Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 38

Vechidiki​—⁠Muchava Neupenyu Hwakaita Sei?

Vechidiki​—⁠Muchava Neupenyu Hwakaita Sei?

“Ungwaru huchakuchengetedza.”—ZVIR. 2:11.

RWIYO 135 Chikumbiro chaJehovha Cherudo: ‘Mwanangu, Iva Akachenjera’

ZVICHADZIDZWA a

1. Chii chainge chakaomera Jehoashi, Uziya, uye Josiya?

 WAIZONZWA sei kudai waizogadzwa kuti uve mambo wevanhu vaMwari uri mwana mudiki chaizvo? Waizoshandisa sei simba rako? Bhaibheri rinotiudza nezvevechidiki vakati kuti vakava madzimambo eJudha. Semuenzaniso, Jehoashi aingova nemakore 7, Uziya aiva ne16, uye Josiya aiva ne8. Izvi zvinofanira kunge zvainge zvakavaomera. Vese vaida kubatsirwa kuti vakurire matambudziko uye kuti vaite zvakanaka.

2. Nei zvakanaka kuti tidzidze nezvaJehoashi, Uziya uye Josiya?

2 Hatisi madzimambo kana vanamambokadzi, asi tinowana zvidzidzo zvinokosha kubva kuvanhu vatatu ava vemuBhaibheri. Vakaita zvisarudzo zvakanaka, asi vakaitawo zvimwe zvisarudzo zvisina kunaka. Kubva pane zvavakaita tichaona kuti tinofanira kusarudza shamwari dzakanaka, kuramba tichizvininipisa, uye kuramba tichitsvaga Jehovha.

SARUDZA SHAMWARI DZAKANAKA

Kana tikateerera mazano atinopiwa neshamwari dzakanaka tinenge tichitevedzera muenzaniso waJehoashi (Ona ndima 3, 7) c

3. Mambo Jehoashi akaitei paairayirwa neMupristi Mukuru Jehoyadha?

3 Tevedzera zvisarudzo zvakanaka zvakaitwa naJehoashi. Paaiva mudiki, Mambo Jehoashi akaita chisarudzo chairatidza uchenjeri. Sezvo baba wake vainge vafa, akateerera zvaairayirwa neMupristi Mukuru akatendeka Jehoyadha. Mupristi iyeye akarayira Jehoashi sekunge kuti aiva mwanakomana wake. Izvi zvakaita kuti Jehoashi asarudze kutungamirira vanhu pakunamata kwakachena uye pakushumira Jehovha. Jehoashi akatoronga kuti temberi yaJehovha igadziridzwe.—2 Mak. 24:​1, 2, 4, 13, 14.

4. Tinobatsirwa sei kana tikada mirayiro yaJehovha uye tikaiteerera? (Zvirevo 2:​1, 10-12)

4 Kana uri kudzidziswa kuda Jehovha uye kuteerera mitemo yake, uri kupiwa chipo chinokosha. (Verenga Zvirevo 2:​1, 10-12.) Vabereki vanogona kudzidzisa vana vavo munzira dzakawanda. Ona kuti baba veimwe hanzvadzi inonzi Katya vakamubatsira sei kuti aite zvisarudzo zvakanaka. Zuva rega rega baba vake pavaimuendesa kuchikoro, vaikurukura naye rugwaro rwezuva. Katya anoti, “Kukurukura ikoko kwaindibatsira kuti ndizive zvekuita mumamiriro ezvinhu akaoma andaigona kusangana nawo zuva racho.” Ko kana mirayiro inobva muBhaibheri yaunopiwa nevabereki vako ichiita seiri kukushayisa rusununguko? Chii chinogona kukubatsira kuti ugamuchire kurayira kwavo? Hanzvadzi inonzi Anastasia inoyeuka kuti vabereki vayo vaiwana nguva yekutsanangura kuti nei vaiisa mimwe mitemo. Anoti, “Izvozvo zvakandibatsira kunzwisisa kuti vaisaisa mitemo iyi kuti indishaise rusununguko, asi kuti indidzivirire nekuti vanondida.”

5. Zvaunoita zvinoita kuti vabereki vako naJehovha vanzwe sei? (Zvirevo 22:6; 23:​15, 24, 25)

5 Paunoshandisa mazano emuBhaibheri aunopiwa, uchaita kuti vabereki vako vafare. Chinonyanya kukosha ndechekuti uchaita kuti Mwari afare uye ushamwari hwako naye uchawedzera kusimba. (Verenga Zvirevo 22:6; 23:​15, 24, 25.) Izvi zvikonzero zvakanaka zvekuti utevedzere muenzaniso waJehoashi paaiva mudiki.

6. Jehoashi akazotanga kuteerera ani, uye zvakaguma nei? (2 Makoronike 24:​17, 18)

6 Dzidza kubva pane zvakakanganiswa naJehoashi. Jehoyadha paakafa, Jehoashi akafurirwa neshamwari dzake kuita zvinhu zvakaipa. (Verenga 2 Makoronike 24:​17, 18.) Jehoashi akateerera mazano aakapiwa nemachinda eJudha ainge asingadi Jehovha. Zvimwe unobvumirana nazvo kuti Jehoashi aifanira kutambira kure nevanhu ivavo vaiita zvakaipa. (Zvir. 1:10) Pane kuti adaro, akateerera mazano akaipa aakapiwa neshamwari dzake. Zekariya hama yaJehoashi paakaedza kumutsiura, Jehoashi akaita kuti aurayiwe. (2 Mak. 24:​20, 21; Mat. 23:35) Izvozvo zvainge zvakaipa chaizvo uye hwaiva upenzi. Paakatanga kutonga, Jehoashi aiita zvakanaka, asi zvinosuwisa kuti akazopedzisira atsauka pakutenda uye ava mhondi. Pakupedzisira vashandi vake vakabva vamuuraya. (2 Mak. 24:​22-25) Dai akaramba achiteerera Jehovha uyewo vaya vaimushumira, zvese izvi zvingadai zvisina kuitika. Zvidzidzo zvipi zvawawana kubva panyaya iyi?

7. Ndivanaani vaunofanira kusarudza seshamwari dzako? (Onawo mufananidzo.)

7 Chimwe chidzidzo chatinowana kubva pane zvakaitwa naJehoashi ndechekuti tinofanira kutsvaga shamwari dzinotikurudzira kuita zvakanaka, shamwari dzinoda Jehovha uye dzinoda kumufadza. Hatifaniri kungogumira pakushamwaridzana nevanhu vezera redu. Yeuka kuti Jehoashi aiva mudiki chaizvo kana tichimuenzanisa neshamwari yake Jehoyadha. Uchifunga nezveshamwari dzako, zvibvunze kuti: ‘Dzinondibatsira kusimbisa kutenda kwangu muna Jehovha here? Dzinondikurudzira kuti ndirarame zvinoenderana nemitemo yaMwari here? Dzinotaura nezvaJehovha uye chokwadi chinokosha chiri muBhaibheri here? Dzinoremekedza mitemo yaMwari here? Dzinongondiudza zvandinoda kunzwa here kana kuti dzine ushingi hwekunditsiura kana kuri kuti ndarasika?’ (Zvir. 27:​5, 6, 17) Chokwadi ndechekuti kana shamwari dzako dzisingadi Jehovha, hadzina chadzinokubatsira nacho. Asi kana uine shamwari dzinoda Jehovha, ramba uri pedyo nadzo, nekuti dzinokukurudzira kuita zvakanaka.—Zvir. 13:20.

8. Kana uchishandisa social media ndezvipi zvaunofanira kufunga nezvazvo?

8 Social media inogona kubatsira kuti ugare uchikurukura nehama neshamwari. Asi vanhu vakawanda vanoishandisawo pakuisa mapikicha nemavhidhiyo anenge achiratidza zvinhu zvavakatenga kana kuti zvavakaita nechinangwa chekuda kuyemurwa nevamwe. Kana uchishandisa social media zvibvunze kuti: ‘Ndinozviitira kuda kushamisira here? Chinangwa changu ndechekuda kukurudzira vamwe here kana kuti ndechekuda kuzvitsvagira mbiri? Ndiri kurega vanhu vanoshandisa social media vachikanganisa mafungiro angu, matauriro angu, uye zvandinoita here?’ Hama Nathan Knorr, avo vaiva muDare Rinotungamirira vakambopa zano rekuti: “Usaedza kufadza vanhu. Unozopedzisira usina wawafadza. Fadza Jehovha uye uchafadza vese vanoda Jehovha.”

TINOFANIRA KURAMBA TICHIZVININIPISA

9. Jehovha akabatsira Uziya kuitei? (2 Makoronike 26:​1-5)

9 Tevedzera zvisarudzo zvakanaka zvakaitwa naUziya. Paaiva mudiki Mambo Uziya aizvininipisa. Akadzidza “kutya Mwari wechokwadi.” Uye Jehovha akamukomborera kwemakore akawanda pamakore 68 aakararama. (Verenga 2 Makoronike 26:​1-5.) Uziya akakunda marudzi akawanda uye akaita kuti Jerusarema rinyatsodzivirirwa. (2 Mak. 26:​6-15) Uziya ainyatsofara nezvese zvaakabatsirwa naMwari kuti aite.—Mup. 3:​12, 13.

10. Chii chakaitika kuna Uziya?

10 Dzidza pane zvakaipa zvakaitwa naUziya. Mambo Uziya ainge ajaira kuudza vamwe zvekuita. Kungava here kuti izvozvo zvakaita kuti afunge kuti aigona kuita chero chaada? Rimwe zuva Uziya akapinda mutemberi yaJehovha uye achizvikudza akaedza kupisa rusenzi paatari, izvo zvaisafanira kuitwa nemadzimambo. (2 Mak. 26:​16-18) Mupristi Mukuru Azariya akaedza kumutsiura, asi Uziya akatsamwa chaizvo. Zvinosuwisa kuti Uziya haana kuramba akatendeka kuna Jehovha uye akarohwa nemaperembudzi. (2 Mak. 26:​19-21) Kudai akaramba achizvininipisa, zvinhu zvingadai zvakamufambira zvakanaka!

Pane kuti tizvikudze nezvatinenge takwanisa kuita, tinofanira kutenda Jehovha nekutibatsira kwaanenge aita (Ona ndima 11) d

11. Tingaratidza sei kuti tinozvininipisa? (Onawo mufananidzo.)

11 Uziya paakava nesimba akakanganwa kuti Jehovha ndiye aimupa simba uye kuti ndiye aiita kuti abudirire. Tinodzidzei? Tinofanira kuyeuka kuti makomborero neropafadzo zvatinowana zvinobva kuna Jehovha. Pane kuti tizvirumbidze nezvatinenge takwanisa kuita, tinofanira kutenda Jehovha nekuti ndiye anotibatsira. b (1 VaK. 4:7) Tinofanira kuyeuka kuti tiri vanhu vanokanganisa uye kuti tinofanira kutsiurwa. Imwe hama ine makore ekuma60 yakati: “Ndakadzidza kusagumbuka kana kuodzwa mwoyo vamwe pavanotaura zvandinenge ndakanganisa. Dzimwe nguva pandinoita chimwe chinhu cheupenzi ndotsiurwa, ndinoedza kugadzirisa ndoramba ndichiita zvakanaka.” Chokwadi ndechekuti patinotya Jehovha uye patinoramba tichizvininipisa, zvinhu zvinotifambira zvakanaka.—Zvir. 22:4.

RAMBA UCHITSVAGA JEHOVHA

12. Paaiva mudiki Josiya akatsvaga sei Jehovha? (2 Makoronike 34:​1-3)

12 Tevedzera zvisarudzo zvakanaka zvakaitwa naJosiya. Josiya akatanga kutsvaga Jehovha paaiva nemakore 16. Aida kudzidza nezvaJehovha uye kuita kuda kwake. Asi izvi zvaisava nyore kuna mambo uyu wechidiki. Panguva iyoyo vanhu vakawanda vainamata vanamwari venhema, saka Josiya aifanira kuva neushingi hwekutsigira kunamata kwakachena. Uye ndizvo chaizvo zvaakaita. Asati asvitsa makore 20, Josiya akatanga kubvisa kunamata kwenhema munyika yacho.—Verenga 2 Makoronike 34:​1-3.

13. Upenyu hwako hunochinja sei paunozvitsaurira kuna Jehovha?

13 Kunyange uchiri mudiki chaizvo, unogona kusarudza kutevedzera Josiya nekudzidza zvakawanda nezvaJehovha uye nezveunhu hwake. Kuita izvozvo kuchaita kuti ude kuzvitsaurira kwaari. Kuzvitsaurira ikoko kuchakubatsira sei? Luke, uyo akabhabhatidzwa aine makore 14, anoti, “Kubvira iye zvino zvichienda mberi, ndichaita kuti kushumira Jehovha kuve pekutanga muupenyu hwangu, uye ndichaedza kumufadza.” (Mako 12:30) Kana uine chido chekuitawo izvozvo, zvinhu zvichakufambira zvakanaka!

14. Taura mienzaniso inoratidza kuti vamwe vechidiki vari kutevedzera sei Mambo Josiya.

14 Wechidiki anoshumira Jehovha anogona kusangana nemiedzo yakaita sei? Johan, uyo akabhabhatidzwa aine makore 12 anoti vaanodzidza navo vaiedza kumufurira kuti apute achiita zvekuvhepa. Kuti asafurirwa Johan anogara achizviyeuchidza kuti kuputa kunokanganisa utano hwake uye ushamwari hwake naJehovha. Rachel, uyo akabhabhatidzwa aine makore 14 anotsanangura chinomubatsira kuti akunde miedzo yaanosangana nayo kuchikoro. Anoti: “Ndinoedza kufunga kuti zvinhu zvandinoona zvinobatana papi nechimwe chinhu chiri muBhaibheri. Semuenzaniso, chidzidzo chehistory chinogona kundiyeuchidza nezveimwe nyaya yemuBhaibheri kana uprofita. Kana kuti pandinenge ndichitaura nemumwe munhu kuchikoro ndinogona kufunga nezvevhesi yandinogona kumuudza.” Miedzo yaunosangana nayo inogona kunge yakasiyana neyakasangana naMambo Josiya, asi unogona kuva akachenjera uye akavimbika sezvaainge akaita. Kukunda miedzo paunenge uri mudiki kuchakubatsira kuti ukunde miedzo yauchasangana nayo mune remangwana.

15. Chii chakabatsira Josiya kuti ashumire Jehovha akatendeka? (2 Makoronike 34:​14, 18-21)

15 Paakanga ava nemakore 26, Mambo Josiya akatanga kuita kuti temberi igadziridzwe. Paiitwa basa iroro, “bhuku reMutemo waJehovha wakapiwa pachishandiswa Mozisi” rakawanikwa. Paakarinzwa richiverengwa, mambo akabayiwa mwoyo ndokuita zvaitaurwamo. (Verenga 2 Makoronike 34:​14, 18-21.) Unoda here kugara uchiverenga Bhaibheri? Kana uri kuedza kuriverenga mazuva ese, zviri kukunakidza here? Unonyora pasi here mavhesi anogona kukubatsira? Luke ambotaurwa, anonyora mukabhuku pfungwa dzinobatsira dzaanenge awana. Ukaitawo izvozvo, zvinogona kukubatsira kuti uyeuke mavhesi kana pfungwa dzaunenge wawana. Paunowedzera kuziva Bhaibheri uye kurida, chido chako chekushumira Jehovha chinowedzerawo. Uye sekubatsirwa kwakaitwa Mambo Josiya neShoko raMwari kuti aite zvakanaka iwewo uchabatsirwa naro.

16. Nei Josiya akaita chikanganiso chakakura, uye tinodzidzei?

16 Dzidza pane zvakakanganiswa naJosiya. Josiya paakanga ava nemakore anenge 39, akaita chikanganiso chakamuurayisa. Akazvivimba pane kuti akumbire kutungamirirwa naJehovha. (2 Mak. 35:​20-25) Tinodzidzei? Pasinei nekuti takura zvakadini kana kuti tava nenguva yakareba sei tichidzidza Bhaibheri, tinofanira kuramba tichitsvaga Jehovha. Izvi zvinosanganisira kugara tichinyengetera kuti titungamirirwe naye, kudzidza Shoko rake uye kuteerera mazano atinopiwa nevaKristu vakasimba pakunamata. Patinoita izvi, kashoma kuti tiite zvikanganiso zvakakura uye kakawanda kacho tichawana mufaro.—Jak. 1:25.

VECHIDIKI, MUNOGONA KUFARA MUUPENYU

17. Zvidzidzo zvipi zvinokosha zvatinowana pamadzimambo matatu eJudha?

17 Pamunenge muchiri vadiki, munenge muine mikana yakanaka chaizvo. Nyaya dzevanhu vanoti, Jehoashi, Uziya, naJosiya dzinoratidza kuti vechidiki vanogona kuita zvisarudzo zvakanaka uye vanogona kufadza Jehovha nemararamiro avo. Sezvataona, dzimwe nguva zvinhu zvingasafamba zvakanaka. Asi tinogona kutevedzera zvinhu zvakanaka zvakaitwa nemadzimambo aya torega kuita zvikanganiso zvavakaita. Kana tikadaro tinogona kuzofara muupenyu.

Dhavhidhi paaiva mudiki akava neushamwari hwepedyo naJehovha. Akaita kuti Jehovha afare, uye naiyewo akafara (Ona ndima 18)

18. Mienzaniso ipi yemuBhaibheri inoratidza kuti unogona kufara muupenyu? (Onawo mufananidzo.)

18 Bhaibheri rine nyaya dzevamwe vechidiki vakaswedera pedyo naJehovha, vakafarirwa naye, uye vakararama upenyu hunogutsa. Dhavhidhi aiva mumwe wavo. Akasarudza kuva shamwari yaMwari, uye pava paya akava mambo akavimbika. Aimbokanganisawo, asi Mwari aiona Dhavhidhi semunhu akatendeka. (1 Madz. 3:6; 9:​4, 5; 14:8) Unogona kukurudzirwa nekudzidza nezveupenyu hwaDhavhidhi uye kushumira kwaakaita Mwari akatendeka. Kana kuti unogona kusarudza kudzidza nezvaMako kana kuti Timoti. Uchaona kuti vakashumira Jehovha vari vadiki uye vakaramba vachimushumira vakatendeka. Kusarudza kwavakaita kumushumira kwakaita kuti Jehovha afare uye naivowo vakafara.

19. Unogona kuva neupenyu hwakaita sei?

19 Zvichange zvakaita upenyu hwako mune remangwana zvinobva pane zvauri kuita iye zvino. Kana ukavimba naJehovha worega kuvimba nekunzwisisa kwako achakubatsira kuita zvisarudzo zvakanaka. (Zvir. 20:24) Unogona kufara muupenyu uye kukomborerwa. Yeuka kuti Jehovha anokoshesa zvaunomuitira. Hapana chinhu chinokosha muupenyu kupfuura kushumira Baba vedu vekudenga vane rudo Jehovha.

RWIYO 144 Ramba Wakatarisa Mubayiro!

a Vechidiki, Jehovha anoziva kuti munosangana nemiedzo inogona kukanganisa ushamwari hwenyu naye. Mungaitei kuti mukwanise kuita zvisarudzo zvakanaka zvichafadza Baba venyu vekudenga? Tichaongorora mienzaniso yevakomana vatatu vakava madzimambo eJudha. Ona zvaunogona kudzidza pane zvisarudzo zvavakaita.

b Ona bhokisi rakanzi “Ngwarira Kunyepedzera Kuzvininipisa” riri munyaya iri pajw.org yakanzi “Kuva Neshamwari Dzakawanda paSocial Media Kune Basa Here?”

c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi yakasimba pakunamata inopa hanzvadzi yechidiki zano rakanaka.

d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi iri kubvunzwa pagungano inovimba naJehovha uye inoita kuti arumbidzwe.