Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 39

RWIYO 125 “Vanofara Vane Ngoni!”

Wana Mufaro Mukuru Unobva Pakupa

Wana Mufaro Mukuru Unobva Pakupa

“Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”MAB. 20:35.

ZVATICHADZIDZA

Zvatingaita kuti tirambe tichipa uye tiwedzere kuwana mufaro unobva pakupa.

1-2. Tinobatsirwa sei nekusikwa kwatakaitwa tichikwanisa kuwana mufaro unobva pakupa kupfuura pakugamuchira?

 JEHOVHA paakasika vanhu, akavasika vachikwanisa kuwana mufaro unobva pakupa kupfuura pakugamuchira. (Mab. 20:35) Izvi zvinoreva here kuti hatifari kana mumwe munhu akatipa chimwe chinhu? Aiwa. Tese tinofara patinopiwa chipo nemumwe munhu. Asi tinotowedzera kufara kana tiri isu tapa. Uye zvakatotinakira kuti Jehovha akatisika saizvozvo. Nei zvakadaro?

2 Kusikwa kwatakaitwa naJehovha saizvozvo kunotipa mukana wekuti tikwanise kuwedzera mufaro wedu. Tinogona kuwedzera mufaro wedu patinofunga nezvenzira dzekupawo vamwe tobva tazviita. Zvinofadza chaizvo kuti Jehovha akatisika nenzira iyi!—Pis. 139:14.

3. Nei Jehovha achinzi ‘ndiMwari anofara’?

3 Bhaibheri rinotaura kuti kupa kunounza mufaro. Saka hazvitishamisi parinoti Jehovha ‘ndiMwari anofara.’ (1 Tim. 1:11) Ndiye akatanga kupa uye hakuna anomupfuura pakupa. Muapostora Pauro akati: “Ndiye akaita kuti tive neupenyu, tifambe uye tivepo.” (Mab. 17:28) Kutaura zvazviri, “zvipo zvese zvakanaka nezvipo zvese zvakakwana” zvinobva kuna Jehovha.—Jak. 1:17.

4. Chii chichatibatsira kuti tiwedzere kuwana mufaro?

4 Tese tinoda kuwedzera kuwana mufaro unobva pakupa. Tinogona kuita izvi kana tikatevedzera kupa kunoita Jehovha. (VaEf. 5:1) Munyaya ino tichadzidza nezvekupa kwaanoita uyewo tichadzidza zvatingaita kana tichinzwa sekuti vamwe vanhu havaongi zvatinovaitira. Izvi zvichatikurudzira kuti tirambe tichipa vamwe, zvoita kuti tiwedzere kufara.

TEVEDZERA JEHOVHA PAKUPA

5. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvatinopiwa naJehovha?

5 Ndezvipi zvimwe zvinhu zvatinopiwa naJehovha? Ngatimboonai zvimwe zvacho. Jehovha anotipa zvatinoda pakurarama. Tingasawana zvese zvatingada, asi Jehovha achava nechokwadi chekuti tawana zvinokosha pakurarama. Semuenzaniso, anoita kuti tikwanise kuwana zvekudya, zvekupfeka uye pekugara. (Pis. 4:8; Mat. 6:​31-33; 1 Tim. 6:​6-8) Izvi zvinoreva here kuti Jehovha anotipa zvatinoda pakurarama nekungoti chete ndizvo zvaanofanira kuita? Aiwa! Saka anozviitirei?

6. Tinodzidzei pana Mateu 6:​25, 26?

6 Jehovha anotipa zvatinoda pakurarama nekuti anotida. Funga nezvemashoko akataurwa naJesu ari pana Mateu 6:​25, 26. (Verenga.) Jesu akashandisa mienzaniso yezvinhu zvakasikwa. Achitaura nezveshiri, Jesu akati: “Hadzidyari mbeu kana kukohwa kana kuunganidza mumatura.” Asi ona zvaakazotaura. Akati: “Baba venyu vekudenga vanodzipa zvekudya.” Jesu akabva abvunza kuti: “Hamukoshi kudzipfuura here?” Chidzidzo chiripo ndechekutii? Jehovha anokoshesa chaizvo vanamati vake kupfuura mhuka. Saka kana Jehovha achiita kuti mhuka dziwane zvadzinoda, tine chokwadi chekuti achatipawo zvatinoda. Sezvinoitwa nababa vane rudo, Jehovha anopa mhuri yake zvainoda zvichibva parudo rwake.—Pis. 145:16; Mat. 6:32.

7. Ndeipi imwe nzira yatingatevedzera nayo Jehovha pakupa? (Onawo mufananidzo.)

7 Kungofanana naJehovha, isuwo tinogona kupa vamwe zvavanoda zvichibva pakuti tinovada. Semuenzaniso, pane here hama kana hanzvadzi yaunoziva iri kushaya zvekudya kana zvekupfeka? Jehovha anogona kukushandisa kuti uibatsire. Vanhu vaJehovha vanozivikanwa nekukurumidza kubatsirana kana paitika njodzi. Panguva yeCOVID-19, hama nehanzvadzi dzaibatsira vaya vaida rubatsiro pane zvekudya, zvekupfeka, nezvimwewo. Vakawanda vaipawo mari vachitsigira basa remunyika yese. Izvi zvakabatsira pabasa rekuyamura raiitwa pasi rese. Hama idzi dzaishandisa zano riri pana VaHebheru 13:16 rekuti: “Musakanganwa kuita zvakanaka uye kupawo vamwe zvamuinazvo, nekuti Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.”

Tese tinogona kutevedzera Jehovha pakupa (Ona ndima 7)


8. Jehovha anotibatsira sei achishandisa simba rake? (VaFiripi 2:13)

8 Jehovha anopa simba. Jehovha ane simba risingagumi uye anofara chaizvo kupa simba vashumiri vake vakatendeka. (Verenga VaFiripi 2:13.) Wakambonyengetera uchikumbira simba rekukunda muedzo here kana kuti rekutsungirira dambudziko? Pamwe wakambonyengetera uchikumbira kuti Jehovha akupe simba rekuita zvinhu zvawaifanira kuita rimwe zuva. Pakapindurwa munyengetero wako, unogona kunge wakaona kuti mashoko akataurwa nemuapostora Pauro ndeechokwadi ekuti: “Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.”—VaF. 4:13.

9. Tingatevedzera sei kushandisa kunoita Jehovha simba rake? (Onawo mufananidzo.)

9 Hatina hedu simba risingagumi serina Jehovha uye hatikwanisi kupa vamwe simba sezvaanoita. Asi tinogona kumutevedzera nekushandisa simba redu pakubatsira vamwe. Tinogona kubatsira vaKristu vakwegura kana vanorwara nekuvaitira mabasa epamba kana kunovatengera zvinhu. Kana tichikwanisa, tinogona kubatsira pabasa rekuchenesa uye rekugadzirisa zvinhu paImba yeUmambo. Kana tikashandisa simba redu seizvi, tinenge tichibatsira vamwe vatinonamata navo.

Tinogona kushandisa simba redu kubatsira vamwe (Ona ndima 9)


10. Tingasimbisa sei vamwe nezvatinotaura?

10 Usakanganwawo kuti mashoko ane simba. Une munhu waungafunga nezvake here anogona kubatsirwa kana ukamutenda zvichibva pamwoyo nemhaka yezvakanaka zvaanenge aita? Pane waunoziva here anoda kunyaradzwa? Kana aripo, unogona kuenda kunotaura naye. Unogona kumushanyira, kumufonera, kumutumira kadhi, tsamba kana meseji. Usanyanya hako kunetseka kuti uchataurei. Mashoko mashoma anobva pamwoyo anogona kunge ari iwo chaiwo ari kudiwa kuti hama kana hanzvadzi irambe yakatendeka kana kuti inzwe zviri nani.—Zvir. 12:25; VaEf. 4:29.

11. Jehovha anoshandisa sei uchenjeri hwake?

11 Jehovha anopa uchenjeri. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Kana mumwe wenyu asina uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari uye achahupiwa, nekuti iye anopa munhu wese nemwoyo wese asingapi mhosva.” (Jak. 1:5; mashoko emuzasi) Mashoko aya anoratidza kuti Jehovha haaomeri neuchenjeri hwake. Anohupawo vamwe. Jakobho akataurawo kuti kana Jehovha achipa uchenjeri, anozviita “asingazvidzi” kana kuti “asingapi mhosva.” Haamboiti kuti tinyare patinomukumbira kuti atitungamirire muupenyu. Anotoda kuti titsvage uchenjeri kwaari.—Zvir. 2:​1-6.

12. Mikana ipi yatiinayo yekuti tiudzewo vamwe zvatinoziva?

12 Zvakadini nesu? Tinogona here kutevedzera Jehovha nekuudzawo vamwe zvatinoziva? (Pis. 32:8) Vanhu vaJehovha vane mikana yakawanda yekuudzawo vamwe zvavakadzidza. Semuenzaniso, tinowanzodzidzisa vatsva kuti vangaita sei ushumiri hwavo. Vakuru vanoratidza mwoyo murefu kuvashumiri veungano nehama dzakabhabhatidzwa pavanenge vachivadzidzisa kuita mabasa avo muungano. Uye vaya vane ruzivo rwakawanda mubasa rekuvaka uye rekugadzirisa zvivakwa zvesangano vanobatsira pakudzidzisa vamwe kuti vaitewo basa racho.

13. Tingatevedzera sei Jehovha pakudzidzisa vamwe?

13 Edza kutevedzera Jehovha paunenge uchidzidzisa vamwe. Yeuka kuti Jehovha haaomeri neuchenjeri hwake. Saka isuwo hatifaniri kuomera neruzivo rwedu uye unyanzvi hwedu. Hatiregi kudzidzisa vamwe tichityira kuti munhu iyeye watiri kudzidzisa anozotitorera basa redu. Uye hatina mafungiro ekuti: ‘Hapana akambondidzidzisa! Ngaazvionere ega.’ Mafungiro akadaro haafaniri kuwanikwa pavanhu vaJehovha. Asi tinofara kuudza vamwe zvese zvatinoziva uye kuita zvese zvatinogona kuti tivadzidzise. (1 VaT. 2:8) Tine chivimbo chekuti naivowo “vachanyatsokwanisawo kudzidzisa vamwe.” (2 Tim. 2:​1, 2) Kana tese tikasaomera neruzivo rwedu, zvichaita kuti tiwedzere kuva neuchenjeri uye tifare.

KANA ZVICHIITA SEKUTI VANHU HAVATENDI ZVATINOVAITIRA

14. Vanhu vakawanda vanowanzoita sei patinovaitira chimwe chinhu?

14 Patinoitira vamwe chimwe chinhu, kunyanya hama nehanzvadzi dzedu, vanowanzotitenda. Vanogona kutinyorera kadhi vachititenda kana kutitenda nedzimwe nzira. (VaK. 3:15) Patinotendwa zvinowedzera mufaro wedu.

15. Tinofanira kuyeukei kana vamwe vanhu vakasatenda zvatinenge tavaitira?

15 Asi chokwadi ndechekuti vamwe vanhu vanogona kusatenda zvatinenge tavaitira. Dzimwe nguva, tinogona kupa nguva yedu, simba redu, kana zvinhu zvedu asi toona sekuti munhu wataitira izvozvo haana kana basa nezvataita. Kana izvozvo zvikaitika, chii chingatibatsira kuti tirambe tichifara kana kuti tisagumbuka? Yeuka mashoko erugwaro rwuri kutungamirira nyaya ino, Mabasa 20:35. Kufara kwatinoita patinopa vamwe hakubvi pakuti tatendwa nevanhu vangani. Tinogona kuramba tichifara kupa vamwe kunyange kana zvichiita sekuti hapana ari kutitenda. Tingazviita sei? Ngationei zvimwe zvingatibatsira.

16. Chii chingatibatsira kuti tirambe tichipa tichifara?

16 Isa pfungwa pakutevedzera Jehovha. Anopa vanhu zvinhu zvakanaka pasinei nekuti vanomutenda here kana kuti havamutendi. (Mat. 5:​43-48) Jehovha anovimbisawo kuti patinopa vamwe ‘tisingatarisiri kudzorerwa, mubayiro wedu uchava mukuru.’ (Ruka 6:35) Saka usaora mwoyo kana vanhu vasingawanzotenda zvaunovaitira. Yeuka kuti Jehovha acharamba achikupa mubayiro nekuti unoitira vamwe zvakanaka uyewo uri “munhu anopa achifara.”—Zvir. 19:17; 2 VaK. 9:7.

17. Ndeipi imwe nzira yatingatevedzera nayo Jehovha panyaya yekupa? (Ruka 14:​12-14)

17 Chimwe chatinogona kuita kuti titevedzere Jehovha panyaya yekupa kushandisa zvakataurwa naJesu pana Ruka 14:​12-14. (Verenga.) Hapana chakaipa nekukoka vamwe kuzodya kana kuitira zvakanaka vaya vatinoziva kuti vanogona kuzotiitirawo izvozvo. Asi ko kana tikaona kuti tinowanzopa vamwe zvinhu tichiitira kuti vazotipawo? Zvakanaka kumboedza zvakataurwa naJesu. Tinogona kuitira mumwe munhu zvakanaka watinoziva kuti angasakwanisa kuzotiitirawo izvozvo. Kana tikadaro tichafara nekuti tinenge tichitevedzera Jehovha. Izvi zvichaita kuti tirambe tichifara kunyange kana vamwe vakasatenda zvatinenge tavaitira.

18. Chii chichatibatsira kuti tisafungira vamwe zvisina kunaka?

18 Usafungira vamwe zvisina kunaka. (1 VaK. 13:7) Kana vamwe vanhu vakasatitenda, tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Inyaya yekuti havatendi here, kana kuti vangokanganwawo chete?’ Pamwe pane chimwe chinhu chakaita kuti vasatitenda sezvataitarisira. Vamwe vanhu vanogona kunge vachitenda zvavakaitirwa asi vachishaya kuti votenda sei. Vanogona kunge vachinyara kuti vari kubatsirwa, kunyanya kana munguva yapfuura vari ivo vaimbobatsira vamwe. Asi kana tichinyatsoda hama dzedu nehanzvadzi, hatizovafungiri zvakaipa uye ticharamba tichipa tichifara.—VaEf. 4:2.

19-20. Nei zvichikosha kuva nemwoyo murefu kana tichinge taitira mumwe munhu chinhu chakanaka? (Onawo mufananidzo.)

19 Iva nemwoyo murefu. Mambo Soromoni akanyora nezvenyaya yekupa achiti: “Kanda chingwa chako pamusoro pemvura, nekuti pashure pemazuva mazhinji uchachiwanazve.” (Mup. 11:1) Mashoko aya anoratidza kuti vamwe vanhu vanogona kuzotitenda “pashure pemazuva mazhinji,” kureva patova nenguva tavaitira chimwe chinhu. Ona muenzaniso unotevera wezvakamboitika.

20 Makore akawanda apfuura, mumwe mudzimai wemutariri wedunhu akanyora tsamba kune imwe hanzvadzi yakanga ichangobva kubhabhatidzwa, achiikurudzira kuti irambe yakatendeka. Pashure pemakore 8, hanzvadzi iya yakazonyora tsamba ichipindurawo, uye yakati: “Ndati ndikunyorerei tsamba iyi ndichikuudzai nezvekundibatsira kwamanga muchiita makore ese aya kunyange zvazvo musingazvizivi.” Yakaenderera mberi ichiti: “[Tsamba yenyu] yakanga yakanaka chaizvo, asi ndakanyanya kubayiwa mwoyo nevhesi yamakanyora uye handina kumbobvira ndaikanganwa.” a Pashure pekunge hanzvadzi yacho yataura nezvemamwe matambudziko ayaisangana nawo, yakati: “Dzimwe nguva ndaimbopindwa nepfungwa yekuti handichazvikwanisi, ndonzwa sekuti zviri nani kurega kushumira Jehovha. Asi vhesi yamakandinyorera yakaramba iri pamwoyo pangu uye yakandibatsira kuti ndisadzokera shure.” Hanzvadzi yacho yakawedzera kuti: “Pamakore 8 ese iwayo, hakuna chakandikurudzira kupfuura tsamba iyoyo nevhesi iyoyo.” Mudzimai uyu wemutariri wedunhu akafara chaizvo kugamuchira tsamba iyoyo “pashure pemazuva mazhinji”! Isuwo tinogona kuzotendwa pashure penguva yakareba taitira mumwe munhu zvakanaka.

Tinogona kuzotendwa pashure penguva yakareba taitira mumwe munhu zvakanaka (Ona ndima 20) b


21. Nei uchida kuramba uchitevedzera kupa kunoita Jehovha?

21 Sezvataurwa, Jehovha akatisika nenzira inoshamisa. Kunyange zvazvo tichiwana mufaro patinogamuchira chimwe chinhu, tinowana mufaro wakatokura patinopa vamwe. Tinofara patinokwanisa kubatsira hama nehanzvadzi dzedu. Uye tinofarawo pavanotenda zvatinenge tavaitira. Asi kunyange vakatenda kana kusatenda, tinofara kuti takaita zvataifanira kuita. Usambokanganwa kuti paunopa, ‘Jehovha anokwanisa kukupa zvakatowanda kupfuura ipapo.’ (2 Mak. 25:9) Hatimbofi takakwanisa kupfuura Jehovha pakupa! Uye hapana chinofadza kupfuura kupiwa mubayiro naJehovha pachake. Saka ngativei nechido chekuramba tichitevedzera kupa kunoita Baba vedu vekudenga.

RWIYO 17 “Ndinoda”

a Vhesi yakanyorerwa hanzvadzi yacho nemudzimai wemutariri wedunhu ndi 2 Johani 8 iyo inoti: “Ngwarirai, kuti murege kurasikirwa nezvatakashandira, asi kuti muwane mubayiro wakazara.”

b KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Mifananidzo iyi iri kuratidza zvakaitwa nemudzimai wemutariri wedunhu ataurwa mundima 20. Akanyora tsamba inokurudzira kune imwe hanzvadzi. Patova nemakore, akazogamuchira tsamba yekutenda.