Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 38

RWIYO 25 Pfuma Chaiyo

Uri Kuteerera Yambiro Here?

Uri Kuteerera Yambiro Here?

“Mumwe achaendwa naye, mumwe achisiyiwa.”MAT. 24:40.

ZVATICHADZIDZA

Tichakurukura mifananidzo mitatu yakataurwa naJesu, toona kuti inobatana sei nenguva yekutongwa kuchaitwa vanhu nyika ino painenge yava pedyo nekuguma.

1. Jesu ava pedyo kuitei?

 TIRI kurarama panguva ichaitika zvinhu zvikuru! Munguva pfupi iri kuuya, Jesu achatonga munhu wese ari panyika. Jesu akatsanangura zvaizoitika kutongwa uku kusati kwatanga paakaudza vadzidzi vake “chiratidzo” chekuvapo kwake uye “chekuti nyika yava kumagumo kwayo.” (Mat. 24:3) Chiratidzo ichi chakanyorwa muna Mateu chitsauko 24 ne 25, uye muna Mako chitsauko 13 naRuka chitsauko 21.

2. Tichakurukurei munyaya ino uye izvozvo zvichatibatsira sei?

2 Jesu akatiyambira achishandisa mifananidzo mitatu. Akataura mufananidzo wemakwai nembudzi, wemhandara dzakangwara nedzakapusa, uye wematarenda. Mifananidzo iyi inotibatsira kunzwisisa kuti Jesu achatonga munhu mumwe nemumwe maererano nezvaanoita. Patinenge tichiongorora mifananidzo iyi, ngationei zvidzidzo zvirimo uye kuti tingazvishandisa sei. Tichatanga nekukurukura mufananidzo wemakwai nembudzi.

MAKWAI NEMBUDZI

3. Jesu achatonga vanhu riini?

3 Mumufananidzo wemakwai nembudzi, Jesu akatsanangura matongerwo achaitwa vanhu vane mukana wekunzwa mashoko akanaka uye wekutsigira hama dzake dzakazodzwa. (Mat. 25:​31-46) Kutongwa uku kuchaitwa munguva ‘yekutambudzika kukuru,’ Amagedhoni yava kuda kutotanga. (Mat. 24:21) Sekuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi, Jesu achaparadzanisa vaya vanotsigira vateveri vake vakazodzwa nevaya vasingavatsigiri.

4. Maererano naIsaya 11:​3, 4, nei tiine chokwadi chekuti Jesu achatonga zvakarurama? (Onawo mufananidzo uri pakavha.)

4 Uprofita huri muBhaibheri hunoratidza kuti Jesu, Mutongi akagadzwa naJehovha, achatonga zvakarurama. (Verenga Isaya 11:​3, 4.) Anoongorora maitiro evanhu, mafungiro avo uye zvavanotaura, kusanganisira kuti vanobata sei hama dzake dzakazodzwa. (Mat. 12:​36, 37; 25:40) Jesu achaziva kuti ndivanaani vaitsigira hama dzake dzakazodzwa uye basa ravo. a Imwe nzira inokosha chaizvo yekutsigira hama dzaKristu ndeyekuvabatsira pabasa rekuparidza. Vaya vanovatsigira nenzira iyi vachanzi “vakarurama” uye vachava nemukana wekurarama nekusingaperi panyika. (Mat. 25:46; Zvak. 7:​16, 17) Uyu mubayiro wakazonaka chaizvo kune vaya vanoramba vakaperera kuna Mwari! Kana vakaramba vakatendeka panguva yekutambudzika kukuru uye pashure pacho, mazita avo acharamba ari “mubhuku reupenyu.”—Zvak. 20:15.

Munguva pfupi iri kuuya, Jesu achatonga munhu mumwe nemumwe kuti igwai here kana kuti imbudzi (Ona ndima 4)


5. Mufananidzo wemakwai nembudzi unotikurudzirei uye ndivanaani vanobatsirwa nawo?

5 Ratidza kuti wakatendeka uye wakavimbika. Mufananidzo wakataurwa naJesu wemakwai nembudzi unonyanya kushanda kune vaya vane tariro yekurarama panyika. Vanoratidza kutenda kwavo nekutsigira hama dzaKristu mubasa rekuparidza uyewo nekubvuma kutungamirirwa neboka diki rehama dzakazodzwa dzakasarudzwa naJesu. (Mat. 24:45) Asi vaya vane tariro yekudenga vanofanirawo kuteerera yambiro iri mumufananidzo uyu. Nei vachifanira kudaro? Nekuti Jesu anoongororawo maitiro avo, mafungiro avo, uye zvavanotaura. Vanofanirawo kuratidza kuti vakatendeka. Jesu akatotaura mimwe mifananidzo miviri ine yambiro kune vakazodzwa. Mifananidzo iyi inowanikwawo muna Mateu chitsauko 25. Iye zvino ngatikurukurei mufananidzo wemhandara dzakangwara nedzakapusa.

MHANDARA DZAKANGWARA NEDZAKAPUSA

6. Mhandara shanu dzakaratidza sei kuti dzakangwara? (Mateu 25:​6-10)

6 Mumufananidzo wemhandara, Jesu akataura nezvemhandara gumi dzakaenda kunochingura murume aichata. (Mat. 25:​1-4) Dzese dzaitarisira kuva pamabiko pamwe chete nemurume aichata. Jesu akati shanu dzacho dzainge “dzakangwara” uye dzimwe shanu dzainge “dzakapusa.” Mhandara dzakangwara dzainge dzakagadzirira uye dzakarinda. Dzainge dzakagadzirira kumirira murume aichata kunyange kana akasvika pakati peusiku. Saka dzakauya nemarambi emafuta kuitira kuti parambe paine chiedza. Dzakatouya nemamwe mafuta ekuwedzera kuitira kana murume aichata akanonoka. Saka dzainge dzakagadzirira kuti marambi adzo arambe achibvira. (Verenga Mateu 25:​6-10.) Pakazosvika murume aichata, mhandara dzakangwara dzakapinda naye mumabiko emuchato. Saizvozvowo, vaKristu vakazodzwa vanenge varatidza kuti vakagadzirira uye kuti vakatendeka kusvikira pachauya Jesu, vachawana mubayiro wavo wekubatana nemurume ari kuchata, kureva Jesu, muUmambo hwake hwekudenga. b (Zvak. 7:​1-3) Ko chii chakaitika kumhandara shanu dzakapusa?

7. Chii chakaitika kumhandara shanu dzakapusa uye nei izvozvo zvakaitika?

7 Kusiyana nemhandara dzakangwara, shanu dzakapusa dzainge dzisina kugadzirira pakasvika murume aichata. Marambi adzo akanga ava kuda kudzima uye dzakanga dzisina mamwe mafuta ekuwedzera. Padzakaziva kuti murume aichata akanga ava kusvika, dzakaenda kunotenga mafuta. Dzakanga dzisati dzadzoka pakasvika murume aichata. Panguva iyoyo, “mhandara dzakanga dzakagadzirira dzakapinda naye mumabiko emuchato, suo rikavharwa.” (Mat. 25:10) Mhandara dzakapusa padzakazodzoka dzikakumbira kupinda, murume aichata akadziudza kuti: “Handikuzivii.” (Mat. 25:​11, 12) Mhandara idzodzo dzainge dzisina kugadzirira kuramba dzakamirira murume aichata. Vakazodzwa vanodzidzei?

8-9. Vakazodzwa vanodzidzei pamufananidzo wemhandara? (Onawo mufananidzo.)

8 Ratidza kuti wakagadzirira uye kuti uri kuramba wakarinda. Jesu akanga asiri kuti kwaizova nemapoka maviri evakazodzwa, rimwe rinenge rakagadzirira kumirira kusvikira Jesu auya pakutambudzika kukuru uye rimwe rinenge risina. Asi aitsanangura zvinogona kuitika kune vakazodzwa kana vasina kugadzirira kutsungirira kusvikira kumugumo. Kana izvozvo zvikaitika, havazowani mubayiro wavo. (Joh. 14:​3, 4) Iyi haisi nyaya yekutamba nayo! Pasinei nekuti tariro yedu ndeyepanyika kana kuti ndeyekudenga, tese tinofanira kufungisisa nezveyambiro iri mumufananidzo wemhandara gumi. Mumwe nemumwe wedu anofanira kuramba akarinda uye akagadzirira kuti azokwanisa kutsungirira kusvikira kumugumo.—Mat. 24:13.

9 Pashure pekutaura mufananidzo wemhandara kuti aratidze kukosha kwekuti munhu agare akagadzirira uye akarinda, Jesu akataura mufananidzo wematarenda. Mufananidzo iwoyo unoratidza kukosha kwekushanda nesimba.

Zvinokosha kuti tese titeerere yambiro iri mumufananidzo wemhandara gumi nekuva vakagadzirira uye kuramba takarinda tiine chido chekutsungirira kusvikira kumugumo (Ona ndima 8-9)


MATARENDA

10. Varanda vaviri vakaratidza sei kuti vainge vakatendeka? (Mateu 25:​19-23)

10 Pamufananidzo wematarenda, Jesu akataura nezvevaranda vaviri vainge vakatendeka kuna tenzi wavo nemumwe muranda ainge asina. (Mat. 25:​14-18) Varanda vaviri vakaratidza kuti vakatendeka nekushanda nesimba kuti matarenda atenzi wavo awedzere. Asati aenda kunze kwenyika, akavapa matarenda, kureva mari yakawanda chaizvo. Varanda vaviri vakatendeka vakashanda nesimba uye vakashandisa mari yacho neuchenjeri. Zvakaguma nei? Tenzi wavo paakadzoka, vakanga vava nemari yakapetwa nekaviri mari yaakanga avapa. Tenzi wacho akavatenda uye ‘vakafara pamwe chete naye.’ (Verenga Mateu 25:​19-23.) Ko muranda wechitatu akaitei nemari yaakanga apiwa natenzi wake?

11. Chii chakaitika kumuranda aiva ‘neusimbe’ uye nei izvozvo zvakaitika?

11 Muranda wechitatu akapiwa tarenda rimwe chete, asi aiva ‘neusimbe.’ Tenzi wake aitarisira kuti ashandise tarenda rake neuchenjeri. Asi muranda uyu akaricherera muvhu. Tenzi paakadzoka, muranda uyu akangomudzorera tarenda rimwe chete iroro. Maitiro emuranda uyu ainge asina kunaka. Pane kuti akumbire ruregerero nekutadza kwaakaita kuwedzera mari yatenzi wake, akatomuti aiva “munhu akaoma.” Zvakaitwa nemuranda uyu zvakaita kuti asafarirwe natenzi wake. Akabva atotorerwa tarenda racho, akakandwa panze pemba yatenzi wake.—Mat. 25:​24, 26-30.

12. Varanda vaviri vakatendeka vanomiririra ani mazuva ano?

12 Varanda vaviri vakatendeka vanomiririra vaKristu vakazodzwa vakatendeka. Tenzi, Jesu, anovati ‘vafare pamwe chete natenzi wavo.’ Vanowana mubayiro wavo wekudenga kuburikidza nekumuka kwekutanga. (Mat. 25:​21, 23; Zvak. 20:5b) Ukuwo, zvakaitwa nemuranda aiva neusimbe iyambiro kuvakazodzwa. Iyambiro pakudii?

13-14. Vakazodzwa vanodzidzei pamufananidzo wematarenda? (Onawo mufananidzo.)

13 Ratidza kuti unoshanda nesimba. Pamufananidzo wematarenda, sezvataonawo pamufananidzo wemhandara gumi, Jesu akanga asiri kuti vakazodzwa vaizova neusimbe. Asi aitsanangura zvaizoitika kwavari kana vakasashanda nesimba. Vaizorasikirwa ‘nekudanwa uye kusarudzwa kwavakaitwa,’ uye vaisazobvumirwa kupinda muUmambo hwekudenga.—2 Pet. 1:10.

14 Mifananidzo miviri yakataurwa naJesu, wemhandara gumi newematarenda, inojekesa kuti vaKristu vese vakazodzwa vanofanira kuramba vakagadzirira uye vakarinda, vachishanda nesimba. Asi Jesu ane zvimwe zvaakataura here zvekuyambira vakazodzwa? Ehe anazvo! Yambiro iyi tinoiwana kubva pane zvaakataura zviri pana Mateu 24:​40, 41.

Jesu anoda kuti vakazodzwa vashande nesimba kusvika kumugumo (Ona ndima 13-14) d


NDIANI “ACHAENDWA NAYE”?

15-16. Mateu 24:​40, 41 inoratidza sei kuti vakazodzwa vanofanira kuramba vakarinda?

15 Asati ataura mifananidzo mitatu yatakurukura nezvayo, Jesu akataura nezvenguva iyo vakazodzwa vachaonekwa kana vakakodzera kuiswa chisimbiso chekupedzisira chinoratidza kuti vakakodzera kuenda kudenga. Akataura nezvevarume vaviri vanenge vachishanda mumunda uye vakadzi vaviri vanenge vachikuya paguyo rimwe chete. Varume vacho vaiita sekuti vaiita basa rimwe chete uyewo vakadzi vacho vachiitawo sekuti vari kuita basa rimwe chete, asi Jesu akati “mumwe achaendwa naye, mumwe achisiyiwa.” (Verenga Mateu 24:​40, 41.) Akabva akurudzira vateveri vake achiti: “Rambai makarinda nekuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya riini.” (Mat. 24:42) Jesu akataura zvakada kufanana neizvi pashure pekunge ataura nezvemufananidzo wemhandara gumi. (Mat. 25:13) Zvaakataura pamavhesi aya zvakabatana here? Kunenge kudaro. VaKristu vakazodzwa zvechokwadi uye vakatendeka, ndivo chete ‘vachaendwa navo,’ vonotonga naJesu muUmambo hwekudenga.—Joh. 14:3.

16 Ramba wakarinda. MuKristu akazodzwa asingarambi akamuka pakunamata haazounganidzwi pamwe chete ‘nevakasarudzwa.’ (Mat. 24:31) Uyewo vanhu vaMwari vese pasinei netariro yavo vanofanira kuteerera yambiro yaJesu yekuti varambe vakarinda uye vakatendeka.

17. Nei tisingafaniri kunetseka kana Jehovha akasarudza kuzodza vamwe vanhu nemweya wake mutsvene mumakore ano?

17 Tava kuziva Jehovha zvekuti tava kukwanisa kuvimba kuti matongero ake akarurama. Saka hatinetseki nazvo kana Jehovha akasarudza kuzodza vamwe vaKristu vakatendeka mumakore ano. c Tinoyeuka zvakataurwa naJesu nezvevashandi vakatorwa paawa yechi11 pamufananidzo wake wemunda wemizambiringa. (Mat. 20:​1-16) Vaya vakapedzisira kuuya kuzoshanda vakawana mubayiro wakafanana newevaya vakanga vatanga kupiwa basa. Saka pasinei nekuti munhu azodzwa riini, achapiwa mubayiro wekudenga kana akaramba akatendeka.

TEERERA YAMBIRO

18-19. Tadzidzei pamifananidzo yakataurwa naJesu?

18 Tadzidzei? Kune vaya vane tariro yekurarama nekusingaperi panyika, mufananidzo wemakwai nembudzi unoratidza kukosha kwekuti varambe vakatendeka uye vakavimbika kuna Jehovha iye zvino uye pakutambudzika kukuru kwava pedyo. Jesu paachatonga vanhu nguva pfupi Amagedhoni isati yatanga, achaona vakatendeka sevakakodzera kuwana “upenyu husingaperi.”—Mat. 25:46.

19 Tadzidzawo nezvemifananidzo miviri inoyambira vakazodzwa. Pamufananidzo waJesu wemhandara dzakangwara nedzakapusa, shanu dzacho dzakaratidza kuti dzakachenjera. Dzakanga dzakagadzirira uye dzakarinda, dzichida kuramba dzakamirira murume aichata pasinei nekuti aizosvika nguvai. Asi mhandara dzakapusa dzakanga dzisina kugadzirira. Saka murume aichata akaramba kuti dzipinde mumabiko emuchato. Isuwo tinofanira kunge takagadzirira kumirira pasinei nekuti zvichatora nguva yakareba sei kuti Jesu agumise nyika ino. Uyewo mumufananidzo wematarenda tadzidza nezvevaranda vaviri vakatendeka vakashanda nesimba. Vakashandira tenzi wavo nesimba uye akavafarira. Asi muranda aiva neusimbe haana kufarirwa. Tinodzidzei? Tinofanira kuramba tichishanda nesimba mubasa raJehovha kusvikira kumugumo. Tazopedzisa nekukurukura kuti vaKristu vakazodzwa vanofanira kuramba vakarinda kuitira kuti Jesu azovatora ‘oenda navo’ kudenga kumubayiro wavo. Vanotarisira nemwoyo wese ‘kuunganidzwa kwavachaitwa’ kuna Jesu kudenga. Pashure pehondo yeAmagedhoni, vachava mwenga waJesu pamuchato wegwayana.—2 VaT. 2:1; Zvak. 19:9.

20. Jehovha achaitirei vaya vanoteerera yambiro dzake?

20 Kunyange zvazvo nguva yekuti Jesu ape mutongo yava kusvika, hatifaniri kutya. Kana tikaramba takatendeka, Baba vedu vekudenga vane rudo vachatipa “simba rakawedzerwa pane ratagara tiinaro” kuti tikwanise “kumira pamberi peMwanakomana wemunhu.” (2 VaK. 4:7; Ruka 21:36) Pasinei nekuti tine tariro yekudenga kana kuti yepanyika, tinogona kufadza Baba vedu kana tikateerera yambiro dziri mumifananidzo yakataurwa naJesu. Uye nenyasha dzaJehovha, mazita edu ‘achawanikwa akanyorwa mubhuku’ reupenyu.—Dhan. 12:1; Zvak. 3:5.

RWIYO 26 Makazviitira Ini

a Ona nyaya inoti, “Zvii Zvatinoziva Nezvematongerwo Achaitwa Vanhu naJehovha Mune Ramangwana?” iri muNharireyomurindi yaMay 2024.

b Kuti uwane mamwe mashoko, ona nyaya inoti, “‘Ucharamba Wakarinda’ Here?” iri muNharireyomurindi yaMarch 15, 2015.

[Mashoko emuzasi]

d KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hanzvadzi yakazodzwa ichidzidza Bhaibheri nemukadzi wayakaona muushumiri.