NYAYA YEKUDZIDZA 37
Vimba naJehovha, Sezvakaita Samsoni
“Changamire Ishe Jehovha, ndapota ndiyeukei, uye ndisimbisei.”—VAT. 16:28.
RWIYO 30 Baba Vangu, Mwari Wangu, Shamwari Yangu
ZVICHADZIDZWA a
1-2. Nei zvakanaka kuti tidzidze nyaya yaSamsoni?
CHII chinouya mupfungwa dzako paunonzwa zita rekuti Samsoni? Zvimwe unofunga nezvemurume aiva nesimba guru. Ichocho ichokwadi. Asi Samsoni akaita chisarudzo chisina kunaka icho chakazoita kuti arwadziwe chaizvo. Kunyange zvakadaro, Jehovha akanyanya kufunga nezvekutendeka kwaSamsoni, uye akaita kuti kunyorwe muBhaibheri kuti tibatsirwe.
2 Jehovha akashandisa Samsoni kuti aite zvinhu zvinoshamisa pakubatsira vanhu vake, vaIsraeri. Mazana emakore pashure pekunge Samsoni afa, Jehovha akafemera muapostora Pauro kuti anyorewo zita raSamsoni pakati pemamwe mazita evanhu vaiva nekutenda kunoshamisa. (VaH. 11:32-34) Muenzaniso waSamsoni unogona kutikurudzira. Aivimba naJehovha, kunyange zvinhu pazvainge zvakaoma. Munyaya ino tichakurukura zvatinodzidza pana Samsoni uye kuti zvaakaita zvingatikurudzira sei.
SAMSONI AIVIMBA NAJEHOVHA
3. Samsoni akapiwa basa ripi?
3 Samsoni paakaberekwa, vaFiristiya vaitonga vaIsraeri uye vaivadzvinyirira. (Vat. 13:1) Utsinye hwaiitwa nevaFiristiya hwakaita kuti vaIsraeri vatambure chaizvo. Jehovha akasarudza Samsoni kuti ‘atungamirire pakuponesa Israeri muruoko rwevaFiristiya.’ (Vat. 13:5) Iri raiva basa rakaoma! Kuti akwanise kuita basa iri rakaoma, Samsoni aitofanira kuvimba naJehovha.
4. Jehovha akabatsira sei Samsoni kuti azvisunungure pavaFiristiya? (Vatongi 15:14-16)
4 Funga nezvemuenzaniso unoratidza kuti Samsoni aivimba naJehovha uye nekutsigirwa kwaaiitwa naye. Pane imwe nguva, uto revaFiristiya rakauya kuzobata Samsoni pane imwe nzvimbo inonzi Rehi, iyo ingangodaro yaiva muJudha. Varume veJudha vaitya, saka vakafunga nezvekuendesa Samsoni kuvavengi. Vanhu vekwaSamsoni vakamusunga netambo mbiri itsva vakamuendesa kuvaFiristiya. (Vat. 15:9-13) Asi ‘mweya waJehovha wakapa Samsoni simba’ uye akakwanisa kuzvisunungura patambo idzodzo. “Akabva awana shaya yedhongi gono rakanga richangofa,” akainhonga, uye akaishandisa kuuraya varume vechiFiristiya 1 000!—Verenga Vatongi 15:14-16.
5. Kushandisa kwakaita Samsoni shaya yedhongi kunoratidza sei kuvimba kwaaiita naJehovha?
5 Nei Samsoni akashandisa shaya yedhongi? Zvakanga zvisina kujairika kushandisa chombo chakadaro. Zviri pachena kuti Samsoni akaziva kuti kubudirira kwake kwaizobva pakuvimba naJehovha, kwete pachombo chaakashandisa. Murume uyu akatendeka akashandisa zvaivapo kuti aite kuda kwaJehovha. Zviri pachena kuti kuvimba kwakaita Samsoni naJehovha kwakaita kuti akomborerwe zvikuru.
6. Patinoita mabasa edu ekunamata, tinodzidzei pana Samsoni?
6 Isuwo tinogona kupiwa simba naJehovha kuti tiite mabasa edu, kunyange aya angaita seasingakwanisiki. Mwari anogona kuita izvi nenzira ingatotishamisawo. Iva nechivimbo chekuti Jehovha, uyo akapa Samsoni simba, achakubatsira kuti uite kuda kwake, kana uchivimba kuti achakubatsira.—Zvir. 16:3.
7. Muenzaniso upi unoratidza kukosha kwazvakaita kuti titsvage kutungamirirwa naJehovha?
7 Hama nehanzvadzi dzakawanda idzo dzinobatsira mumabasa ekuvaka nzvimbo dzekunamatira dzinoratidza kuti dzinovimba naJehovha. Kare, hama dzaiwanzogadzira mapurani uye kuvaka Dzimba dzeUmambo nezvimwe zvivakwa. Asi kukura kuri kuita sangano raJehovha kuri kuita kuti zvimwe zvinhu zvichinje. Hama dzinotungamirira dzakanyengetera dzichikumbira kutungamirirwa naJehovha uye dzakaedza nzira itsva, dzakadai sekutenga zvivakwa vozvigadziridza. Imwe hama inonzi Robert, iyo yashanda mumabasa akawanda ekuvaka pasi rese mumakore achangopfuura inoti, “Pakutanga, zvakanga zvisiri nyore kuti vamwe vabvume nzira itsva iyi.” Robert anowedzera kuti: “Zvakanga zvakasiyana chaizvo nezvataiita kwemakore. Asi hama dzaiva nechido chekuchinja, uye zvakava pachena kuti Jehovha aikomborera kuchinja ikoko.” Uyu unongova muenzaniso mumwe chete unoratidza kutungamirira kuri kuita Jehovha vanhu vake kuti vakwanise kuita kuda kwake. Zvakanaka kuti tipote tichizvibvunza kuti, ‘Ndiri kutsvaga kutungamirirwa naJehovha here uye ndinoda here kuchinja zvimwe zvinhu kuti ndiite zvese zvandinogona pakumushumira?’
SAMSONI AKASHANDISA ZVINHU ZVAAKAPIWA NAJEHOVHA
8. Samsoni akaitei paakanga anzwa nenyota?
8 Zvimwe wakamboverenga nezvezvimwe zvinhu zvinoshamisa zvakaitwa naSamsoni. Akauraya shumba ari ega, uye akazouraya varume 30 vemuguta reFiristiya rainzi Ashkeroni. (Vat. 14:5, 6, 19) Samsoni aiziva kuti aisazombokwanisa kuita zvinhu izvozvo pasina rubatsiro rwaJehovha. Izvi zvakava pachena imwe nguva paakanzwa nenyota pashure pekuuraya vaFiristiya 1 000. Akaitei? Pane kuti atsvage ega mvura yekunwa, akashevedzera kuna Jehovha achikumbira rubatsiro.—Vat. 15:18.
9. Jehovha akapindura sei Samsoni paakakumbira kubatsirwa? (Vatongi 15:19)
9 Samsoni paakakumbira kubatsirwa, Jehovha akaita chishamiso chekubudisa mvura mugomba. Samsoni paakainwa, “simba rake rakadzoka, muviri wake ukasimbazve.” (Verenga Vatongi 15:19.) Zvinoita sekuti mvura iyi yakanga ichiri kubuda muprofita Samueri paakafemerwa kunyora bhuku raVatongi. Izvi zvinogona kunge zvaiyeuchidza vaIsraeri vaiona mvura iyi ichibuda kuti Jehovha anogona kubatsira vanamati vake vakatendeka panguva yavanenge vachida rubatsiro.
10. Tinofanira kuitei kuti tibatsirwe naJehovha? (Onawo mufananidzo.)
10 Nesuwo tinofanira kuvimba naJehovha pasinei nezvipo kana unyanzvi hwatiinahwo kana kuti zvimwe zvinhu zvatakaita pakumushumira. Tinofanira kuva nemwero tichiziva kuti chero zvinhu zvatingakwanisa kuita, tinozviita tichibatsirwa naJehovha. Samsoni akawana simba paakanwa mvura yaakapiwa naJehovha. Isuwo tinofanira kubvuma kubatsirwa naJehovha kuti tirambe takavimbika kwaari.—Mat. 11:28.
11. Tingaitei kuti tiratidze kuti tinovimba nerubatsiro rwaJehovha? Taura muenzaniso.
11 Chimbofunga nezvaAleksey, imwe hama yedu yekuRussia iri kutsungirira kutambudzwa kwakanyanya. Chii chiri kumubatsira kuti arambe akavimbika panguva iyi yakaoma? Iye nemudzimai wake vanogara vachidzidza Bhaibheri uye kuita mabasa ekunamata. Anoti: “Ndinoedza kugara ndichidzidza ndiri ndega uyewo kuverenga Bhaibheri zuva nezuva. Mangwanani ega ega, ini nemudzimai wangu tinokurukura rugwaro rwezuva tonyengetera kuna Jehovha pamwe chete.” Izvi zvinotidzidzisei? Pane kuti tizvivimbe, tinofanira kuvimba naJehovha. Tinozviita sei? Tinosimbisa kutenda kwedu kana tikagara tichidzidza Bhaibheri tiri tega uyewo kuita zvimwe zvinhu zvine chekuita nekunamata. Kana tikadaro, Jehovha achakomborera zvese zvatinoita pakumushumira. Akasimbisa Samsoni uye achatisimbisawo.
SAMSONI AKARAMBA ACHIITA ZVAIDIWA NAJEHOVHA
12. Chisarudzo chipi chakaipa chakaitwa naSamsoni, uye chainge chakasiyana papi nezvaainge amboita?
12 Samsoni aiva munhu anokanganisa sezvatinoita, saka dzimwe nguva aiita zvisarudzo zvisina kunaka. Chimwe chisarudzo chaakaita chakakonzera matambudziko akakura nekuti Samsoni akanga asiri kufunga nezvebasa raakanga apiwa naMwari. Pashure pekunge Samsoni ashumira semutongi kwenguva yakati kuti, “akadanana nemumwe mukadzi aiva muBani reSoreki, ainzi Dherira.” (Vat. 16:4) Izvi zvisati zvaitika, Samsoni akanga achida kuroora mumwe mukadzi wechiFiristiya, asi izvozvo “zvakanga zvichibva kuna Jehovha, uyo akanga achitsvaga mukana wekurwisa vaFiristiya.” Pava paya, Samsoni akagara muimba yepfambi muguta revaFiristiya reGaza. Panguva iyoyo, Mwari akapa Samsoni simba rekuti adzure masuo eguta ndokuenda nawo, zvikaita kuti guta racho risare risina kunyatsodzivirirwa. (Vat. 14:1-4; 16:1-3) Asi kana ari Dherira, anogona kunge aiva muIsraeri, saka kudanana kwaakaita naye wakanga usiri mukana wekuti arwise vaFiristiya.
13. Dherira akapinza sei Samsoni mudambudziko?
13 Dherira akatengesa Samsoni achiitira kuti apiwe mari yakawanda nevaFiristiya. Zvimwe Samsoni ainge akaputirwa nerudo zvekuti haana kuona zvaida kuitwa naDherira. Chero zvazvingava, Dherira akaramba achinyengetedza Samsoni kuti amuudze kwaibva simba rake, uye Samsoni akapedzisira amuudza. Zvinosuwisa kuti kwenguva yakati, Samsoni akarasikirwa nesimba rake uye kufarirwa kwaaiitwa naJehovha.—Vat. 16:16-20.
14. Chii chakazoitika kuna Samsoni nekuti akanga avimba naDherira?
14 Samsoni akasangana nematambudziko anorwadza nemhaka yekuvimba naDherira pane kuvimba naJehovha. VaFiristiya vakamubata ndokubva vamutushura maziso. Vakamuisa mujeri kuGaza, kwaakanga ambodzura masuo eguta racho, uye vakabva vatanga kumushandisa kuti akuye zviyo. VaFiristiya vakazoita kuti Samsoni aunzwe kumhemberero yavaiita. Vakapa chibayiro chikuru kuna mwari wavo wenhema Dhagoni nekuti vaifunga kuti ndiye akanga avabatsira kubata Samsoni. Vakaita kuti Samsoni abudiswe mujeri kuti “avafadze,” uye izvi vaizviitira kuti vamutsvinyire.—Vat. 16:21-25.
15. Samsoni akaratidza sei kuti akanga ava kuvimbazve naJehovha? (Vatongi 16:28-30) (Ona mufananidzo uri pakavha.)
15 Samsoni akaita chikanganiso chakakura, asi akaramba achishumira Jehovha. Akatsvaga mukana wekurwisa vaFiristiya uye izvozvo ndizvo zvaidiwa naJehovha kuti aite. (Verenga Vatongi 16:28-30.) Samsoni akakumbira Jehovha kuti: “Regai nditsive vaFiristiya.” Mwari wechokwadi akapindura chikumbiro chaSamsoni uye akamupazve simba rinoshamisa raaimbova naro. Izvi zvakaita kuti Samsoni auraye vaFiristiya vakawanda pachiitiko ichocho kupfuura zvaainge amboita.
16. Tinodzidzei pakukanganisa kwakaita Samsoni?
16 Kunyange zvazvo Samsoni akarwadziwa chaizvo nematambudziko akakonzerwa nekukanganisa kwake, haana kurega kuedza kuita zvinodiwa naJehovha. Kunyange tikakanganisa zvekuti tinofanira kutsiurwa kana kuti kurasikirwa neimwe ropafadzo, hatifaniri kurega kuita zvinodiwa naJehovha. Yeuka kuti Jehovha akagadzirira kutiregerera. (Pis. 103:8-10) Pasinei nekukanganisa kwedu, Jehovha anogona kutipa simba rekuita kuda kwake, sezvaakaita kuna Samsoni.
17-18. Chii chinokukurudzira pamuenzaniso waMichael? (Onawo mufananidzo.)
17 Funga zvakaitika kune imwe hama yechidiki inonzi Michael. Aiva nezvakawanda zvekuita mubasa raJehovha, achishumira semushumiri weungano uye piyona wenguva dzese. Asi ane chikanganiso chaakaita chakaita kuti arasikirwe neropafadzo dzake muungano. Anoti, “Kusvika panguva iyi, zvinhu zvainyatsofamba zvakanaka pakushumira kwandaiita Jehovha. Asi zvinhu zvakaerekana zvachinja zvekuti ndakanga ndava kunzwa sekuti hapana chandaizogona kuita mubasa raJehovha. Handina kumbofunga kuti Jehovha aizondisiya, asi ndainetseka kana ndaizova neushamwari hwakanaka naye zvakare kana kuti ndaizokwanisa kumushumira muungano zvizere sezvandaimboita.”
18 Chinofadza ndechekuti Michael haana kukanda mapfumo pasi. Anoti: “Ndakashanda nesimba kuti ndiwedzere kuswedera pedyo naJehovha nekugara ndichinyengetera kwaari nemwoyo wese, kudzidza uye kufungisisa.” Nekufamba kwenguva, Michael akavazve neropafadzo dzake muungano. Iye zvino ava kushumira semukuru uye piyona wenguva dzese. Anoti: “Kutsigirwa uye kukurudzirwa kwandaiitwa, kunyanya nevakuru, kwakandibatsira kuti ndizive kuti Jehovha achiri kundida. Ndava kukwanisa zvakare kushumira muungano nehana yakachena. Izvi zvakandidzidzisa kuti Jehovha achakanganwira chero ani zvake anopfidza zvechokwadi.” Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achatishandisa uye achatikomborerawo kunyange kana takaita zvikanganiso, ndokunge taita zvese zvatinogona kuti tigadzirise zvatakakanganisa toramba tichivimba naye.—Pis. 86:5; Zvir. 28:13.
19. Muenzaniso waSamsoni wakusimbisa sei?
19 Munyaya ino takurukura zviitiko zvishomanana zvinonakidza zvemuupenyu hwaSamsoni. Aiva munhu anokanganisa, asi akaramba achiita zvese zvaaigona pakushumira Jehovha, kunyange pashure pechikanganiso chaakaita zvichikonzerwa naDherira. Uye Jehovha akaramba achishandisa Samsoni. Mwari akashandisa Samsoni zvakare nenzira yakakura. Jehovha akanga achiri kumuona semurume ane kutenda kwakakura, uye akaita kuti anyorwe muna vaHebheru chitsauko 11 pamwe chete nevamwe vashumiri vakatendeka. Zvinokurudzira chaizvo kuziva kuti tinoshumira Baba vekudenga vane rudo zvakadaro avo vanoda kutisimbisa, kunyanya patinenge tichida kubatsirwa. Saka sezvakaita Samsoni, ngatikumbirei Jehovha kuti: “Ndapota ndiyeukei, uye ndisimbisei.”—Vat. 16:28.
RWIYO 3 Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi
a Munhu wemuBhaibheri ane zita rekuti Samsoni anozivikanwa nevakawanda, kunyange nevanhu vanoziva zvishoma nezveBhaibheri. Nyaya yake inoshandiswa chaizvo nevanoita zvemitambo, vanonyora nziyo, uye vanoita zvemafirimu. Asi nyaya yeupenyu hwake haisingori ngano. Tinogona kudzidza zvakawanda kubva pamurume uyu aiva nekutenda kwakakura.