Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 37

RWIYO 118 “Tiwedzereiwo Kutenda”

Tsamba Inogona Kutibatsira Kuti Tirambe Tichitsungirira Kusvika Kumugumo

Tsamba Inogona Kutibatsira Kuti Tirambe Tichitsungirira Kusvika Kumugumo

‘Tinobatisisa kusvikira kumagumo chivimbo chataiva nacho pakutanga.’VAH. 3:14.

ZVATICHADZIDZA

Tsamba yakanyorerwa vaHebheru ichatibatsira kuti tirambe tichitsungirira kusvikira kumugumo wenyika ino.

1-2. (a) Zvinhu zvainge zvakamira sei muJudhiya Pauro paakanyorera vaHebheru tsamba? (b) Nei tsamba iyi yaibatsira zvikuru?

 PASHURE pekunge Jesu afa mugore ra33 C.E., vaKristu vaiva muJerusarema nemuJudhiya vakasangana nematambudziko akawanda. Ungano yechiKristu payakaumbwa, yakabva yangotanga kutambudzwa. (Mab. 8:1) Papera makore anenge 20, vateveri vaKristu vaitambura zvichikonzerwa neurombo uye nzara. (Mab. 11:​27-30) Asi munenge muna 61 C.E., tingatoti vaKristu vaiva nerugare kana zvichienzaniswa nezvaizoitika kwavari mumakore aitevera. Panguva iyoyo, vakagamuchira tsamba yakafemerwa yakabva kumuapostora Pauro. Tsamba yacho yaiva nemazano aizovabatsira kuti vagadzirire zvinhu zvakanga zvava pedyo kuitika.

2 Tsamba yakanyorerwa vaHebheru yakauya panguva yakanaka nekuti rugare rwaiva nevaKristu rwaisazoramba rwuripo. Pauro akapa mazano aizobatsira vaKristu ivavo kuti vatsungirire kutambudzika kwavaizotarisana nako munguva pfupi yaitevera. Kuparadzwa kweJerusarema netemberi yaro, uko kwakanga kwataurwa naJesu, kwakanga kwava pedyo. (Ruka 21:20) Pauro nevaKristu vaiva muJudhiya vaisanyatsoziva kuti kuparadzwa ikoko kwaizoitika riini. Zvisinei, vaKristu ivavo vaigona kushandisa nguva yakanga yasara kuti vagadzirire kuburikidza nekusimbisa kutenda kwavo uye kuwedzera kutsungirira.—VaH. 10:25; 12:​1, 2.

3. Nei VaKristu mazuva ano vachifanira kufungisisa zviri mutsamba yakanyorerwa VaHebheru?

3 Tava pedyo nekupinda mukutambudzika kwakakura zvikuru kupfuura kwakasangana nevaKristu vechiHebheru. (Mat. 24:21; Zvak. 16:​14, 16) Saka ngatikurukurei mamwe mazano akapiwa vaKristu ivavo naJehovha, ayo anogona kutibatsirawo.

“NGATISHANDEI NESIMBA KUTI TIKURE”

4. Matambudziko api akasangana nevaKristu vaigara muJerusarema nemuJudhiya? (Onawo mufananidzo.)

4 VaKristu vaigara muJerusarema nemuJudhiya vakasangana nerimwe dambudziko rakakura. Kwemakore akawanda, Jerusarema raiva nzvimbo inokosha zvikuru nekuti mambo aimiririra Jehovha aitonga ari mariri. Uye vanhu vaida kunamata Jehovha vaifanira kuita izvozvo patemberi yaiva muJerusarema. VaJudha vese vakatendeka vaiteerera Mutemo waMozisi sekutsanangurwa kwawaiitwa nevanhu vaivatungamirira pakunamata. Paiva nemirayiro yaitaura nezvezvinhu zvavaidya, maonero avaiita nyaya yekuchecheudzwa, uye kunyange mabatiro avaifanira kuita vanhu vemamwe marudzi. Asi Jehovha akanga asingachagamuchiri zvibayiro zvaipiwa nevaJudha pashure pekunge Jesu afa. Izvozvo zvaisava nyore kuvaJudha vakanga vava vaKristu kuti vachinje manamatiro avo. (VaH. 10:​1, 4, 10) Kunyange vaKristu vainge vakasimba pakunamata, vakadai semuapostora Petro, vaiva nezvimwe zvinhu zvaivaomera kuti vafambirane nazvo. (Mab. 10:​9-14; VaG. 2:​11-14) Pamusana pezvinhu zvavakanga vava kutenda, vaKristu ivavo vakatambudzwa nevatungamiriri vechitendero chechiJudha.

VaKristu vaifanira kuramba vakabatisisa chokwadi, vachiramba mafungiro enhema aibva kuvatungamiriri vechiJudha vaivapikisa (Ona ndima 4-5)


5. VaKristu vaifanira kungwarirei?

5 VaKristu ivavo vechiHebheru vaipikiswa nemapoka maviri evanhu. Paiva nevatungamiriri vechitendero chechiJudha, avo vaivabata sevanhu vakatsauka pachitendero chacho. Uye vamwe vaiva muungano vaitaura kuti vaKristu vanofanira kuramba vachiteerera Mutemo waMozisi. Pamwe izvi vaingozviitira kuti vasatambudzwe. (VaG. 6:12) Chii chaizobatsira vaKristu vakatendeka kuti varambe vachiteerera Jehovha?

6. Pauro akakurudzira hama nehanzvadzi dzake kuti dziitei? (VaHebheru 5:14–6:1)

6 Mutsamba yaakanyorera vaHebheru, Pauro akakurudzira hama nehanzvadzi dzake kuti dzidzidze Shoko raMwari uye kurifungisisa. (Verenga VaHebheru 5:14–6:1.) Akashandisa Magwaro echiHebheru kutsanangura kuti nei manamatiro evaKristu ainge akanaka zvikuru kupfuura manamatiro echiJudha. a Pauro aiziva kuti kana vaKristu ivavo vakawedzera kuva neruzivo uye kunzwisisa chokwadi, zvaizovabatsira kuti vazive mafungiro enhema, voaramba, kuitira kuti vasatsauswa.

7. Matambudziko api atinotarisana nawo mazuva ano?

7 Mazuva ano, tinosangana nevanhu vanoparadzira mashoko nemafungiro anopesana nezvinotaurwa naJehovha kuti ndizvo zvakarurama. Vanhu vanopikisa vanowanzoshora zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyaya dzebonde vachiti hatinzwisisi uye tine utsinye. Mafungiro enyika nemaitiro ayo, zviri kuwedzera kuenda kure nemafungiro aJehovha. (Zvir. 17:15) Saka zvinokosha kuti tizive uye tirambe mafungiro anoshandiswa nevanotipikisa vachiedza kutiodza mwoyo kunyange kutitsausa.—VaH. 13:9.

8. Tingaitei kuti tirambe tichikura pakunamata?

8 Pauro akaudza vaHebheru kuti varambe vachikura pakunamata uye isu tinofanira kuitawo izvozvo. Izvozvo zvinosanganisira kuwedzera kuziva chokwadi uye kuva nemafungiro aJehovha. Tinofanira kuramba tichiita izvi kunyange pashure pekunge tazvitsaurira uye tabhabhatidzwa. Pasinei nekuti tava nenguva yakareba sei tiri muchokwadi, tese zvedu tinofanira kugara tichiverenga uye kudzidza Shoko raMwari. (Pis. 1:2) Kuva nepurogiramu yakanaka yekudzidza tiri tega kuchatibatsira kuti tiwedzere kuva nekutenda sezvakakurudzirwa vaHebheru naPauro.—VaH. 11:​1, 6.

‘NGATIVEI NEKUTENDA KUNOTICHENGETEDZA TIRI VAPENYU’

9. Nei zvaikosha kuti vaKristu vechiHebheru vave nekutenda kwakasimba?

9 VaKristu vechiHebheru vaifanira kuva nekutenda kwakasimba kuitira kuti vapone pakutambudzika kwaizouya muJudhiya. (VaH. 10:​37-39) Jesu akanga anyevera vateveri vake kuti pavaizoona Jerusarema rakombwa nemauto, vaifanira kutizira kumakomo. Zano rake raishanda kuvaKristu vese, vangava vaya vaigara muguta iroro kana kuti vaiva kumaruwa. (Ruka 21:​20-24) Kare ikako vanhu pavairwiswa nemauto vaiwanzotizira muguta rine masvingo rakadai seJerusarema. Kutizira kumakomo kwaizoita sekusina musoro uye zvaizoda kutenda kwakakura kuti munhu aite izvozvo.

10. Kutenda kwakasimba kwaizoita kuti vaKristu vaitei? (VaHebheru 13:17)

10 VaKristu vechiHebheru vaifanirawo kuvimba nevaya vaishandiswa naJesu pakutungamirira ungano. Vaya vaitungamirira vangangodaro vakapa mirayiridzo yekuti vanhu vaizotiza riini uye sei. (Verenga VaHebheru 13:17.) Muapostora Pauro akaudza hama nehanzvadzi dzake kuti ‘dziteerere’ vaya vari kutungamirira. Aisareva kuti vaifanira kuteerera nekungoti chete ndizvo zvavaifanira kuita asi nekuti vaivimba nevakuru vacho. Saka vaKristu vechiHebheru vaifanira kuvimba nevaya vaitungamirira, kutambudzika kusati kwauya. Kana panguva dzerugare vaKristu ivavo vaiteerera zvairayirwa nevaya vaitungamirira, zvaizovaitira nyore kuti vadaro panguva dzakaoma.

11. Nei zvichikosha kuti vaKristu vave nekutenda kwakasimba mazuva ano?

11 Kufanana nevaKristu vechiHebheru, isuwo tinofanira kuva nekutenda. Panguva yatiri kurarama vanhu vakawanda vanoramba, uye kunyange kuseka, yambiro dzeBhaibheri dzinotaura nezvekuguma kwenyika ino. (2 Pet. 3:​3, 4) Uyewo, kunyange zvazvo Bhaibheri richitiudza zvinhu zvakati kuti zvichaitika pakutambudzika kukuru, pane zvinhu zvakawanda zvatisingazivi. Tinofanira kuva nekutenda kwakasimba kuti kuguma kwenyika ino kuchauya panguva yakakodzera uye kuti Jehovha achatichengetedza.—Hab. 2:3.

12. Chii chichatibatsira kuti tipone pakutambudzika kukuru?

12 Tinofanirawo kusimbisa kutenda kwatinoita kuti Jehovha ari kushandisa “muranda akatendeka, akangwara” kuti atitungamirire mazuva ano. (Mat. 24:45) Kana kutambudzika kukuru kwatanga, tinogona kupiwa mirayiridzo inonyatsotaura zvatinofanira kuita kuti tipone, seinogona kunge yakapiwa vaKristu vechiHebheru, uto reRoma parakakomba Jerusarema. Ino ndiyo nguva yekuti tiwedzere kuvimba kwatinoita nevaya vari kutungamirira musangano raJehovha. Kana zvichitiomera kuti tivimbe nemirayiridzo yavanotipa uye tiiteerere, zvichatiomera kuti titeerere mirayiridzo yatichapiwa pakutambudzika kukuru.

13. Nei zano riri pana VaHebheru 13:5 rainge rakakodzera?

13 Pavaimirira chiratidzo chekuti vatize, vaKristu vechiHebheru vaifanirawo kuramba upenyu ‘hwekuda mari,’ voisa pfungwa dzavo pakushumira Jehovha. (Verenga VaHebheru 13:5.) Vamwe vavo vanogona kunge vakamborarama munzara uye muurombo. (VaH. 10:​32-34) Kunyange zvazvo vaimbova nechido chekutsungirira matambudziko vachiitira mashoko akanaka, vamwe vanogona kunge vakatanga kuisa pfungwa pakuwana mari yakawanda kuti izovachengetedza. Asi mari, kunyange yakawanda sei, yaisazovaponesa paizoparadzwa Jerusarema. (Jak. 5:3) Kutaura chokwadi, vese vainyanya kukoshesa zvinhu vangangodaro vakaomerwa kuti vatize vachisiya misha yavo nezvinhu zvavo.

14. Kutenda kwakasimba kuchatibatsira sei iye zvino kuita zvisarudzo zvine chekuita nezvinhu?

14 Kana tichitenda zvakasimba kuti Jehovha achaparadza nyika ino yakaipa nekukurumidza hatizofungi kuti kuva nemari yakawanda kana kuti zvinhu ndiko kunonyanya kukosha. Pakutambudzika kukuru, mari haina zvaichashanda. Bhaibheri rinoti “vanhu vachakanda sirivha yavo mumigwagwa,” nekuti vachaona kuti “sirivha yavo kana goridhe ravo hazvizokwanisi kuvanunura pazuva rekushatirwa kukuru kwaJehovha.” (Ezek. 7:19) Pane kuti tiise pfungwa pakuwana mari yakawanda sezvatingagona, tinofanira kuita zvisarudzo zvichatibatsira kuti tizviriritire isu nemhuri dzedu uyewo zvichatibvumira kuti tishumire Jehovha. Izvozvo zvinosanganisira kurwisa muedzo wekupinda muzvikwereti zvekutenga zvinhu zvisingakoshi kana kushandisa nguva yedu yakawanda tichiedza kuchengetedza zvinhu zvedu. Tichangwarirawo kuti zvinhu zvedu hazvizovi izvo zvinonyanya kukosha muupenyu hwedu. (Mat. 6:​19, 24) Sezvatinoswedera pedyo nekuguma kwenyika ino, tichafanira kusarudza kuti tovimba naJehovha here kana kuti nezvinhu zvedu.

“MUNOFANIRA KUTSUNGIRIRA”

15. Nei vaKristu vechiHebheru vaifanira kutsungirira?

15 VaKristu vechiHebheru vaifanira kutsungirira miedzo yekutenda kwavo zvinhu pazvaizowedzera kuipa muJudhiya. (VaH. 10:36) Kunyange zvazvo vamwe vaKristu vechiHebheru vakanga vambotambudzwa zvakanyanya, vakawanda vavo vakanga vasina. Pauro akataura kuti kunyange zvazvo vakanga vatsungirira miedzo yakaoma yekutenda kwavo, vakanga vasati vatambura sezvakaita Jesu, kureva kuti kusvika pakufa. (VaH. 12:4) Vanhu vakawanda pavaitendeuka vachiva vaKristu, vaJudha vaitsamwa kwazvo uye vaivarwisa. Makore mashoma asati anyora bhuku raVaHebheru, Pauro akarwiswa nemhomho yevanhu payakamuona muJerusarema. VaJudha vanopfuura 40 “vakaita mhiko yekuti vatukwe kana vakadya kana kunwa vasati vauraya Pauro.” (Mab. 22:22; 23:​12-14) Kunyange zvazvo vaizovengwa uye kutambudzwa, vaKristu vaifanira kuramba vachiungana kuti vanamate, vachiparidza mashoko akanaka uye vachiita kuti kutenda kwavo kurambe kwakasimba.

16. Tsamba yakanyorerwa vaHebheru inogona kutibatsira sei kuti tive nemaonero akanaka panyaya yekutambudzwa? (VaHebheru 12:7)

16 Chii chaizobatsira vaKristu vechiHebheru kuti vatsungirire kupikiswa kwavaiitwa? Pauro aida kuti vazive kuti kutsungirira matambudziko kunovabatsira sei. Saka akatsanangura kuti vaKristu pavanenge vari mumatambudziko, Mwari anogona kushandisa izvozvo kuti avadzidzise. (Verenga VaHebheru 12:7.) Kudzidziswa ikoko kunogona kubatsira munhu kuti awedzere kuva neunhu hunofadza Jehovha. VaKristu ivavo vechiHebheru pavaizoisa pfungwa pamakomborero anobva pakutsungirira matambudziko, zvaizovaitira nyore kuti vaatsungirire.—VaH. 12:11.

17. Pauro akanga adzidzei nezvekutsungirira kutambudzwa?

17 Pauro akakurudzira vaKristu vechiHebheru kuti vave neushingi uye varambe vachitsungirira matambudziko. Aigona kuvapa mazano akanaka panyaya iyi. Semunhu akanga ambotambudza vaKristu, aiziva kuti zvii zvavaizotarisana nazvo. Aizivawo kuti kutambudzwa kunotsungirirwa sei. Uye akanga apikiswa nenzira dzakasiyana-siyana pashure pekunge ava muKristu. (2 VaK. 11:​23-25) Saka Pauro aigona kutaura nechivimbo kuti zvii zvaidiwa pakutsungirira. Akayeuchidza vaKristu ivavo kuti pavanenge vachitsungirira matambudziko, havafaniri kuzvivimba asi vanofanira kuvimba naJehovha. Pauro aikwanisa kunyatsotaura neushingi kuti: “Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handizotyi.”—VaH. 13:6.

18. Chii chichaitika kwatiri tese mune ramangwana uye tingagadzirira sei zvichaitika zvacho?

18 Dzimwe hama dzedu dziri kutsungirira kutambudzwa iye zvino. Tinogona kudzitsigira kuburikidza nekudzinyengeterera uye tinogonawo kudzipa zvinhu zvadzinenge dzichida. (VaH. 10:33) Asi Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti, “vese vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Tim. 3:12) Nekuda kwechikonzero ichocho, tese tinofanira kugadzirira nguva dzakaoma dziri mberi. Ngatirambei tichivimba zvizere naJehovha, tiine chokwadi chekuti achatibatsira kuti titsungirire chero dambudziko ratingasangana naro. Panguva yakakodzera, achazorodza vanamati vake vese vakatendeka.—2 VaT. 1:​7, 8.

19. Tingaitei kuti tigadzirire kutambudzika kukuru? (Onawo mufananidzo.)

19 Zviri pachena kuti tsamba yaPauro kuvaHebheru yakavabatsira kuti vagadzirire kutambudzika kwavaizotarisana nako. Pauro akakurudzira vaKristu kuti vawedzere kuziva uye kunzwisisa Magwaro. Kuita izvozvo kwaizovabatsira kuti vazive uye varambe dzidziso dzaigona kukanganisa kutenda kwavo. Akavakurudzira kuti vasimbise kutenda kwavo kuitira kuti vakurumidze kuteerera Jesu uye vaya vaitungamirira muungano. Uye akabatsira vaKristu kuti vatsungirire matambudziko kuburikidza nekuaona semukana wekudzidziswa naBaba vavo vane rudo. Ngatishandiseiwo mazano aya akafemerwa. Tikadaro, tichakwanisa kuramba tichitsungirira kusvikira kumugumo.—VaH. 3:14.

VaKristu vakatendeka vakakomborerwa nekuti vakatsungirira. Pashure pekunge vatiza muJudhiya vakaramba vachiungana pamwe chete. Tinodzidzei pane izvi? (Ona ndima 19)

RWIYO 126 Rambai Makamuka, Uye Mirai Makasimba

a Muchitsauko chekutanga chete, Pauro anoshandisa ndima 7 dzemuMagwaro echiHebheru kuti aratidze kuti manamatiro echiKristu akanaka kupfuura echiJudha.—VaH. 1:​5-13.