Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Tichifanira Kuungana Kuti Tinamate Pamwe Chete?

Nei Tichifanira Kuungana Kuti Tinamate Pamwe Chete?

“Vakaramba vachizvipira . . . pakugoverana [kana kuti pakuwadzana].”​—MAB. 2:42.

NZIYO: 20, 119

1-3. (a) VaKristu vanoratidza sei kuti vanokoshesa kuungana? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Tichakurukurei munyaya ino?

IMWE hanzvadzi inonzi Corinna payaingova nemakore 17, amai vayo vakasungwa ndokuendeswa kujeri raiva muSoviet Union kwavaishanda zvakaoma. Corinna akazosungwawo ndokuendeswa kuSiberia, zviuru zvemakiromita kubva kumba kwavo. Aibatwa semuranda, uye dzimwe nguva aitomanikidzwa kushanda panze kuchitonhora zvisingaiti, akapfeka zvisingadziyi. Pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma kudaro, Corinna neimwe hanzvadzi vainge vakatsunga kuti vapinde musangano weungano.

2 Corinna anoti: “Takabva pabasa ava manheru, ndokufamba makiromita 25 tichienda kuchiteshi chezvitima. Chitima chakasimuka na2 dzemangwanani, uye takaita maawa 6 tiri munzira. Patakaburuka takazofamba makiromita 10 kuti tisvike kwaiitirwa misangano.” Vakafambira zviripo here? Corinna anoti: “Pamusangano wacho takadzidza Nharireyomurindi uye takaimba nziyo dzeUmambo. Zvakatikurudzira chaizvo uye zvakasimbisa kutenda kwedu.” Kunyange zvazvo vakarovha basa kwemazuva matatu, maneja wepapurazi racho haana kutomboona kuti Corinna nemumwe wake vainge vasipo.

3 Vanhu vaJehovha vagara vachikoshesa kuungana pamwe chete. Ungano yechiKristu payakangotangwa, vateveri vaJesu vakatanga ‘kuzvipira pakugoverana’ kana kuti pakuwadzana. (Mab. 2:42) Zvimwe unofarira kupinda misangano yeungano nguva dzose sezvaiita vaKristu ava. Asi vaKristu vese vanosangana nezvinhu zvinogona kuvatadzisa kupinda misangano nguva dzose. Vamwe vanoenda kumabasa, uye vamwe vane zvakawanda zvekuita zuva nezuva zvinovasiya varukutika. Saka chii chingatibatsira kuti tiite zvose zvatinogona kuti tirambe tichipinda misangano nguva dzose? [1] Tingabatsirawo sei vatinodzidza navo Bhaibheri uye vamwewo kuti vaone kukosha kunoita kupinda misangano? Munyaya ino, tichakurukura zvikonzero 8 zvinoita kuti tipinde misangano tiri pamwe chete nevamwe. Tinogona kuisa zvikonzero izvozvo muzvikwata zvitatu zvinoti: kubatsirwa kwaunoitwa, kubatsirwa kunoitwa vamwe, uye kuti Jehovha anonzwa sei paunopinda misangano. [2]

KUBATSIRWA KWAUNOITWA

4. Kuungana pamwe chete kunotibatsira sei kuti tidzidze nezvaJehovha?

4 Tinodzidziswa pamisangano. Musangano mumwe nemumwe unotibatsira kuti tidzidze nezvaMwari wedu Jehovha. Somuenzaniso, munguva pfupi yapfuura, ungano dzakawanda dzakaita makore anoda kusvika maviri dzichikurukura bhuku raSwedera Pedyo naJehovha paChidzidzo cheBhaibheri Cheungano. Takadzidza nezveunhu hwaMwari uye tainzwa hama nehanzvadzi dzedu dzichipa mhinduro dzaibva pamwoyo. Zvose izvi zvakanga zvisingasimbisi here kuda kwaunoita Baba vako vekudenga? Tinowedzerawo kuziva Shoko raMwari patinonyatsoteerera hurukuro, mienzaniso, uye kuverengwa kweBhaibheri. (Neh. 8:8) Somuenzaniso, funga nezvepfuma yeShoko raMwari yaunowana vhiki nevhiki paunogadzirira uye paunoteerera pfungwa huru dzepachikamu cheBhaibheri chinenge chichiverengwa.

5. Misangano yakakubatsira sei kuti ushandise zvawakadzidza muBhaibheri, uye kuti uvandudze unyanzvi hwako pakuparidza?

5 Misangano inotibatsira kuti tishandise zvinodzidziswa neBhaibheri pane zvose zvatinoita muupenyu. (1 VaT. 4:9, 10) Somuenzaniso, Chidzidzo cheNharireyomurindi chakagadzirirwa kuti chinyatsobatsira vanhu vaMwari. Pane here nyaya yatakadzidza paChidzidzo cheNharireyomurindi yakakubatsira kuti uongororezve zvinangwa zvako muupenyu, kuti uregerere mumwe muKristu, kana kuti uvandudze minyengetero yako? Musangano wepakati pevhiki unotidzidzisa nezveushumiri. Tinodzidza kuti tingaparidza sei mashoko akanaka uye tinobatsirwa kuti tive neunyanzvi hwekudzidzisa zviri muMagwaro.​—Mat. 28:19, 20.

6. Misangano yedu inotikurudzira sei uye inotibatsira sei kuti tirambe takasimba?

6 Misangano inotikurudzira. Munyika yaSatani mune zvinhu zvakawanda zvinogona kuita kuti kutenda kwedu kupedzisire kusisina kusimba, tinetseke mupfungwa, uye tizvidye mwoyo. Asi misangano yeungano inotikurudzira uye inotisimbisa. (Verenga Mabasa 15:30-32.) Pamisangano yedu, tinowanzokurukura nezvekuzadziswa kwakaita uprofita. Izvi zvinoita kuti tinyatsova nechokwadi chekuti zvakavimbiswa naJehovha mune ramangwana zvichazadziswa. Tinokurudzirwa nehurukuro dzinopiwa pamisangano. Uye tinosimbiswawo nemhinduro dzinopiwa nevateereri uye kuimba kwavanoita zvichibva pamwoyo. (1 VaK. 14:26) Uye patinokurukura nehama nehanzvadzi dzedu misangano isati yatanga uye yapera, tinonyatsonzwa kuti tiri mhuri imwe chete uye tinozorodzwa.​—1 VaK. 16:17, 18.

7. Nei zvichikosha chaizvo kuti tipinde misangano?

7 Misangano inoita kuti tibatsirwe nemudzimu mutsvene. Jesu Kristu akati: “Ane nzeve ngaanzwe zvinotaura mudzimu kuungano.” (Zvak. 2:7) Izvi zvinonyatsoratidza kuti Jesu anotungamirira ungano achishandisa mudzimu mutsvene. Tinoda mudzimu mutsvene kuti tikunde muedzo, kuti tiparidze neushingi, uye kuti tiite zvisarudzo zvakanaka. Kuti tibatsirwe nemudzimu mutsvene tinofanira kushandisa zvose zvatinopiwa zvinosanganisira misangano yeungano.

KUBATSIRWA KUNOITWA VAMWE

8. Hama dzedu dzinobatsirwa sei padzinotiona pamisangano uye padzinonzwa tichipindura uye tichiimba? (Onawo bhokisi rakanzi “Pose Paanobva Pamisangano Anenge Ava Kunzwa Zviri Nani.”)

8 Misangano inotipa mikana yekuratidza hama dzedu kuti tinodzida. Chimbofunga nezvemiedzo iri kutsungirirwa nedzimwe hama nehanzvadzi dzemuungano yenyu. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ngatirangarirane.” Akabva ataura kuti tinogona kuratidza kuti tiri kurangarira hama dzedu patinogara tichiungana. (VaH. 10:24, 25) Paunopinda misangano, unoratidza kuti unokoshesa vamwe vaunonamata navo zvekuti unoda kuwana nguva yekumbokurukura navo, uchiratidzawo kuti unovada. Vaunonamata navo vanokurudzirwawo nemhinduro dzako dzinobva pamwoyo nekuimba kwaunoita.—VaK. 3:16.

9, 10. (a) Tsanangura kuti mashoko aJesu ari pana Johani 10:16 anotibatsira sei kuona kuti nei zvichikosha kuti tiungane nehama dzedu. (b) Kupinda kwedu misangano nguva dzose kungabatsira sei mumwe munhu asisafarirwi nevemumhuri make?

9 Misangano inoita kuti tibatane nevatinonamata navo. (Verenga Johani 10:16.) Jesu akazvifananidza nemufudzi, uye vateveri vake neboka remakwai. Funga izvi: Kana makwai maviri ari pachikomo, mamwe maviri ari mubani, uye rimwe richifura riri kumwewo, makwai acho ari mashanu anganzi iboka here? Kazhinji makwai anowanzofura ari pamwe chete aine mufudzi wawo. Saka isuwo hatigoni kutevera Mufudzi wedu kana tikazvibvisa pane vamwe. Tinofanira kuungana nevamwe vaKristu kuti tive “boka rimwe chete” riri pasi “pomufudzi mumwe chete.”

10 Patinopinda misangano, tinenge tichitowedzera kubatana kwatakaita sehama. (Pis. 133:1) Vamwe vatinonamata navo havachafarirwi nevabereki vavo uye nevakoma nevanin’ina vavo nekuti vakasarudza kushumira Mwari. Asi Jesu akavimbisa kuti achavapa mhuri yevanamati vaMwari inovada uye inovabatsira. (Mako 10:29, 30) Kana ukapinda misangano nguva dzose, unogona kupedzisira wava baba, amai, mukoma, munin’ina, kana kuti hanzvadzi yevanhu ivavo vatinoda chaizvo. Kufunga izvi kuchaita kuti tide kupinda misangano yose.

JEHOVHA ANONZWA SEI PAUNOPINDA MISANGANO?

11. Kupinda misangano kunotibatsira sei kuti tipe Jehovha zvatinofanira kumupa?

11 Patinopinda misangano tinenge tichipa Jehovha zvakamukodzera. Sezvo ari Musiki wedu, Jehovha akakodzera kurumbidzwa, kukudzwa, kuongwa uye kuremekedzwa. (Verenga Zvakazarurwa 7:12.) Jehovha ndiye akakodzera kunamatwa, saka patinonyengetera, patinoimba uye patinotaura nezvake pamisangano yedu, tinenge tichimupa zvakamukodzera. Tinokoshesa chaizvo chikomborero chatiinacho chekukudza Mwari, uyo akatiitira zvinhu zvakawanda chaizvo.

12. Jehovha anonzwa sei patinoteerera murayiro wake wekuti tipinde misangano?

12 Tinofanirawo kuteerera Jehovha. Akatipa murayiro wekuti tisarega kuungana kwedu, kunyanya munguva ino yekuguma. Kana tikateerera murayiro iwoyo zvichibva pamwoyo, Jehovha anofara. (1 Joh. 3:22) Anoona uye anokoshesa zvose zvatinoita kuti tipinde musangano mumwe nemumwe.​—VaH. 6:10.

13, 14. Tinoswedera sei pedyo naJehovha naJesu pamisangano?

13 Patinopinda misangano tinenge tichiratidza Jehovha kuti tinoda kuswedera pedyo naye uye neMwanakomana wake. Pamisangano yedu, Murayiridzi wedu Mukuru anotitungamirira achishandisa Shoko rake Bhaibheri. (Isa. 30:20, 21) Kunyange vanhu vasiri Zvapupu avo vanouya kumisangano yedu vanogona kupedzisira vati: “Chokwadi Mwari ari pakati penyu.” (1 VaK. 14:23-25) Jehovha anokomborera misangano achishandisa mudzimu mutsvene wake uye ndiye anotungamirira kudzidziswa kwatinoitwa kubva muMagwaro. Saka patinenge tiri pamisangano, tinenge tichiteerera inzwi raJehovha uye tinoona kuti anotida. Izvi zvinobva zvaita kuti tiswedere pedyo naye.

14 Jesu akati: “Pane vaviri kana vatatu vakaungana muzita rangu, ini ndiripo pakati pavo.” (Mat. 18:20) Mashoko aJesu aya anoshandawo panyaya yekupinda misangano. Sezvo ari musoro weungano, Kristu “anofamba pakati” peungano dzevanhu vaMwari. (Zvak. 1:20–2:1) Pafunge! Jehovha naJesu vari kushanda kuti vatisimbise pamisangano yechiKristu. Unofunga kuti Jehovha anonzwa sei paanoona kuti tinoda chaizvo kuswedera pedyo naye uye neMwanakomana wake?

15. Kupinda misangano kunoratidza sei Mwari kuti tinoda kumuteerera?

15 Patinopinda misangano tinenge tichiratidza kuti tinotsigira uchangamire hwaMwari. Jehovha anotirayira kuti tipinde misangano, asi haatimanikidzi kuti tidaro. (Isa. 43:23) Saka zviri kwatiri kuratidza Jehovha kuti tinomuda nemwoyo wose uye kuti tinonyatsotsigira utongi hwake. (VaR. 6:17) Somuenzaniso, munhu watinoshandira anogona kutimanikidza kuti tishande panguva yatinofanira kunge tiri kumisangano. Tinogona kutyisidzirwa nehurumende kuti kana tikapinda misangano tichabhadhariswa faindi, tichasungwa, kana kuti tichaitirwa zvimwewo zvakaipa. Kana kuti tinogona kumbonzwa tichida kuita zvinhu zvinotivaraidza panguva yatinofanira kunge tiri kumisangano. Pazvinhu zvose izvi, tinofanira kusarudza kuti ndiani watichashumira. (Mab. 5:29) Kana tikasarudza kutsigira uchangamire hwaJehovha, tinoita kuti mwoyo wake ufare.—Zvir. 27:11.

RAMBA UCHIZVIPIRA KUPINDA MISANGANO

16, 17. (a) Tinoziva sei kuti misangano yaikosha chaizvo kuvaKristu vekutanga? (b) Hama George Gangas vainzwa sei nezvemisangano yechiKristu?

16 VaKristu vekutanga havana kungoungana kwenguva shomanana kubva pakaitika chishamiso chaikanga mate mukanwa paPendekosti ya33 C.E. “Vakaramba vachizvipira kune zvaidzidziswa nevaapostora” uye pakuwadzana. (Mab. 2:42) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “vachizvipira” rine pfungwa yekutsungirira kana kuti kushinga kuramba uchiita chimwe chinhu nesimba rose. Zvakanga zvakaoma kuti vaKristu ivavo vapinde misangano nekuti vaipikiswa nevatungamiri vechitendero chechiJudha uye vaitongwa neRoma. Asi vakaramba vachiungana pamwe chete.

17 Mazuva ano vashumiri vaJehovha vakawanda vanoratidza kuti vanokoshesa chaizvo misangano yechiKristu. Hama George Gangas, avo vaiva muDare Rinotungamirira kwemakore 22 vakati: “Kuungana nehama ndechimwe chezvinhu zvinoita kuti ndifare chaizvo muupenyu uye zvinondikurudzira. Ndinoda kuva mumwe wevanotanga kusvika paImba yoUmambo, uye kuva mumwe wevanopedzisira kubva, pose pazvinoita. Ndinofara chaizvo pandinenge ndichitaura nevanhu vaMwari. Pandinenge ndiinavo, ndinonzwa ndakadekara ndichiita sokuti ndine vomumhuri yangu, ndiri muparadhiso yokunamata.” Vakawedzera kuti: “Sezvinongoita kambasi inongogara yakanongedza kuchamhembe, chido changu ndechekuramba ndichipinda misangano.”

18. Unonzwa sei nezvemisangano yedu, uye watsunga kuitei?

18 Ndiwo here manzwiro aunoita nezvekuungana pamwe chete tichinamata Jehovha? Saka ramba uchiita zvese zvaunogona kuti ugare uchipinda misangano nguva dzose. Izvi zvicharatidza kuti unobvumirana nezvakataurwa naMambo Dhavhidhi paakati: “Jehovha, ndakada nzvimbo yenyu yamunogara iri muimba yenyu.”​—Pis. 26:8.

^ [1] (ndima 3) Vamwe vaKristu vatinonamata navo havakwanisi kupinda misangano nguva dzose nemhaka yemamiriro ezvinhu akadai sekurwara zvakanyanya. Vanogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anonzwisisa mamiriro avo ezvinhu uye anokoshesa chaizvo kumunamata kwavanoita nemwoyo wese. Vakuru vanogona kubatsira vaKristu ava kuti vanzwewo misangano, zvimwe nekuita kuti vaiteerere pafoni kana kuti kuvarekodhera.

^ [2] (ndima 3) Ona bhokisi rakanzi “Nei Tichifanira Kupinda Misangano?