kuchikoro pamusoro pezvavanotenda?

15 Vabereki vanogona kudzidzisa vana vavo kuti vangapindura sei neunyoro pavanobvunzwa zvavanotenda. (Jak. 3:13) Vamwe vabereki vanoshandisa nguva yavanoita kunamata kwemhuri kuti vadzidzire zvekutaura nevana vavo. Vanofunga nezvenyaya dzingamuka kuchikoro, vodzikurukura, uye voenzanisira kuti vangapindura sei, vozodzidzisa vana vavo kuti vangataura sei zvakanaka uye neunyoro.—Ona bhokisi rakanzi “ Kudzidzira Zvekutaura Kunogona Kubatsira Mhuri Yenyu.”

16-17. Kuwana nguva dzekudzidzira zvekutaura kungabatsira sei vechidiki?

16 Kuwana nguva yekudzidzira zvekutaura kunogona kubatsira vechidiki kuti vanyatsova nechokwadi nezvavanotenda uye kuti vakwanise kutsanangurira vamwe zvikonzero zvinoita kuti vatende izvozvo. Chikamu chakanzi “Vechidiki Vanobvunza Kuti” chiri pajw.org chinewo mapepa evechidiki avanogona kunyora zvavakaronga kuita. Zviri muchikamu ichocho zvinobatsira vechidiki kuti vasimbise kutenda kwavo uye kuti vagadzirire kupindura vachishandisa mashoko avo. Kana tikadzidza zvikamu izvi semhuri, tese tinogona kubatsirwa kuti tingadzivirira sei zvatinotenda tichitaura zvakanaka uye neunyoro.

17 Mumwe wechidiki anonzi Matthew anotsanangura kuti kudzidzira zvekutaura kwakamubatsira sei. Matthew nevabereki vake, pavanoita kunamata kwemhuri, vanowanzotsvakurudza nyaya dzingangokurukurwa kuchikoro. Anoti: “Tinofunga kuti mibvunzo ipi ingangomuka, todzidzira kuti tingaipindura sei tichishandisa zvatinenge tatsvakurudza. Kana ndava kunyatsonzwisisa zvandinotenda, ndinova nechivimbo uye zvinondiitira nyore kuratidza unyoro pandinenge ndichitaura nevamwe.”

18. VaKorose 4:6 inoratidza kukosha kwei?

18 Kunyange kana tikatsanangura zvinhu nenzira yakajeka inonzwisisika, haasi munhu wese achabvuma zvatinotaura. Asi kutaura zvakanaka uye neunyoro kunogona kubatsira. (Verenga VaKorose 4:6.) Kutsanangura zvatinotenda kunogona kufananidzwa nekukandira mumwe munhu bhora. Tinogona kurikanda zvinyoro nyoro kana kurikanda nesimba. Patinorikanda zvinyoro nyoro, kakawanda kacho watiri kutamba naye anorigamha toramba tichitamba. Saizvozvowo, kana tikataura zvakanaka uye neunyoro, vanhu vanogona kuda kutiteerera toramba tichikurukura navo. Asi kana mumwe munhu achida zvenharo, kana kuti akashora zvatinotenda, hatifaniri hedu kuramba tichikurukura naye. (Zvir. 26:4) Kashoma kuwana munhu ane nharo zvakadaro. Asi vamwe, zvichida vakatowanda, vanogona kuteerera.

19. Chii chinofanira kutibatsira kuti tive vanyoro patinenge tichidzivirira zvatinotenda?

19 Zviri pachena kuti kudzidza kuva vanhu vanyoro kunotibatsira chaizvo. Nyengetera kuna Jehovha kuti akupe simba rekuti urambe uri munyoro paunenge uchipindura mibvunzo yakaoma kana kuti paunenge uchishorwa. Yeuka kuti kuva munhu munyoro kunogona kuita kuti usaitisane nharo nevamwe zvichibva pakusiyana kwemaonero amunoita zvinhu. Uye paunopindura neunyoro uye neruremekedzo, unoita kuti vamwe vanhu vanokuteerera vachinje maonero avanotiita uye avanoita chokwadi cheBhaibheri. ‘Gara wakagadzirira kupindura munhu wese anokubvunza’ zvaunotenda, ‘uchizviita neunyoro neruremekedzo rukuru.’ (1 Pet. 3:15) Saka kuva munyoro ngakuve simba rako!

RWIYO 88 Itai Kuti Ndizive Nzira Dzenyu

a Nyaya ino inotipa mazano ekuti tingadzivirira sei zvatinotenda neunyoro vamwe pavanotiitisa nharo kana kuti pavanotibvunza.

b Kuti uwane mamwe mazano, ona nyaya yakanzi “Bhaibheri Rinotii Nezveungochani?” iri muMukai! Nhamba 4 ya2016.

c Unogona kuwana mazano anobatsira pajw.org pachikamu chakanzi “Vechidiki Vanobvunza Kuti” uye “Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha.”