Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsvaga Chinhu Chinokosha Kupfuura Goridhe

Tsvaga Chinhu Chinokosha Kupfuura Goridhe

Wakambowana kadombo kegoridhe here? Panongova nevanhu vashomanana vakawana tumatombo twegoridhe. Asi mamiriyoni evanhu akawana chimwe chinhu chinokosha chaizvo kupfuura goridhe. Chinhu chacho uchenjeri hunobva kuna Mwari. “Ndarama chaiyo haigoni kuchinjaniswa” neuchenjeri ihwohwo.​—Job. 28:12, 15.

VANHU vanodzidza Bhaibheri nemwoyo wese vakada kufanana nevanhu vanenge vachitsvaga goridhe. Vadzidzi veBhaibheri ivavo vanofanira kushanda nesimba, voramba vachitsvaga uchenjeri muMagwaro. Sevadzidzi veBhaibheri, chii chatingadzidza kubva panzira nhatu dzinoshandiswa pakutsvaga goridhe?

UNOWANA KADOMBO KEGORIDHE!

Fungidzira uchifamba pedyo nerwizi wobva waona kadombo kachipenya nechepamberi pako. Unokanhonga, wobva waona kuti inga kagoridhe! Kadiki hako kupfuura musoro wemachisi asi kanonetsa kuwana kutopfuura dhaimondi rinoyevedza. Unotanga kutarisa-tarisa kuti uone kuti hapana tumwe turipo here.

Kufanana naizvozvo, rimwe zuva rausingakanganwi, mumwe mushumiri waJehovha angangodaro akakushanyira kuti mukurukure nezvemashoko anopa tariro ari muBhaibheri. Zvichida unonyatsoyeuka musi wokutanga wawakadzidza chimwe chinhu chinokosha chaizvo muBhaibheri. Izvozvo zvinogona kunge zvakaitika pawakatanga kuona zita raMwari rekuti Jehovha muBhaibheri. (Pis. 83:18) Kana kuti zvimwe pawakadzidzawo kuti unogona kuva shamwari yaJehovha. (Jak. 2:23) Wakabva wangoziva kuti wawana chimwe chinhu chinokosha kupfuura goridhe! Uye ungangodaro wakava nechido chekuwana imwe pfuma yemuBhaibheri.

UNOWANA IMWE PFUMA!

Dzimwe nguva goridhe rakatsetseka rinowanika munzizi. Rinenge rakasangana nevhu rakasiyiwa nemvura yaiyerera. Panguva inotsvagwa goridhe rinosiyiwa nemvura, vaya vanoshanda nesimba vanogona kuwana goridhe rinokosha makumi ezviuru zvemadhora kubva muivhu rinenge raunganidzwa nemvura inoyerera.

Pawakatanga kudzidza Bhaibheri neChapupu chaJehovha, unogona kunge wakaita semunhu ari kutsvaga goridhe panzvimbo yarinowanikwa rakawanda. Kufungisisa mavhesi eBhaibheri kunogona kunge kwakaita kuti zivo yako iwedzere, zvikaita kuti upfume mune zvekunamata. Sezvawaidzidza chokwadi ichocho cheBhaibheri, wakaziva kuti ungaswedera sei pedyo naJehovha uye kuti ungaramba sei uri murudo rwake, uchifunga nezveupenyu husingaperi.—Jak. 4:8; Jud. 20, 21.

Sezvinoita munhu anoshanda nesimba pakutsvaga goridhe, unoshanda nesimba here pakudzidza chokwadi chinokosha chiri muBhaibheri?

Kungofanana nemunhu anotsvaga goridhe rinenge rasiyiwa nemvura inoyerera, unogona kunge waishanda nesimba uchitsvaga pfuma inokosha yezvekunamata. Pashure pekudzidza chokwadi chinokosha cheBhaibheri, zvimwe wakanzwa uchida kutora matanho ekuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa.—Mat. 28:19, 20.

RAMBA UCHITSVAGA!

Munhu anenge achitsvaga goridhe anogona kuwana tugoridhe tushomanana mumatombo. Mamwe matombo acho anenge aine goridhe rakawanda zvekuti anogona kucherwa opwanywa-pwanywa kuti goridhe racho ribudiswe. Paunotanga kuona dombo racho, goridhe racho ringasaoneka kuti ririmo. Nemhaka yei? Nekuti tani yematombo akadaro inogona kunge iine magiramu 10 chete egoridhe! Kunyange zvakadaro, munhu anenge achitsvaga goridhe anoziva kuti kuchera matombo acho kushandira zviripo.

Zvinodawo kushanda nesimba kuti munhu akure pakunamata pashure pekunge adzidza “dzidziso yokutanga pamusoro paKristu.” (VaH. 6:1, 2) Unofanira kushanda nesimba kuti uwane pfungwa itsva uye zvinhu zvaunogona kushandisa kubva pakudzidza kwaunoita Bhaibheri. Saka ungaitei kuti kudzidza Bhaibheri kwaunoita kurambe kuchikubatsira, kunyange wava nemakore akawanda uchiridzidza?

Ramba uine chido chekudzidza. Nyatsoongorora zvimwe zvinhu zvisingawanzooneki nekukurumidza. Ramba uchishanda nesimba, uye uchawana pfuma inokosha yeuchenjeri hwaMwari nemirayiridzo yake. (VaR. 11:33) Kuti uwedzere zivo yako yeMagwaro, shandisa nemazvo zvinhu zvekutsvakurudza nazvo zvinowanika mumutauro wako. Iva nemwoyo murefu pakutsvaga mirayiridzo yekushandisa uye mhinduro dzemibvunzo yeBhaibheri yaungava nayo. Bvunza vamwe kuti magwaro api uye inyaya dzipi dzavakaona dzichibatsira uye dzichikurudzira. Udzawo vamwe pfungwa dzinobatsira dzawakawana pakudzidza Shoko raMwari.

Chinangwa chako hachisi chekungowedzera zivo. Muapostora Pauro akanyevera kuti “zivo inoita kuti munhu azvitutumadze.” (1 VaK. 8:1) Saka shanda nesimba kuti urambe uchizvininipisa uye uine kutenda kwakasimba. Kunamata semhuri nguva dzose uye kugara uchidzidza Bhaibheri uri wega kuchakubatsira kuti urarame maererano nezvinodiwa naJehovha uye kuchaita kuti ubatsire vamwe. Kupfuura zvose, uchafara nekuti unenge wawana chinhu chinokosha kupfuura goridhe.—Zvir. 3:13, 14.