Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Usina Kwaunotsigira Munyika Isina Kubatana

Ramba Usina Kwaunotsigira Munyika Isina Kubatana

“Dzorerai . . . zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”​—MAT. 22:21.

NZIYO: 33, 137

1. Tingateerera sei Mwari ukuwo tichiteerera hurumende dzevanhu?

SHOKO RAMWARI rinotiudza kuti tinofanira kuteerera hurumende, asi rinotiudzawo kuti tinofanira kuteerera Mwari panzvimbo pevanhu. (Mab. 5:29; Tito 3:1) Mirayiro iyi inopesana here? Aiwa! Mashoko akataurwa naJesu pamusoro pekuzviisa pasi zvine mwero anotibatsira kuti tinzwisise uye titeerere mirayiro yacho iri miviri. Akati: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” [1] (Mat. 22:21) Tinoteerera sei zvakataurwa naJesu? Tinozviisa pasi pehurumende patinoteerera mitemo, patinoremekedza vane masimba, uye patinobhadhara mutero. (VaR. 13:7) Asi kana hurumende ikatiudza kuti tisateerera Mwari, tinoramba neruremekedzo kuita zvainenge yataura.

2. Tinoratidza sei kuti hatina kwatinotsigira panyaya dzezvematongerwo enyika?

2 Chimwe chinhu chatinoita kuti tipe zvaMwari kuna Mwari, kuramba tisina kwatinotsigira panyaya dzezvematongerwo enyika. (Isa. 2:4) Saka hatipikise hurumende nekuti dzakabvumirwa naJehovha kuti dzivepo, uyewo hatisimudziri pfungwa yekunyanya kuda nyika dzedu kana kuti kudzikwidziridza pane dzimwe. (VaR. 13:1, 2) Hatiudzi hurumende zvokuita, hatina bato ratinovhotera, hatikwikwidzi musarudzo, uye hatiedzi kuchinja hurumende.

3. Nei tisingafaniri kupindira mune zvenyika?

3 Bhaibheri rine zvikonzero zvakawanda zvinotibatsira kuona kuti nei Mwari asingadi kuti tipindire mune zvenyika. Somuenzaniso, tinotevedzera zvaidzidziswa uye zvaiitwa neMwanakomana wake, Jesu Kristu. Akanga ‘asiri wenyika’ saka nesuwo hatibatanidzwi mune zvematongerwo enyika uye hondo. (Joh. 6:15; 17:16) Kuti tive vatsigiri vakavimbika veUmambo hwaMwari hatifaniri kupindira mune zvenyika. Kana tikapindira mune zvematongerwo enyika, tinozova sei nehana yakachena patinenge tichiparidza mashoko akanaka ekuti Umambo hwaMwari ndihwo huchabvisa matambudziko ese evanhu? Vanhu vezvitendero zvenhema havana kubatana nekuti vanopindira mune zvematongerwo enyika. Asi vanamati vechokwadi vari munyika yose vakabatana nekuti havapindiri mune zvenyika.​—1 Pet. 2:17.

4. (a) Tinoziva sei kuti zvinhu zvichatowedzera kuoma panyaya yekusapindira mune zvenyika? (b) Nei tichifanira kugadzirira iye zvino kuti tisazopindira mune zvenyika?

4 Kwatinogara, zvinhu zvinogona kunge zvakadzikama mune zvematongerwo enyika uye vashumiri vaMwari vanogona kunge vachinamata vakasununguka. Asi sezvo kwangosara nguva pfupi kuti nyika yaSatani igume, tinogona kutarisira kuti zvinhu zvichatowedzera kuoma panyaya yekuramba tisina kwatinotsigira mune zvenyika. Nyika yakazara nevanhu “vasingambodi kubvumirana” uye “vakaoma musoro,” saka vanhu vachawedzera kupesana uye kupandukirana. (2 Tim. 3:3, 4) Mune dzimwe nyika, hama dzedu dzakatombosangana nemiedzo panyaya yekusapindira mune zvenyika nekuti zvematongerwo enyika zvakangoerekana zvachinja. Saka uri kuona here kuti nei tichifanira kutotsunga iye zvino kuti tirambe tisina kwatinotsigira? Kana tikamirira kuti zvinhu zvitange zvaoma, tinogona kuzotadza kuramba takavimbika kuna Mwari. Saka tingaramba sei tisina kwatinotsigira munyika isina kubatana? Ngatikurukurei zvinhu zvina zvichatibatsira kuti tisapindira mune zvematongerwo enyika.

ONA HURUMENDE DZEVANHU SEZVINOITA JEHOVHA

5. Jehovha anoona sei hurumende dzevanhu?

5 Chekutanga chinogona kutibatsira kuti tisapindire mune zvenyika, kuona hurumende sezvinoitwa naJehovha. Kunyange zvazvo dzimwe hurumende dzichiita sedzakanaka, Jehovha paakasika vanhu akanga asingadi kuti vatonge vamwe vanhu. (Jer. 10:23) Hurumende dzevanhu dzinokurudzira vanhu kuti vanyanye kuda nyika yavo, uye izvi zvinoita kuti vasabatane. Kunyange madzimambo evanhu anotonga zvakanaka haagoni kupedza matambudziko ese evanhu. Uyewo, kubva pakagadzwa Umambo hwaMwari muna 1914, hurumende dzevanhu dziri kuita zvinopesana nahwo, asi kwangosara nguva pfupi kuti Umambo hwaMwari huparadze hurumende idzi.​—Verenga Pisarema 2:2, 7-9.

6. Tinofanira kuona sei vanhu vane masimba vemuhurumende?

6 Mwari anorega hurumende dzevanhu dziripo nekuti dzinobatsira kuti zvinhu zviti dzikamei, zvoita kuti tikwanise kuparidza mashoko akanaka eUmambo. (VaR. 13:3, 4) Mwari anototirayirawo kuti tinyengeterere vaya vane masimba, kunyanya kana zvavanosarudza zvichigona kukanganisa kunamata kwedu. (1 Tim. 2:1, 2) Kana paine patinenge tisina kubatwa zvakanaka, tinoendesa nyaya dzedu kumatare ehurumende sezvakaita muapostora Pauro. (Mab. 25:11) Kunyange zvazvo Bhaibheri richidzidzisa kuti muvengi waMwari, Satani, ane simba pamusoro pemadzimambo, haritauri kuti ndiye anoudza mutungamiriri mumwe nemumwe zvekuita. (Ruka 4:5, 6) Saka hatifaniri kutaura kana kuita zvinhu zvinoratidza kuti tinofunga kuti mumwe munhu ane masimba wemuhurumende anodzorwa naDhiyabhorosi. Pane zvose zvatinoita ‘nehurumende’ uye “nevanhu vane masimba,” hatitauri “zvinokuvadza pamusoro pomunhu chero upi zvake.”​—Tito 3:1, 2.

7. Mafungiro api atisingafaniri kuva nawo?

7 Tinoratidza kuti tinoteerera Mwari patinorega kutsigira bato rezvematongerwo enyika kana kuti munhu ari kukwikwidza musarudzo, kunyange zvazvo vanhu ivavo vachiita sevari kutsigira kana kupikisa manamatiro edu. Asi tinogona kuedzwa sei panyaya iyi? Ngatitii pane vanhu vari kuda kubvisa hurumende inodzvinyirira, iyo iri kutambudzawo vashumiri vaMwari. Kunyange zvazvo tingasabatana nevanhu ivavo vanenge vachipandukira, zvingaitika here kuti tivatsigire nechemumwoyo? (VaEf. 2:2) Matauriro atinoita uye maitiro edu anofanira kuratidza kuti hatina kwatinotsigira. Hatifaniriwo kutsigira zvematongerwo enyika kunyange mumwoyo medu.

IVAI “VAKACHENJERA” ASI “MUSINA MHOSVA”

8. Pazvinenge zvisiri nyore kuti tirambe tisina kwatinotsigira tingava sei “vakachenjera” asi ‘tisina mhosva’?

8 Chechipiri chinotibatsira kuti tisapindire mune zvematongerwo enyika zvinhu pazvinooma, ndechekuva “vakachenjera senyoka” asi tisina “mhosva senjiva.” (Verenga Mateu 10:16, 17.) Tinoratidza kuti takachenjera nekukurumidza kuona zvinhu zvinogona kutitsausa, uye tinoramba tisina mhosva patinoramba tisina kwatinotsigira zvinhu pazvinooma. Ngationei zvinhu zvinogona kutitsausa uye zvatinofanira kuita kuti tisatsauswa.

9. Zvii zvatinofanira kungwarira patinenge tichikurukura nevanhu?

9 Zvatinotaura. Tinofanira kungwarira mapinduriro atinoita mumwe munhu paanotaura nyaya dzezvematongerwo enyika. Somuenzaniso, paunenge uchiparidza mashoko eUmambo, usataura uchirumbidza kana kushora zvinenge zvichiitwa nebato rezvematongerwo enyika kana kuti mutungamiriri. Edza kutsvaka pamunowirirana nasaimba. Somuenzaniso, unogona kutaura nezvedambudziko riri kusangana nevanhu pane kutaura zviri kurongwa nevezvematongerwo enyika kuti varigadzirise. Zvadaro ratidza saimba kubva muBhaibheri kuti hurumende yaMwari ichagadzirisa sei dambudziko racho zvachose. Kana pakamuka nyaya dzinomutsa nharo dzakadai seyeungochani kana kuti yekubvisa pamuviri, taura uchitsigira zvinotaurwa naMwari uye tsanangura kuti isu tinozvitevedzera sei muupenyu hwedu. Pamunenge muchikurukura nyaya idzi, ngwarira kuti usatombotaura zvinhu zvinoita sekuti uri kutsigira zvematongerwo enyika. Hatipindiri munyaya dzekuti ndeipi mitemo inofanira kuiswa, kubviswa, kana kuti kuchinjwa, uye hatimanikidzi vanhu kuti vabvume mafungiro edu.

10. Tingaitei kuti tirambe tisina kwatinotsigira mune zvenyika pazvinhu zvose zvatinoona kana kuti zvatinoverenga?

10 Zvinobudiswa munhau. Vanobudisa nhau vanowanzotaura vaine kwavakarerekera uye vachisimbirira pane zvavanofunga. Dzimwe nguva vezvematongerwo enyika vanoshandisa zvinobudisa nhau zvakadai semaTV, maredhiyo nezvimwewo. Mune dzimwe nyika, hurumende ndiyo ine simba pazvese zvinobudiswa munhau, saka izvi zvinogona kuita kuti mashoko anobuda munhau atsigire zvakanyanya divi rimwe chete. Asi kunyange munyika dzekuti vezvenhau vane rusununguko rwekubudisa mashoko, vaKristu vanofanira kungwarira kuti vasapedzisira vava nemaonero evanhu ivavo. Zvibvunze kuti, ‘Pazvinhu zvinobudisa nhau, ndine here munhu wandinofarira kuteerera kana achitaura nekuti ndinobvumirana nemaonero aanoita zvematongerwo enyika?’ Kana uinaye, zvakanaka kuti uedze kutsvaka nhau dzisina kwadzakarerekera. Asi pasinei nezvaunenge wasarudza, zvakakosha kuti usanyanya kuteerera mashoko anokurudzira zvematongerwo enyika uye zvakakosha kuti uongorore kuti zvaunoteerera zvinoenderana here ‘nemashoko anopa utano’ ari muBhaibheri.​—2 Tim. 1:13.

11. Kana tichinyanya kukoshesa zvinhu zvatiinazvo, nei zvichizotiomera kuti tirambe tisina kwatinotsigira?

11 Kunyanya kuda pfuma. Kana tichinyanya kuda zvinhu zvatiinazvo, zvinozotiomera kuti tirambe tisina kwatinotsigira kana zvinhu zvaoma. Kuma1970, imwe hanzvadzi yekuMalawi inonzi Ruth yakaona zvimwe Zvapupu zvakatadza kuramba zvakavimbika nemhaka yekuda pfuma. Ruth akati: “Vaida kungoramba vaine upenyu hwavo hwakanaka. Vamwe vacho takatiza navo tichienda kune dzimwe nyika, asi vakazotanga kutsigira bato rezvematongerwo enyika ndokudzokera kumisha yavo nekuti vakanga vatadza kutsungirira kugara mumisasa yevapoteri.” Kunyange zvakadaro, vanhu vaMwari vakawanda vakaramba vasingapindiri mune zvenyika, pasinei nenhamo yavakasangana nayo kunyange kurasikirwa kwavakaitwa nezvinhu zvavo.​—VaH. 10:34.

12, 13. (a) Jehovha anoona sei vanhu? (b) Tingaziva sei kuti tava kunyanya kudada nenyika yedu?

12 Kudada. Kazhinji vanhu vanodada nedzinza, rudzi, tsika, guta kana kuti nyika yavo. Asi tinoziva kuti kana tikanyanya kudada nazvo tinenge tava kuita zvinopesana nemaonero anoita Jehovha utongi hwevanhu uye maonero aanoita vanhu vese zvavo. Mwari haadi hake kuti tirambe tsika dzedu. Kusiyana-siyana kwakaita tsika dzedu kunotoita kuti upenyu hunakidze. Tinofanira kuyeuka kuti Mwari anoona vanhu vese sevakaenzana.​—VaR. 10:12.

13 Kana tikadada nekwatinobva zvekuti tinotanga kuona nyika yedu seiri nani pane dzimwe, tinogona kuzopedzisira tapindira mune zvenyika. Vamwe vaKristu vekutanga vakambobatwa nemuedzo iwoyo, vakatanga kusarura dzimwe hama nemhaka yekwadzaibva. (Mab. 6:1) Tingaziva sei kana tava kunyanya kudada nekwatinobva? Ngatitii imwe hama kana kuti hanzvadzi inobva kune imwe nzvimbo inokuudza mamwe maitirwo ezvinhu. Unokurumidza kuramba here, uchiti, ‘Haasiriwo maitiro atinoita zvinhu kuno’? Pane kudaro, tinofanira kuteerera mashoko akafemerwa ekuti tive ‘nepfungwa dzinozvininipisa tichifunga kuti vamwe vakuru kwatiri.’​—VaF. 2:3.

KUMBIRA JEHOVHA KUTI AKUPE SIMBA

14. Munyengetero unotibatsira sei, uye muenzaniso upi wemuBhaibheri unoratidza izvozvo?

14 Chechitatu chinotibatsira kuti tisapindira mune zvenyika isimba rinobva kuna Jehovha. Nyengeterera mudzimu mutsvene, uyo uchaita kuti uve nemwoyo murefu uye uzvidzore. Unhu ihwohwo huchakubatsira kuti utsungirire kana hurumende yekwaunogara ichidzvinyirira kana kuti iine uori. Unogonawo kukumbira Jehovha kuti akupe uchenjeri hwekuti uzive zvinhu zvinogona kuita kuti upedzisire wava kutsigira zvinhu zvenyika, uye kuti akubatsire kuramba wakatendeka. (Jak. 1:5) Kana ukasungwa kana kuti ukaitirwa utsinye nemhaka yekuvimbika kwako kuna Jehovha, nyengeterera simba rekuti utsigire zvaunotenda neushingi, uye kuti utsungirire chero kutambudzwa kwaungaitwa.​—Verenga Mabasa 4:27-31.

15. Bhaibheri ringatibatsira sei kuti usapindire mune zvenyika? (Onawo bhokisi rakanzi “Shoko raMwari Rakavabatsira Kuti Varambe Vaine Ushingi.”)

15 Jehovha anogona kukusimbisa achishandisa Shoko rake. Fungisisa magwaro anozokubatsira kuti usapindire mune zvenyika paunenge wava kuedzwa. Edza kuaziva nemusoro iye zvino kuitira kuti azokubatsira kana usisakwanise kuwana Bhaibheri. Shoko raMwari rinogonawo kusimbisa tariro yako mune zvatinovimbiswa neUmambo hwaMwari. Tariro iyi inotibatsira kuti titsungirire patinotambudzwa. (VaR. 8:25) Tsvaga magwaro anotsanangura zvaunonyanya kutarisira kuzonakidzwa nazvo muParadhiso, woedza kufungidzira urimo uchiwana makomborero iwayo.

DZIDZA KUNE VAMWE VAKARAMBA VAKAVIMBIKA

16, 17. Tinodzidzei kubva pamienzaniso yevashumiri vaMwari vakatendeka vakaramba vasingatsigiri zvenyika? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

16 Chechina chinogona kutibatsira kuti tisapindira mune zvenyika, mienzaniso yevamwe vashumiri vaJehovha. Zvavakaita zvinogona kutibatsira kuti tive neuchenjeri uye simba rinodiwa kuti titsungirire. Somuenzaniso, Shadreki, Misheki, naAbhedhinego vakaramba kunamata chifananidzo chaimirira umambo hweBhabhironi. (Verenga Dhanieri 3:16-18.) Kuverenga nezveushingi hwavaiva nahwo kwakabatsira vashumiri vaMwari mazuva ano kuti varambe kunamata mureza wenyika. Uyewo, Jesu haana kumbobvira apindira mune zvematongerwo enyika uye mumagakava enyika. Achiziva kuti muenzaniso wake waizobatsira sei vamwe, Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti: “Shingai! Ini ndakunda nyika.”—Joh. 16:33.

17 Zvapupu zvakawanda zvemazuva ano zvakarambawo zvisingapindiri mune zvenyika. Vamwe vakaitirwa utsinye, vakasungwa uye vakatourayiwa nekuti vakaramba vakatendeka. Mienzaniso yavo inogona kutibatsira sekubatsira kwayakaita Barış wekuTurkey. Akataura kuti: “Imwe hama yechidiki yainzi Franz Reiter yakaurayiwa nekuti yakaramba kuva musoja waHitler. Tsamba yaakanyora kuna amai vake usiku hwekupedzisira asati afa, yakaratidza kuti aiva nekutenda kwakasimba uye kuti aivimba naJehovha, uye ini ndinoda kumutevedzerawo kana ndikasangana nemuedzo wakadaro.” [2]

18, 19. (a) Vanhu vemuungano yenyu vanogona kukubatsira sei kuti urambe usina kwaunotsigira? (b) Watsunga kuitei?

18 Hama nehanzvadzi dzemuungano yenyu dzinokubatsirawo. Udza vakuru nezvemuedzo waungava uri kusangana nawo panyaya yekusava nekwaunotsigira, uye vachakubatsira nemazano anobva muBhaibheri. Vanhu vemuungano vachakukurudzira kana vakaziva matambudziko auri kusangana nawo. Vakumbire kuti vakunyengetererewo. Asi kana tichida kuti hama dzedu dzititsigire uye dzitinyengeterere, tinofanira kudziitirawo izvozvo. (Mat. 7:12) Pajw.org pane nyaya dzakanzi “Jehovah’s Witnesses Imprisoned for Their Faith—By Location,” dzinogona kukubatsira kuti uzive zvimwe zvaungataura muminyengetero yako. Kuti udziwane, enda pakanzi NEWSROOM > LEGAL DEVELOPMENTS. Uchawanawo dzimwe nyaya dzeZvapupu zvitori mujeri nemhaka yekutenda kwazvo. Sarudza mamwe mazita evanhu ivavo wovanyengeterera kuti vave neushingi uye kuti varambe vakatendeka kuna Mwari.​—VaEf. 6:19, 20.

19 Sezvo kwangosara nguva pfupi kuti hurumende dzevanhu dziparadzwe, hazvizotishamisi kana dzikawedzera kutitambudza nemhaka yekuvimbika kwedu kuna Jehovha uye kuUmambo hwake. Saka ngatitsungei kuti tirambe tisina kwatinotsigira munyika ino isina kubatana.

^ [1] (ndima 1) Jesu paakataura nezvaKesari aingoreva hurumende dzevanhu. Panguva iyi Kesari ndiye aiva mutongi ane simba kupfuura vose vaiva panyika.

^ [2] (ndima 17) Ona bhuku raZvapupu zvaJehovha​—Vazivisi voUmambo hwaMwari, peji 662, uye bhokisi rakanzi “Akafira Kukudza Mwari” riri muchitsauko 14 chebhuku raUmambo hwaMwari Huri Kutonga!