Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 41

Zvidzidzo Zvatinowana Mutsamba Mbiri dzaPetro

Zvidzidzo Zvatinowana Mutsamba Mbiri dzaPetro

‘Ndinoda kugara ndichikuyeuchidzai zvinhu izvi.’—2 PET. 1:12.

RWIYO 127 Ndinofanira Kuva Munhu Akaita Sei?

ZVICHADZIDZWA a

1. Nguva pfupi muapostora Petro asati afa, akafemerwa kuti aitei?

 MUAPOSTORA PETRO akashumira Jehovha akatendeka kwemakore akawanda. Akafamba naJesu paaiita ushumiri hwake, akatanga kuparidza mundima dzeVemamwe Marudzi, uye aiva nhengo yedare rinotungamirira. Petro paakaziva kuti akanga ava pedyo nekufa, Jehovha akamupa rimwe basa rekuita. Munenge muna 62-64 C.E., akafemerwa kuti anyore tsamba mbiri dzatinoziva sa1 Petro uye 2 Petro. Petro aiva netariro yekuti tsamba idzi dzaizobatsira vaKristu pashure pekunge afa.—2 Pet. 1:​12-15.

2. Nei tingati tsamba dzaPetro dzakanyorwa panguva yakakodzera?

2 Petro akanyora tsamba dzake panguva iyo vaainamata navo ‘vaitambudzwa nemiedzo yakasiyana-siyana.’ (1 Pet. 1:6) Vanhu vakaipa vakanga vachiedza kupinza dzidziso dzenhema uye maitiro asina kuchena muungano yechiKristu. (2 Pet. 2:​1, 2, 14) VaKristu vaigara muJerusarema vaizoona “kuguma kwezvinhu zvese,” kureva kuparadzwa kweJerusarema neuto revaRoma. (1 Pet. 4:7) Zviri pachena kuti tsamba dzaPetro dzakabatsira vaKristu kuti vaone zvavaigona kuita kuti vatsungirire matambudziko avaitarisana nawo uye vagadzirire aizouya. b

3. Nei tichifanira kuongorora tsamba dzaPetro dzakafemerwa?

3 Kunyange zvazvo tsamba dzaPetro dzakanyorerwa vaKristu vairarama panguva iyoyo, Jehovha akaita kuti dzive chikamu cheShoko rake. Saka tinogona kubatsirwa netsamba idzodzo mazuva ano. (VaR. 15:4) Sezvo tiri kurarama munyika inokurudzira maitiro asina kuchena, tinosanganawo nemiedzo inoita kuti zviome kushumira Jehovha. Uyewo munguva pfupi iri kuuya tichasangana nekutambudzika kwakakura kupfuura kuya kwaivapo pakazoparara Jerusarema netemberi yaro. Tinowanawo zvimwe zviyeuchidzo zvinokosha mutsamba mbiri dzaPetro. Zviyeuchidzo izvi zvichatibatsira kuti tirambe takamirira zuva raJehovha, tisatya vanhu, uye tidanane zvikuru. Zvinogonawo kubatsira vakuru kuti vaite zvinonyatsodiwa nemakwai.

RAMBA WAKAZVIMIRIRA

4. Sezvinoratidzwa pana 2 Petro 3:​3, 4, chii chinogona kuzunungusa kutenda kwedu?

4 Takapoteredzwa nevanhu vasingatendi uprofita hweBhaibheri. Vaya vanotipikisa vanogona kutiseka nekuti tava nemakore akawanda tichitaura kuti mugumo uri kuuya. Vamwe vanoti haumbofi wakauya. (Verenga 2 Petro 3:​3, 4.) Kana tikanzwa mashoko akadaro kubva kumunhu watinenge tichiparidzira, watinoshanda naye kubasa, kana kuti wemumhuri, kutenda kwedu kunogona kuzununguka. Petro akataura kuti chii chinogona kutibatsira pakadaro.

5. Chii chichatibatsira kuti tirambe tiine maonero akanaka nezvekuguma kwenyika ino? (2 Petro 3:​8, 9)

5 Vamwe vangaona sekuti Jehovha anonoka kugumisa nyika ino yakaipa. Mashoko aPetro anogona kutibatsira kuti tirambe tiine maonero akanaka nekuti anotiyeuchidza kuti maonero anoita Jehovha nguva akasiyana chaizvo neanoita vanhu. (Verenga 2 Petro 3:​8, 9.) Kuna Jehovha, makore ane chiuru akaita sezuva rimwe chete. Jehovha ane mwoyo murefu, haadi kuti chero ani zvake aparadzwe. Asi pachasvika zuva rake, nyika ino ichaguma. Tine ropafadzo yakazonaka chaizvo yekushandisa nguva yasara kuti tiparidzire vanhu vemarudzi ese.

6. Zvii zvatingaita kuti ‘tirambe tichifunga’ nezvezuva raJehovha? (2 Petro 3:​11, 12)

6 Petro anotikurudzira kuti ‘tirambe tichifunga’ nezvezuva raJehovha. (Verenga 2 Petro 3:​11, 12.) Izvozvo tinozviita sei? Zuva rimwe nerimwe, kana zvichiita, tinofungisisa nezvemakomborero enyika itsva. Zvione urimo uchifema mhepo yakachena, uchidya zvekudya zvine utano, uchigamuchira hama neshamwari dzinenge dzamutswa uye uchidzidzisa vanhu vakararama kare nezvekuzadzika kweuprofita hweBhaibheri. Kufungisisa kwakadaro kuchakubatsira kuti urambe wakamirira nguva iyoyo uye kuti uve nechokwadi chekuti nyika ino ichaguma. Kana ‘tikaziva zvinhu izvi zvichaitika’ mune ramangwana ‘hatizotsauswi’ nevadzidzisi venhema.—2 Pet. 3:17.

USATYA VANHU

7. Kutya vanhu kunogona kutikanganisa sei?

7 Patinoramba tichifunga nezvekuva pedyo kwezuva raJehovha, tinowana simba rekuudza vamwe mashoko akanaka. Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva tingazeza kutaura. Nei zvakadaro? Tinogona kumbotya vanhu. Izvozvo zvakaitika kuna Petro. Usiku hwaitongwa Jesu, Petro akatya kutaura kuti aiva mumwe wevadzidzi vaJesu uye akatoramba katatu kuti aimuziva. (Mat. 26:​69-75) Asi muapostora uyu akazotaura nechivimbo kuti: “Musatya zvavanotya, uye musanetseka.” (1 Pet. 3:14) Mashoko aPetro anogona kutibatsira kuti tirege kutya vanhu.

8. Chii chingatibatsira kuti tirege kutya vanhu? (1 Petro 3:15)

8 Chii chinogona kutibatsira kuti tirege kutya vanhu? Petro anotiudza kuti: “Tsvenesai Kristu saShe mumwoyo menyu.” (Verenga 1 Petro 3:15.) Izvozvo zvinosanganisira kufungisisa nezvekuti Jesu ndiye Mambo wedu uye kuti ane simba guru. Kana uchitya panomuka mukana wekuudza vamwe mashoko akanaka, yeuka Mambo wedu. Muone achitonga ari kudenga akapoteredzwa nengirozi dzakawanda. Yeuka kuti ane “masimba ese kudenga nepanyika” uye kuti ‘achava newe mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.’ (Mat. 28:​18-20) Petro anotikurudzira kuti ‘tigare takagadzirira’ kudzivirira kutenda kwedu. Unoda here kuparidza kubasa, kuchikoro, kana kuti mune mamwe mamiriro ezvinhu asina kurongwa? Gara wafunga kuti ndepapi paungakwanisa kudaro, wobva wagadzirira zvauchataura. Nyengeterera ushingi, uchivimba kuti Jehovha achakubatsira kuti usatya vanhu.—Mab. 4:29.

“DANANAI KWAZVO”

Petro akabvuma kururamiswa naPauro. Tsamba mbiri dzakanyorwa naPetro dzinotidzidzisa kuti tide hama nehanzvadzi dzedu (Ona ndima 9)

9. Pane imwe nguva, Petro akatadza sei kuratidza rudo? (Onawo mufananidzo.)

9 Petro akadzidza kuti angaramba sei achiratidza rudo rusina unyengeri. Aivapo Jesu paakati: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sekukudai kwandakaita, imiwo dananai.” (Joh. 13:34) Pasinei naizvozvo, Petro akazoramba kudya nehama nehanzvadzi dzake dzaisava vaJudha nekuti aitya vaKristu vechiJudha. Muapostora Pauro akati zvakaitwa naPetro hwaiva ‘unyengeri.’ (VaG. 2:​11-14) Petro akabvuma kururamiswa, uye akadzidza pane zvaakaita. Mutsamba dzake mbiri, anosimbisa kuti hatifaniri kungogumira pakunzwa kuda hama nehanzvadzi dzedu asi tinofanirawo kudziratidza rudo.

10. Chii chinotibatsira kuti ‘tide hama zvisina unyengeri’? (1 Petro 1:22)

10 Petro akati tinofanira ‘kuda hama dzedu zvisina unyengeri.’ (Verenga 1 Petro 1:22.) Rudo rwakadaro runobva ‘pakuteerera chokwadi.’ Chokwadi ichi chinosanganisira dzidziso yekuti “Mwari haasaruri.” (Mab. 10:​34, 35) Hatikwanisi kuteerera murayiro waJesu werudo kana tichiratidza kuti tinoda vamwe vari muungano asi torega kuda vamwe. Ichokwadi kuti tinganzwa tiri pedyo nevamwe kupfuura vamwe, sezvaiita Jesu. (Joh. 13:23; 20:2) Asi Petro anotiyeuchidza kuti tinofanira kuedza chaizvo kuti tide hama nehanzvadzi dzedu dzese nekuti tiri mumhuri imwe chete.—1 Pet. 2:17.

11. Kuda vamwe “kwazvo zvichibva pamwoyo” kunorevei?

11 Petro akatikurudzira kuti ‘tidanane kwazvo zvichibva pamwoyo.’ Maererano nezviri kutaurwa pano, kudanana “kwazvo” kunosanganisira kuda mumwe munhu kunyange zvakatiomera kuti timuratidze rudo. Asi ko kana hama yedu ikatitadzira kana kutirwadzisa? Pakutanga tinganzwa tichida kutsiva pane kuti timuratidze rudo. Asi Petro akadzidza kubva kuna Jesu kuti kutsiva hakufadzi Mwari. (Joh. 18:​10, 11) Petro akanyora kuti: “Musatsiva chakaipa nechakaipa kana kutuka nekutuka. Panzvimbo paizvozvo tsivai nechikomborero.” (1 Pet. 3:9) Kana uchida hama dzako zvakadzama, uchava nemutsa uye uchafunga zvakavanakira pasinei nekuti vakakurwadzisa.

12. (a) Kuda vamwe kwazvo kunoita kuti tiite sei? (b) Sezvinoratidzwa muvhidhiyo inonzi Chengetedza Chipo Chinokosha Chekubatana, chii chaunoda kuedza kuita?

12 Mutsamba yake yekutanga, Petro akashandisa mashoko ekuti “dananai kwazvo.” Kudanana kwakadaro kunovhara “zvivi zvizhinji.” (1 Pet. 4:8) Zvichida Petro akayeuka chidzidzo chaakanga adzidziswa naJesu makore akanga adarika panyaya yekukanganwira. Panguva iyoyo, Petro anofanira kunge aifunga kuti aiva munhu anoregerera chaizvo paakataura kuti aizoregerera hama yake “kanosvika ka7.” Asi Jesu akamudzidzisa iye pamwe chete nesu kuti tiregerere “kanosvika ka77,” zvichireva kuti pasina patinogumira. (Mat. 18:​21, 22) Kana zvakambokuomera kushandisa zano iri, usaora mwoyo! Vashumiri vese vaJehovha avo vane chivi vanomboomerwa nekuregerera vamwe. Chinhu chinokosha iye zvino ndechekuti uite zvese zvaunogona kuti ukanganwire hama yako uye uve nerugare nayo. c

VAKURU, FUDZAI MAKWAI

13. Chii chingaita kuti zviomere vakuru kufudza hama nehanzvadzi dzavo?

13 Petro haana kumbobvira akanganwa zvaakaudzwa naJesu pashure pekunge amutswa, kuti: “Fudza makwai angu madiki.” (Joh. 21:16) Kana uri mukuru, unoziva kuti murayiro iwoyo unoshandawo kwauri. Asi zvinogona kuomera mukuru kuti awane nguva yekunyatsoita basa iri rinokosha. Vakuru vanofanira kutanga vava nechokwadi chekuti mhuri dzavo dzawana zvese zvadzinoda pakurarama, kuti munhu wese ari mumhuri ari kunzwa achidiwa, uye kuti vabatsira mhuri dzavo kuti dziswedere pedyo naJehovha. Vanotungamirirawo mubasa rekuparidza uyewo pakugadzirira hurukuro dzepamisangano nepamagungano. Vamwe vanewo mabasa avanoita mumaKomiti Anokurukura Nezvipatara kana kuti muDhipatimendi Remapurani Nekuvaka. Zvechokwadi, vakuru vane zvakawanda zvekuita!

Vakuru vane rudo vanozvipira kuti vafudze boka raMwari, kunyange zvazvo vaine zvakawanda zvekuita (Ona ndima 14-15)

14. Chii chinogona kubatsira mukuru kuti afudze boka? (1 Petro 5:​1-4)

14 Petro akakurudzira vamwe vakuru kuti “Fudzai boka raMwari.” (Verenga 1 Petro 5:​1-4.) Kana uri mukuru, tinoziva kuti unoda hama nehanzvadzi dzako uye unoda kudzifudza. Asi dzimwe nguva unganzwa sekuti wakanyanya kubatikana kana kuti kuneta zvekuti haukwanisi kuita basa iroro. Ungaitei pakadaro? Udza Jehovha manzwiro auri kuita. Petro akanyora kuti: “Kana munhu achishumira, ngaaite izvozvo seari kuvimba nesimba rinopiwa naMwari.” (1 Pet. 4:11) Hama nehanzvadzi dzako dzinogona kunge dziri mumatambudziko asingagoni kupera zvachose munyika ino. Asi yeuka kuti “mufudzi mukuru,” Jesu Kristu, anogona kudzibatsira kupfuura zvaunogona kuita. Anogona kuita izvozvo panguva ino uye munyika itsva. Chinongodiwa naMwari ndechekuti vakuru vade hama dzavo, vadzifudze uye kuti vave “mienzaniso kuboka.”

15. Mumwe mukuru anofudza sei boka? (Onawo mufananidzo.)

15 William uyo ava nemakore akawanda ari mukuru anonzwisisa kukosha kwekufudza. Pakatanga COVID-19, iye nevamwe vakuru vakava nechokwadi chekuti vhiki rega rega vakurukura nemunhu mumwe nemumwe aiva mumapoka avo. William anotsanangura kuti nei aiita izvi. Anoti: “Vaparidzi vakawanda vaiva vega mudzimba dzavo, uye zvaigona kuva nyore kuti vakurumidze kufunga zvinhu zvinorwadza.” Kana mumwe watinonamata naye aine zviri kumunetsa, William anonyatsoteerera kuti azive kuti hama kana kuti hanzvadzi yake iri kuda kubatsirwa sei, uye kuti zvii zviri kuinetsa. Anobva atsvaga chimwe chinhu chinonyatsobatsira, kunyanya mavhidhiyo ari pawebsite yedu, kuti abatsire muKristu wacho. Anoti: “Iye zvino ndipo patava kufanira kuwedzera kufudza vamwe. Tinoita zvese zvatinogona kuti tibatsire vanhu kudzidza nezvaJehovha. Ndizvo zvatinofanira kuitawo pakufudza makwai tichiabatsira kuti arambe ari muchokwadi.”

BVUMIRA JEHOVHA KUTI APEDZISE KUKUDZIDZISA

16. Tingashandisa zvidzidzo zviri mutsamba dzaPetro munzira dzipi?

16 Tangokurukura zvidzidzo zvishoma zviri mutsamba mbiri dzaPetro dzakafemerwa. Zvimwe une pawaona paunoda kuvandudza. Semuenzaniso, unoda kuwedzera kugara uchifungisisa nezvemakomborero achawanikwa munyika itsva here? Une chinangwa chekuda kuparidza kubasa, kuchikoro, kana kuitawo ushumiri nenzira isina kurongwa here? Une zvauri kufunga kuita here kuti uwedzere kuda hama nehanzvadzi dzako? Vakuru, makagadzirira here kufudza makwai aJehovha nechido uye nemwoyo wese? Paunonyatsozviongorora unogona kuona kuti pane paunofanira kuvandudza. Izvozvo hazvifaniri kukuodza mwoyo. “Ishe ane mutsa,” uye achakubatsira kuti uwedzere kuita zvakanaka. (1 Pet. 2:3) Petro anotiudza kuti: ‘Mwari pachake achapedzisa kukudzidzisa. Achakutsigisa, achakusimbisa, uye achaita kuti umire wakasimba.’—1 Pet. 5:10.

17. Kana tikaramba tichishumira Jehovha, tomubvumira kuti atidzidzise, zvichaguma nei?

17 Petro akambonzwa asina kukodzera kuva paiva neMwanakomana waMwari. (Ruka 5:8) Asi achitsigirwa naJehovha naJesu, akaramba ari muteveri waKristu. Saka Petro akakwanisa “kupinda muUmambo husingaperi hwaShe wedu uye Muponesi wedu Jesu Kristu.” (2 Pet. 1:11) Uyu waiva mubayiro wakazonaka! Kana ukaramba uchishumira Jehovha sezvakaita Petro, wobvumira Jehovha kuti akudzidzise, uchawanawo mubayiro weupenyu husingaperi. Uchawana ‘mubayiro wekutenda kwako, iko kuponeswa kwako.’—1 Pet. 1:9.

RWIYO 109 Ida Zvakadzama Zvinobva Pamwoyo

a Munyaya ino tichaona kuti zvidzidzo zviri mutsamba dzaPetro zvinogona kutibatsira sei kutsungirira matambudziko. Uyewo vakuru vachabatsirwa kuona kuti vangaita sei basa ravo sevafudzi.

b VaKristu vaigara muParestina vanogona kunge vakawana tsamba dzaPetro dzese dziri mbiri Jerusarema risati rarwiswa kekutanga muna 66 C.E.

c Ona vhidhiyo iri pajw.org yakanzi Chengetedza Chipo Chinokosha Chekubatana.