Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

George Rollston naArthur Willis vamira kuti vadire mvura muredhiyeta yemota yavo.—Northern Territory, 1933

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

“Hapana Nzira Isingafambiki Kana Yakarebesa”

“Hapana Nzira Isingafambiki Kana Yakarebesa”

MUSI wa26 March 1937, varume vaviri vainge vaneta nerwendo vakatyaira motokari yavo zvishoma nezvishoma vachipinda muSydney, Australia. Vakanga vava negore vabuda muguta iri uye vakanga vafamba makiromita 19 300 vachipfuura nemunzvimbo dzine matombo nemipata muAustralia. Varume ava vaisava vatsvakurudzi kana vanhu vanongonakidzwa nekuenda kwavasingazivi. Arthur Willis naBill Newlands vaiva vamwe vemapiyona anoshingaira aiva nechido chekuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari kumaruwa ekuAustralia.

Pakazosvika makore ekuma1928, Vadzidzi veBhaibheri * vashomanana vaiva muAustralia vainge vaparidza zvikurukuru mumataundi nemaguta aiva pedyo negungwa. Nechepakati penyika yacho pane nzvimbo isinganayi mvura yakawanda. Nzvimbo iyi yakakura kupfuura hafu yeUnited States uye vanhu vemo vanogara kure nekure. Kunyange zvakadaro hama dzainyatsoziva kuti vateveri vaJesu vaifanira kupupurira nezvake “kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika” kusanganisira kumaruwa ekuAustralia. (Mab. 1:8) Asi vaizokwanisa sei kuita basa rakakura kudaro? Vainge vakatsunga kuita nepavaigona napo vachivimba kuti Jehovha aizokomborera basa ravo.

MAPIYONA ANOTANGA KUPARIDZA

Muna 1929 ungano yaiva muQueensland neyaiva muWestern Australia dzakagadzira motokari dzekushandisa pakuparidza munzvimbo dzaiva nechepakati penyika. Motokari dzacho dzaishandiswa nemapiyona aikwanisa kutyaira munzvimbo dzakashata uye aikwanisa kudzigadzira kana dzafa. Mapiyona aya akasvika kunzvimbo dzakawanda dzainge dzisati dzamboparidzirwa.

Mapiyona aisakwanisa kutenga motokari akaenda nemabhasikoro. Semuenzaniso, muna 1932, Bennett Brickell uyo aiva nemakore 23 akabva kuRockhampton, Queensland ndokuenda kunoparidza kwemwedzi mishanu kumaruwa ari kuchamhembe kwenharaunda iyi. Akatakura magumbeze, hembe, chikafu uye mabhuku akawanda pabhasikoro rake. Matai ebhasikoro rake paakapera, akaenderera mberi nerwendo rwake, aine chivimbo chekuti Jehovha aizomutungamirira. Akasunda bhasikoro rake kwemakiromita 320 ekupedzisira erwendo rwake achipfuura nemunzvimbo dzainge dzambofira vamwe nenyota. Kwemakore 30 akazotevera, Hama Brickell vakabvongodza Australia yose vachifamba nebhasikoro, mudhudhudhu uye motokari. Vakatanga kuparidzira vanhu verudzi rwechiAborigine uye vakabatsira pakutanga ungano itsva. Izvi zvakaita kuti vazivikanwe uye varemekedzwe zvikuru kumaruwa ekuAustralia.

KUKUNDA MATAMBUDZIKO

Australia ndeimwe yenyika dzine vanhu vashoma zvikuru kana zvichienzaniswa nekukura kwayakaita uye kumaruwa kwenyika iyi vanhu vanogara kure nekure chaizvo. Saka vanhu vaJehovha vari kuzvipira chaizvo kuti vawane vanhu kumaruwa acho.

Mapiyona maviri, Stuart Keltie naWilliam Torrington vakaratidza kuzvipira kwakadaro. Muna 1933, vakayambuka Simpson Desert, gwenga rakakura rine madutu ejecha, kuti vanoparidza mutaundi reAlice Springs, nechepakati peAustralia. Motokari yavo payakafa zvekuti vaifanira kuisiya, Hama Keltie, avo vaiva negumbo rekuisira, vakaendererawo mberi nerwendo asi iye zvino vakanga vava kufamba nengamera. Kushanda kwemapiyona aya kwakava nechimuko pavakasangana namaneja weimwe hotera yaiva paWilliam Creek, paimira zvitima kumaruwa. Maneja wacho, Charles Bernhardt, akazogamuchira chokwadi, ndokutengesa hotera yake uye akapayona kwemakore 15 ari ega munzvimbo dzakanyanya kuoma uye dziri kure zvikuru muAustralia.

Arthur Willis ari kugadzirira kuti apinde parwendo rwekunoparidza kumaruwa ekuAustralia.—Perth, Western Australia, 1936

Mapiyona ekutanga kuAustralia aifanira kuva neushingi kuti akurire matambudziko akawanda aaisangana nawo. Pavaiparidza kumaruwa ekuAustralia, Arthur Willis naBill Newlands vakamboita mavhiki maviri vachifamba daro remakiromita 32 nokuti gwenga racho rainge rangova dope rega rega nemhaka yemvura yainaya zvine mutsindo. Dzimwe nguva, vachibikwa nezuva uye vakati chakwata neziya, vaisunda motokari yavo vachikwidza madutu ejecha uye vaipinda nemumapiripiti ane mazitombo vachiyambuka nzizi dzakazara jecha. Paifa motokari yavo, vaifamba netsoka kana nemabhasikoro kwemazuva akawanda vaichenda kutaundi raiva pedyo vobva vaita mavhiki vachimirira kuti mapatsi ekuisa pamotokari asvike. Pasinei nematambudziko akadaro, vairamba vachifara. Achidzokorora zvakambotaurwa mumagazini yeThe Golden Age Arthur Willis akati: “Hapana nzira isingafambiki kana yakarebesa kuvashumiri vake.”

Charles Harris uyo akapayona kwenguva refu akataura kuti kugara munzvimbo dziri kure uye kurarama upenyu hwakaoma kumaruwa kwakamuswededza pedyo naJehovha. Akawedzera kuti: “Zviri nani chaizvo kurarama uine zvinhu zvishoma. Kana Jesu aizvipira kurara panze kuti aite zvaidiwa naMwari, isu tinofanira kufarira kuitawo izvozvo kana basa redu richida kuti tidaro.” Izvozvo ndizvo zvakaitwa nemapiyona akawanda. Nemhaka yekushanda kwavo nesimba, mashoko akanaka akasvika kwese kwese munyika macho, achibatsira vanhu vakawanda kuti vatsigire Umambo hwaMwari.

^ ndima 4 Vadzidzi veBhaibheri vakatanga kushandisa zita rekuti Zvapupu zvaJehovha muna 1931.Isa. 43:10.