Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA

Tsvaga Zvinhu Zvitsva Paunenge Uchidzidza

Tsvaga Zvinhu Zvitsva Paunenge Uchidzidza

Patinenge tava kuda kudzidza, tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Zvii zvandiri kutarisira kuzowana kubva pane zvandiri kuda kudzidza?’ Asi tinofanira kuyeuka kuti kunyange zvazvo tiine zvatinenge tichitarisira kudzidza, hazvirevi kuti hapana zvimwe zvinhu zvitsva zvatinogona kudzidziswa naJehovha. Tingaitei kuti tione zvatiri kuda kudzidziswa naJehovha?

Nyengetera kuti upiwe uchenjeri. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kunzwisisa kuti ndezvipi zvaari kuda kuti udzidze iye zvino. (Jak. 1:5) Usangogutsikana nezvawagara uchiziva.—Zvir. 3:​5, 6.

Ita kuti Bhaibheri rishande muupenyu hwako. “Shoko raMwari ibenyu.” (VaH. 4:12) Saka pese patinoverenga Bhaibheri tinogona kudzidza chimwe chinhu chitsva chinotibatsira muupenyu. Asi kuti zvidaro, tinofanira kubvuma kuti pane zvimwe zvinhu zvatisingazivi zvatinogona kudzidza muShoko raMwari.

Tenda zvese zvatinopiwa naJehovha kuti atidzidzise. Zvekudya zvekunamata zvaanotipa zvakafanana ‘nemabiko emachikichori ezvekudya.’ (Isa. 25:6) Usarega kudzidza nyaya dzaunonzwa sekuti hadzinakidzi. Kana ukadzidza zvese zvatinopiwa naJehovha, uchava munhu akanaka uye uchapedzisira wava kunakidzwa nekudzidza!