Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Pakutsvakurudza

Zvaungaita Pakutsvakurudza

Mabasa Ekuita Evana

Vabereki vane basa rakakura rekudzidzisa vana vavo nezvaJehovha. (VaEf. 6:4) Sangano raJehovha rakabudisa zvinhu zvakawanda kuti ribatsire vabereki. Mungashandisa sei zvinhu izvozvo kuti mudzidzise vana venyu?

  • Tsvagai zvinhu zvacho. JW.ORG ine zvinhu zvese zvakabudiswa zvine chekuita nevechidiki, kusanganisira mavhidhiyo uye zvimwe zvekuti vanokwanisa kunyora. a Kuti muwane zvinhu izvi nyorai kuti “Vana” kana kuti “Vari Kuyaruka” pakabhokisi kakanzi tsvaga.

  • Sarudzai zvakanyanya kunakira mwana wenyu. Zvinobudiswa pachikamu chakanzi “Vana” zvinogona kukubatsirai kusarudza zvinhu zvinonyatsobatsira mwana wenyu. Kuti muwane zvinhu izvi, tsvagai pakanzi “Zvokuita Pakunamata Kwemhuri.”

  • Wanai nguva yekukurukura zvinhu izvi nevana venyu. Musashandisa mavhidhiyo edu uye zvimwe zvinogona kuprindwa kuti mwana wenyu angowana chinomuvaraidza. Pane kudaro, kurukurai zvinhu izvozvo nemwana wenyu uye mubatsirei kuti asimbise ushamwari hwake naJehovha.

a Pari zvino JW Library® ine mavhidhiyo ese anotaura nezvevechidiki asi ine mapeji mashoma anogona kuita zvekunyorwa kana kudhirowa.