Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutendeka Kunoita Kuti Tifarirwe naMwari

Kutendeka Kunoita Kuti Tifarirwe naMwari

“Muve vatevedzeri vevaya vanogara nhaka yezvipikirwa pachishandiswa kutenda nokushivirira.”​—VAH. 6:12.

NZIYO: 86, 54

1, 2. Jefta nemwanasikana wake vakasangana nemamiriro api ezvinhu akanga akaoma?

IYE zvino mwoyo wake wagadzikana. Musikana uyu ari kufara nekuti baba vake vadzoka kubva kuhondo vari vapenyu, saka anomhanya kunovatambira achipemberera kukunda kwavaita. Pane kuti baba vacho vaimbewo uye vatambe vachifara nemwanasikana wavo, vanobvarura nguo dzavo dzehondo dzine ropa, voshevedzera kuti: “Maiwe, mwanasikana wangu kani! Chokwadi wandiunzira nhamo.” Vanobva vataura mashoko achachinja upenyu hwemwanasikana wavo zvachose. Zvose zvaitarisirwa nemusikana uyu zvinobva zvaenda musango. Asi asingambozezi, anobva apindura baba vake achivakurudzira kuti vaite zvavakavimbisa Jehovha. Mashoko ake anoratidza kuti ane kutenda kwakasimba. Anovimba kuti chero zvaanonzi naJehovha aite ndizvo zvakanaka. (Vat. 11:34-37) Baba vake vanodada naye nekuti vanoziva kuti kuzvipira kwaaita kutsigira mhiko yavo kunoita kuti Jehovha afare.

2 Jefta nemwanasikana wake uyo aitya Mwari, vaivimba naJehovha kunyange pazvainge zvakavaomera, uye vaiziva kuti zvose zvaanoita zvakarurama. Vainyatsoziva kuti kufarirwa naMwari kwaikosha kupfuura zvimwe zvinhu zvose zvavaizorasikirwa nazvo.

3. Nei zvakaitwa naJefta nemwanasikana wake zvichitibatsirawo mazuva ano?

3 Tinoziva kuti dzimwe nguva hazvisi nyore kuramba takatendeka kuna Jehovha. Chokwadi ndechekuti tinotofanira ‘kurwira kwazvo kutenda.’ (Jud. 3) Kuti tidaro, ngatimboongororai matambudziko akasangana naJefta nemwanasikana wake vakaakunda. Chii chakavabatsira kuti varambe vakatendeka kuna Jehovha?

KURAMBA TAKATENDEKA PASINEI NEZVINOITWA NEVANHU VARI MUNYIKA

4, 5. (a) Jehovha akapa vaIsraeri murayiro upi pavakapinda muNyika Yakapikirwa? (b) Maererano naPisarema 106, kusateerera kwakaita vaIsraeri kwakaguma nei?

4 Zuva rega rega, Jefta nemwanasikana wake vanogona kunge vaiona zvinhu zvairatidza kuti kusateerera Jehovha kwakaipa. Makore anenge 300 akanga adarika, Jehovha ainge arayira madzitateguru avo kuti aparadze vanhu vese vaiva muNyika Yakapikirwa vainamata vamwe vanamwari. (Dheut. 7:1-4) Kusateerera kwevaIsraeri kwakaita kuti vakawanda vavo vatange kutevedzera zvakaipa zvaiitwa nevaKenani, uye vakapedzisira vava kunamata vanamwari venhema, nekuita zveunzenza.​—Verenga Pisarema 106:34-39.

5 Kupanduka kwavakaita kwakaitawo kuti vasafarirwe naJehovha, uye haana kuzoramba achivadzivirira. (Vat. 2:1-3, 11-15; Pis. 106:40-43) Mumakore iwayo, zvinofanira kunge zvakanga zvakaoma chaizvo kuti mhuri dzaitya Mwari dzirambe dzakavimbika kuna Jehovha. Asi Bhaibheri rinoratidza kuti paiva nevamwe vakanga vakatendeka, vakaita saJefta nemwanasikana wake, uyewo Erikana, Hana, naSamueri avo vakanga vakatsunga kuramba vachiita zvaiita kuti vafarirwe naMwari.​—1 Sam. 1:20-28; 2:26.

6. Zvinhu zvipi zvakaipa zviri munyika zvinogona kutikanganisa, uye tinofanira kuitei?

6 Tiri kurarama munyika yakazara nevanhu vane mafungiro nezviito zvakafanana nezvevanhu vaigara muKenani. Unzenza hwepabonde, chisimba uye kunyanya kuda pfuma ndizvo zvazara munyika. Asi Jehovha anotinyevera zvakajeka sezvaakangoita vaIsraeri, kuti tisatsauswe nezvinhu zvakadaro. Tinofanira kudzidza kubva pakukanganisa kwakaitwa nevaIsraeri. (1 VaK. 10:6-11) Kana tikaona kuti tava kutanga kuva nemafungiro akafanana neaiva nevaKenani tinotofanira kushanda nesimba kuti tiabvise. (VaR. 12:2) Tiri kushanda nesimba here kuti tidaro?

KURAMBA TAKATENDEKA PASINEI NEKUBATWA ZVISINA KUNAKA

7. (a) Jefta akaitirwei nevanhu verudzi rwake? (b) Pasinei nezvaakaitirwa, Jefta akaita sei?

7 Kusateerera kwakaita vaIsraeri mumazuva aJefta kwakaita kuti vazova varanda vevaFiristiya nevaAmoni. (Vat. 10:7, 8) Zvisinei, matambudziko aJefta haana kungobva kumarudzi aya aivavenga, asi aibvawo kuvanin’ina vake chaivo, uye kuvatungamiriri vevaIsraeri. Godo neruvengo zvakaita kuti vanakomana vababa vake vamudzinge, vachimutorera nhaka yake yaakanga akakodzera kuwana semwanakomana wedangwe. (Vat. 11:1-3) Izvi hazvina kutadzisa Jefta kuramba achiita zvakanaka. Vakuru verudzi rwacho pavakauya kwaari vachida kubatsirwa, haana kuvarambira asi akabvuma. (Vat. 11:4-11) Chii chinogona kunge chakaita kuti Jefta abvume kuvabatsira?

8, 9. (a) Zvii zvaitaurwa muMutemo waMosesi zvingangodaro zvakabatsira Jefta? (b) Chii chainyanya kukosheswa naJefta?

8 Jefta aiva murwi ane simba, uye anewo zvakawanda zvaakadzidza pamabatiro aiita Mwari vanhu vake. Zvaakanga adzidza munhoroondo yevaIsraeri zvakamubatsira kuti azive kuti ndezvipi zvinonzi naJehovha zvakanaka uye zvaanoti zvakaipa. (Vat. 11:12-27) Zvaakadzidza muMutemo waMosesi zvakamubatsirawo kuva nemaonero uye mafungiro akanaka. Aiziva kuti Jehovha haadi kuti vanhu varambe vakagumbukirana, asi anoda kuti vadanane. Mutemo waitaurawo kuti unofanira kubatsira munhu anenge achida kubatsirwa, kunyange ‘achikuvenga.’​—Verenga Eksodho 23:5; Revhitiko 19:17, 18.

9 Mienzaniso yevamwe vakanga vakatendeka vakadai saJosefa inogona kunge yakabatsira Jefta kuti abvume kubatsira vanhu verudzi rwake. Josefa akaratidza vakoma vake ngoni kunyange zvazvo vakanga ‘vambomuvenga.’ (Gen. 37:4; 45:4, 5) Kufungisisa mienzaniso yakadaro kunogona kunge kwakabatsira Jefta kuti asarudze kuita zvinofadza Jehovha. Hapana mubvunzo kuti zvakaitwa nevanin’ina vake zvakamurwadza chaizvo, asi haana kurega kushumira Jehovha nevanhu vake. (Vat. 11:9) Kurwira zita raJehovha kwaikosha kuna Jefta kupfuura kurwira kodzero dzake. Kutsunga kwaakanga akaita kuramba akatendeka kuna Jehovha kwakaita kuti iye nevaIsraeri vose vakomborerwe naMwari.​—VaH. 11:32, 33.

10. Tingaitei kuti zvatinodzidza muShoko raMwari zvitibatsire muupenyu hwedu sevaKristu?

10 Tinogona kutevedzerawo zvakaitwa naJefta here? Dzimwe hama dzechiKristu dzinogona kunge dzakamboita zvinhu zvinotiodza mwoyo kana kuti dzakambotibata zvisina kunaka. Asi hatifaniri kubvumira kuti izvozvo zvititadzise kupinda misangano kana kushumira Jehovha uye kunyatsoshanda pamwe chete neungano yake. Sezvakaitwa naJefta, tinofanirawo kuita kuti zvatinodzidza muShoko raMwari zvitibatsire patinobatwa zvisina kunaka uye kuti tirambe tichiita zvakanaka.​—VaR. 12:20, 21; VaK. 3:13.

KUZVIPIRA KWEDU KUNORATIDZA KUTI TINE KUTENDA

11, 12. Jefta akaita mhiko yei, uye izvozvo zvairevei?

11 Jefta aiziva kuti aitofanira kubatsirwa naMwari kuti akwanise kusunungura vaIsraeri kubva paudzvinyiriri hwevaAmoni. Akavimbisa Jehovha kuti kana akamubatsira kuti akunde muhondo, aizomupa munhu aitanga kubuda mumba make achiuya kunomutambira paaidzoka. Aizopa munhu iyeye “sechinopiwa chinopiswa.” (Vat. 11:30, 31) Izvozvo zvairevei?

12 Kupa vanhu sezvibayiro chinhu chinosemesa Jehovha. Saka zviri pachena kuti Jefta akanga asiri kuda kuuraya munhu sechibayiro kuna Mwari. (Dheut. 18:9, 10) MuMutemo waMosesi chibayiro chinopiswa chaipiwa chese kuna Jehovha chisina kutapudzwa, saka Jefta aireva kuti aizopa munhu wacho kuti ashumire Mwari chete pasina zvimwe zvaaizoita. Zvaakavimbisa zvaireva kuti munhu wacho aizofanira kushumira patebhenekeri kweupenyu hwese. Jehovha akabvuma zvakavimbiswa naJefta uye akamukomborera zvekuti Jefta akauraya vavengi, akavakunda zvine mutsindo. (Vat. 11:32, 33) Asi ndiani aizopiwa “sechinopiwa chinopiswa” kuna Mwari?

13, 14. Mashoko aJefta ari pana Vatongi 11:35 anoratidzei nezvekutenda kwake?

13 Chimbofunga zvakare zvarondedzerwa mundima yekutanga yenyaya ino. Jefta paakadzoka kuhondo, mwanasikana wake waaida chaizvo ndiye akatanga kuuya kuzomutambira, uye ndiye ega mwana waaiva naye. Zvino aizoita sei? Azoita zvaakavimbisa here opa mwanasikana wake kuti anoshanda patebhenekeri kweupenyu hwake hwese?

14 Zvaakadzidza muMutemo waMwari ndizvo zvinogona kunge zvakamubatsira kuti asarudze zvakanaka. Pamwe akayeuka mashoko ari pana Eksodho 23:19, ayo airayira vanhu vaMwari kuti pazvinhu zvose zvavaiva nazvo vape Jehovha zvakanaka kupfuura zvimwe zvose. Mutemo wairatidzawo kuti kana munhu akaita mhiko, aitofanira kuita zvaanenge avimbisa. Waiti: “Kana munhu akapika . . . , haafaniri kuputsa shoko rake. Anofanira kuita maererano nezvose zvakabuda mumuromo make.” (Num. 30:2) Kungofanana naHana uyo angangodaro akararama panguva imwe chete naJefta, Jefta aifanira kuzadzisa mhiko yake, uye ainyatsoziva kuti chii chaizoitika kwaari uye kumwanasikana wake. Akanga asina mumwe mwana. Mwanasikana wake iyeye ndiye waaitovimba naye kuti aizomuberekerawo muzukuru, uyo aizogara nhaka yake uye aizoita kuti arambe aine zita muIsraeri. (Vat. 11:34) Pasinei neizvi, Vatongi 11:35 inoguma nemashoko aJefta ekuti: “Ini ndashama muromo wangu kuna Jehovha, uye handikwanisi kurega.” Kuramba akatendeka kwaakaita kunyange zvazvo aifanira kurasikirwa nezvimwe zvinhu, kwakaita kuti afarirwe naMwari uye akomborerwe. Kudai uriwe, ndizvo zvawaizoitawo here?

15. Vakawanda vedu takaita mhiko yei, uye tingaitei kuti tirambe takatendeka?

15 Patakatsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha, takaita mhiko yekuti tichamushumira kunyange zvodini. Taiziva kuti tinotofanira kuzvipira kuti tiite zvatakavimbisa. Asi zvinogona kutiomera patinokumbirwa kuita zvinhu zvatinenge tisinganzwi tichida kuita. Patinozvipira kushumira Mwari kunyange pazvinenge zvakatiomera, tinenge tichitoratidza kuti takatendeka kwaari. Makomborero atinozowana anopfuura nekure kurwadziwa kwatinoitwa patinozvipira kuita chimwe chinhu chakatiomera. (Mar. 3:10) Asi mwanasikana waJefta akanzwa sei paakaziva nezvemhiko yakanga yaitwa nababa vake?

Tingaratidza sei kuti tine kutenda sekwaiva naJefta nemwanasikana wake? (Ona ndima 16, 17)

16. Mwanasikana waJefta akaitei paakaziva nezvemhiko yakanga yaitwa nababa vake? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

16 Zvinofanira kunge zvakanga zvakaoma kuti mwanasikana waJefta agamuchire zvaizoitika kwaari. Mhiko yababa vake yakanga yakasiyana neyakaitwa naHana paakapa Samueri kuti azoshumira semuNaziri patebhenekeri. (1 Sam. 1:11) MuNaziri aikwanisa kuroora uye aikwanisa kuva nevana. Asi mwanasikana waJefta aizova “chinopiwa chinopiswa,” saka akanga asingazokwanisi kuroorwa uye kuva nevana. (Vat. 11:37-40) Sezvo aiva mwanasikana wemurwi uye mutungamiriri muIsraeri, aigona kutoroorwa nemurume aikudzwa kupfuura vamwe vose munyika iyi. Asi akanga ava kuzongogara patebhenekeri achishumira ipapo. Musikana uyu akaita sei? Akaratidza kuti aikoshesa kushumira Jehovha kupfuura zvimwe zvinhu zvose paakapindura kuti: “Baba vangu, kana mashama muromo wenyu kuna Jehovha, ndiitirei maererano nezvabuda mumuromo menyu.” (Vat. 11:36) Akazvipira kusava nemurume uye vana, kuti atsigire kunamata kwechokwadi. Tingaitei kuti titevedzere kuzvipira kwaakaita?

17. (a) Tingatevedzera sei kutenda kwaJefta nemwanasikana wake? (b) Mashoko ari pana VaHebheru 6:10-12 anokubatsira sei kuti uzvipire kuita zvimwe zvinhu pakushumira Mwari?

17 Varume nevakadzi vakawanda vechiKristu vari kuzvipira kumbomira kuroora kana kuroorwa kana kuva nevana iye zvino kuti vaite zvakawanda mubasa raJehovha. Vamwe vaKristu vakura vari kuzvipira kushandisa nguva yavaikwanisa kunge vaine vana vavo kana vazukuru kuti vabatsire pakuvaka, vaende kunoshanda kunodiwa vaparidzi vakawanda kana kuti vapinde Chikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo. Vamwewo vanorega kuita zvavanga vachida kuita kuti vawane nguva yekushanda nevamwe panoitwa mushandirapamwe mumwaka weChirangaridzo. Vashumiri vaMwari pavanoita zvose izvi kuti vamushumire nemwoyo wese, Jehovha anofara chaizvo uye haazombokanganwi basa ravo uye kuratidza kwavakaita kuti vanomuda. (Verenga VaHebheru 6:10-12.) Unewo here zvimwe zvinhu zvaungazvipira kuita pakushumira Jehovha?

ZVATADZIDZA

18, 19. Tadzidzei munyaya iri muBhaibheri yaJefta nemwanasikana wake, uye tingavatevedzera sei?

18 Kunyange zvazvo Jefta akasangana nezvinhu zvakaoma muupenyu hwake, akaramba achibvuma kutungamirirwa naJehovha pane zvose zvaaisarudza. Haana kubvuma kuti mafungiro aiva nevanhu vairarama mumazuva ake amukanganise. Kunyange paaibatwa zvisina kunaka akaramba akatendeka kuna Jehovha. Kuzvipira kwake nekwemwanasikana wake kwakaita kuti vakomborerwe naJehovha. Akavapa ropafadzo yekutsigira kunamata kwechokwadi. Vamwe pavakatsauka pakuita zvinodiwa naMwari, Jefta nemwanasikana wake vakaramba vakatendeka.

19 Bhaibheri rinotikurudzira kuti tive “vatevedzeri vevaya vanogara nhaka yezvipikirwa pachishandiswa kutenda nokushivirira.” (VaH. 6:12) Upenyu hwaJefta nemwanasikana wake hwakaratidza pachena chokwadi chekuti: Kutendeka kunoita kuti tifarirwe naMwari. Dai tikatevedzerawo Jefta nemwanasikana wake.