Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 36

RWIYO 89 Teerera, Uzviite, Ukomborerwe

“Ivai Vaiti Veshoko”

“Ivai Vaiti Veshoko”

“Ivai vaiti veshoko kwete vanzwi chete.”JAK. 1:22.

ZVATICHADZIDZA

Nyaya ino ichatibatsira kuti tiwedzere kuva nechido chekuverenga Shoko raMwari uyewo kufunga zvatinenge taverenga, tozvishandisa.

1-2. Chii chinoita kuti vashumiri vaMwari vafare? (Jakobho 1:​22-25)

 JEHOVHA neMwanakomana wake waanoda vanoda kuti tifare. Munyori wePisarema 119:2 anoti: “Vanofara vaya vanochengeta zviyeuchidzo zvake, vanomutsvaga nemwoyo wavo wese.” Jesu akatiwo: “Vanofara ndevaya vanonzwa shoko raMwari vorichengeta!”Ruka 11:28.

2 Sevanamati vaJehovha, tiri vanhu vanofara. Nei tichifara? Tine zvikonzero zvakawanda, asi chimwe chikonzero chinokosha ndechekuti tinogara tichiverenga Shoko raMwari mazuva ese uye tinoita zvese zvatinogona kuti tishandise zvatinodzidza.—Verenga Jakobho 1:​22-25.

3. Tinobatsirwa sei patinoshandisa zvatinoverenga muShoko raMwari?

3 Tinobatsirwa munzira dzakawanda patinova “vaiti veshoko.” Semuenzaniso, patinoshandisa zvatinodzidza muShoko raMwari, tinofadza Jehovha uye izvozvo zvinoita kuti tifare. (Mup. 12:13) Patinoshandisa zvatinoverenga muShoko raMwari rakafemerwa, tinowedzera kufara mumhuri dzedu, uye tinosimbisa ushamwari hwedu nevatinonamata navo. Izvozvo zvinogona kunge zviri kutoitika muupenyu hwako. Uyewo tinonzvenga matambudziko anova nevanhu pavasingateereri mirayiro yaJehovha. Tinobvumirana nezvakataurwa naMambo Dhavhidhi. Pashure pekuimba nezvemutemo, mirayiro, uye mitongo yaJehovha, akapedzisa achiti: “Kuichengeta kunounza mubayiro mukuru.”—Pis. 19:​7-11.

4. Nei pasiri pese pazviri nyore kuti tive vaiti veShoko raMwari?

4 Hapasi pese pazviri nyore kuti tive vaiti veShoko raMwari. Kuti tive vaiti veShoko raMwari, tinofanira kutsvaga nguva yekuverenga uye kudzidza Bhaibheri kuitira kuti tinzwisise kuti Jehovha anoda kuti tiitei. Asi izvozvo hazvisi nyore nekuti tine zvakawanda zvekuita muupenyu. Saka ngatikurukurei mamwe mazano anogona kutibatsira kuti tiverenge Bhaibheri zuva nezuva. Tichakurukurawo zvichatibatsira kuti tidzamise pfungwa pane zvatinenge taverenga, toona kuti tingazvishandisa sei muupenyu hwedu.

RONGA NGUVA YEKUVERENGA SHOKO RAMWARI

5. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinotora nguva yedu?

5 Vashumiri vaJehovha vakawanda vane zvinhu zvakawanda zvekuita muupenyu. Tinoshandisa nguva yedu yakawanda kuita zvinhu zvakawanda zvinonzi neBhaibheri zvinokosha. Semuenzaniso, vakawanda vedu tinoita mabasa ekuzviriritira isu pamwe nemhuri dzedu. (1 Tim. 5:8) VaKristu vakawanda vanochengeta hama dzavo dziri kurwara kana kuti dzakwegura. Uye tese tinoda kuchengetedza utano hwedu, uye kuita izvozvo kunotora nguva. Tinewo zvimwe zvinhu zvinokosha zvatinofanira kuita muungano. Kushingaira pabasa rekuparidza ndechimwe chezvinhu izvozvo. Nezvese izvi zvaunenge uchifanira kuita, ungaitei kuti uverenge Bhaibheri mazuva ese, ufungisise zvaunenge waverenga, uye uzvishandise?

6. Ungaitei kuti uve nechokwadi chekuti waverenga Bhaibheri? (Onawo mufananidzo.)

6 SevaKristu, kuverenga Bhaibheri chimwe chezvinhu “zvinokosha kupfuura zvimwe” saka tinofanira kuva nechokwadi chekuti tariverenga. (VaF. 1:10) Richitaura nezvemunhu anofara, pisarema rekutanga rinoti: “Chaanofarira mutemo waJehovha, uye anoverenga mutemo wake nenzwi riri pasi siku nesikati.” (Pis. 1:​1, 2) Saka izvi zvinoreva kuti tinofanira kuronga nguva yekuti tiriverenge. Ndeipi nguva yakanyatsonaka kuti tiverenge Bhaibheri? Vanhu vanosarudza nguva dzakasiyana-siyana. Asi nguva yakanaka ndeiya yekuti tinenge tichikwanisa kuzviita zuva nezuva. Imwe hama inonzi Victor inoti: “Ndinofarira kuverenga Bhaibheri mangwanani. Kunyange zvazvo ndisingafariri zvekumukira, ndakaona kuti ndiyo nguva yandinenge ndiine zvinhu zvishoma zvinondivhiringa. Ndinenge ndisina zvakawanda zvandinenge ndiri kufunga, saka ndinokwanisa kuisa pfungwa dzangu pane zvandinenge ndiri kuverenga.” Pamwe izvi ndizvo zvakakunakirawo. Zvibvunze kuti, ‘Ndeipi nguva yakanyatsondinakira yekuti ndiverenge Bhaibheri?’

Ndeipi nguva yakanyatsokunakira kuti uverenge Bhaibheri zuva nezuva? (Ona ndima 6)


FUNGISISA ZVAUNOVERENGA

7-8. Chii chinogona kutitadzisa kuti tinyatsobatsirwa nezvatinenge tichiverenga? Taura muenzaniso.

7 Tinogona kuverenga zvinhu zvakawanda asi tisiri kunyatsobata zvatinenge tichiverenga. Wakamboverenga chimwe chinhu here, asi pasina nguva woona kuti hauchayeuki zvawaverenga? Izvozvo zvakamboitika kwatiri tese. Izvi zvinogona kuitikawo patinenge tichiverenga Bhaibheri. Tinogona kuronga kuti pazuva tinoda kuverenga zvitsauko zvakati kuti zveBhaibheri. Izvozvo zvakanaka. Tinofanira kuva nezvinangwa, toshanda nesimba kuti tizvizadzise. (1 VaK. 9:26) Asi kana tichida kunyatsobatsirwa neBhaibheri, hatifaniri kungogumira pakuriverenga.

8 Funga nezvemuenzaniso uyu: Mvura inodiwa kuti zvirimwa zvirarame. Asi kana ikanaya yakawanda munguva shomanana, ivhu rinokurumidza kuzara mvura. Mvura yacho ikaramba ichinaya, haizodziki pasi zvakanaka, uye izvozvo hazvibatsiri zvirimwa. Zviri nani kuti mvura inaye zvishoma nezvishoma nekuti izvozvo zvinoita kuti inyatsodzika pasi uye zvirimwa zvikure zvakanaka. Saizvozvowo, hatifaniri kuverenga Bhaibheri tichimhanya zvekuti tinotadza kuwana nguva yekuti zvatiri kuverenga zvinyatsodzika matiri, tozviyeuka uye tozvishandisa.—Jak. 1:24.

Kana mvura ikanaya zvishoma nezvishoma, inonyatsodzika pasi uye zvirimwa zvinokura zvakanaka. Saizvozvowo, tinoda kuwana nguva yekunyatsofunga uye kushandisa zvatinoverenga muShoko raMwari (Ona ndima 8)


9. Tingaitei kana tichiwanzoverenga Bhaibheri tichimhanya?

9 Zvinomboitika kwauri here kuti unoverenga Bhaibheri uchimhanya? Unofanira kuita sei? Verenga zvishoma nezvishoma. Edza kufunga zvaunenge uchiverenga kana kuti zvaunenge uchangobva kuverenga. Izvi hazvifaniri hazvo kuoma. Unogona kusarudza kuwedzera nguva yako yekudzidza kuitira kuti uwane nguva yekufunga zvaunenge uchidzidza. Kana kuti unogona kusarudza kuverenga mavhesi mashoma, woshandisa nguva inenge yasara kuti ufunge nezvawo. Victor ambotaurwa nezvake anoti: “Pandinoverenga Bhaibheri, handiverengi zvakawanda. Ndinogona kungoverenga chitsauko chimwe chete. Sezvo ndichiverenga mangwanani, ndinokwanisa kuswera ndichifunga zvandinenge ndaverenga.” Pasinei nekuti unoverenga zvakawanda sei, verenga zvishoma nezvishoma kuitira kuti ukwanise kufunga zvaunoverenga.—Pis. 119:97; ona bhokisi rakanzi “ Mibvunzo Yekufunga Nezvayo.”

10. Taura muenzaniso wezvaungaita kuti ushandise zvaunenge uchidzidza. (1 VaTesaronika 5:​17, 18)

10 Pasinei nekuti unoverenga Bhaibheri nguvai uye kwenguva yakareba sei, zvinokosha kuti ufunge kuti ungashandisa sei zvaunenge waverenga. Paunenge uchiverenga Shoko raMwari, zvibvunze kuti, ‘Zvandaverenga izvi ndingazvishandisa sei iye zvino uye mumazuva anotevera?’ Semuenzaniso, ngatitii pawanga uchiverenga Bhaibheri waverenga pana 1 VaTesaronika 5:​17, 18. (Verenga.) Paunenge waverenga mavhesi iwayo maviri, unogona kumbomira wofunga kuti unowanzonyengetera kakawanda sei, uye minyengetero yako yakadzama zvakadini. Uyewo unogona kufunga pamusoro pezvinhu zvaunotenda kuti wakaitirwa. Pamwe unogona kusarudza kuti ndezvipi zvinhu zvitatu zvauchatenda Jehovha nezvazvo. Kunyange ukaita izvozvo kwemaminitsi mashomanana, zvichakubatsira kuti uve munzwi uye muiti weShoko raMwari. Funga kuti ungabatsirwa sei kana ukaita izvi zuva rega rega paunenge uchiverenga Bhaibheri! Izvi zvichakubatsira kuti ukure pakuva muiti weShoko raMwari. Ko kana ukaona sekuti une zvinhu zvakawandisa zvaunofanira kugadzirisa?

IVA NEZVINANGWA ZVAUNOKWANISA KUZADZISA

11. Chii chinogona kuita kuti uore mwoyo dzimwe nguva? Taura muenzaniso.

11 Paunoverenga Bhaibheri, unogona kuora mwoyo kana ukaona kuti une zvinhu zvakawanda zvauri kufanira kugadzirisa. Funga nezvemuenzaniso unotevera: Ngatitii nhasi waverenga pari kutaura nezvekuti hatifaniri kusarura. (Jak. 2:​1-8) Unoona kuti unofanira kugadzirisa mabatiro aunoita vamwe, saka unosarudza kuchinja maitiro ako. Izvozvo zvakanaka! Mangwana acho unobva waverenga pari kutaura nezvekukosha kwekungwarira matauriro aunoita. (Jak. 3:​1-12) Dzimwe nguva unogona kuona kuti unombotaura zvinhu zvine kakushora vamwe. Saka unosarudza kuti unoda kuwedzera kutaura zvinokurudzira vamwe. Paunoverenga Bhaibheri zuva rinotevera racho, unobva waverenga nezveyambiro yekuti tisava shamwari nenyika. (Jak. 4:​4-12) Unoona kuti unofanira kungwarira zvinhu zvaunozvivaraidza nazvo. Paunozosvika pazuva rechi4, unogona kunzwa sekuti une zvinhu zvakawandisa zvauri kufanira kugadzirisa.

12. Paunenge uchiverenga Bhaibheri, nei usingafaniri kuora mwoyo kana ukaona paunofanira kugadzirisa? (Onawo mashoko emuzasi.)

12 Kana ukaona kuti une zvinhu zvakawanda zvauri kufanira kugadzirisa, usaore mwoyo. Izvi zvinoratidza kuti unozvininipisa uye une chido chekuita zvakanaka. Munhu anozvininipisa anotsvaga kuti ndepapi paangashandisa zvaanenge averenga muMagwaro. a Yeuka kuti kupfeka “unhu hutsva” chinhu chatinoramba tichiita. (VaK. 3:10; enzanisa nestudy note yakanzi is being made new,” muBhaibheri reChirungu rekudzidza.) Chii chichakubatsira kuti urambe uchiita zvaunenge waverenga muShoko raMwari?

13. Zvii zvaunogona kuita kuti ushandise zvaunenge wadzidza? (Onawo mufananidzo.)

13 Pane kuda kuedza kushandisa zvese zvawaverenga panguva imwe chete, unogona kusarudza kushandisa chinhu chimwe chete kana zviviri panguva. (Zvir. 11:2) Unogona kuedza izvi: Nyora pasi zvinhu zvaunoda kugadzirisa, wobva wasarudza kutanga nechimwe chete kana kuti zviviri. Zvimwe zvacho unozozviita pane imwe nguva. Saka ungatangira papi?

Pane kuedza kuda kushandisa zvese zvawaverenga muBhaibheri panguva imwe chete, unogona kuva nezvinangwa zvaunokwanisa kuzadzisa. Pamwe unogona kuedza kuita chimwe chete kana zviviri (Ona ndima 13-14)


14. Ndezvipi zvaunogona kutanga kugadzirisa?

14 Unogona kusarudza kutanga nekuita chinhu chiri nyore kuzadzisa. Kana kuti unogona kusarudza kutanga nechinhu chauri kuona kuti ndicho chinonyanya kukosha pazvinhu zvauri kufanira kugadzirisa. Kana wasarudza kuti ndechipi chauri kuda kutanga kugadzirisa, unogona kutsvakurudza muzvinyorwa zvedu. Pamwe unogona kutarisa muWatch Tower Publications Index kana kuti Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza. Nyengetera nezvechinangwa chako, uchikumbira Jehovha kuti akupe “chido chekuita zvinhu uye simba rekuzviita.” (VaF. 2:13) Chibva washandisa zvaunenge wadzidza. Kana ukabudirira pakuzadzisa chinangwa chako chekutanga, zvinogona kukupa simba rekuti uzadzise chimwe chinangwa chako. Tingatoti kana ukawedzera kuva nehumwe unhu hwechiKristu, zvinogona kukuitira nyore kuti ugadzirise pamwe panoda kugadziriswa.

SHOKO RAMWARI ‘NGARISHANDE MAURI’

15. Vanhu vaJehovha vakasiyana papi nevanhu vakawanda vanoverenga Bhaibheri? (1 VaTesaronika 2:13)

15 Vamwe vanhu vanotaura kuti vakaverenga Bhaibheri kakawanda. Asi vanotenda here zvinotaurwa neBhaibheri? Vanoedza here kushandisa zvarinotaura muupenyu hwavo uye kuchinja mararamiro avo? Aiwa, vakawanda havadaro. Asi izvi zvakasiyana nezvinoitwa nevanhu vaJehovha! Kungofanana nevaKristu vekutanga, tinogamuchira Bhaibheri “sezvariri chaizvo, seshoko raMwari.” Uyewo, tinoshanda nesimba kuti tiite zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwedu.—Verenga 1 VaTesaronika 2:13.

16. Chii chinogona kutibatsira kuti tive vaiti veShoko?

16 Hazvisi nyore nguva dzese kuverenga uye kushandisa zvinotaurwa neShoko raMwari. Dzimwe nguva tinogona kushaya nguva yekuriverenga. Kana kuti tinogona kuriverenga tichimhanya, totadza kuwana nguva yekunyatsofunga zvatinenge tichiverenga. Kana kuti tinogona kuora mwoyo nemhaka yekuwanda kwezvinhu zvatinenge tichifanira kugadzirisa. Pasinei nekuti unoomerwa nei, rubatsiro ruripo. Jehovha anogona kukubatsira. Saka ngatibvumei kubatsirwa naye kuti tisava vanzwi vanokanganwa, asi tive vaiti veShoko. Kana tikaramba tichiverenga Shoko raMwari uye tichirishandisa muupenyu hwedu, tichawedzera kufara.—Jak. 1:25.

RWIYO 94 Kuonga Shoko raMwari

a Ona vhidhiyo iri pajw.org inonzi Zvinotaurwa Nevezera Rako—Kuverenga Bhaibheri.