Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Jesu paakatanga kuita Kudya kwaShe Kwemanheru, vadzidzi 70 vaakanga ambotuma kunoparidza vakanga varipi? Vakanga vamusiya here?
Hapana chikonzero chekufunga kuti sezvo vadzidzi ava 70 vakanga vasipo Jesu paakatanga Kudya kwaShe Kwemanheru, vakanga vamusiya kana kuti vakanga vasisafarirwi naye. Jesu aingoda kuva nevaapostora vake panguva iyi.
Jesu aida vaapostora vake 12 pamwe chete nevadzidzi ava 70. Akatanga nekusarudza varume 12 kubva pavadzidzi vake vakawanda, achibva avati vaapostora. (Ruka 6:12-16) Aiva kuGarireya ‘paakaunganidza vane Gumi Nevaviri’ achibva “avatuma kunoparidza nezveUmambo hwaMwari nekuporesa.” (Ruka 9:1-6) Paakanga ava kuJudhiya, “akasarudza vamwe 70, akavatuma mberi kwake vari vaviri vaviri.” (Ruka 9:51; 10:1) Saka Jesu aiva nevadzidzi vakawanda vaiva munzvimbo dzakasiyana-siyana vaiparidza nezvake.
VaJudha, avo vakava vadzidzi vaJesu, vanofanira kunge vakaramba vachichengeta Paseka gore negore, zvimwe pamwe chete nemhuri dzavo. (Eks. 12:6-11, 17-20) Pakwakanga kwasara mazuva mashoma kuti afe, Jesu nevaapostora vake vakaenda kuJerusarema. Asi haana kudaidza vadzidzi vake vese vaiva kuJudhiya, Garireya nePeriya kuti vauye kuzochengeta Paseka pamwe chete. Izvi zvinongoratidza kuti Jesu aida kungova nevaapostora vake chete musi uyu. Akaudza vaapostora vacho kuti: “Ndanga ndakamirira chaizvo kudya Paseka iyi nemi ndisati ndatambura.”—Ruka 22:15.
Ane chikonzero chakanaka chaakazviitira. Jesu akanga ava pedyo kufa ‘seGwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika.’ (Joh. 1:29) Aizofira muJerusarema, guta raishandiswa pakupa zvibayiro kuna Mwari. Gwayana rePaseka raiyeuchidza vaIsraeri nezvekuponeswa kwavakaitwa naJehovha kubva kuIjipiti. Asi chibayiro chaJesu chaipfuura gwayana rePaseka pakuti chaizoponesa vanhu vese pachivi nerufu. (1 VaK. 5:7, 8) Kufa kwaJesu kwaizoita kuti vaapostora 12 vazova faundesheni yeungano yechiKristu. (VaEf. 2:20-22) Bhuku raZvakazarurwa rinoti guta dzvene Jerusarema rine “matombo 12 efaundesheni” ayo akanyorwa “mazita 12 evaapostora 12 veGwayana.” (Zvak. 21:10-14) Saka vaapostora vakatendeka vaizova nebasa rinokosha pakuzadziswa kwechinangwa chaMwari. Izvi zvinoita kuti tinzwisise kuti sei Jesu aida kuva navo paPaseka yekupedzisira uye paKudya kwaShe Kwemanheru kwaakazotanga vapedza kuita Paseka.
Kunyange zvazvo paKudya kwaShe Kwemanheru vadzidzi ava 70 nevamwewo vadzidzi vakanga vasipo, chero bedzi vaizoramba vakavimbika, vaizobatsirwa nekutanga kwakaita Jesu chiitiko ichi. Vadzidzi vese vakazozodzwa nemweya mutsvene vaizopinda musungano yeumambo iyo Jesu akaudza vaapostora vake nezvayo usiku ihwohwo.—Ruka 22:29, 30.