Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anopa Mubayiro Vaya Vanomutsvaka Nomwoyo Wose

Jehovha Anopa Mubayiro Vaya Vanomutsvaka Nomwoyo Wose

“Iye anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.”​—VAH. 11:6.

NZIYO: 85, 134

1, 2. (a) Rudo nekutenda zvinodyidzana papi? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura?

TINODA Jehovha ‘nokuti akatanga kutida.’ (1 Joh. 4:19) Chimwe chinoratidza kuti Jehovha ane rudo rwakakura ndechekuti anovimbisa kukomborera vashumiri vake vakavimbika. Patinowedzera kuda Mwari wedu, kutenda kwedu kunowedzerawo kusimba uye tinowedzera kuva nechivimbo chekuti achapa mubayiro vaya vaanoda.​—Verenga VaHebheru 11:6.

2 Jehovha anopa mubayiro. Izvozvo zvinoratidza kuti ndiMwari akaita sei. Kutenda kwedu kunenge kusina kukwana kana tisina chivimbo chakasimba chekuti Mwari achapa mubayiro vaya vanomutsvaka nemwoyo wose, nekuti “kutenda kutarisira nechivimbo zvinhu zvinenge zvichitarisirwa.” (VaH. 11:1) Kutenda kunosanganisira kutarisira nechivimbo makomborero akavimbiswa naMwari. Asi tariro yekuwana mubayiro inotibatsira sei? Jehovha akapa sei vashumiri vake vekare mubayiro uye anopa sei vemazuva ano? Ngationei.

JEHOVHA ANOVIMBISA KUKOMBORERA VASHUMIRI VAKE

3. Ivimbiso ipi iri pana Maraki 3:10?

3 Jehovha Mwari akavimbisa kuti achapa mubayiro vashumiri vake vakatendeka, saka anotiudza kuti tiite zvose zvatinogona kuti atikomborere. Tinoverenga kuti: “‘Ndapota, ndiedzei, . . . ’ Jehovha wemauto adaro, ‘muone kana ndisingazokuzaruririi magedhi emvura okumatenga, ndikakudururirai chikomborero kusvikira musisina chamunoshayiwa.’” (Mar. 3:10) Tinoratidza kuti tiri vanhu vanoonga patinobvuma kuedza Jehovha.

4. Nei tichigona kuva nechivimbo nezvakavimbiswa naJesu pana Mateu 6:33?

4 Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti kana vakaisa Umambo pekutanga, Mwari achavatsigira. (Verenga Mateu 6:33.) Akataura izvozvo nekuti aiziva kuti zvinovimbiswa naJehovha zvinogara zvichizadzika. (Isa. 55:11) Isuwo tinogona kuva nechokwadi chekuti kana tikatenda muna Jehovha zvichibva pamwoyo, achazadzisa vimbiso yake yekuti: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.” (VaH. 13:5) Mashoko iwayo akafemerwa tinogona kuabatanidza nezvakataurwa naJesu pamusoro pekutsvaka Umambo nekururama kwaMwari.

Jesu akaratidza kuti vadzidzi vake vaizopiwa mubayiro wekuzvipira kwavo (Ona ndima 5)

5. Nei mhinduro yaJesu kuna Petro ichisimbisa kutenda?

5 Muapostora Petro akabvunza Jesu kuti: “Isu takasiya zvinhu zvose tikakuteverai; chokwadi chii chatichawana?” (Mat. 19:27) Jesu haana kutsiura Petro kuti akabvunzirei izvozvo, asi akaudza vadzidzi vake kuti vaizopiwa mubayiro wekuzvipira kwavo. Vaapostora nevamwe vanhu vakavimbika vachatonga naJesu kudenga. Asi kunyange iye zvino pane mibayiro iripo. Jesu akati: “Munhu wose akasiya dzimba kana vanun’una kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda nokuda kwezita rangu achagamuchira zvakapetwa kazhinji uye achagara nhaka youpenyu husingaperi.” (Mat. 19:29) Vadzidzi vake vaizowana makomborero anopfuura nekure chero zvavaizosiya. Nhasi vateveri vaJesu vose vanogona kuwana vanababa, vanaamai, vakoma nevanun’una, hanzvadzi uye vana muungano. Izvozvo zvinokosha zvikuru kupfuura chero chii zvacho chatakasiya tichiitira Umambo hwaMwari.

“CHINHU CHINOTSIGISA MWEYA”

6. Nei Jehovha achivimbisa kupa vanamati vake mubayiro?

6 Jehovha anovimbisa kupa vanamati vake mubayiro, uye izvi zvinoita kuti vatsungirire miedzo. Kuwedzera pakukomborerwa pakunamata iye zvino, vashumiri vaJehovha Mwari vakatendeka vanotarisira kuzowana mamwe makomborero akakura chaizvo. (1 Tim. 4:8) Kuva nechivimbo chakasimba chekuti Jehovha “anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose” kuchatibatsira kuti tikwanise kumira takasimba mukutenda.​—VaH. 11:6.

7. Tariro yedu inoshanda sei sechinhu chinotsigisa?

7 MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akati: “Farai musvetuke nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kumatenga; nokuti vakatambudza vaprofita vakakutangirai saizvozvo.” (Mat. 5:12) Vamwe vachapiwa mubayiro wekudenga, asi vamwe vachawana mubayiro weupenyu husingaperi muparadhiso pasi pano, uye izvozvo zvinoitawo kuti ‘vafare uye vasvetuke nomufaro.’ (Pis. 37:11; Ruka 18:30) Tingava tiine tariro yekudenga kana kuti yepasi pano, tariro iyoyo inoshanda “sechinhu chinotsigisa mweya, ndeyechokwadi uye yakasimba.” (VaH. 6:17-20) Sezvinongoita chinhu chinotsigisa ngarava kuti irambe yakadzikama panoitika dutu, tariro yechokwadi yekuwana mubayiro inogona kutibatsira kuti tirambe takadzikama mupfungwa uye pakunamata. Inogona kutibatsira kuti tive nesimba rekutsungirira matambudziko.

8. Tariro inotibatsira sei kuti tisanyanye kuzvidya mwoyo?

8 Tariro yatiinayo ine simba rekuita kuti tisanyanye kuzvidya mwoyo. Zvakavimbiswa naMwari zvinoita semafuta anonyevenutsa mwoyo yedu inenge ichinetseka. Zvinonyaradza chaizvo kuti tinokwanisa ‘kukanda mutoro wedu pana Jehovha,’ tichiziva kuti ‘achatitsigira.’ (Pis. 55:22) Tinogona kunyatsovimba kuti Mwari anokwanisa kutipa “zvizhinji kwazvo kupfuura zvinhu zvose zvatinokumbira kana kufunga.” (VaEf. 3:20) Pafunge, Mwari achatipa, kwete zvizhinji chete, asi “zvizhinji kwazvo kupfuura zvinhu zvose zvatinokumbira kana kufunga.”

9. Tinofanira kuitei kuti tive nechokwadi chekuti tichawana makomborero aJehovha?

9 Kuti tiwane mubayiro, tinofanira kutenda muna Jehovha uye kuteerera mirayiro yake. Mosesi akaudza vaIsraeri kuti: “Chokwadi Jehovha achakukomborera munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako senhaka kuti uitore ive yako, kana ukangoteerera inzwi raJehovha Mwari wako kuti uchenjerere kuita murayiro uyu wose wandiri kukurayira nhasi. Nokuti Jehovha Mwari wako achakukomborera sezvaakakupikira.” (Dheut. 15:4-6) Unonyatsovimba here kuti Jehovha achakukomborera kana ukaramba uchimushumira wakatendeka? Une chikonzero chakanaka chekuti uve nechivimbo chakadaro.

JEHOVHA NDIYE AKAVAPA MUBAYIRO

10, 11. Jehovha akapa sei Josefa mubayiro?

10 Bhaibheri rakanyorwa kuti ritibatsire. Rine nyaya dzakawanda dzinoratidza kuti Mwari akakomborera sei vashumiri vake vakatendeka. (VaR. 15:4) Josefa aiva muenzaniso wakanaka chaizvo panyaya yekutendeka. Akapedzisira ava mujeri kuIjipiti nemhaka yekuti vakoma vake vainge vamurongera zano rakaipa uye mudzimai watenzi vake ainge amupomera zvenhema. Ainge aparadzaniswa naMwari wake here? Kwete! “Jehovha akaramba aina Josefa, uye akaramba achimuitira mutsa worudo . . . Jehovha akanga aina Josefa uye Jehovha aiita kuti zvaakanga achiita zvibudirire.” (Gen. 39:21-23) Paaiva mumiedzo iyoyo, Josefa akamirira Mwari wake.

11 Papera makore, Farao akabudisa Josefa mujeri uye akaita kuti muranda iyeye aizvininipisa ave mutevedzeri wamambo weIjipiti. (Gen. 41:1, 37-43) Mudzimai wake paakabereka vanakomana vaviri, “Josefa akatumidza dangwe racho kuti Manase, nokuti, sezvaakataura, ‘Mwari aita kuti ndikanganwe kutambudzika kwangu kwose uye imba yose yababa vangu.’ Akatumidza wechipiri kuti Efremu, nokuti, sezvaakataura, ‘Mwari aita kuti ndibereke munyika yokutambudzika kwangu.’” (Gen. 41:51, 52) Josefa akawana mubayiro wekuvimbika kwake kuna Mwari uye akakwanisa kuponesa vaIsraeri nevaIjipiti panguva yenzara. Josefa akaona kuti Jehovha ndiye ainge amupa mubayiro uye amukomborera.​—Gen. 45:5-9.

12. Chii chakabatsira Jesu kuti arambe akatendeka paaiedzwa?

12 Jesu Kristu akarambawo achiteerera Mwari paaisangana nemiedzo yekutenda, uye akapiwa mubayiro. Chii chakamubatsira kutsungirira? Shoko raMwari rinoti: “Iye akatsungirira padanda rokutambudzikira nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, asina hanya nokunyadziswa.” (VaH. 12:2) Jesu akawana mufaro pakutsvenesa zita raMwari. Akawanawo mubayiro wekufarirwa naMwari uye akapiwa dzimwe ropafadzo dzakawanda. Bhaibheri rinoti “akagara kuruoko rworudyi rwechigaro choumambo chaMwari.” Uye tinoverengawo kuti: “Mwari akamukwidziridza kunzvimbo yepamusoro, akamupa nomutsa zita rinopfuura mamwe mazita ose.”​—VaF. 2:9.

JEHOVHA HAAKANGANWI ZVATINOITA

13, 14. Jehovha anoona sei zvatinomuitira?

13 Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anokoshesa zvose zvatinoita kuti timushumire. Anotinzwisisa patinenge tichifunga kuti zvimwe zvinhu hatizvikwanisi. Anotiratidza ngoni patinotambura nemhaka yekushaya mari kana kuti patinotadza kuita zvakawanda mubasa rake nemhaka yeutano hwedu kana kuora mwoyo. Uye tinogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha anokoshesa zvinoitwa nevashumiri vake kuti varambe vakatendeka kwaari.​—Verenga VaHebheru 6:10, 11.

14 Yeukawo kuti tinogona kutaura ‘neMunzwi womunyengetero’ tiine chivimbo chekuti achatiteerera. (Pis. 65:2) “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose” achatipa zvose zvatinoda kuti tirambe tiri pedyo naye, dzimwe nguva achishandisa vatinonamata navo. (2 VaK. 1:3) Jehovha anoda kuti tinzwire vamwe tsitsi. “Munhu anonzwira nyasha munhu akaderera, anokweretesa Jehovha, uye Iye achamuripa zvaanoita.” (Zvir. 19:17; Mat. 6:3, 4) Saka patinobatsira vaya vanenge vachitambura, Jehovha anoona zvakanaka zvatinenge taita sekunge kuti tamukweretesa. Uye anovimbisa kupa mubayiro vaya vane mutsa wakadaro.

MIBAYIRO IYE ZVINO UYE NEKUSINGAPERI

15. Unotarisira kuwana mibayiro ipi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

15 VaKristu vakazodzwa vane tariro yekuwana ‘korona yokururama, iyo Ishe, mutongi akarurama, achapa pazuva iroro somubayiro.’ (2 Tim. 4:7, 8) Asi hazvirevi kuti haukoshi kuna Mwari kana uine tariro yakasiyana naiyoyi. Mamiriyoni ‘emamwe makwai’ aJesu anotarisira kuwana mubayiro wekugara nekusingaperi muparadhiso pasi pano. Imomo ‘achafara kwazvo norugare rukuru.’​—Joh. 10:16; Pis. 37:11.

16. Tinowana nyaradzo ipi pana 1 Johani 3:19, 20?

16 Dzimwe nguva tingaona sekuti zvatiri kuita zvidiki chaizvo, kana kuti tinganetseka kuti Jehovha ari kufadzwa nezvatiri kuita here kana kuti kwete. Tingasava nechokwadi chekuti tinokodzera kuwana chero mubayiro upi zvawo. Asi ngatisambokanganwa kuti “Mwari mukuru kune mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose.” (Verenga 1 Johani 3:19, 20.) Patinoshumira Jehovha pamusana pekuti tinotenda maari uye kuti tinomuda, tinogona kuva nechokwadi chekuti achatipa mubayiro, kunyange zvazvo tingaona sekuti zvatinoita hazvikoshi.​—Mako 12:41-44.

17. Ndeipi mimwe mibayiro yatiri kuwana iye zvino?

17 Kunyange mumazuva ano ekupedzisira enyika yakaipa yaSatani, Jehovha ari kukomborera vanhu vake. Anova nechokwadi chekuti tawana zivo yakawanda uye mufaro mukuru sesangano riri pasi rose. (Isa. 54:13) Sezvakavimbiswa naJesu, Jehovha anotipa mubayiro iye zvino nekuita kuti tive mumhuri ine rudo yevanamati vake vanobva munyika dzakasiyana-siyana. (Mako 10:29, 30) Uyezve, vaya vanotsvaka Mwari nemwoyo wose vanowana mibayiro yakadai serugare rwemupfungwa, kugutsikana, uye mufaro.​—VaF. 4:4-7.

18, 19. Vashumiri vaJehovha vanonzwa sei nezvemibayiro yavanowana?

18 Vashumiri vaJehovha pasi rose vanogona kupa uchapupu hwekuti vakawana mibayiro yakakura kubva kwaari. Semuenzaniso, Bianca wekuGermany anoti: “Ndinoshaya kuti ndotenda sei Jehovha nekundibatsira kwaanoita pandinenge ndichinetseka uye kunditsigira zuva nezuva. Munyika mune nyonganyonga uye vanhu havana tariro. Asi sezvandinoshanda naJehovha, ndinonzwa ndakachengeteka mumaoko ake. Pese pandinozvipira kuitira Jehovha zvimwe zvinhu, anondipa makomborero akapetwa zvine zana.”

19 Kana kuti funga nezvaPaula wekuCanada ane makore 70, uyo asina zvakawanda zvaanogona kuita nemhaka yeurema hwemusana hunonzi spina bifida. Anoti: “Kutadza kufamba hakurevi kuti haukwanisi kuita ushumiri. Ndinoshandisa nzira dzakasiyana-siyana dzeushumiri dzakadai sekushandisa runhare uye kuita ushumiri husina kurongwa. Kuti ndiwane zvinondikurudzira, ndinochengeta kabhuku kandinonyora magwaro nezvandinenge ndadzidza kuti ndizokwanisa kuzviverenga pane imwe nguva. Ndinokati ‘Kabhuku Kanondibatsira Pakunamata.’ Kana tikaisa pfungwa dzedu pane zvakavimbiswa naJehovha hatizogari takaora mwoyo. Jehovha akagadzirira kutibatsira pasinei nekuti tiri mumamiriro ezvinhu akaita sei.” Unogona kunge usiri mumamiriro ezvinhu akafanana neaBianca kana kuti aPaula. Kunyange zvakadaro, unogona kufunga nezvekupiwa kwawakaitwa mubayiro naJehovha uye kwaakaita vanhu vaunoziva. Zvakanaka chaizvo kufunga nezvekuti Jehovha ari kukupa sei mubayiro iye zvino uye kuti achakupa sei mubayiro mune ramangwana!

20. Tinogona kutarisirei kana tikaramba tichishumira Jehovha nemweya wose?

20 Usambokanganwa kuti ukanyengetera zvinobva pamwoyo ‘uchapiwa mubayiro mukuru.’ Unogona kuva nechokwadi chekuti ‘kana waita zvinodiwa naMwari, uchagamuchira kuzadzika kwechipikirwa.’ (VaH. 10:35, 36) Saka iye zvino ngatirambei tichisimbisa kutenda kwedu uye tichishanda nemweya wose sekunge tinoitira Jehovha. Tine chivimbo chekuti tichawana mubayiro wakakodzera kubva kuna Jehovha.​—Verenga VaKorose 3:23, 24.