Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Johannes Rauthe ari muushumiri, zvimwe mumakore ekuma1920

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

“Ndiri Kukohwa Zvibereko Zvinoita Kuti Jehovha Arumbidzwe”

“Ndiri Kukohwa Zvibereko Zvinoita Kuti Jehovha Arumbidzwe”

“HONDO dzese dzakarwiwa kare . . . dzinoita sedzisiri hondo kana tichidzienzanisa nekurwisana kuri kuitika muEurope.” Ndizvo zvakataurwa neNharireyomurindi yeChirungu yaSeptember 1, 1915 ichitsanangura nezvehondo yenyika yekutanga, iyo yakazopedzisira yava kurwiwa munyika dzinenge 30. Nemhaka yekurwisana kwaiitika, Nharireyomurindi yakati: “Basa reUmambo riri kuvhiringidzwa, kunyanya muGermany nemuFrance.”

Pavakanangana nekurwisana kunotyisa kwaiitika munyika dzakawanda, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vasati vava kunyatsonzwisisa nyaya yekusava nedivi ravanotsigira. Asi vainge vakatsunga kuzivisa mashoko akanaka. Achida kuita basa reUmambo, Wilhelm Hildebrandt akakumbira maturakiti ainzi The Bible Students Monthly emutauro wechiFrench. Akanga asiri kuFrance semucolporteur (muparidzi wenguva yakazara) asi semusoja weGermany. Ainge akapfeka yunifomu yechiuto achiita semuvengi, asi aiparidza mashoko erugare kuvanhu vechiFrench vainge vachipfuura.

Tsamba dzaiprindwa muNharireyomurindi dzinoratidza kuti Vadzidzi veBhaibheri vakawanda vekuGermany vaiva nechido chekuzivisa mashoko akanaka eUmambo pavainge vari muchiuto. Hama Lemke, avo vaiva mumwe wemasoja airwa ari mugungwa, vakataura kuti vakawana masoja mashanu akafarira pavanhu vavaiva navo muchikepe. “Kunyange muchikepe chino, ndiri kukohwa zvibereko zvinoita kuti Jehovha arumbidzwe,” vakanyora kudaro.

Georg Kayser akaenda kuhondo semusoja asi akadzoka kumba ava mushumiri waMwari wechokwadi. Zvakafamba sei? Akawana chimwe chinyorwa cheVadzidzi veBhaibheri, akagamuchira chokwadi cheUmambo nemwoyo wese, ndokusiya zvekurwa. Akabva atanga kuita rimwe basa risiri rekurwa. Pashure pehondo, akashumira sapiyona anoshingaira kwemakore akawanda.

Kunyange zvazvo Vadzidzi veBhaibheri vakanga vasinganyatsonzwisisi nyaya yekusava nedivi ravanotsigira, maonero uye maitiro avo akanga akasiyana chaizvo neevanhu vaida zvehondo. Vezvematongerwo enyika nevatungamiriri vemachechi pavaitsigira kurwiwa kwehondo, Vadzidzi veBhaibheri vairamba vachitsigira “Muchinda woRugare.” (Isa. 9:6) Kunyange zvazvo vamwe vasina kuramba zvachose kupinda muchiuto, vaibvumirana nezvakataurwa neMudzidzi weBhaibheri ainzi Konrad Mörtter paakati, “Ndinonyatsoziva kubva muShoko raMwari kuti muKristu haafaniri kuuraya.”—Eks. 20:13. *

Hans Hölterhoff aishandisa chingoro ichi pakushambadza magazini yainzi The Golden Age

KuGermany, uko mutemo waisataura kuti munhu asingadi kupinda muchiuto pamusana pehana anogona kupiwa rimwe basa, Vadzidzi veBhaibheri vanopfuura 20 vakaramba kuita chero chii zvacho chaiva nechekuita nechiuto. Vamwe vavo vakadai saGustav Kujath, vakanzi vairwara nepfungwa uye vakaendeswa kunochengetwa varwere vepfungwa ndokubva vadhakiswa nemapiritsi. Hans Hölterhoff akarambawo kumanikidzwa kupinda muchiuto, ndokuendeswa kujeri kwaakaramba mabasa ese aiva nechekuita nehondo. Magadhi akamupfekedza chibhachi chinoshandiswa kusunga vanhu vanorwara nepfungwa kana kuti vasungwa, chinonzi straitjacket, kusvika ava nechiveve. Izvozvo pazvakatadza kuita kuti achinje, magadhi akamutyisidzira nekuita seava kumuuraya. Asi Hans akaramba akaperera kusvika hondo yapera.

Dzimwe hama dzakamanikidzwa kupinda muchiuto asi dzakaramba kubata zvombo ndokukumbira kupiwa mabasa asiri ekurwa. * Johannes Rauthe ndizvo zvaakaita uye akaendeswa kunoshanda kuzvitima. Konrad Mörtter akapiwa basa reuodhari, uye Reinhold Weber akashanda sanesi. August Krafzig akafara kuti basa raakanzi aite raisaita kuti arwe muhondo. Vadzidzi veBhaibheri ava nevamwe vakaitawo saivo, vainge vakatsunga kushumira Jehovha nekuti vainzwisisa chinonzi kuda Jehovha uye kuvimbika kwaari.

Zvaiitwa neVadzidzi veBhaibheri munguva yehondo zvakaita kuti vatange kuongororwa nehurumende. Mumakore akatevera, Vadzidzi veBhaibheri vekuGermany vakava nezviuru zvenyaya dzaiva mumatare edzimhosva nemhaka yebasa ravo rekuparidza. Hofisi yebazi reGermany yakaronga kuti paBheteri muMagdeburg pave nedhipatimendi raiona nezvemitemo kuti ribatsire Vadzidzi ava.

Zvapupu zvaJehovha zvakaramba zvichigadziridza manzwisisiro azvinoita nyaya yekuti vaKristu vasava nedivi ravanotsigira. Pakatanga hondo yenyika yechipiri, Zvapupu zvakaramba zvachose kupinda muchiuto. Saka vaionekwa sevavengi vehurumende yeGermany uye vakatambudzwa zvikuru. Asi izvozvo zvakasiyana chaizvo nezvichange zviri munyaya inotevera muchikamu chinonzi “Kubva Mudura Renhoroondo Yedu.”—Kubva Mudura Renhoroondo Yedu kuCentral Europe.

^ ndima 7 Verenga nezvenhoroondo yeVadzidzi veBhaibheri vekuBritain munguva yeHondo Yenyika I, munyaya yakanzi “Kubva Mudura Renhoroondo Yedu​—Vakaramba Vakashinga ‘Paawa Yokuedzwa,’” iri muNharireyomurindi yaMay 15, 2013.

^ ndima 9 Zano rekuita izvi rakataurwa muVolume VI yebhuku rinonzi Millennial Dawn (1904) uye muZion’s Watch Tower yaAugust 1906. The Watch Tower yaSeptember 1915 yakagadziridza maonero edu uye yakapa zano rekuti Vadzidzi veBhaibheri varege kupinda muchiuto. Asi nyaya yacho yakanga isiri muThe Watch Tower yechiGerman.