Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kanda Kuzvidya Mwoyo Kwako Kwose Pana Jehovha

Kanda Kuzvidya Mwoyo Kwako Kwose Pana Jehovha

“Muchikanda kuzvidya mwoyo kwenyu kwose [pana Jehovha], nokuti iye ane hanya nemi.”​—1 PET. 5:7.

NZIYO: 60, 23

1, 2. (a) Nei tichizvidya mwoyo? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Tichakurukurei munyaya ino?

TIRI kurarama munguva dzinoshungurudza zvikuru. Satani Dhiyabhorosi akatsamwa kwazvo uye ari kufamba-famba “seshumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe munhu.” (1 Pet. 5:8; Zvak. 12:17) Saka hazvishamisi kuti dzimwe nguva, kunyange isu vashumiri vaMwari tinombozvidya mwoyo. Vamwe vashumiri vaJehovha vekare vakadai saDhavhidhi, vaishungurudzikawo dzimwe nguva. (Pis. 13:2) Yeukawo kuti muapostora Pauro ‘aimbozvidya mwoyo pamusoro peungano dzose.’ (2 VaK. 11:28) Asi tingaita sei patinozvidya mwoyo?

2 Baba vedu vekudenga vakabatsira vashumiri vavo vekare kuti vasaramba vachizvidya mwoyo uye vanoda kutibatsirawo. Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Muchikanda kuzvidya mwoyo kwenyu kwose paari, nokuti iye ane hanya nemi.” (1 Pet. 5:7) Asi ungazviita sei? Ngationei zvinhu zvina zvaunogona kuita kuti usanyanya kuzvidya mwoyo zvinoti: kunyengetera nemwoyo wese, kuverenga uye kufungisisa Shoko raMwari, kukumbira mudzimu mutsvene waJehovha, uye kuudza munhu waunovimba naye zviri kukushungurudza. Patinenge tichiongorora zvinhu izvi zvina, ona kuti zvii zvaunoda kuzoita.

“KANDA MUTORO WAKO PANA JEHOVHA”

3. Ungakanda sei “mutoro wako pana Jehovha”?

3 Danho rekutanga ratinogona kutora nderekunyengetera kuna Jehovha nemwoyo wese. Paunosangana nedambudziko rinoita kuti usagadzikane, unetseke, kana kuti uzvidye mwoyo, durura mwoyo wako kuna Baba vako vekudenga vane rudo. Munyori wemapisarema Dhavhidhi akateterera kuna Jehovha achiti: “Haiwa Mwari, teererai munyengetero wangu.” Mupisarema rimwe chete iroro, akazoti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira.” (Pis. 55:1, 22) Pashure pekunge waedza zvese zvaunogona kuti ugadzirise dambudziko racho, kunyengetera nemwoyo wese kunobatsira zvikuru pane kunetseka. Asi munyengetero ungakubatsira sei kuti usanyanya kunetseka?​—Pis. 94:18, 19.

4. Nei kunyengetera kuchikosha patinozvidya mwoyo?

4 Verenga VaFiripi 4:6, 7. Jehovha anogona kutipindura patinoteterera uye patinonyengetera kwaari nemwoyo wese. Anozviita sei? Anotidzikamisa zvekuti hatizonetseki mupfungwa nemumwoyo. Vakawanda vakaona izvi zvichiitika muupenyu hwavo. Pane kuzvidya mwoyo, vachinyanya kufunga kuti pane zvakaipa zvichaitika, Mwari akavabatsira kuti vave nerugare rwemupfungwa rwaipfuura kufunga kana kuti kunzwisisa kwevanhu. Izvozvo zvinogona kuitikawo kwauri. Saka “rugare rwaMwari” runogona kukunda chero dambudziko raungasangana naro. Unogona kuvimba nezvakataurwa naJehovha kuti: “[Usazvidya mwoyo], nokuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira.”​—Isa. 41:10.

SHOKO RAMWARI RINOITA KUTI UVE NERUGARE

5. Shoko raMwari ringatibatsira sei kuti tive nerugare?

5 Chinhu chechipiri chinoita kuti uve nerugare kuverenga Bhaibheri uye kufungisisa zvarinotaura. Nei izvozvo zvichikosha? Bhaibheri rine mazano anogona kukubatsira kuti udzivise kuzvidya mwoyo, kana kuti usanyanya kuzvidya mwoyo. Usakanganwa kuti Shoko raMwari rinobatsira uye rinozorodza nekuti rine mashoko euchenjeri anobva kuMusiki. Paunofungisisa zvinotaurwa naMwari uchifunga kuti ungashandisa sei mazano emuBhaibheri, uchasimbiswa zvikuru. Jehovha akaratidza zvakajeka kuti kuverenga Shoko rake kwakabatana ‘nekushinga, nekusimba’ kwete ‘nekuvhunduka kana kutya.’​—Josh. 1:7-9.

6. Mashoko aJesu anogona kukubatsira sei?

6 MuShoko raMwari, tinowana mashoko aJesu anonyaradza. Zvaaitaura uye zvaaidzidzisa zvaizorodza vateereri vake. Vanhu vakawanda vaida kuva pedyo naye nekuti aizorodza vaishungurudzika, aisimbisa vasina simba, uye ainyaradza vakaora mwoyo. (Verenga Mateu 11:28-30.) Aiva nehanya nezvaidiwa nevamwe pakunamata uye pakurarama. (Mako 6:30-32) Vimbiso yaJesu yekuti achatitsigira ichiri kushanda. Unogona kutsigirwawo sezvakaitwa vaapostora vaifamba naJesu. Hazvidi hazvo kuti unge uri pana Jesu kuti akubatsire. Jesu, Mambo wedu akagadzwa kudenga, anoramba achiratidza kuti anotida. Saka paunenge uchizvidya mwoyo, anogona ‘kukuyamura’ uye ‘kukubatsira panguva yakakodzera.’ Mashoko aJesu anogona kukubatsira kuti ukurire kuzvidya mwoyo, uye anogona kuita kuti mwoyo wako uve netariro neushingi.​—VaH. 2:17, 18; 4:16.

MUDZIMU WAMWARI UNOITA KUTI UVE NEUNHU HWAKANAKA

7. Mwari anoita sei paunokumbira mudzimu mutsvene?

7 Jesu akavimbisa kuti Baba vake vekudenga havazotadzi kupa mudzimu mutsvene kune vanoukumbira. (Ruka 11:10-13) Danho iri rechitatu richatibatsira sei kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo? Mudzimu mutsvene unotibatsira kuti tive neunhu hwakanaka huna Mwari. Unhu uhwu hunotaurwa muBhaibheri sechibereko chemudzimu. (Verenga VaGaratiya 5:22, 23; VaK. 3:10) Sezvaunoedza kuva nechibereko ichocho chemudzimu, uchawedzera kuwirirana nevamwe. Uchaona kuti zvinhu zvakawanda zvinogona kuita kuti uzvidye mwoyo hazvizovipo. Ngationei kuti chibereko chemudzimu chichatibatsira sei.

8-12. Chibereko chemudzimu mutsvene waMwari chingakubatsira sei kuti usanyanya kuzvidya mwoyo kana kuti udzivise zvinhu zvinoita kuti uzvidye mwoyo?

8 “Rudo, mufaro, rugare.” Paunoedza kuremekedza vanhu, kazhinji uchaona kuti zvichakuitira nyore kuti usanyanya kuzvidya mwoyo. Zvinodaro sei? Paunoratidza kuti unoda hama uye unodzikudza, uchaita kuti pasamuka nyaya dzinogona kuita kuti upedzisire wava kuzvidya mwoyo.​—VaR. 12:10.

9 “Mwoyo murefu, mutsa, runako.” Kana ukateerera zano rekuti, “Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose,” uchava nerugare nevamwe. (VaEf. 4:32) Paunoita kudaro, unoita kuti pasava nematambudziko anogona kuita kuti uzvidye mwoyo. Uyewo, zvichava nyore kuti ugadzirise matambudziko anokonzerwa nechivi chatiinacho.

10 “Kutenda.” Mazuva ano, tinowanzozvidya mwoyo pamusoro pekuwana mari nezvinhu. (Zvir. 18:11) Saka kutenda zvakasimba kuti Jehovha anotida kunogona kukubatsira kuti usanyanya kuzvidya mwoyo kana kuti usatombozvidya mwoyo. Izvozvo zvinodaro sei? Unogona kudzivisa kunyanya kuzvidya mwoyo nekushandisa zano raPauro rekuti ‘ugutsikane nezvinhu zvinenge zviripo.’ Pauro anowedzera kuti: “Nokuti [Mwari] akati: ‘Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.’ Kuti tive vakashinga kwazvo tichiti: ‘Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handingatyi. Munhu angandiitei?’”​—VaH. 13:5, 6.

11 “Unyoro, kuzvidzora.” Funga kuti kuratidza unhu ihwohwo kunobatsira sei. Uchakwanisa kudzivisa kuita zvinhu zvinogona kukonzera kuti uzvidye mwoyo, uye uchabatsirwa nekurega “pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutuka.”​—VaEf. 4:31.

12 Zvinoda kuzvininipisa kuti uzviise pasi “poruoko rwaMwari rune simba” uye kuti ‘ukande kuzvidya mwoyo kwako kwose paari.’ (1 Pet. 5:6, 7) Uye sezvaunoedza kuzvininipisa, uchafarirwa uye uchatsigirwa naMwari. (Mika 6:8) Kana ukaramba uchiziva zvaunokwanisa nezvausingakwanisi kuita, kashoma kuti uzonyanya kuzvidya mwoyo nekuti unenge uchivimba naMwari.

“MUSAMBOZVIDYA MWOYO”

13. Jesu airevei paakati: “Musambozvidya mwoyo”?

13 Pana Mateu 6:34 (verenga), tinowana zano raJesu rinokosha rekuti: “Musambozvidya mwoyo.” Asi zvingaita sezvakaoma kushandisa zano iroro. Jesu airevei paakati, “Musambozvidya mwoyo”? Zviri pachena kuti akanga asingarevi kuti mushumiri waMwari haana paanombozvidya mwoyo nekuti tatoona kare kuti Dhavhidhi naPauro vakambozvidya mwoyo. Jesu aibatsira vadzidzi vake kuti vaone kuti kuzvidya mwoyo zvakanyanyisa hakugadzirisi matambudziko. Zuva rimwe nerimwe rine matambudziko aro, saka vaKristu havafaniri kunetseka pamusoro pezvakaitika kare, zvingangoitika mune ramangwana kana kuti zviri kutoitika. Ungashandisa sei zano raJesu kuti usanyanya kuzvidya mwoyo?

14. Ungaita sei kuti usazvidya mwoyo pamusoro pezvawakamboita kare?

14 Dzimwe nguva munhu anogona kuzvidya mwoyo nemhaka yezvaakakanganisa kare. Anogona kuramba achizvipa mhosva pamusoro pezvaakamboita, kunyange zvaakaita makore akawanda apfuura. Dzimwe nguva, Mambo Dhavhidhi ainzwa sekuti mhosva yake yaimuremera. Akati: “Ndauura nokuda kwokugomera kwomwoyo wangu.” (Pis. 38:3, 4, 8, 18) Dhavhidhi aifanira kuita sei pakadaro? Akazoita sei? Akavimba kuti Jehovha aizomunzwira nyasha uye aizomuregerera. Akataura nechivimbo achiti: “Anofara munhu anoregererwa kumukira kwake.”​—Verenga Pisarema 32:1-3, 5.

15. (a) Nei usingafaniri kuzvidya mwoyo pamusoro pezviri kutoitika? (b) Zvii zvaungaita kuti usanyanya kuzvidya mwoyo? (Ona bhokisi rakanzi “ Zvaungaita Kuti Usanyanya Kuzvidya Mwoyo.”)

15 Dzimwe nguva unogona kuzvidya mwoyo pamusoro pezviri kutoitika. Semuenzaniso, Dhavhidhi paakanyora Pisarema rechi55, aitya kuurayiwa. (Pis. 55:2-5) Kunyange zvakadaro, haana kubvumira kuti kuzvidya mwoyo kumutadzise kuvimba naJehovha. Dhavhidhi akanyengetera nemwoyo wose nezvematambudziko ake, asi ainzwisisawo kuti ane zvaaifanira kuita kuti agadzirise chaikonzera kuzvidya mwoyo. (2 Sam. 15:30-34) Dzidza kubva kuna Dhavhidhi. Pane kuti upedzwe simba nekuzvidya mwoyo, ita zvaunogona kuti ugadzirise dambudziko racho, zvadaro siyira nyaya yacho kuna Jehovha uine chivimbo chekuti achaigadzirisa.

16. Zvinorehwa nezita raMwari zvingasimbisa sei kutenda kwako?

16 Kunyanya kuzvidya mwoyo kunowanzovapo kana muKristu akaramba achifunga nezvematambudziko angangoitika mune ramangwana. Asi haufaniri kunyanya kuzvidya mwoyo kana kunetseka pamusoro pezvinhu zvausingazivi nezvazvo. Nemhaka yei? Nekuti kazhinji kacho zvinhu hazviwanzosvika pakuipa sezvatinenge tichifungidzira. Uyewo, hakuna dambudziko ringatadza kugadziriswa naMwari. Zita rake rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvinhu Zvive Sezvaanoda.” (Eks. 3:14) Zvinorehwa nezita raMwari zvinotipa chivimbo chekuti Mwari anonyatsokwanisa kuita kuti zvinangwa zvake pamusoro pevashumiri vake zvizadzike. Unogona kuva nechokwadi chekuti Mwari achapa vashumiri vake vakatendeka mubayiro uye achavabatsira kuti vasanyanya kuzvidya mwoyo pamusoro pezvakaitika kare, zviri kuitika, uye zvingangoitika mune ramangwana.

UDZA VAMWE ZVIRI KUKUNETSA

17, 18. Kutaura nevamwe kungakubatsira sei kuti usanyanya kuzvidya mwoyo?

17 Nzira yechina inokubatsira kuti usazvidya mwoyo ndeyekutaura nemumwe munhu waunovimba naye uchimuudza zviri kukudya mwoyo. Wawakaroorana naye, shamwari yepedyo, kana kuti mukuru muungano anogona kukubatsira kuti usanyanya kuzvidya mwoyo. “Kuzvidya mwoyo kuri mumwoyo momunhu ndiko kuchaukotamisa, asi shoko rakanaka ndiro rinoita kuti ufare.” (Zvir. 12:25) Kubuda pachena kunogona kuita kuti ubatsirwe kunzwisisa zviri kukunetsa uye kuti ungaita sei nazvo. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Pasina kurangana, zvirongwa hazvibudiriri, asi pane vanhu vazhinji vanopa mazano pane zvinobudirira.”​—Zvir. 15:22.

18 Jehovha anoshandisawo misangano yeungano inoitwa vhiki yega yega kuti atibatsire kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo. Pamisangano yacho unokwanisa kuwadzana nevamwe vane hanya newe uye vanoda kukurudzirana nevamwe. (VaH. 10:24, 25) ‘Kukurudzirana’ ikoko kuchakubatsira kuti uwanezve simba uye kuti usanyanya kuzvidya mwoyo.​—VaR. 1:12.

UKAMA NAMWARI HUNOKUSIMBISA ZVIKURU

19. Nei uchigona kuva nechivimbo chekuti ukama hwako naMwari huchakupa simba?

19 Ona kuti mumwe mukuru muungano iri muCanada akaona sei kukosha kwekukanda kuzvidya mwoyo pana Jehovha. Ane basa rakaoma rekudzidzisa vana vechikoro uyewo ane dambudziko reutano rinoita kuti azvidye mwoyo zvakanyanya. Hama iyi iri kukwanisa sei kurarama nedambudziko iri? Inoti: “Kupfuura zvose, ndinoona kuti kushanda nesimba kuti ndisimbise ukama hwangu naJehovha kunondipa simba rekuti ndirwisane nedambudziko rekuzvidya mwoyo. Kutsigirwa neshamwari dzechokwadi nehama dzechiKristu kunokosha panguva dzakaoma. Ndinoudza mudzimai wangu zvese zvinondinetsa. Mutariri wedunhu nevamwe vakuru vakandibatsira kuti ndive nemaonero akanaka. Ndakaendawo kwachiremba, ndakachinja mashandisiro andaiita nguva yangu, uye ndakaronga nguva yekumbozorora uye yekuita maekisesaizi. Zvishoma nezvishoma ndakatanga kunzwa zviri nani. Kana pakava nezvinhu zvandisingakwanisi kugadzirisa, ndinozvisiyira kuna Jehovha.”

20. (a) Tingakanda sei kuzvidya mwoyo kwedu pana Mwari? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

20 Munyaya ino, taona kuti zvinokosha kuti tikande kuzvidya mwoyo kwedu pana Mwari kuburikidza nekunyengetera nemwoyo wese uye kuverenga Shoko rake nekufungisisa zviri mariri. Taonawo kukosha kwekuva nechibereko chemudzimu, kutaura zvinenge zvichitinetsa nemunhu watinovimba naye, uye kusimbiswa kwatinoitwa patinowadzana nevatinonamata navo. Munyaya inotevera, tichakurukura kuti Jehovha anotitsigira sei zvakare nekutipa tariro yekuwana mubayiro.​—VaH. 11:6.