Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoona Here Kuti Nei Uchifanira Kudzidzisa Vamwe?

Unoona Here Kuti Nei Uchifanira Kudzidzisa Vamwe?

“Ndichakupai murayiridzo wakanaka.”​ZVIR. 4:2.

NZIYO: 93, 96

1, 2. Nei tichifanira kudzidzisa vamwe kuti vaite mabasa ane chekuita nekunamata?

BASA rainyanya kukosheswa naJesu nderekuparidza mashoko akanaka eUmambo. Asi aiwana nguva yekudzidzisa vamwe kuti vazova vafudzi uye vadzidzisi. (Mat. 10:5-7) Kunyange zvazvo Firipi aigara achiita basa reuevhangeri, hapana mubvunzo kuti akabatsira vanasikana vake vana kuti vave nyanzvi pakuudza vamwe chokwadi chemuMagwaro. (Mab. 21:8, 9) Kudzidzisa ikoko kunokosha zvakadini mazuva ano?

2 Pasi rose, vanhu vari kugamuchira mashoko akanaka vari kuwedzera. Vatsva vanenge vasati vabhabhatidzwa vanofanira kunzwisisa kuti zvinokosha kuti vadzidze Bhaibheri vari vega. Vanofanirawo kudzidziswa kuparidza uye kudzidzisa vamwe mashoko akanaka. Muungano dzedu, hama dzinofanira kukurudzirwa kuti dzishande nesimba kuti dzikodzere kugadzwa sevashumiri vanoshumira uye vakuru. VaKristu vakasimba pakunamata vanogona kushandisa “murayiridzo wakanaka” kuti vabatsire vatsva kuti vafambire mberi.—Zvir. 4:2.

BATSIRA VATSVA KUTI VAWANE SIMBA NEUCHENJERI KUBVA MUSHOKO RAMWARI

3, 4. (a) Pauro akaratidza sei kuti kudzidza Magwaro kwakabatana nekubudirira muushumiri? (b) Tisati takurudzira vatinodzidza navo kuti vadzidze Bhaibheri vari vega, tinofanira kunge tichiita sei?

3 Kudzidza Magwaro uri wega kunokosha zvakadini? Mhinduro yacho tinoiwana mumashoko emuapostora Pauro aakanyorera vaKristu vaiva muKorose. Akanyora kuti: “[Hatina] kurega kukunyengetererai nokukumbira kuti muzadzwe nezivo yakarurama pamusoro pokuda [kwaMwari] nokuchenjera kwose nokunzwisisa kwomudzimu, kuti mufambe zvakakodzera Jehovha, mumufadze kwazvo zvamunoramba muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, muwedzere pazivo yakarurama pamusoro paMwari.” (VaK. 1:9, 10) Zivo iyoyo yakarurama yaizoita kuti vaKristu vemuKorose vakwanise ‘kufamba zvakakodzera Jehovha, kuti vamufadze kwazvo.’ Izvi zvaizoita kuti varambe ‘vachibereka zvibereko mumabasa ose akanaka,’ kunyanya pakuparidza mashoko akanaka. Kuti munamati waJehovha abudirire pakuita basa raMwari, anofanira kugara achidzidza Bhaibheri. Tinofanira kubatsira vadzidzi veBhaibheri kuti vanzwisise izvozvo.

4 Hatikwanisi kubatsira vadzidzi kuti vanzwisise kukosha kwekudzidza Bhaibheri vari vega kana tisingaoni kukosha kwekuridzidza. Isu vacho tinofanira kugara tichidzidza Bhaibheri. Saka unogona kuzvibvunza kuti: ‘Kana vanasaimba vakataura zvinhu zvinopesana nezvinodzidziswa neMagwaro kana kuti vakabvunza mibvunzo yakaoma, ndinokwanisa here kupindura ndichishandisa Bhaibheri? Pandinoverenga nezvekushingirira kwakaita Jesu, Pauro nevamwe muushumiri, ndinofungisisa here kuti kushingirira kwavo kunondibatsira sei pakuita basa raJehovha?’ Tose zvedu tinoda zivo uye mazano anobva muShoko raMwari. Uye kana tikaudza vamwe kuti takabatsirwa sei nekudzidza Bhaibheri tiri tega, zvinogona kuvakurudzira kuti vadzidze Bhaibheri, vobatsirwawo naro.

5. Taura kuti vatsva vangabatsirwa sei kuti vagare vachidzidza Bhaibheri vari vega.

5 Ungazvibvunza kuti, ‘Ndingabatsira sei mudzidzi wangu kuti agare achidzidza Bhaibheri?’ Zvakanaka kutanga nekumuratidza kuti anogadzirira sei zvidzidzo zvaunoita naye. Unogona kumukurudzira kuti averenge zvikamu zvemashoko ekuwedzera mubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? uye kuti averenge magwaro arimo. Mubatsire kuti agadzirire misangano aine chinangwa chekuti azopindurawo. Mukurudzire kuti averenge magazini imwe neimwe yeNharireyomurindi uye Mukai!. Kana Raibhurari yeWatchtower kana kuti RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower ichiwanika mumutauro wake, unogona kumuratidza kuti angaishandisa sei pakupindura mibvunzo yeBhaibheri. Kana mudzidzi akabatsirwa saizvozvo, kazhinji kacho anokurumidza kufarira kudzidza Shoko raMwari ari ega.

6. (a) Ungabatsira sei waunodzidza naye kuti awedzere kuda Bhaibheri? (b) Kana mudzidzi weBhaibheri akasvika pakuda Magwaro nemwoyo wese, kazhinji kacho chii chaanozoita?

6 Hatifaniri kumanikidza munhu kuti averenge kana kuti adzidze Bhaibheri. Asi ngatishandisei zvinhu zvatinopiwa nesangano raJehovha pakubatsira watinodzidza naye kuti awedzere kuda Bhaibheri. Nekufamba kwenguva, mudzidzi anoda chokwadi anganzwa sezvakaita munyori wepisarema uyo akaimba kuti: “Kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira. Ndakaita Changamire Ishe Jehovha nzvimbo yangu yokupotera.” (Pis. 73:28) Mudzimu waJehovha uchabatsira mudzidzi akadaro kuti aswedere pedyo naJehovha.

BATSIRA VATSVA KUTI VAPARIDZE UYE VADZIDZISE

7. Jesu akadzidzisa sei vazivisi vemashoko akanaka? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

7 Muchitsauko 10 chaMateu, tinowana mirayiridzo iyo Jesu akapa vaapostora vake 12. Akavapa mirayiridzo yakajeka yezvavaifanira kuita pakuparidza. [1] Vaapostora vaiteerera Jesu paaivadzidzisa kuti vangaparidza sei zvinobudirira. Zvadaro, vakabva vaenda kunoita ushumiri. Pasina nguva, vakanga vava nyanzvi pakudzidzisa chokwadi chemuMagwaro nekuti vainge vakwanisa kucherechedza zvaiitwa naJesu. (Mat. 11:1) Tinogona kudzidzisa vadzidzi vedu veBhaibheri kuti vabudirire pakuparidza mashoko akanaka. Ngatikurukurei nzira mbiri dzatinogona kushandisa pakuvabatsira.

8, 9. (a) Jesu aitaura sei nevanhu paaiita ushumiri hwake? (b) Tingabatsira sei vaparidzi vatsva kuti vakurukure nevanhu sezvaiita Jesu?

8 Kurukura nevanhu. Jesu aisangotaura nevanhu vari boka. Dzimwe nguva aitaura nemunhu mumwe chete. Semuenzaniso, akakurukura nemumwe mukadzi patsime raJakobho pedyo neguta reSikari. (Joh. 4:5-30) Akataurawo naMateu ainziwo Revhi, uyo aiva muteresi. Mabhuku eEvhangeri haatauri zvakawanda nezvekukurukura kwavakaita, asi Mateu akabvuma kukokwa kwaakaitwa naJesu kuti ave muteveri wake. Mateu nevamwe vaiva pamabiko akaitwa pamba pake vakanzwa Jesu achitaura kwenguva yakareba.—Mat. 9:9; Ruka 5:27-39.

9 Pane imwe nguva, Jesu akataura zvine ushamwari naNatanieri, uyo ainge ataura zvisina kunaka nezvevanhu vekuNazareta. Zvisinei, zvakataurwa naJesu zvakaita kuti Natanieri achinje mafungiro ake. Akasarudza kudzidza zvakawanda pamusoro pezvaidzidziswa naJesu, uyo aiva wekuNazareta. (Joh. 1:46-51) Saka tinofanira kudzidzisa vaparidzi vatsva kuti vagone kutaura nevanhu zvine ushamwari uye vakasununguka. [2] Kana tikavadzidzisa kufarira vanhu uye kutaura navo nemutsa, vatsva vanogona kufara pavanoona kuchinja kunoitwa nevanhu vanoda chokwadi.

10-12. (a) Jesu aiita sei kuti vamwe varambe vachifarira mashoko akanaka? (b) Tingabatsira sei vaparidzi vatsva kuti vavandudze unyanzvi hwavo hwekudzidzisa chokwadi cheBhaibheri?

10 Ita kuti vanhu varambe vachifarira. Jesu aiva nenguva pfupi yekuita ushumiri hwake. Kunyange zvakadaro, aiwana nguva yekuita kuti vanhu varambe vachifarira mashoko akanaka. Semuenzaniso, akadzidzisa boka revanhu akamira muchikepe. Paakapedza kutaura, akaita chishamiso chekuti Petro abate hove dzakawanda ndokumuudza kuti: “Kubvira zvino uchange uchibata vanhu vari vapenyu.” Mashoko aJesu uye zvaakaita zvakabatsira sei? Petro neshamwari dzake “vakadzosa zvikepe kunyika yakaoma, vakasiya zvinhu zvose” ndokutevera Jesu.—Ruka 5:1-11.

11 Nikodhimo, nhengo yeSanihedrini, akatanga kufarira zvaidzidziswa naJesu. Aida kudzidza zvakawanda asi aitya kuti vamwe vaizotii kana akaonekwa achitaura naJesu. Jesu aiwanira vamwe nguva uye ndizvo zvakaita kuti aonane naNikodhimo usiku pasina vamwe vanhu. (Joh. 3:1, 2) Tinodzidzei panhoroondo idzi? Mwanakomana waMwari aiwana nguva yekusimbisa kutenda kwevamwe. Saka tinofanirawo kushanda nesimba pakudzokerazve kunoona vanofarira uye pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri.

12 Kana tikashanda nevaparidzi vatsva mubasa remumunda, kazhinji kacho vanovandudza unyanzvi hwavo hwekudzidzisa chokwadi cheBhaibheri. Tinogona kuvabatsira kuti varambe vachifunga nezvevaya vanenge vasina kunyatsofarira chokwadi. Tinogona kukumbira vadzidzi vatsva kuti vatiperekedze patinodzokera kunoona vanofarira uye kunoitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Kana tikavadzidzisa uye tikavakurudzira saizvozvo, vachavawo nechido chekuita kuti vamwe varambe vachifarira uye vachaitisawo zvidzidzo zveBhaibheri vari vega. Vachadzidzawo kusakurumidza kukanda mapfumo pasi asi kuva nemwoyo murefu uye kushingirira muushumiri.—VaG. 5:22; ona bhokisi rakanzi “Kushingirira Kunokosha.”

DZIDZISA VATSVA KUTI VASHUMIRE HAMA DZAVO

13, 14. (a) Unofungei nezvevanhu vari muBhaibheri vakaita mabasa ekuzvipira vachibatsira vamwe? (b) Ungadzidzisa sei vaparidzi vatsva uye vechidiki kuti varatidze rudo kuhama nehanzvadzi dzavo?

13 Nhoroondo dzeBhaibheri dzinobudisa pachena ropafadzo yatiinayo ‘yekuda hama’ uye kudzishumira. (Verenga 1 Petro 1:22; Ruka 22:24-27.) Mwanakomana waMwari akapa zvose, kusanganisira upenyu hwake, kuti ashumire vamwe. (Mat. 20:28) Dhokasi “aiita mabasa mazhinji akanaka okupa varombo zvipo zvokuvanzwira ngoni.” (Mab. 9:36, 39) Imwe hanzvadzi yaigara muRoma yainzi Mariya yakashanda nesimba ichibatsira vanhu vemuungano. (VaR. 16:6) Tingabatsira sei vatsva kuti vanzwisise kukosha kwekubatsira hama nehanzvadzi dzavo?

Dzidzisa vatsva kuti varatidze kuti vanoda hama nehanzvadzi dzavo (Ona ndima 13, 14)

14 Zvapupu zvakasimba pakunamata zvinogona kuenda nevatsva kunoona vanenge vachirwara uye vakwegura. Kana zvichiita, vabereki vanogonawo kuenda nevana vavo. Vakuru vanogona kushanda nevamwe pakubatsira vakwegura kuwana zvekudya zvakanaka uye pakugadzirisa dzimba dzavo. Izvozvo zvinobatsira vechidiki nevatsva kuti vadzidze kuitira vamwe zvakanaka. Paaiparidza munzvimbo dzekumaruwa, mumwe mukuru aipfuura achimboona Zvapupu zvaigara ikoko. Imwe hama yechidiki yaiwanzoenda nemukuru uyu yakadzidza kuti vanhu vese vari muungano vanofanira kuona kuti vanodiwa.—VaR. 12:10.

15. Nei zvichikosha kuti vakuru vave nehanya nekufambira mberi kwevarume vari muungano?

15 Sezvo Jehovha achishandisa varume pakudzidzisa muungano, zvinokosha kuti hama dzive neunyanzvi hwekudzidzisa. Kana uri mukuru, unogona here kuteerera mushumiri anoshumira achidzidzira hurukuro yake? Ukamubatsira, anogona kuvandudza unyanzvi hwake semudzidzisi weShoko raMwari.—Neh. 8:8. [3]

16, 17. (a) Pauro akaratidza sei kuti aiva nehanya nekufambira mberi kwaTimoti? (b)  Vakuru vangabudirira sei pakudzidzisa hama kuti dzizova vafudzi muungano?

16 Muungano yechiKristu muri kudiwa vafudzi vakawanda, uye vaya vachazoita basa iri munguva yemberi vanofanira kuramba vachidzidziswa. Pauro akataura zvinofanira kuitwa pakudzidzisa vamwe paakaudza Timoti kuti: “Iwe, mwana wangu, ramba uchiva nesimba mumutsa usina kukodzera kuwanwa uri muna Kristu Jesu, uye zvinhu zvawakanzwa kwandiri zvichitsigirwa nezvapupu zvizhinji, zvinhu izvi zvipe vanhu vakatendeka, avo vachanyatsokwanisawo kudzidzisa vamwe.” (2 Tim. 2:1, 2) Timoti akawana ruzivo kubva pakushanda nemuapostora wacho, uyo ainge ati kurei. Paaiita ushumiri hwake nemamwe mabasa echiKristu, Timoti akabva ashandisa zvaiitwa naPauro.—2 Tim. 3:10-12.

17 Pauro akatora nguva yakawanda aina Timoti nokuti aida kuva nechokwadi chekuti anyatsomudzidzisa. (Mab. 16:1-5) Vakuru vanogona kutevedzera Pauro nekuenda nevashumiri vanoshumira vakakodzera kunofudza pazvinenge zvichiita. Nokuita izvi, vakuru vanopa hama idzi mukana wekunyatsoona madzidzisiro anofanira kuitwa nevakuru uye kutenda, mwoyo murefu nerudo zvavanofanira kuva nazvo. Izvi zvinobatsira pakudzidzisa hama kuti dzizova vafudzi ‘veboka raMwari.’—1 Pet. 5:2.

KUDZIDZISA VAMWE KUNOKOSHA

18. Nei tichifanira kukoshesa nyaya yekudzidzisa vamwe kuita basa raJehovha?

18 Kudzidzisa vamwe kunokosha chaizvo nekuti pari kudiwa vanhu vakawanda kuti vaite basa rekuparidza uye kuti vatungamirire muungano. Madzidzisiro aiita Jesu naPauro achiri kushanda nanhasi. Jehovha anoda kuti vashumiri vake vemazuva ano vanyatsodzidziswa kuti vaite mabasa avo echiKristu. Mwari anotipa ropafadzo yekubatsira vasina ruzivo rwakawanda kuti vakwanise kuita basa rinodiwa muungano. Varume vakawanda vanofanira kudzidziswa nekukurumidza kuti vave vafudzi nekuti zvinhu zviri kuramba zvichiwedzera kuipa munyika uye mikana yekuparidza iri kuwedzera.

19. Nei uchifanira kuva nechivimbo chekuti uchabudirira kana ukashanda nesimba pakudzidzisa vamwe kuita basa raJehovha?

19 Ichokwadi kuti kudzidzisa vanhu ibasa uye kunoda nguva. Asi Jehovha nemwanakomana wake waanoda vachatitsigira uye vachatipa uchenjeri hunodiwa pakudzidzisa vamwe. Tichafara patichaona vatinobatsira ‘vachishanda nesimba uye vachibishaira.’ (1 Tim. 4:10) Uye isu pachedu ngatirambei tichifambira mberi pakunamata tichiitira Jehovha basa dzvene.

^ [1] (ndima 7) Dzimwe pfungwa dzakataurwa naJesu ndedzinotevera: (1) Paridza mashoko eUmambo hwaMwari. (2) Gutsikana nezvatinopiwa naMwari. (3) Usaitisana nharo navanasaimba. (4) Vimba naMwari paunosangana nevanhu vanokupikisa. (5) Usatya.

^ [2] (ndima 9) Mapeji 62-64 ebhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, ane mazano ekukurukura nevanhu muushumiri.

^ [3] (ndima 15) Mapeji 52-61 ebhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, anotsanangura zvinhu zvinodiwa kuti munhu agone kunyatsokurukura paruzhinji.