Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvamungaita Kuti Wanano yechiKristu Ibudirire

Zvamungaita Kuti Wanano yechiKristu Ibudirire

“Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mudzimai wake sezvaanozviita; . . . mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.”​—VAEF. 5:33.

NZIYO: 87, 3

1. Kunyange zvazvo wanano ichiwanzotanga nemufaro, vanopinda muwanano vangatarisira chii? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

TSVARAKADENGA painomira pamberi pejaya rayo musi wemuchato, mufaro wavo hautsananguriki. Pavaifambidzana, rudo rwavo rwakakura zvekuti iye zvino vagadzirira kuita mhiko dzekuti vacharamba vakavimbika muwanano yavo. Asi pane zvavanofanira kuchinja sezvo panenge pabatanidzwa vanhu vaviri vakasiyana uye paumbwa mhuri itsva. Zvisinei, Shoko raMwari rinopa mazano anobatsira vese vanosarudza kupinda muwanano, nekuti Mwari, uyo akatanga wanano, anoda kuti vabudirire uye vafare. (Zvir. 18:22) Asiwo Magwaro anotiudza zvakajeka kuti kana vanhu vane chivi vakapinda muwanano “vachava nedambudziko munyama yavo.” (1 VaK. 7:28) Vari muwanano vangaita sei kuti dambudziko iroro risanyanya kukura? Uye wanano yevaKristu ingabudirira sei?

2. Vari muwanano vanofanira kuratidzana rudo rwakaita sei?

2 Bhaibheri rinosimbisa kukosha kwerudo. Rudo rweushamwari (muchiGiriki, phi·liʹa) rwakakosha muwanano. Rudo rwemunhurume nemunhukadzi vanodanana (eʹros) runoita kuti vafare, uye rudo rwevanhu vemumhuri (stor·geʹ) runokosha kana pakava nevana. Asi rudo runobva pakuita zvinodiwa naMwari (a·gaʹpe) ndirwo runoita kuti wanano ibudirire. Achitaura nezverudo irworwo, muapostora Pauro akanyora kuti: “Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mudzimai wake sezvaanozviita; uyewo mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.”—VaEf. 5:33.

KUNYATSOONGORORA ZVINOFANIRA KUITWA NEMURUME NEMUDZIMAI

3. Rudo runofanira kunge rwakasimba zvakadini muwanano?

3 Pauro akanyora kuti: “Varume, rambai muchida madzimai enyu, Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo.” (VaEf. 5:25) Kutevedzera muenzaniso waJesu kunoda kuti vateveri vake vadanane sekuda kwaakavaita. (Verenga Johani 13:34, 35; 15:12, 13.) Rudo runoratidzwa nevaKristu vakaroorana runofanira kunge rwakasimba zvekuti mumwe anofanira kunge akagadzirira kufira mumwe wake. Asi munhu angasafunga nezvekufira mumwe wake kana paine kusawirirana kwakakura kunenge kwamuka. Kunyange zvakadaro, rudo runonzi a·gaʹpe “runoshivirira zvinhu zvose, runotenda zvinhu zvose, rune tariro pazvinhu zvose, runotsungirira zvinhu zvose.” Zvechokwadi, “rudo harumboperi.” (1 VaK. 13:7, 8) Kana vakaroorana vanotya Mwari vakayeuka mhiko yavakaita yekuti vachadanana uye vacharamba vari pamwe chete, zvichavabatsira kuita zvinotaurwa neBhaibheri pakugadzirisa matambudziko angamuka.

4, 5. (a) Zvii zvinofanira kuitwa nemurume semusoro wemba? (b) Mudzimai anofanira kuona sei nyaya yekuzviisa pasi pemurume wake? (c) Zvii zvaifanira kuchinjwa nemumwe murume nemudzimai pavakaroorana?

4 Pauro akataura zvinofanira kuitwa nevari muwanano achiti: “Madzimai ngaazviise pasi pevarume vawo sokunaShe, nokuti murume ndiye musoro womudzimai wake, Kristu zvaari musoro weungano.” (VaEf. 5:22, 23) Izvi hazviiti kuti mudzimai ave munhu asingakoshi pane murume wake. Zvinotomubatsira kuti azadzise zvaifungwa naMwari nezvemudzimai, paakati: “Hazvina kunaka kuti munhu [Adhamu] arambe ari oga. Ndichamuitira mubatsiri, kuti ave mukwanisi wake.” (Gen. 2:18) Murume anofanira kuratidza rudo semusoro wemba achitevedzera Jesu, uyo ari “musoro weungano.” Paanoita izvozvo, mudzimai wake anogara asina chekutyira uye anonzwa achida kumuremekedza, kumutsigira, uye kuzviisa pasi pake.

5 Achibvuma kuti munhu paanopinda muwanano ane zvimwe zvaanofanira kuchinja, Cathy [1] anoti: “Ndisati ndaroorwa, ndaizviriritira uye ndaiita zvinhu zvangu ndega pasina wandaibvunza. Kuva nemba kwaida kuti ndichinje zvimwe zvinhu sezvandaidzidza kuitirwa zvimwe zvinhu nemurume wangu. Dzimwe nguva zvakanga zvisiri nyore, asi kuita zvinhu sezvinodiwa naJehovha kwakaita kuti tiwedzere kudanana.” Murume wake anoti: “Kuita zvisarudzo kwagara kwakandiomera. Kusarudzira vanhu vaviri kwakatonyanya kuoma. Asi kunyengetera ndichitsvaka kutungamirirwa naJehovha uye kunyatsoteerera zvinotaurwa nemudzimai wangu kuri kuita kuti zvirambe zvichiita nyore. Ndinoona sekuti tiri kuita mushandirapamwe chaiwo!”

6. Panomuka matambudziko muwanano, rudo runoshanda sei ‘sechisungo chakakwana chokubatana’?

6 Wanano yakasimba inoumbwa nevanhu vaviri vasingati nanga nanga nezvikanganiso zvemumwe. ‘Vanoramba vachishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose.’ Ichokwadi kuti vese pane pavachakanganisawo. Asi kana izvozvo zvikaitika, pane mikana yekudzidza kubva pazvikanganiso izvozvo, uye kubvumira kuti rudo rwunyatsova “chisungo chakakwana chokubatana.” (VaK. 3:13, 14) Uyezve, “rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. . . . Haruchengeti mafi.” (1 VaK. 13:4, 5) Kusawirirana kunofanira kugadziriswa nekukurumidza. Saka, vaKristu vari muwanano vanofanira kuedza kugadzirisa nyaya dzinenge dzamuka, zuva risati ranyura. (VaEf. 4:26, 27) Kutaura nemwoyo wese kuti, “Ndine urombo nekukurwadzisa,” kunoda kuzvininipisa uye ushingi, asi kunobatsira chaizvo pakugadzirisa matambudziko uye kuita kuti vakaroorana vawedzere kudanana.

KUVA NOUNYORO KUNOKOSHA CHAIZVO

7, 8. (a) Bhaibheri rinopa zano ripi kune vari muwanano panyaya yebonde? (b) Nei vari muwanano vachifanira kuva neunyoro?

7 Bhaibheri rinopa zano rakanaka rinogona kubatsira vari muwanano kuva nemaonero akanaka ezvavanofanira kuitirana panyaya yebonde. (Verenga 1 VaKorinde 7:3-5.) Zvinokosha kufunga kuti wawakaroorana naye anonzwa sei uye kuti anodei. Kana mudzimai akasabatwa neunyoro, zvingamuomera kunakidzwa nebonde. Bhaibheri rinoti varume vanofanira kubata madzimai avo “maererano nokuziva.” (1 Pet. 3:7) Hapana anofanira kuita zvekumanikidza mumwe kuti vaende pabonde, zvinofanira kungoitika zvega. Kakawanda, murume angakurumidza kunzwa kuda bonde kupfuura mudzimai, asi vanofanira kumirirana kusvika panguva yekuti vese vakwanise kunakidzwa nebonde racho.

8 Kunyange zvazvo Bhaibheri risingapi mitemo yakananga yekuti murume nemudzimai vanotamba sei uye kwenguva yakareba sei vasati vasvika pakuita bonde, rinotaura nezvekuratidzana rudo. (Rwiyo 1:2; 2:6) VaKristu vakaroorana vanofanira kuratidzana unyoro.

9. Nei kuva nechido chekuenda pabonde nemunhu wausina kuroorana naye kwakaipa zvikuru?

9 Kuda Mwari uye muvakidzani kuchaita kuti pasava nemunhu kana chero chii zvacho chingakanganisa wanano. Dzimwe wanano dzakakanganiswa kana kutoparadzwa pamusana pemumwe akanga apindwa muropa nekuona zvinonyadzisira. Kufarira zvinhu zvakadaro kana kuva nechido chekuenda pabonde newausina kuroorana naye zvinofanira kudziviswa zvachose. Kunyange kuratidza sekuti unoda mumwe munhu wausina kuroorana naye hakuna kunaka uye kunofanira kudziviswa. Kuyeuka kuti Mwari anoziva zvese zvatinofunga uye zvatinoita kunofanira kusimbisa chido chedu chekumufadza uye chekuramba takachena.—Verenga Mateu 5:27, 28; VaHebheru 4:13.

MATAMBUDZIKO PAANOMUKA MUWANANO

10, 11. (a) Dambudziko rekurambana rakakura zvakadini? (b) Bhaibheri rinotii nezvekuparadzana? (c) Chii chingabatsira vari muwanano kuti vasakurumidza kuparadzana?

10 Matambudziko akakura akasagadziriswa, vamwe vakaroorana vangafunga kuparadzana kana kurambana. Mune dzimwe nyika, chikamu chinopfuura hafu yevanhu vari muwanano chinoguma nekurambana. Izvi hazvinyanyi kuitika muungano yechiKristu, asi kuwedzera kwematambudziko emuwanano pakati pevanhu vaMwari ndiko kuri kuita kuti titaure nezvenyaya iyi.

11 Bhaibheri rinorayira kuti: “Mudzimai haafaniri kubva kumurume wake; asi chokwadi kana akabva, ngaarambe asina kuroorwa kana kuti zvimwe ngaadzokerane nomurume wake; uye murume haafaniri kusiya mudzimai wake.” (1 VaK. 7:10, 11) Kuparadzana newawakaroorana naye haisi nyaya yekutamba nayo. Panomuka matambudziko akakura, kuparadzana kungaita sekuti ndiko kuzvipedza, asi kunowanzowedzera matambudziko acho. Pashure pekudzokorora zvakataurwa naMwari kuti murume achasiya baba naamai vake onamatira mudzimai wake, Jesu akati: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mat. 19:3-6; Gen. 2:24) Izvi zvinorevawo kuti kunyange vacho vari muwanano havafaniri kuparadzanisa zvinenge “zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” Jehovha anoona wanano sechisungo cheupenyu hwese. (1 VaK. 7:39) Kuyeuka kuti tese tichazvidavirira kuna Mwari kunofanira kuita kuti vari muwanano vaedze nepavanogona napo kukurumidza kugadzirisa matambudziko asati anyanya kukura.

12. Chii chingaita kuti vari muwanano vafunge kuparadzana?

12 Kutarisira zvinhu zvisingaitiki kunogona kunge kuri iko kuri kukonzera dambudziko muwanano. Kana munhu akasawana zvaaitarisira, angafunga kuti akanyengerwa uye angatogumbuka. Kusiyana kwemurume nemukadzi pamafungiro, maitiro uye marererwo avakaitwa zvingamutsa matambudziko. Kana kuti vangasawirirana panyanya dzine chekuita nemari, hama dzavo dzepedyo, uye kurera vana. Asi chinofadza ndechekuti vaKristu vazhinji vakaroorana vanogadzirisa matambudziko akadaro vachiwirirana nekuti vanobvuma kutungamirirwa naMwari.

13. Ndezvipi zvikonzero zvine musoro zvekuti vari muwanano vaparadzane?

13 Dzimwe nguva pangava nezvikonzero zvine musoro zvekuti vanhu vaparadzane. Vamwe vakaona kuti vaifanira kuparadzana nemumwe wavo nezvikonzero zvakadai sekuti; airamba kuriritira mhuri, aigara achivarikita, kana kuti ainge ava kuvatadzisa kunamata zvachose. Kana vaKristu vakaroorana vaine matambudziko akakura vanofanira kutsvaka rubatsiro kuvakuru. Hama idzi dzine ruzivo dzinogona kuvabatsira kuti vashandise mazano ari muShoko raMwari. Pakugadzirisa matambudziko muwanano, tinofanira kunyengeterera mudzimu waMwari uye kuti atibatsire kushandisa mazano ari muBhaibheri uye kuratidza chibereko chemudzimu.—VaG. 5:22, 23. [2]

14. Bhaibheri rinotii kumuKristu ane murume kana mudzimai asiri mushumiri waJehovha?

14 Pamwe pacho muKristu anenge ari muwanano nemunhu asati ava mushumiri waJehovha. Pakadaro, Bhaibheri rinotaura zvikonzero zvakanaka zvekuti varambe vari vese. (Verenga 1 VaKorinde 7:12-14.) Pasinei nekuti asingatendi wacho anozviziva kana kuti kwete, “anotsveneswa” nekuti mumwe wake mutendi. Vana vavanobereka vanonzi “vatsvene,” saka vanodzivirirwa naMwari. Pauro akati: “Mudzimai, unoziva sei kuti hauzoponesi murume wako? Kana kuti, iwe murume, unoziva sei kuti hauzoponesi mudzimai wako?” (1 VaK. 7:16) Munenge muungano yega yega yeZvapupu zvaJehovha mune varume nemadzimai vakabatsira mumwe wavo kuti ave mushumiri waJehovha.

15, 16. (a) Bhaibheri rinopa zano ripi kumadzimai echiKristu ane varume vasiri vashumiri vaMwari? (b) ‘Kana asingatendi akasarudza kuenda,’ muKristu angaitei pakadaro?

15 Muapostora Petro anopa madzimai echiKristu zano rekuti zviisei pasi pevarume venyu, “kuti kana paine vasingateereri shoko, muvawane nomufambiro wenyu pasina shoko rinotaurwa, nokuva kwavo zvapupu zvakaona mufambiro wenyu wakachena pamwe chete noruremekedzo rukuru.” Kana mudzimai akaratidza ‘mudzimu wakanyarara uye munyoro, uyo unokosha kwazvo pamberi paMwari,’ anogona kubatsira murume wake kuti awane chokwadi kupfuura zvaaizoita kana akagara achingotaura zvaanotenda.—1 Pet. 3:1-4.

16 Ko kana asingatendi wacho akasarudza kuenda? Bhaibheri rinoti: “Kana asingatendi akabva, ngaabve hake; hama kana hanzvadzi haisi muuranda [haimanikidzwi] mumamiriro ezvinhu akadaro, asi Mwari akakudanirai rugare.” (1 VaK. 7:15) Izvi hazvirevi kuti muKristu anenge asunungurwa neMagwaro kuti aroorezve kana kuroorwazve, asi hapana chikonzero chekuti amanikidze asingatendi kuti asaende. Kuparadzana kunogona kuita kuti muKristu ave nerugare. Uye anogona kutarisira kuti mumwe wake achadzoka aine chido chekuti vashande vose pakuchengetedza wanano yavo uye kuti achazovawo mutendi.

WANANO UYE ZVATINOFANIRA KUISA PEKUTANGA

Kuisa zvinhu zvekunamata pekutanga kunogona kuwedzera mufaro muwanano yenyu (Ona ndima 17)

17. VaKristu vari muwanano vanofanira kuisa chii pekutanga?

17 Sezvo tiri kurarama “mumazuva okupedzisira,” tiri kusangana ‘nenguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.’ (2 Tim. 3:1-5) Asi kuramba takasimba pakunamata kuchatibatsira kuti tikunde mafungiro enyika asina kunaka. Pauro akati: “Nguva yasara ipfupi. Kubvira zvino vaya vane madzimai ngavave sevasina, . . . nevaya vari kushandisa nyika sevasiri kuishandisa zvizere.” (1 VaK. 7:29-31) Pauro akanga asiri kuudza vaiva muwanano kuti vasakoshese zvavaifanira kuita mumhuri. Asi vachifunga nezvekupera kwainge kwaita nguva, vaifanira kuisa zvinhu zvekunamata pekutanga.—Mat. 6:33.

18. VaKristu vangaita sei kuti vave newanano inofadza uye inobudirira?

18 Kunyange zvazvo tiri kurarama munguva dzakaoma chaizvo uye dzimba dzakawanda padziri kuparara, tinogona kuva newanano ine mufaro uye inobudirira. Chokwadi, vaKristu vari muwanano, avo vanoramba vari pedyo nevanhu vaJehovha, vachishandisa mazano ari muMagwaro, uye vachibvuma kutungamirirwa nemudzimu waJehovha, vanogona kuchengetedza zvinenge “zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”—Mako 10:9.

^ [1] (ndima 5) Mazita akachinjwa.

^ [2] (ndima 13) Ona bhuku rinonzi “Rambai Muri Murudo rwaMwari,” mashoko okuwedzera, “Zvinotaura Bhaibheri Nezvokurambana Uye Kuparadzana.”