Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 40

Unogona Kuramba Uchishumira Jehovha Sezvakaita Petro

Unogona Kuramba Uchishumira Jehovha Sezvakaita Petro

“Ibvai kwandiri Ishe, nekuti ndiri munhu anotadza.”—RUKA 5:8.

RWIYO 38 Achakusimbisa

ZVICHADZIDZWA a

1. Petro akaita sei pashure pekunge Jesu aita chishamiso chekumubatsira kubata hove dzakawanda?

 PETRO akanga aita usiku hwese achiedza kubata hove pasina chaaibata. Asi Jesu akati kwaari: “Endai pakadzika, mudzikise mambure enyu kuti mubate.” (Ruka 5:4) Petro aisava nechokwadi kuti aizobata kana hove imwe chete zvayo, asi akaita zvaainge audzwa. Mambure ainge adzikiswa akatanga kubvaruka nekuremerwa nehove. Pavakaziva kuti Jesu ndiye akanga aita kuti vabate hove idzi, Petro nevaaishanda navo “vakashamiswa.” Petro akabva ati: “Ibvai kwandiri Ishe, nekuti ndiri munhu anotadza.” (Ruka 5:​6-9) Petro anofanira kunge akanzwa sekuti ainge asina kukodzera kuva pana Jesu.

2. Nei zvichibatsira kuti tifunge nezvemuenzaniso waPetro?

2 Petro akataura chokwadi. “Aiva munhu anotadza.” Bhaibheri rinoratidza kuti dzimwe nguva aitaura uye aiita zvinhu zvaaizodemba. Izvozvo zvinomboitika kwauri here? Une unhu husina kunaka kana kuti maitiro akaipa auri kuedza kusiya here? Kana zvakadaro unogona kuva netariro kana ukadzidza nezvaPetro. Zvingadaro sei? Funga izvi: Zvaiva nyore kuti zvikanganiso zvaPetro zvisataurwa pakanyorwa Bhaibheri. Asi Mwari akafemera kuti zvinyorwe kuitira kuti tidzidze. (2 Tim. 3:​16, 17) Kudzidza nezvemurume uyu ane zvaaikanganisa uye aivawo nemanzwiro akafanana needu kunogona kutibatsira kuona kuti Jehovha haatarisiri kuti tisatombokanganisa. Anoda kuti tirambe tichiedza kuita zvakanaka pasinei nekukanganisa kwatinoita.

3. Nei tichifanira kuramba tichiedza kuita zvakanaka?

3 Nei zvichikosha kuti tirambe tichiedza kuita zvakanaka? Nekuti kana tikaramba tichiita chimwe chinhu, kakawanda kacho tinowedzera kuchigona. Semuenzaniso: Munhu anoda kunyatsogona kuridza gitare, angaita makore akawanda achiridzidzira. Munguva yese iyi, anogona kukanganisa kuridza kakawanda, asi kana akaramba achidzidzira anopedzisira ava kugona. Kunyange akazova nyanzvi yekuridza, apo neapo anogona kumbokanganisa. Kunyange zvakadaro, haaregi kuridza. Anoramba achidzidzira kuitira kuti avandudze unyanzvi hwake. Saizvozvowo, kunyange patinoona sekuti takurira mamwe maitiro asina kunaka tinogona kukanganisa zvakare. Asi tinoramba tichishanda nesimba kuti tivandudze maitiro edu. Tese zvedu tinombotaura kana kuita zvimwe zvinhu zvatinozodemba. Kunyange zvakadaro, kana tikaramba tichiedza kuita zvakanaka Jehovha achatibatsira kuti tirambe tichifambira mberi. (1 Pet. 5:10) Ngatikurukurei nezvemuenzaniso waPetro wekuramba achiedza kuita zvakanaka. Kunzwirwa tsitsi kwaakaitwa naJesu pasinei nekukanganisa kwake kunogona kutikurudzira kuti tirambe tichishumira Jehovha.

ZVINHU ZVAISHUNGURUDZA PETRO UYE MAKOMBORERO AAKAWANA

Ungaitei kana zvinhu zvakafanana nezvakaitika kuna Petro zvikaitika kwauri? (Ona ndima 4)

4. Sezviri pana Ruka 5:​5-10, Petro akatii nezvake, asi Jesu akaita kuti ave nechokwadi chei?

4 Bhaibheri haritauri kuti nei Petro akazviti ‘aiva munhu anotadza,’ kana kuti zvivi zvipi zvaaifunga nezvazvo paakataura mashoko iwayo. (Verenga Ruka 5:​5-10.) Pamwe akanga aita zvikanganiso zvakakura. Jesu aiona kutya kwaiita Petro, uko kunogona kunge kwaikonzerwa nekuti Petro aizviona semunhu akaipa. Asi Jesu aizivawo kuti Petro aigona kuramba akatendeka. Saka akaudza Petro kuti ‘arege kutya.’ Jesu aivimba naPetro uye izvozvo zvakachinja upenyu hwaPetro. Petro nemunin’ina wake Andreya vakazosiya bhizinesi ravo rehove vakava vateveri vaMesiya, izvo zvakaita kuti vawane makomborero akawanda.—Mako 1:​16-18.

5. Makomborero api akawanikwa naPetro sezvo ainge akurira kutya kwaaiita uye abvuma kuva muteveri waJesu?

5 Sezvo aiva muteveri waKristu, Petro ane zvinhu zvakawanda zvinoshamisa zvaakaona. Akaona Jesu achirapa vanorwara, achidzinga madhimoni, uye kunyange kumutsa vakafa. b (Mat. 8:​14-17; Mako 5:​37, 41, 42) Petro akaonawo chiratidzo chinoshamisa chaJesu ari Mambo weUmambo hwaMwari, uye izvozvo haana kuzombozvikanganwa. (Mako 9:​1-8; 2 Pet. 1:​16-18) Petro akaonawo zvinhu zvaasina kumbobvira atarisira. Anofanira kunge akafara chaizvo kuti haana kubvumira manzwiro asina kunaka aaiita nezvake pachake achimutadzisa kuona makomborero aya.

6. Petro akakurumidza here kukurira zvinhu zvisina kunaka zvaaiita? Tsanangura.

6 Pasinei nezvaakanga aona uye zvaakanga anzwa, Petro akanga achiri kunetseka kuti aiite zvakanaka. Ona mienzaniso mishoma inotevera. Jesu paakataura nezvekutambura kwaaizoita uye kuurayiwa zvichizadzisa uprofita hweBhaibheri, Petro akamutsiura. (Mako 8:​31-33) Petro nevamwe vaapostora vairamba vachiitisana nharo dzekuti ndiani aiva mukuru pakati pavo. (Mako 9:​33, 34) Usiku hwekupedzisira Jesu asati afa, Petro akacheka nzeve yemumwe murume. (Joh. 18:10) Usiku ihwohwo, achityira kuti vanhu vaizomufungirei, Petro akaramba katatu kese kuti aiziva shamwari yake Jesu. (Mako 14:​66-72) Izvi zvakaita kuti Petro acheme zvinosiririsa.—Mat. 26:75.

7. Petro akapiwa mukana upi Jesu paakanga amutswa?

7 Jesu haana kusiya muapostora wake uyo ainge akaora mwoyo chaizvo. Jesu paakanga amutswa, akapa Petro mukana wekuratidza kuti akanga achiri kumuda. Jesu akakumbira Petro kuti ave mufudzi wemakwai ake. (Joh. 21:​15-17) Petro akabvuma. Aivawo muJerusarema paPendekosti uye aiva pakati pevanhu vakatanga kuzodzwa nemweya mutsvene.

8. Chikanganiso chipi chakakura chakaitwa naPetro kuAndiyoki?

8 Kunyange pashure pekunge ava muKristu akazodzwa, Petro aitofanira kurwa kuti aite zvakanaka. Muna 36 C.E., Petro aivapo pakazodzwa Koniriyasi uyo aisava muJudha, uye ihwohwo hwaiva uchapupu hwakajeka hwekuti “Mwari haasaruri” uye kuti Vemamwe Marudzi vaigona kuva muungano yechiKristu. (Mab. 10:​34, 44, 45) Pashure paizvozvo, Petro akanzwa akasununguka kuti adye nevanhu Vemamwe Marudzi, chinhu chaaisazombofa akaita munguva yainge yapfuura. (VaG. 2:12) Asi vamwe vaKristu vechiJudha vaiona sekuti vaJudha nevanhu Vemamwe Marudzi vaisafanira kudya vese. Vamwe vaiva nemaonero iwayo pavakauya kuAndiyoki, Petro akarega kudya nehama dzake dzeMamwe Marudzi, zvimwe achityira kuti angangogumbura vaKristu vechiJudha. Muapostora Pauro akaona unyengeri uhwu ndokutsiura Petro pachena. (VaG. 2:​13, 14) Pasinei nekukanganisa uku, Petro akaramba achishumira Jehovha. Chii chakamubatsira?

CHII CHAKABATSIRA PETRO KUTI ARAMBE ACHISHUMIRA JEHOVHA?

9. Johani 6:​68, 69 inoratidza sei kuvimbika kwaPetro?

9 Petro ainge akavimbika. Haana kurega chero chii zvacho chichimutadzisa kutevera Jesu. Akaratidza kuvimbika kwake, Jesu paakataura chimwe chinhu chisina kunzwisiswa nevadzidzi vake. (Verenga Johani 6:​68, 69.) Vakawanda vakarega kutevera Jesu vasina kumbomirira kana kutsvaga tsananguro yekuti airevei. Asi Petro haana kudaro. Aiziva kuti Jesu chete ndiye aiva ‘nemashoko eupenyu husingaperi.’

Nei uchikurudzirwa nekuvimba kwaiita Jesu naPetro? (Ona ndima 10)

10. Jesu akaratidza sei kuti aiva nechokwadi chekuti Petro aizoramba achiita zvakanaka? (Onawo mufananidzo.)

10 Jesu haana kusiya Petro. Usiku hwekupedzisira asati aurayiwa, Jesu aiziva kuti Petro nevamwe vaapostora vaizomusiya. Kunyange zvakadaro Jesu akaratidza kuti aiva nechokwadi chekuti Petro aizodzoka oramba akatendeka. (Ruka 22:​31, 32) Jesu ainzwisisa kuti ‘mweya unoda, asi nyama haina simba.’ (Mako 14:38) Saka kunyange pashure pekunge Petro aramba kuti aimuziva, Jesu haana kuramba muapostora wake. Paakanga amutswa, Jesu akazviratidza kuna Petro uyo anofanira kunge aiva ega panguva iyi. (Mako 16:7; Ruka 24:34; 1 VaK. 15:5) Izvozvo zvinofanira kunge zvakakurudzira muapostora uyu ainge akaora mwoyo.

11. Jesu akabatsira sei Petro kuti ave nechokwadi chekuti Jehovha aizomutsigira?

11 Jesu akaita kuti Petro azive kuti Jehovha aizomutsigira. Pashure pekunge amutswa akaitazve chimwe chishamiso chekuita kuti Petro nevamwe vaapostora vabate hove. (Joh. 21:​4-6) Zviri pachena kuti chishamiso ichi chakaita kuti Petro azive kuti zvaiva nyore kuti Jehovha amupe zvinhu zvaaida pakurarama. Zvichida vaapostora vakabva vayeuka mashoko aJesu ekuti Jehovha aizochengeta vaya vanoramba ‘vachitanga kutsvaga Umambo.’ (Mat. 6:33) Zvese izvi zvakabatsira Petro kuti aise ushumiri pekutanga muupenyu hwake kwete bhizinesi rehove. Akaparidza neushingi pazuva rePendekosti ya33 C.E., achibatsira zviuru zvevanhu kuti vagamuchire mashoko akanaka. (Mab. 2:​14, 37-41) Akazobatsirawo vaSamariya neVemamwe Marudzi kuti vagamuchire Kristu. (Mab. 8:​14-17; 10:​44-48) Jehovha akashandisa Petro nenzira yakakura chaizvo kuti aite kuti vanhu vakasiyana-siyana vauye muungano.

TINODZIDZEI?

12. Tichifunga nezvemuenzaniso waPetro tinofanira kuyeukei patinenge tichitambura kuti tisiye chimwe chinhu chisina kunaka chatinenge tichiita?

12 Jehovha anogona kutibatsira kuti tirambe tichiita zvakanaka. Zvingasava nyore nguva dzese kunyanya kana tava nenguva tichinetseka kuti tisiye chimwe chinhu chakaipa. Dzimwe nguva zvinhu zvakaipa zvatinoda kusiya zvinenge zvichiita sekunge zvakaoma kupfuura zvaisangana naPetro. Asi Jehovha anogona kutipa simba rekuti tirambe tichiedza kuita zvakanaka. (Pis. 94:​17-19) Semuenzaniso imwe hama yakaita makore akawanda ichiita zveungochani isati yadzidza chokwadi. Akabva asiya zvachose maitiro iwayo akaipa. Asi dzimwe nguva ainetseka nezvido zvisina kunaka. Chii chakamubatsira kuti arambe achiita zvakanaka? Anoti: “Jehovha anotisimbisa.” Anowedzera kuti: “Ndichibatsirwa nemweya waJehovha . . . , ndakadzidza kuti zvinoita kuti ndirambe ndichirarama maererano nezvinodiwa naJehovha. . . . Jehovha ari kundishandisa uye pasinei nekuti ndiri munhu ane chivi, anoramba achindisimbisa.”

Horst Henschel akatanga basa renguva yakazara musi wa1 January 1950. Unofunga kuti akazvidemba here kuti akashandisa upenyu hwake pakushumira Jehovha? (Ona ndima 13, 15) d

13. Tingatevedzera sei muenzaniso waPetro uri pana Mabasa 4:​13, 29, 31? (Onawo mufananidzo.)

13 Sezvataona, Petro akaita zvikanganiso zvakakura nekuti aitya vanhu. Asi paakanyengeterera ushingi, Petro akakwanisa kuratidza ushingi. (Verenga Mabasa 4:​13, 29, 31.) Isuwo tinogona kukurira kutya kwatinoita. Funga zvakaitika kuna Horst imwe hama yechidiki yaigara muGermany pairwiwa Hondo Yenyika II. Panguva iyoyo, vanhu vainzi vakwazisane vachiti “Heil Hitler!” izvo zvaireva kuti Hitler achatiponesa. Kunyange zvazvo Horst aiziva kuti kukwazisa achidaro kwainge kusina kunaka, dzimwe nguva aizviita nemhaka yekutya vadzidzisi vake uye vaaidzidza navo. Vabereki vaHorst havana kumutuka, asi vakanyengetera naye vachikumbira Jehovha kuti amupe ushingi. Achibatsirwa nevabereki vake uye nekuvimba naJehovha, Horst akapedzisira ava nesimba rekutsigira zvaaitenda. Pave paya akazoti: “Jehovha haana kumbobvira andisiya.” c

14. Vafudzi vane rudo vangakurudzira sei vaya vakaora mwoyo?

14 Jehovha naJesu havazotisiyi. Petro aiva nechisarudzo chinokosha chaaifanira kuita. Aizorega here kuva mudzidzi waKristu kana kuti aizoramba ari mudzidzi wake? Jesu akanga ateterera kuna Jehovha kuti kutenda kwaPetro kurege kupera. Jesu akaudza Petro nezvemunyengetero iwoyo uye akaratidza kuti aiva nechokwadi chekuti Petro aizokwanisa kusimbisa hama dzake. (Ruka 22:​31, 32) Izvozvo zvinofanira kunge zvakaita kuti Petro ayeuke mashoko aJesu. Patinenge tiine chisarudzo chinokosha chatinofanira kuita, Jehovha angashandisa vafudzi vane rudo kuti vataure mashoko anotibatsira kuti tirambe takatendeka. (VaEf. 4:​8, 11) Imwe hama inonzi Paul iyo ine nguva yakareba iri mukuru inoedza kunyaradza vamwe saizvozvo. Inoudza vaya vanenge vava kuneta kuti vafunge zvakaitwa naJehovha kuti vauye muchokwadi. Inobva yaita kuti vazive kuti rudo rwaJehovha rusingachinji runoita kuti arambe achivada. Paul anopedzisa achiti, “Ndakaona vakawanda vainge vakaora mwoyo vachiramba vachiita zvakanaka vachibatsirwa naJehovha.”

15. Muenzaniso waPetro uye waHorst unoratidza sei kuti zvinotaurwa pana Mateu 6:33 ndezvechokwadi?

15 Jehovha achatipa zvatinoda pakurarama kana tikaisa ushumiri pekutanga muupenyu hwedu sezvaakaita kuna Petro nevamwe vaapostora. (Mat. 6:33) Panguva yairwiwa Hondo Yenyika II, Horst ambotaurwa nezvake akafunga nezvekupayona. Asi aiva murombo chaizvo uye aisava nechokwadi chekuti aizowana mari yekuzviriritira oramba achiita ushumiri hwenguva yakazara. Saka akaitei? Akasarudza kuedza Jehovha ndokuita vhiki rese muushumiri pakashanya mutariri wedunhu. Pakupera kwevhiki racho akashamiswa chaizvo mutariri wedunhu paakamutambidza hamvuropu asi haana kumuudza kuti yainge yabva kuna ani. Yaiva nemari yaikwana kumutsigira mubasa rekupayona kwemwedzi yakati kuti. Horst akaona chipo ichi sevimbiso yekuti Jehovha aizomutsigira. Akazoita upenyu hwake hwese achiisa Umambo pekutanga.—Mar. 3:10.

16. Nei zvakanaka kuti tidzidze nezvaPetro uye zvaakanyora mutsamba dzake?

16 Petro anofanira kunge akafara chaizvo kuti Jesu haana kubva kwaari, sezvaainge ambokumbira. Kristu akaramba achidzidzisa Petro kuti ave muapostora akatendeka uye muenzaniso wakazonaka kuvaKristu. Tinowana zvidzidzo zvakawanda zvinokosha kubva pakudzidziswa kwaakaitwa. Petro akanyora zvimwe zvidzidzo izvozvo nezvimwewo mutsamba dzake mbiri dzakafemerwa dzaakatumira kuungano dzaivako panguva iyoyo. Munyaya inotevera tichakurukura zviyeuchidzo zvishomanana zviri mutsamba idzi, uye kuti tingazvishandisa sei mazuva ano.

RWIYO 126 Rambai Makamuka Uye Mirai Makasimba

a Nyaya ino yakanyorwa kuti ibatsire vaya vanonetseka nezvinhu zvavanokanganisa kuti vazive kuti vanogona kuzvikurira voramba vachishumira Jehovha vakatendeka.

b Mavhesi akawanda ari munyaya ino anobva muEvhangeri yaMako. Anofanira kunge akanyora zvaakaudzwa naPetro uyo akaona zviitiko zvacho.

c Ona nyaya yeupenyu yaHorst Henschel inoti, “Ndakasundwa Nokuvimbika Kwemhuri Yangu Kuna Mwari,” iri muMukai! yaMarch 8, 1998.

d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mufananidzo uyu une vanhu vari kuratidza zvakaitika. Vabereki vaHorst Henschel vakanyengetera naye uye vakasimbisa chido chake chekutsigira zvaanotenda.