Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinhu Zvaunofungidzira Zvakanaka Here?

Zvinhu Zvaunofungidzira Zvakanaka Here?

CHII chinonzi chinorema makirogiramu anenge 1,4 chete, asi chichinzi ‘chakaoma kunzwisisa kupfuura zvimwe zvinhu zvese zvinozivikanwa nevanhu’? Uropi hwemunhu. Zvechokwadi hunoshamisa. Patinoramba tichidzidza nezvahwo, tinowedzerawo kunzwisisa mabasa “anoshamisa” aJehovha. (Pis. 139:14) Uropi hwedu hune zvakawanda zvahunoita. Asi ngatimbofungai nezvechimwe chacho​—kukwanisa kufungidzira.

Kufungidzira kuita sei? Rimwe duramazwi rinotsanangura richiti kufungidzira “kukwanisa kuona zvakaita chimwe chinhu mupfungwa dzako kana kuti kufunga zvinhu zvitsva uye zvinonakidza, kana kuti kufunga zvinhu zvisati zvamboitika kwauri.” Izvi zvinoratidza kuti pfungwa dzedu dzinogara dzichifungidzira zvinhu zvakawanda. Somuenzaniso, wakamboverenga kana kunzwa nezvenzvimbo yausati wambosvika here? Zviri pachena kuti wakatombofungidzira zvakaita nzvimbo iyoyo. Chokwadi ndechekuti pese patinofunga nezvechimwe chinhu chatisiri kuona, kunzwa, kuravidza, kubata, uye kunhuhwidza, tinenge tichitofungidzira zvakaita chinhu ichocho.

Bhaibheri rinotibatsira kuti tinzwisise kuti vanhu vakasikwa nemufananidzo waMwari. (Gen. 1:26, 27) Izvi hazviratidzi here kuti Jehovha anokwanisawo kufungidzira nezvechimwe chinhu? Sezvo ari iye akatisika tichikwanisa kufungidzira zvinhu, anotarisira kuti tishandise pfungwa dzedu kuti tinzwisise kuda kwake. (Mup. 3:11) Tingaitei kuti kufungidzira kutibatsire kunzwisisa kuda kwaMwari, uye ndezvipi zvatisingafaniri kufungidzira?

ZVINHU ZVATISINGAFANIRI KUFUNGIDZIRA

(1) Kufunga zvinhu zvakaipa kana kuti kufunga chinhu panguva isiriyo.

Kufungidzira pachako hakuna kuipa. Pane uchapupu hunoratidza kuti kufungidzira kunogona kubatsira. Zvisinei, pana Muparidzi 3:1 panoratidza kuti zvinhu “zvose zvinoitwa pasi pematenga zvine nguva yazvo,” saka zvinogona kuitika kuti munhu aite zvimwe zvinhu panguva isiriyo. Somuenzaniso, kana tikatanga kufunga zvimwewo zvinhu tiri pamisangano kana kuti tichidzidza Bhaibheri tiri tega, tingati here tiri kushandisa zvakanaka chipo ichi chekufungidzira? Jesu pachake akatinyevera nezvengozi yekurega pfungwa dzedu dzichifunga zvinhu zvisina kunaka, zvakadai sekufungidzira uchiita zveunzenza. (Mat. 5:28) Zvimwe zvinhu zvatinogona kurega pfungwa dzedu dzichifungidzira zvinogona kunge zvichitsamwisa Jehovha chaizvo. Kana ukagara uchifungidzira uchiita zveunzenza, zviri nyore kuti upedzisire waita unzenza hwacho. Usambofa wakarega pfungwa dzako dzichifungidzira zvinhu zvinokubvisa pana Jehovha!

(2) Kufunga kuti hapana chinotiwana kana takapfuma.

Tinoda mari nezvimwewo zvinhu kuti tirarame. Asi kana tikafunga kuti zvinhu izvozvo ndizvo zvichaita kuti tiwane mufaro wechokwadi tisina chekutya, tichaora mwoyo. Murume ainge akachenjera Soromoni akanyora kuti: “Zvinhu zvinokosha zvomupfumi itaundi rake rakasimba, uye anofungidzira kuti zvakaita sorusvingo runodzivirira.” (Zvir. 18:11) Somuenzaniso, funga zvakaitika muna September 2009, chikamu chakakura cheguta reManila riri kuPhilippines pachakafukidzwa nemafashamo. Chii chakaitika kune vaya vaiva nepfuma yakawanda? Mumwe mupfumi uyo akarasikirwa nezvakawanda akati, “Mafashamo acho akaita kuti tienzane, akaunza nhamo nematambudziko kuvapfumi nevarombo.” Zviri nyore kutanga kufunga kuti kana takapfuma, hapana chinombotiwana. Asi ikoko kuzvinyengera.

(3) Kugara uchingozvinetsa nezvinhu zvinogona kusatomboitika.

Jesu akatipa zano rekuti tisanyanya ‘kuzvidya mwoyo.’ (Mat. 6:34) Kuti munhu azozvidya mwoyo anenge aine zvimwe zvinhu zvaanotyira zvaanogara achifungidzira. Tinogona kupedza simba redu nekufunga matambudziko asati avapo, kana kuti asingazombovipo. Magwaro anoratidza kuti izvi zvinogona kuita kuti tiore mwoyo uye tishungurudzike. (Zvir. 12:25) Saka zvinokosha chaizvo kuti titeerere zano raJesu rekuti tisanyanya kuzvidya mwoyo uye kuti tisanetseka nezvezuva rinotevera.

ZVINHU ZVATINOFANIRA KUFUNGIDZIRA

(1) Kufunga matambudziko anogona kuzovapo, wobva waadzivisa.

Magwaro anotikurudzira kuti tive vakachenjera uye kuti tifunge zvinozoguma zvaitika patinosarudza kuita chimwe chinhu. (Zvir. 22:3) Tinogona kuita izvi tisati tatomboita chisarudzo. Somuenzaniso, kana ukakokwa kuti umbonofara nevamwe, kufungidzira kunogona kukubatsira sei kuti uite chisarudzo chakanaka? Funga kuti ndivanaani vamwe vakakokwa, vanhu vangani vachange variko, uye kuti muchange muri kupi uye riini. Zvadaro zvibvunze kuti: ‘Chii chinogona kuzoitika ikoko?’ Zvichaitika ikoko zvinenge zvichienderana nezvinodzidziswa neBhaibheri here? Kuita izvi kunokubatsira kuti uite seuri kuona zvinogona kuzoitika kana ukaenda kwawakokwa. Izvi zvichakubatsira kuti uite zvisarudzo zvakanaka uye kuti usatyore mitemo yaMwari.

(2) Kufungidzira zvaungaita kuti ugadzirise matambudziko.

Kufungidzira kunotsanangurwawo “sekukwanisa kunangana nedambudziko worigadzirisa.” Ngatitii watadza kuwirirana nemumwe munhu ari muungano. Ungataura sei nehama kana kuti hanzvadzi yako kuti muvezve nerugare? Pane zvakawanda zvekufunga nezvazvo. Funga kuti anombotaura sei nevamwe? Ndepapi pazvakakodzera kuti mutaure nezvenyaya yacho? Mashoko api aungataura uye ungaataura nenzwi rakaita sei? Kana ukashandisa chipo chekufungidzira, uchakwanisa kuona nzira dzakasiyana-siyana dzekugadzirisa dambudziko racho, wosarudza yaunoona kuti ndiyo yakanyanya kunaka uye inoita kuti muwirirane. (Zvir. 15:28) Kuita izvi kunobatsira kuti muungano muve nerugare. Unenge uchitoshandisa zvakanaka chipo chekufungidzira.

(3) Kufungidzira patinenge tichiverenga nekudzidza Bhaibheri.

Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva kunokosha. Asi haisi nyaya yekungoverenga mapeji akawanda. Zvinokosha kuti tiwane zvidzidzo zviri muBhaibheri, tozvishandisa muupenyu hwedu. Kuverenga kwatinoita Bhaibheri kunofanira kutibatsirawo kuti tiwedzere kuona kunaka kwakaita nzira dzaJehovha. Chipo chekufungidzira chinogona kutibatsira kuita izvi. Chinotibatsira sei? Funga nezvebhuku raTevedzera Kutenda Kwavo. Kuverenga nyaya dziri mubhuku iri kunotibatsira kuti tifungidzire zvaiitika kumunhu mumwe nemumwe anenge achitaurwa uye kwazvaiitikira. Dzinotibatsira kuti tiite setiri kutoona kana kunzwa zviri kuitika, tichitonzwa kunhuhwirira kwaivapo, uye kufungidzira kuti vanhu vari kutaurwa nezvavo vainzwa sei. Izvi zvinoita kuti tiwane zvidzidzo uye pfungwa dzinokurudzira kubva munyaya dzemuBhaibheri dzatingadaro taifunga kuti tinonyatsoziva. Kushandisa chipo chekufungidzira saizvozvo kunoita kuti tinyatsobatsirwa nekuverenga uye kudzidza Bhaibheri.

(4) Kufungidzira kunotibatsira kuti tive netsitsi.

Tsitsi unhu hwakanaka chaizvo hunotsanangurwa sekunzwa kurwadziwa kwemumwe munhu mumwoyo medu. Jehovha naJesu vanoratidza tsitsi, saka zvakanaka kuti tivatevedzerewo. (Eks. 3:7; Pis. 72:13) Tingaitei kuti tive netsitsi? Kufungidzira ndechimwe chezvinhu zvinogona kutibatsira chaizvo. Tinogona kunge tisina kumbobvira tasangana nedambudziko rine hama kana kuti hanzvadzi yedu yechiKristu. Asi unogona kuzvibvunza kuti: “Ndaizonzwa sei kudai ndiri mudambudziko rakadaro? Ndaizoda kubatsirwa sei? Kushandisa chipo chekufungidzira pakupindura mibvunzo iyi kuchaita kuti tiwedzere kuva netsitsi. Kana tikava netsitsi, zvatinoita sevaKristu zvichabatsira vamwe, mungava muushumiri kana kuti pamabatiro atinoita vamwe vaKristu.

(5) Kufungidzira zvichange zvakaita upenyu munyika itsva.

Magwaro anotsanangura zvichange zvakaita upenyu munyika itsva yatakavimbiswa naMwari zvekuti tinoita setiri kutoiona. (Isa. 35:5-7; 65:21-25; Zvak. 21:3, 4) Mifananidzo yakanaka inobudiswa mumabhuku edu inobva yaita kuti tikwanise kufungidzira zvatinoverenga muBhaibheri. Nei tichidaro? Mifananidzo iyoyo inotibatsira kuti tizvifungidzire tichinakidzwa nemakomborero atakavimbiswa. Jehovha ndiye akatisika tichikwanisa kufungidzira, saka anonyatsoziva kuti kufungidzira kunogona kutibatsira zvakadini. Kana tikashandisa chipo ichi kuti tifunge makomborero atakavimbiswa, tichava nechivimbo chekuti zvatakavimbiswa zvichazadziswa, uye zvichatibatsira kuti tirambe takatendeka kunyange patinosangana nematambudziko.

Jehovha akatisika tichikwanisa kufungidzira uye izvozvo zvinoratidza kuti anotida. Kufungidzira kunogona kutibatsira kuti timushumire takatendeka zuva nezuva. Dai tikashandisa zvakanaka chipo ichi chekufungidzira. Izvozvo zvicharatidza kuti tinotenda Musiki wedu uyo akatipa chipo ichi.