Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoona Here Kuti Nei Uchifanira Kufambira Mberi Pakunamata?

Unoona Here Kuti Nei Uchifanira Kufambira Mberi Pakunamata?

Ramba uchishingairira kuverengera vanhu vose, kurayira, uye kudzidzisa.”​1 TIM. 4:13.

NZIYO: 45, 70

1, 2. (a) Isaya 60:22 iri kuzadzika sei mumazuva ano ekupedzisira? (b) Iye zvino chii chiri kudiwa muchikamu chepanyika chesangano raJehovha?

“MUDUKU achava chiuru uye akadukupa achava rudzi rune simba.” (Isa. 60:22) Uprofita uhwu huri kuzadzika mumazuva ano ekupedzisira. Mugore rebasa ra2015, vaparidzi veUmambo 8 220 105 vakaita basa rekuparidza pasi rose! Chikamu chekupedzisira cheuprofita ihwohwo chinofanira kukurudzira muKristu mumwe nemumwe, nekuti Baba vedu vekudenga vari kuti: “Ini Jehovha, ndichazvikurumidzisa panguva yazvo.” Sekuona kunoita vanhu vari mubhazi kuti riri kuwedzera kumhanya, tiri kuonawo kuwedzera kuri kuita basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. Semumwe nemumwe, tiri kuitawo sei nezvekuwedzera uku? Tiri kuita zvose zvatinogona here sevaparidzi veUmambo vanoshingaira? Hama nehanzvadzi dzakawanda dziri kunyoresa kuti dzishande semapiyona enguva dzose kana kuti ebetsero. Uye handizvo here kuti tinofara patinoona vakawanda vachibvuma kuenda kunodiwa vaparidzi vakawanda kana kuti kuita mamwe mabasa echiKristu?

2 Panguva imwe chete, tiri kuona kuti pari kudiwa vamwe vashandi vakawanda. Gore negore, ungano dzinosvika 2 000 dziri kuumbwa. Kana ungano itsva imwe neimwe ichida vakuru 5, zvinoreva kuti gore negore vashumiri vanoshumira 10 000 vanofanira kunge vava kukodzera kuva vakuru. Izvi zvinoreva kuti panodiwa kuti hama dzakawanda dzikodzere kuva vashumiri vanoshumira. Kuwedzera pane izvozvo, tine “zvizhinji zvokuita mubasa raShe,” pasinei nekuti tiri hama kana kuti hanzvadzi.—1 VaK. 15:58.

CHII CHINODIWA KUTI UFAMBIRE MBERI PAKUNAMATA?

3, 4. Zvii zvaunoda kuita kuti ufambire mberi pakunamata?

3 Verenga 1 Timoti 3:1. Shoko rechiito rechiGiriki rakashandurwa kuti “achitsvaka” rinoreva kusveerera kana kunanavira kuti ukwanise kubata chimwe chinhu. Muapostora Pauro paakashandisa shoko iroro, airatidza kuti kufambira mberi pakunamata kunoda kushanda nesimba. Ngatitii imwe hama iri kufunga nezveramangwana rayo muungano. Inogona kunge isati yava mushumiri anoshumira, asi inobva yaona kuti ine zvainofanira kuita kuti ifambire mberi pakunamata. Inotanga nekushanda nesimba kuti ikodzere kuva mushumiri anoshumira. Nekufamba kwenguva, inotarisirawo kuti ichange yava kukodzera kuva mutariri. Zvose zviri zviviri zvinoda kuti hama iyi ishande nesimba kuti ikodzere kupiwa zvimwe zvekuita muungano.

4 Saizvozvowo, vaya vanoda kushumira semapiyona, kushanda paBheteri, kana kuti kuvaka Dzimba dzeUmambo vanofanira kushanda nesimba kuti vazadzise zvinangwa zvavo. Ngationgororei kuti Shoko raMwari rinotikurudzira sei tose kuti tirambe tichifambira mberi pakunamata.

RAMBA UCHIFAMBIRA MBERI PAKUNAMATA

5. Vechidiki vangashandisa sei simba ravo mumabasa echiKristu?

5 Vechidiki vane simba rinodiwa pakuita zvakawanda mubasa raJehovha. (Verenga Zvirevo 20:29.) Dzimwe hama dzechidiki paBheteri dzinoshanda kunoprindwa uye kunobatanidzwa mapeji emaBhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri. Hama nehanzvadzi dzechidiki dzakawanda dzinoita basa rekuvaka uye kugadziridza Dzimba dzeUmambo. Kana pakava nenjodzi dzinongoitika dzega, vechidiki vanobatanawo nezvimwe Zvapupu zvine unyanzvi kuti vaite mabasa ekuyamura vanenge vawirwa nenjodzi. Uye mapiyona akawanda echidiki ari kudzidza mimwe mitauro kana kuenda kune dzimwe nzvimbo kuti vaparidze mashoko akanaka.

6-8. (a) Imwe hama yechidiki yakachinja sei maonero ayaiita zvekunamata, uye zvakaguma nei? (b) ‘Tingaravira sei toona kuti Jehovha akanaka’?

6 Unogona kunge uchiziva kuti kushandira Mwari nemwoyo wese kunokosha. Asi ko kana uchinzwa sezvaimboita imwe hama inonzi Aaron? Kunyange zvazvo akakurira mumhuri yechiKristu, akataura kuti, “Misangano neushumiri zvaindifinha.” Aida kushumira Mwari achifara asi zvaimunetsa kuti nei akanga asina mufaro. Akazoita sei?

7 Aaron akatanga kuita zvinhu zvekunamata zvakadai sekuverenga Bhaibheri, kugadzirira misangano uye kupindurawo pamisangano yacho. Akatangawo kunyengetera nguva dzose. Sezvaairamba achiwedzera kuda Jehovha, akatanga kufambira mberi pakunamata. Kubvira ipapo, Aaron akaita mabasa akadai sekupayona, kushanda nevamwe pakuyamura vanenge vawirwa nenjodzi, uye kuparidza kune imwe nyika. Parizvino Aaron ari kushanda paBheteri uye ava mukuru. Anonzwa sei nezvaakaita? Anoti: “‘Ndakaravira ndikaona kuti Jehovha akanaka.’ Kukomborera kwaanondiita kunoita kuti ndinzwe ndiine chikwereti chekuti ndiitewo zvakawanda mubasa rake, uye izvi zvinoita kuti ndiwane mamwe makomborero.”

8 Munyori wepisarema akaimba kuti: “Vaya vanotsvaka Jehovha havazoshayiwi chero chinhu chipi zvacho chakanaka.” (Verenga Pisarema 34:8-10.) Zvechokwadi, Jehovha haambofi akarasisa vaya vanoshingaira pakumushumira. ‘Tinoravira toona kuti Jehovha akanaka’ patinoita zvose zvatinogona mubasa rake. Uye patinonamata Mwari nemwoyo wedu wese, tinova nemufaro usingatsananguriki.

TSUNGIRIRA UYE USANETA

9, 10. Nei zvichikosha kuti uve munhu ‘anomirira’?

9 Sezvaunoshanda kuti uzadzise zvinangwa zvako, iva munhu ‘anomirira.’ (Mika 7:7) Nguva dzose Jehovha anotsigira vashumiri vake, kunyange zvazvo dzimwe nguva achimbovarega vachimirira kuti vawane dzimwe ropafadzo kana kuti zvimwe zvinhu zvinake. Akavimbisa Abrahamu kuti aizova nemwanakomana, asi Abrahamu aitofanira kuva nekutenda, oramba achimirira. (VaH. 6:12-15) Kunyange zvazvo akamirira kwemakore akawanda kuti Isaka azoberekwa, Abrahamu haana kuora mwoyo asi akaramba akamirira, uye Jehovha haana kumurasisa.—Gen. 15:3, 4; 21:5.

10 Kumirira hakusi nyore. (Zvir. 13:12) Kana tikaramba tichifunga zvinhu zvataitarisira zvisina kuzoitika, tinogona kupedzisira taora mwoyo zvikuru. Pane kudaro, tinoratidza kuchenjera kana tikashandisa nguva yedu kuti tiwedzere kukura pakunamata. Ona nzira nhatu dzaunogona kuita kudaro.

11. Unhu hupi hwechiKristu hwatingashandira kuti tive nahwo, uye nei huchikosha?

11 Iva neunhu hwechiKristu. Kuverenga uye kufungisisa Shoko raMwari kunogona kuita kuti tive neuchenjeri, njere, kunzwisisa, zivo, mano okufunga, uye pfungwa dzakanaka. Zvinokosha chaizvo kuti vaya vanotungamirira pakunamata kwechokwadi vaite izvozvo. (Zvir. 1:1-4; Tito 1:7-9) Patinoverenga zvinyorwa zvedu zvinotsanangura Bhaibheri, tinogona kunzwisisa mafungiro aMwari panyaya dzakawanda. Zuva nezuva tinoita zvisarudzo panyaya yevarayidzo, zvipfeko nekushambidzika, kushandisa mari, uye kuti tingawirirana sei nevamwe. Kana tikashandisa zvatinodzidza muBhaibheri, tinogona kuita zvisarudzo zvinofadza Jehovha.

12. Vari muungano vangaratidza sei kuti vanogona kuvimbwa navo?

12 Ratidza kuti uri munhu anogona kuvimbwa naye. Pasinei nekuti tiri hama kana hanzvadzi, tinofanira kuita zvose zvatinogona pakuita basa chero ripi zvaro ratinopiwa musangano. Sagavhuna, Nehemiya aifanira kugadza vamwe vanhu pakati pevanhu vaMwari, ovapa mabasa okuita. Ndivanaani vaakagadza? Akagadza vaya vaitya Mwari, vaigona kuvimbwa navo. (Neh. 7:2; 13:12, 13) Mazuva anowo, “chinotsvakwa muvatariri ndechokuti munhu awanikwe akatendeka.” (1 VaK. 4:2) Kana munhu akaita mabasa akanaka, vamwe vanozviona.—Verenga 1 Timoti 5:25.

13. Ungatevedzera sei muenzaniso waJosefa kana vamwe vakakubata zvisina kunaka?

13 Bvumira Jehovha kuti akunatse. Ungaita sei kana vamwe vakakubata zvisina kunaka? Zvimwe unogona kukurumidza kugadzirisa nyaya yacho. Asi dzimwe nguva paunoedza kuzvidzivirira uchida kuratidza kuti hauna mhosva, unotoita kuti zvinhu zviwedzere kuipa. Josefa akabatwa zvisina kunaka nevakoma vake, asi haana kuramba aine chigumbu. Pava paya, Josefa akapiwa mhosva yaainge asina kupara ndokubva aiswa mujeri. Kunyange zvakadaro, akabvuma kutungamirirwa naJehovha panguva iyoyo yainge yakaoma. Zvakaguma nei? “Zvakataurwa naJehovha zvakamunatsa.” (Pis. 105:19) Miedzo iyoyo payakapera, Josefa akanga ava kukodzera kupiwa basa rinokosha. (Gen. 41:37-44; 45:4-8) Paunosangana nematambudziko akakura, nyengeterera uchenjeri, taura zvine unyoro, ita zvinhu wakadzikama, uye kumbira Mwari kuti akupe simba. Jehovha achakubatsira.—Verenga 1 Petro 5:10.

FAMBIRA MBERI PAKUITA USHUMIRI

14, 15. (a) Nei tichifanira ‘kuchenjerera’ nzira dzatinoparidza nadzo? (b) Ungachinja sei maererano nemamiriro ezvinhu? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino uye bhokisi rakanzi “ Unoda Here Kumboedza Imwe Nzira?”)

14 Pauro akakurudzira Timoti kuti: “Ramba uchishingairira kuverengera vanhu vose, kurayira, uye kudzidzisa. Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako.” (1 Tim. 4:13, 16) Timoti akanga atova nenguva achiita basa rekuparidza Umambo. Asi aizobudirira muushumiri hwake kana ‘aizoramba achichenjerera’ kudzidzisa kwake. Aisafanira kufunga kuti vanhu vaizongobatsirwa nekudzidzisa kwaakanga agara achiita. Kuti arambe achisvika pamwoyo yavo, aifanira kuchinja-chinja madzidzisiro ake kuti aenderane nemamiriro ezvinhu anenge aripo. Sevazivisi veUmambo, tinofanirawo kuita saizvozvo.   

15 Kakawanda patinoparidza paimba neimba, tinowana vanhu vasiri pamba. Mune dzimwe nzvimbo hatikwanisi kupinda pane dzimwe dzimba kana kuti zvimwe zvivako. Kana zviri izvo zvinoitika kwaunogara, wadii kufunga dzimwe nzira dzekuparidza nadzo mashoko akanaka?

16. Kuparidzira munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda kunogona kubudirira sei?

16 Imwe nzira yakanaka chaizvo yekuparadzira nayo mashoko akanaka ndeyekuparidza munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda. Vaparidzi vakawanda vari kubudirira uye vari kunakidzwa nekushandisa nzira iyi. Vanoronga nguva yekuti vaparidzire vanhu pazviteshi zvezvitima nezvemabhazi, mumisika nemumapaki, nedzimwe nzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda. Achiona kuti zvinhu zvakamira sei, muparidzi anogona kutanga kukurukura nemumwe munhu nekungotaura nezvenhau, kutaura zvakanaka nezvevana vake, kana kumubvunza nezvekubasa kwake. Pavanenge vachitaura, muparidzi anogona kupinza imwe pfungwa iri muMagwaro oita kuti munhu wacho ataurewo zvaanofunga. Kakawanda, zvinotaurwa nemunhu wacho zvinozoita kuti vakurukure nezveBhaibheri.

17, 18. (a) Ungaita sei kuti uwedzere kuva nechivimbo pakuparidza munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda? (b) Nei ungati zvaiitwa naDhavhidhi pakurumbidza Jehovha zvinogona kukubatsira paunenge uri muushumiri?

17 Kana uchiomerwa nekuparidza munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda, usakanda mapfumo pasi. Eddie, mumwe piyona wekuNew York City, aizeza kutaura nevanhu paruzhinji. Asi nekufamba kwenguva akanga ava nechivimbo. Chii chakamubatsira? Anoti: “Pakunamata kwedu kwemhuri, ini nemudzimai wangu tinotsvakurudza mapinduriro atingaita zvinotaurwa nevanhu, kusanganisira vaya vanoramba kuparidzirwa. Tinokumbirawo mazano kune zvimwe Zvapupu.” Iye zvino Eddie ava kufarira chaizvo kuparidza munowanikwa vanhu vakawanda.

18 Sezvaunowedzera chivimbo neunyanzvi pakuparidza mashoko akanaka, kufambira mberi kwako pakunamata kuchaoneka. (Verenga 1 Timoti 4:15.) Uyezve, hapana mubvunzo kuti ucharumbidza Baba vedu vekudenga sezvaiita Dhavhidhi, uyo akaimba achiti: “Ndicharumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kuchava mumuromo mangu nguva dzose. Mweya wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanyoro vachazvinzwa uye vachafara.” (Pis. 34:1, 2) Uye ushumiri hwako hunogona kuita kuti vanyoro vabatane newe vachifara pakunamata kwechokwadi.

KUDZA MWARI NEKUFAMBIRA MBERI PAKUNAMATA

19. Nei mushumiri waJehovha akavimbika achifanira kufara kunyange paanenge ari mumamiriro ezvinhu anomutadzisa kunyatsoparidza?

19 Dhavhidhi akaimbazve kuti: “Mabasa enyu ose achakukudzai, haiwa Jehovha, vakavimbika venyu vachakurumbidzai. Vachataura nezvokukudzwa kwoumambo hwenyu, uye vachataura nezvesimba renyu, kuti vazivise vanakomana vevanhu mabasa ake esimba nokukudzwa kwokubwinya kwoumambo hwake.” (Pis. 145:10-12) Chokwadi, mashoko iwayo anobudisa manzwiro anoita Zvapupu zvaJehovha zvose zvakavimbika. Ko kana kurwara kana kuti kukwegura zvichikutadzisa kunyatsoita ushumiri? Nguva dzose, yeuka kuti paunoparidzira vanhu vanochengeta varwere nevamwewo, basa dzvene raunoita rinokudza Mwari wedu. Kana uri mujeri nemhaka yekutenda kwako, zvimwe unotaura nezvechokwadi cheBhaibheri kana mamiriro ezvinhu achikubvumira, uye izvozvo zvinofadza mwoyo waJehovha. (Zvir. 27:11) Jehovha anofarawo kana ukaramba uchiita zvinhu zvekunamata kunyange zvazvo ungava mumhuri ine vamwe vasiri Zvapupu. (1 Pet. 3:1-4) Kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma, unokwanisa kurumbidza Jehovha uye kufambira mberi pakunamata.

20, 21. Kana uine zvakawanda zvekuita musangano raJehovha, ungavawo sei chikomborero kune vamwe?

20 Jehovha achakukomborera kana ukaramba uchifambira mberi pakunamata. Kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwako kunogona kukuwanisa mukana wekuva nezvakawanda zvekuita pakuzivisa chokwadi chinokosha chaMwari kune vaya vanoda kuva netariro. Uyezve, kufambira mberi kwako pakunamata uye kuzvipira kwako kunogona kubatsira chaizvo vaunonamata navo. Paunoshanda nesimba muungano, uchadiwa uye uchatsigirwa nevamwe vanoda Jehovha.

21 Pasinei nekuti tava nemakore akawanda kana kuti mwedzi mishomanana tichishumira Jehovha, tose tinogona kuramba tichifambira mberi pakumunamata. Asi vaKristu vakakura pakunamata vangabatsirawo sei vatsva kuti vafambire mberi? Tichakurukura nezvazvo munyaya inotevera.