Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Kutsungirira Ngakupedze Basa Rakwo”

“Kutsungirira Ngakupedze Basa Rakwo”

“Kutsungirira ngakupedze basa rakwo, kuti muve vakakwana uye vakanaka muzvinhu zvose, pasina chamunoshayiwa.”​—JAK. 1:4.

NZIYO: 135, 139

1, 2. (a) Tinodzidzei kubva pakutsungirira kwakaita Gidhiyoni nevarume vake 300? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Sezvinotaurwa pana Ruka 21:19, nei kutsungirira kuchikosha chaizvo?

HONDO yacho yakanga yakaoma. Kweusiku hwose, Mutongi Gidhiyoni nemauto echiIsraeri vakanga vadzingirira vavengi vavo kwemakiromita anenge 32. Vavengi ava vaiva uto revaMidhiyani nevamwe vainge vabatana naro kuzorwisa vaIsraeri. Bhaibheri rinobva rataura zvakazoitika richiti: ‘Gidhiyoni akazosvika kuJodhani, akayambuka. Iye nevarume mazana matatu vaaiva navo, vakanga vaneta.’ Asi Gidhiyoni nevarume vake vainge vasati vahwina hondo yacho, nekuti kwakanga kuchine mauto evavengi anenge 15 000. VaIsraeri vakanga vava nemakore vachidzvinyirirwa nevaMidhiyani, saka yakanga isiri nguva yokukanda mapfumo pasi. Kuti vaparadze vavengi vavo, ‘vakaramba vachivatevera’ uye vakazovakunda.—Vat. 7:22; 8:4, 10, 28.

2 Isuwo tiri kurwa hondo yakaoma chaizvo. Vavengi vedu vanosanganisira Satani, nyika yake, uye chivi chatakaberekwa tiinacho. Vamwe vedu tava nemakumi emakore tichirwa hondo iyi uye Jehovha ari kutibatsira kuti tirambe tichikunda. Asi dzimwe nguva, tinogona kumbonzwa taneta nekuramba tichirwa nevavengi vedu uye nekuramba takamirira kuguma kwenyika ino. Chokwadi ndechekuti hatisati tanyatsokunda hondo yacho. Jesu akanyevera kuti isu tiri kurarama mumazuva okupedzisira taizosangana nemiedzo yakaoma chaizvo uye kutambudzwa, asi akataurawo kuti kana tikatsungirira tichakunda. (Verenga Ruka 21:19.) Kutsungirira kuita sei? Chii chichatibatsira kuti titsungirire? Tingadzidzei kubva pane vaya vakatsungirira? Uye tingaitei kuti ‘kutsungirira kupedze basa rakwo’?​—Jak. 1:4.

KUTSUNGIRIRA KUITA SEI?

3. Kutsungirira kuita sei?

3 Bhaibheri parinotaura nezvekutsungirira rinenge risingangorevi kushingirira kunoita munhu paanenge ari mumiedzo. Kutsungirira kunosanganisira maonero, manzwiro uye zvinoita munhu paanenge ari mumatambudziko. Munhu anotsungirira anoratidza ushingi, haazununguswi uye haakurumidzi kuneta. Rimwe bhuku rinoti kutsungirira kuva netariro yakasimba uye kunoita kuti munhu asakanda mapfumo pasi paanosangana nemiedzo. Rakatiwo kutsungirira kunobatsira kuti munhu arambe akatsiga, asingazununguswi kunyange paanenge ari mumiedzo yakaoma chaizvo. Uye kunoita kuti akunde miedzo iyoyo, oisa pfungwa dzake pazvinhu zvakanaka zviri mberi kwete padambudziko raanenge ainaro.

4. Nei tichiti rudo ndirwo runoita kuti titsungirire?

4 Rudo ndirwo runoita kuti titsungirire. (Verenga 1 VaKorinde 13:4, 7.) Kuda kwatinoita Jehovha kunoita kuti titsungirire miedzo toramba tichiita zvinhu zvinoenderana nekuda kwake. (Ruka 22:41, 42) Rudo runoita kuti tirambe tichiva nemwoyo murefu patinokanganisirwa nehama dzedu. (1 Pet. 4:8) Vakaroorana vose kunyange vaya vanofara muwanano yavo vane “dambudziko munyama.” Asi rudo ndirwo runoita kuti vatsungirire “dambudziko” iroro uye vasimbise imba yavo.​—1 VaK. 7:28.

CHII CHICHAKUBATSIRA KUTI UTSUNGIRIRE?

5. Nei Jehovha ari iye chete akanyatsokodzera kutibatsira kuti titsungirire?

5 Nyengetera kuna Jehovha kuti akupe simba. Jehovha ndiMwari “anopa kutsungirira nenyaradzo.” (VaR. 15:5) Ndiye chete anonyatsonzwisisa zvatiri, angava manzwiro edu, matambudziko edu uye kwatakabva. Saka ndiye chete anonyatsokodzera kutibatsira kuti titsungirire. Bhaibheri rinoti, “Achaita zvinodiwa navose vanomutya, achanzwa kuchemera kwavo kubatsirwa, uye achavaponesa.” (Pis. 145:19) Asi Mwari achatipa sei simba rokutsungirira patinonyengetera kwaari?

6. Sezvakavimbiswa muBhaibheri, Jehovha angaita sei kuti tiwane “nzira yokubuda nayo” mumiedzo?

6 Verenga 1 VaKorinde 10:13. Patinokumbira Jehovha kuti atibatsire kukunda miedzo, “achaitawo nzira yokubuda nayo.” Jehovha anobva abvisa muedzo wacho here? Dzimwe nguva anogona kuubvisa. Asi kakawanda kacho, anoita kuti tiwane nzira yokubuda nayo ‘kuti tikwanise kuutsungirira.’ Jehovha anotipa simba rokuti titsungirire “zvizere nokuva vane mwoyo murefu nomufaro.” (VaK. 1:11) Uye sezvo Jehovha achinyatsoziva zvose zvatiri uye zvatisingakwanisi, haazombotiregi tiri mudambudziko zvokuti tinosvika pakutadza kuramba takatendeka kwaari.

7. Taura muenzaniso unoratidza kuti zvokudya zvokunamata zvinotibatsira kuti titsungirire.

7 Zvokudya zvokunamata ngazvisimbise kutenda kwako. Gomo rinonzi Everest rakakura chaizvo kupfuura mamwe makomo ose ari panyika. Kuti munhu azokwanisa kukwira gomo iri kusvika pamusoro paro, zvinotoda simba rakawanda, saka anofanira kudya zvokudya zvinomupa simba. Saka nesuwo kuti titsungirire miedzo yatinosangana nayo tosvika kwatiri kuenda, tinofanira kugara tichidya zvokudya zvinotisimbisa pakunamata. Tinofanira kuwana nguva yokuverenga, kudzidza uye kupinda misangano yedu yechiKristu. Kuita izvi kuchaita kuti kutenda kwedu kusimbiswe nezvokudya “zvinoramba zviripo nokuda kwoupenyu husingaperi.”​—Joh. 6:27.

8, 9. (a) Maererano naJobho 2:4, 5, chii chatinofanira kuyeuka patinosangana nemiedzo? (b) Paunosangana nemiedzo, zvii zvaunogona kufungidzira zvichiitika?

8 Yeuka kuti unofanira kuramba wakavimbika kuna Mwari. Kana mushumiri waJehovha akasangana nemuedzo, pane zvimwe zvinhu zvaanofanira kufunga zvinopfuura kurwadziwa kwaari kuita. Zvatinoita patinosangana nemiedzo zvicharatidza kana tichinyatsobvuma kuti Jehovha ndiye Changamire wezvinhu zvose. Satani uyo anovenga uchangamire hwaJehovha, akashora Jehovha nemashoko okuti: “Munhu achapa zvose zvaainazvo nokuda kwomweya wake. Ndapota, chimbochinjai, mutambanudze ruoko rwenyu, mugunzve [Jobho] kusvikira papfupa rake nenyama yake, muone kana asingazokutukii pamberi penyu chaipo.” (Job. 2:4, 5) Satani akati vanhu vanoshumira Jehovha nekuti vane zvavanenge vachingoda. Achinja here kubva paakataura mashoko iwayo ekunyepa? Haana kana kumbochinja! Mazana emakore akawanda akazotevera paakadzingwa kudenga, Satani akanga achiri kunzi “anopomera hama dzedu . . . , anodzipomera masikati nousiku pamberi paMwari wedu!” (Zvak. 12:10) Satani achiri kungopomera vanhu sezvaakaita kuna Jobho. Anoda kutiona tichikundwa nemiedzo, tobva tarega kutsigira uchangamire hwaMwari.

9 Saka paunenge uri mumuedzo, ita sokunge uri kuona zvinhu izvi zvichiitika. Satani nemadhimoni ake vakamira kudivi rimwe, vachiona kutambura kwauri kuita uye vari kuti uchaneta chete. Kune rimwe divi kuna Jehovha, Mwanakomana wake uyo ari kutonga, vaKristu vakazodzwa vakatomutswa, uye zviuru zvengirozi. Vari kukurovera maoko vachifadzwa nekutsungirira uye kutsigira uchangamire hwaJehovha kwauri kuita zuva nezuva. Uye unobva wanzwa Jehovha achikuudza kuti: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.”​—Zvir. 27:11.

10. Tingatevedzera sei Jesu pakuramba tichifunga zvakanaka zvinozovapo kana tikatsungirira?

10 Ramba uchifunga zvinhu zvakanaka zvinozovapo kana ukatsungirira. Ngatitii uri parwendo rwakareba. Mugwagwa wauri kufamba nawo unoenda nepasi uchizobudira kumberi. Wava nechepakati nepakati unombomira. Kwese kwaunotarisa irima rega rega. Kunyange zvazvo kuine rima, une chivimbo chekuti ukaramba uchienda uchasvika kune chiedza. Upenyu hwako hunogona kuitawo serwendo irworwo. Dzimwe nguva unogona kumbonzwa waremerwa nematambudziko zvichiita sekuti uri panzvimbo ine rima. Jesu anogona kunge akambonzwawo saizvozvo. “Akatsungirira kutaura kwokukakavara,” aizvidzwa, uye akatozourayiwa zvinorwadza “padanda rokutambudzikira.” Iyi yakanga iri nguva yakaoma chaizvo muupenyu hwake. Asi Jesu akatsungirira zvose izvozvo “nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake.” (VaH. 12:2, 3) Akaramba achifunga zvakanaka zvaizovapo kana akatsungirira, kunyanya zvaaizoitawo pakuti zita raMwari ritsveneswe uye kuti uchangamire hwaJehovha hurevererwe. Kurwadziwa kwaiita Jesu paaisangana nemiedzo kwaiva kwenguva pfupi asi mubayiro wake wokudenga waizoramba uripo nokusingaperi. Mazuva ano, miedzo yaunosangana nayo inogona kukuremera uye kukurwadza chaizvo. Asi yeuka kuti matambudziko auri kusangana nawo uri mumugwagwa unoenda kuupenyu husingaperi ndeenguva pfupi.

“VAYA VAKATSUNGIRIRA”

11. Kufunga zvakaitika kune “vaya vakatsungirira” kunotibatsira sei?

11 Tinewo vamwe vakatsungirira vatinogona kutevedzera. Kuti akurudzire vaKristu kutsungirira miedzo yakawanda yavaisangana nayo yaibva kuna Satani, muapostora Petro akanyora kuti: “Murwisei, makasimba pakutenda, muchiziva kuti zvinhu zvizhinji izvozvo zvamuri kutambura nazvo zviri kuitika musangano rose rehama dzenyu munyika.” (1 Pet. 5:9) Zvakaitika kune “vaya vakatsungirira” zvinotibatsira kuti tirambe takasimba, tive nechivimbo chokuti tinogona kubudirira, uye zvinotiyeuchidza kuti kutendeka kwedu kuchaita kuti tiwane mubayiro. (Jak. 5:11) Ngatimbotaurei nezvevamwe vavo. [1]

12. Tinodzidzei pane zvakaitwa nemakerubhi airinda munda weEdheni?

12 Makerubhi. Muenzaniso wakaratidzwa nedzimwe ngirozi dzakatanga kuonekwa nevanhu unogona kutibatsira kutsungirira patinenge tapiwa basa rakaoma. Jehovha Mwari “akaisa makerubhi kumabvazuva kwomunda weEdheni nebakatwa raibvira moto richitenderera nguva dzose kurinda nzira yaienda kumuti woupenyu.” [2] (Gen. 3:24) Zviri pachena kuti makerubhi aya akanga asina kusikirwa kuti aite basa iri nekuti chivi nekupanduka kwevanhu zvakanga zvisiri muchinangwa chaJehovha. Kunyange zvazvo makerubhi ari ngirozi dzine chinzvimbo chepamusoro, hapana patinoverenga panotaura kuti akambogunun’una achiti basa racho ranyanya kuita repasi pasi. Haana kumbofinhikana kana kurega basa racho. Asi akaramba achiteerera achiita basa rawo uye akatsungirira kusvikira aripedza. Zvimwe akazopedza basa iri pakaitika Mafashamo pashure pemakore anopfuura 1 600!

13. Chii chakabatsira Jobho kuti atsungirire miedzo yaakasangana nayo?

13 Murume akanga akatendeka Jobho. Dzimwe nguva mashoko anotaurwa neshamwari yako kana kuti nemumwe munhu wemumhuri anogona kukurwadza chaizvo. Zvimwe une chirwere chakutambudza kana kuti wakafirwa nemumwe munhu waunoda. Zvakaitwa naJobho zvinogona kukunyaradza. (Job. 1:18, 19; 2:7, 9; 19:1-3) Kunyange zvazvo Jobho akanga asingazivi kuti matambudziko ake aikonzerwa naani, haana kurasa tariro. Chii chakamubatsira? Chimwe chakamubatsira ndechokuti ‘aitya Mwari.’ (Job. 1:1) Akanga akatsunga kufadza Jehovha pasinei nekuti zvinhu zviri kufamba zvakanaka here kana kuti hazvisi. Achibatsirwa naJehovha, Jobho akafunga zvinhu zvinoshamisa zvakasikwa pachishandiswa mudzimu mutsvene. Jobho akawedzera kuva nechivimbo chokuti panguva yakakodzera Jehovha aizogumisa matambudziko aaisangana nawo. (Job. 42:1, 2) Jehovha akazobvisa matambudziko aJobho uye akamupawo “zvinhu zvaaimbova nazvo zvose, zvapetwa nekaviri.” Jobho akazofa “akwegura uye agutswa nemazuva.”​—Job. 42:10, 17.

14. Maererano na2 VaKorinde 1:6, kutsungirira kwaPauro kwakabatsira sei vamwe?

14 Muapostora Pauro. Uri kushorwa here kana kuti kutambudzwa nevanhu vanovenga kunamata kwechokwadi? Uri mukuru muungano here kana kuti mutariri wedunhu ari kunzwa sekuti basa raari kuita riri kumuremera? Fungisisa muenzaniso waPauro. Akasangana nemiedzo yakawanda yaibva kuvanhu vane utsinye vaimutambudza, uye zuva nezuva airemerwa achizvidya mwoyo pamusoro peungano dzose. (2 VaK. 11:23-29) Asi haana kuneta uye muenzaniso wake wakasimbisa vamwe. (Verenga 2 VaKorinde 1:6.) Paunotsungirira miedzo, yeuka kuti pane vamwe vanhu vanogona kunge vachitokurudzirwa nekutsungirira kwauri kuita.

KUTSUNGIRIRA ‘KUCHAPEDZA BASA RAKWO’ PAURI HERE?

15, 16. (a) ‘Ibasa’ ripi rinofanira kupedzwa nekutsungirira? (b) Taura mienzaniso inoratidza zvatingaita kuti ‘kutsungirira kupedze basa rakwo.’

15 Jakobho akafemerwa kunyora kuti: “Kutsungirira ngakupedze basa rakwo.” ‘Ibasa’ ripi rinofanira kupedzwa nokutsungirira? Kutsungirira kuchaita kuti ‘tive vakakwana uye vakanaka muzvinhu zvose, pasina chatinoshayiwa.’ (Jak. 1:4) Kazhinji, miedzo yatinosangana nayo inotibatsira kuona patinofanira kuvandudza. Kana tikatsungirira miedzo iyoyo, tichawedzera kuva vaKristu vakakwana kana kuti vakanaka. Somuenzaniso, tinowedzera kuva nemwoyo murefu, kuonga uye tsitsi.

Patinotsungirira miedzo, tichawedzera kuva vaKristu vakakwana (Ona ndima 15, 16)

16 Hatidi kutyora mutemo waMwari tichiitira kuti dambudziko redu ripere, asi tinoda kuti kutsungirira kupedze basa rakwo rokuti tive vaKristu vakanaka. Somuenzaniso, ngatitii une dambudziko rekungoramba uchifunga zvinhu zvisina kuchena. Pane kuti ukundwe nemuedzo wacho, nyengetera kuna Jehovha uchimukumbira kuti akubatsire kuti usaramba uchifunga zvinhu izvozvo. Kana ukadaro, uchakwanisa kuramba uchizvidzora. Mumwe munhu wemumhuri asingatendi ari kukushora here? Pane kubva warega kunamata, shinga kuramba uchishumira Jehovha nemwoyo wose. Izvi zvichaita kuti uwedzere kuvimba naye. Yeuka izvi: Kuti tifarirwe naMwari, tinofanira kutsungirira.​—VaR. 5:3-5; Jak. 1:12.

17, 18. (a) Taura muenzaniso unoratidza kuti nei zvichikosha kuti tirambe tichitsungirira kusvikira kumugumo. (b) Sezvo tinoswedera pedyo nemugumo, tine chivimbo chei?

17 Tinofanira kutsungirira kwete kwekanguva, asi kusvikira kumugumo. Somuenzaniso: Ngatitii ngarava yava kunyura. Kuti vanhu varimo vapone, vanofanira kushambira vachienda kumahombekombe. Kana munhu akaneta ava kutosvika kumahombekombe, anongonyura sezvinoita uya anenge aneta achangotanga kushambira. Saka kana tichidawo upenyu, tinofanira kuramba tichitsungirira kusvikira tapinda munyika itsva. Tine mafungiro akafanana neaiva nemuapostora Pauro uyo akataura kaviri kuti: “Hatineti.”​—2 VaK. 4:1, 16.

18 Tinonyatsovimba kuti Jehovha achatibatsira kuti titsungirire kusvikira kumugumo. Tine chivimbo chakafanana nechaiva naPauro paakataura mashoko ari pana VaRoma 8:37-39 anoti: “Tiri kunyatsokunda naiye akatida. Nokuti ndine chokwadi kuti rufu kana upenyu kana ngirozi kana hurumende kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvinhu zvichauya kana masimba kana kukwirira kana kudzika kana chimwe chinhu chakasikwa hazvizokwanisi kutiparadzanisa norudo rwaMwari ruri muna Kristu Jesu Ishe wedu.” Ichokwadi kuti dzimwe nguva tinonzwa taneta. Asi ngatirambei tichitsungirira kusvikira kumugumo. Kana tikadaro tinenge tichitevedzera Gidhiyoni nevarume vake avo ‘vakaramba vachitevera’ vavengi vavo kusvikira vakunda.​—Vat. 8:4.

^ [1] (ndima 11) Uchakurudzirwawo kana ukaverenga nezvekutsungirira kwevanhu vaMwari vemazuva ano. Somuenzaniso, Mabhuku Egore a1992, 1999, uye 2008 ane nyaya dzinosimbisa kutenda dzehama dzedu dzokuEthiopia, Malawi, uye Russia.

^ [2] (ndima 12) Bhaibheri haritauri kuti paiva nemakerubhi mangani aiita basa iri.